NHAU DZESHONA🇿🇼
February 11, 2025 at 11:56 AM
Follow this channel https://whatsapp.com/channel/0029VagBPeLK0IBpjGw7mK2f *Zimbabwe nhasi ndine nyaya yakaitika kuGokwe Mangorohwe ,kwaMambo Makore.* *KuGokwe kune kune imwe nzvimbo yaiita zvehukorokoza (small scale mining) , panzvimbo yaiitwa panga pane imwe mhuri yaizikanwa kuti ava ndovakawanda pano uye kuMhuri iyi kwanga kune umwe murume aiva nemushini vekugaya matombo eGold.* *Vanhu vekuMhuri iyi vaiva pamugodhi uyu vanga vakatowanda zvekupfuura 10.* *Vanhu vaiti kana vakakorokoza kana vakuda kugayisa matombo avo vaienda kunaBaba veMhuri yainge yakawanda iyi nekuti ndivo vega vaive nemushini vekugaya panzvimbo iyi.* *Zvakazoitika ndezvekudai pane umwe mukomana akabuda nematombo ake mumugodhi achibva arega kugayisa matombo ake pamushini waBaba ava , akaenda kunogayisa matombo ake kunonzi kuZenda (kuGokwe ikoko).* *Zvaitika izvi mukomana uyu paakadzoka kuMugodhi kwaanokorokoza mazuva ese akabva abvunzwa naBaba vaya kuti "ko iwe unosiya mushini wangu pano uchienda kunogayisa kumwe indawa , inga takataurirana wani vanhu vanokorokoza pano vanogayisa kwandiri kungosapotanawo soo".* *Mukomana uyu akapa maReasons ake akaita kuti aende kunogayisa kumwe achisiya padhuze asi izvi hazvina kutambirika zvakanaka nedzimwe hama dzababa vane mushini ava.* *Hama dzaBaba vane mushini ava dzakabva dzatanga kuita zvehondo vakutotanga kukutsanira mukomana uyu vachimurova.* *Vari pakati pekumurova kudaro pakabva pauyawo umwe mukomana hama yaBaba vemushini zvakare ndokubaya munhu airohwa uya nebanga (akabaiwa padumbu)* *Mukomana uyu abaiwa nebanga vanhu vese vaimurova ndopavakabva vamira kumurova , vanhu ndokutanga kumhanya kuendesa munhu kuchipatara.* *Akaendwa naye paimwe clinic iri padhuze, vanorapa ipapo vakabva vati aendeswe paChipatara chiri kuNembudziya.* *Vari muRoad kuenda kuNembudziya mukomana uya ndopaakashaika (kufa).* *Zvaitika izvi hama dzemukomana anga afa uyu dzakabva dzaudza vanhu vakarova nekuuraya mufi kuti "tisati taenda kure tirikuda mombe 13 dzekuti titange kutaura zvekuti mucharipa chii ,idzi 13 ndedzekuti tigare padare chete nekuti mauraya hama yedu".* *Pazvaiitika zvese izvi mapurisa ainge asati aziwiswa.* *Hama dzakataurirana kuti vachabvisa mombe 13 dziya ndokutoudzana zuva rekuti vachasangana nemombe.* *Zuva rekuti vanhu vasangane nemombe , vaya vakauraya munhu vakauya nemombe 4 chete instead of 13 mombe izvi hazvina kufadza hama dzemufi.* *Hama dzemufi dzakabva dzaenda kuimwe imba yevanhu vanonzi vane chekuita nemufi , dzasvika ikoko dzakatanga kupwaya maWindow , maDoor nemarata , mifananidzo yezvinhu zvakapwanywa ndinayo.* *Vapedza kupwanya zvinhu vakatora kuCoffin raive rine mufi ndokuisa pamubhedha muimwe room iri pamba apa.* *Zvaitika izvi varidzi vepamba apa vakabva vatotiza kusiya pamba pasina munhu.* *Mhuri yeZimbabwe coffin rakasiiwa ririrega pamba apa , hama dzemufi dzakasiya coffin pamba apa , varidzi vepamba pacho vakatizawo.* *Coffin rakaiswa musiwe Thursday yapfuura iyi rikarara rega pamba apa.* *Zimbabwe vanhu vainge vakaungana kumba kwaigara mufi , coffin ririkumba kwevanhu varikunzi vakauraya mufi.* *Mangwana makuseni kumba kwainge kwakaungana vanhu kwakamukira kuuya kanhiyo kadiki diki kairatidza kuti kachangobva muzai , vanotaura vanoti ivo kanhiyo aka kakabva kumba kuya kwainge kwakaiswa coffin.* *Vanhu vakatoshamisika kuona kanhiyo kadiki kudaro kachifamba kega kasina mai.* *Pane akatumwa kuti atore kanhiyo akadzosere kumba kuya kwaiva neCoffin.* *Kanhiyo kaya kakatorwa kakadzoserwa kumba kuya asi chakashamisika vanhu ndechekuti munhu ainge atumwa kunodzosera kanhiyo asati adzoka vakatoona kanhiyo kaye kachitosvika paYard zvakare.* *Munhu ainge atumwa kunodzosera kanhiyo paakadzoka akatoshamisika kuona kanhiyo kaasiya uko karipo pamba zvakare , kanhiyo aka kaingotenderera tenderera parufu apa.* *Mhuri yeZimbabwe kanhiyo kakanodzoserwa futi kumba kuya kwaive neCoffin, asi pasina nguva vanhu vakaona kanhiyo kaya kadzoka futi , kadzoka kudai kakazodyiwa hako nembwa ndopazvakazoperera.* *Izvi zvakaitika pane shoko rakasvika rekuti panzvimbo iya yakabairwa mufi nebanga parikuonekwa pachibuda ropa pasi kuita kunge pane chitubu cheropa.* *Mhuri yeZimbabwe pakabaiwa mufi ropa rakabuda rakawanda asi ropa rakazobviswa asi chiri kushamisa vanhu ndechekuti ropa rikuonekwa paSame ipapo , apa rikuita zviya zvekuita kunge rikubuda pachitubu ,rikubuda rakawanda kubva pasi.* *Pane chimwe zvakare chiitiko chakaitika kumba kwemufi , hembe dzaakabayiwa akapfeka vakadzipihwa ndokuwacha asi Mangwana makuseni hembe dzemufi idzi dzakamuka dzakaita kutota neropa.* *Izvi zvakashamisa vanhu zvekuti vakutotya kubata hembe dzacho.* *Nyaya iyi yakaitika kuGokwe Mangorohwe last week , mapurisa akazoziwiswa pamusoro penyaya iyi mushure mekunge mhuri mbiri idzi dzatadza kuvirirana.* *Vanhu vemhuri vakauraya vakatiza vanopfuura 10 asi so far pakabatwa munhu 1 chete , akabaya nebanga akatiza zvakare.* *Pamusha pevanhu ava hapana kana vanhu ,Coffin remufi rakasiiwa riri rega ikoko, Friday yapfuura iyi ranga riri zuva rechi2 coffin richirara rega asi vanhu vazhinji vainge vakutoComplainer vachiti kwatova kushungurudza mufi uku ,nezuva ririko iri mutumbi unogona watoshata.* *Chandisiri kuziwa ndeche zvakaitika paWeekend , ndakagumisira kupihwa info pamusoro penyaya iyi on Friday.* *NB.* Ndosiya mamwe maDetails enyaya nekuti nyaya yacho inenge yakarebesa
❤️ 😂 😢 🙏 👍 😮 🇿🇼 🎉 🐍 33

Comments