NHAU DZESHONA🇿🇼
February 11, 2025 at 06:26 PM
Hukopokopo pakupa nzvimbo dzemusika kuMbare bodo Follow this channel https://whatsapp.com/channel/0029VaFXuqUFXUuV0KSJBF2X 11 Feb, 2025 - 18:02 2025-02-11T18:14:07+00:002025-02-11T18:14:07+00:00 Munyori weKwayedza KUGOVERWA kwenzvimbo dzekufanotengesera kuMbare Musika, muguta reHarare kuchaitwa nemazvo kuitira kuti vatengesi vese vakarasikirwa nemidziyo nezvimwe zvinhu zvavo pakatsva musika uyu gore rapfuura vabatsirikane. Mushure mekupedzwa kuvakwa kwemusika uyu, pane mashoko ange achitenderera ekuti vamwe vanhu vane hukopokopo vari kubhadharisa US$10 pamunhu kuti vanyorwe mazita avo kuitira kuti vazowaniswa nzvimbo yekutengesera. Vachitaura mushure mekushanya kwemakurukota eHurumende kumusika uyu nemusi weMuvhuro uno, gurukota rezvematunhu nemabasa everuzhinji, Cde Daniel Garwe, vakavimbisa vatengesi kuti vose vachada kuita hukopokopo pakugoverwa kwenzvimbo dzekutengesera vacharangwa zvakasimba maringe nemutemo. “Kanzuru yeHarare, ichishanda nemamwe mapazi eHurumende, yakaita ongororo nemazvo uye zviri pachena. Hatife takakumanikai nekukupai vamwe vanhu kuti vagovere nzvimbo dzekutengesera, ndinokuvimbisai kuti izvi zvichaitwa nemazvo. Ndiri kutaura izvi nekuti kune vanhu vanga vachibhadharisa US$10 pamunhu kuitira kuti vaone kuti munhu anozotengesera ari papi. Kuongororwa uku kunoitwa zviri pamutemo uye mazita achaburitswa mumapepanhau,” vanodaro. Mutungamiri wenyika, President Mnangagwa, gore rapera vakazivisa kutsva kwakaita musika wevarimi wekuMbare senjodzi huru inoda rubatsiro rwechimbi-chimbi zvichitevea kuparadzwa kwakaitwa midziyo yevatengesi vanosvika 5 000. Cde Garwe vanoti kuvakwa kwemusika uchafanotengeserwa uye mukuru wacho, kuchaitwa pasi pezvikamu zviviri zvichifambirana nezvinangwa zvebudiriro yenyika. “Izvi zvinotevera muono weVision 2030 waPresident ED Mnangagwa, uyo wakanangana nekusimudzira raramo yevanhu kuti ive yepamusoro-soro. Isu tiri kuti hapazove nemunhu uye nzvimbo ichasiiwa mumusika wevatengesi uyu, kutanga nemabhizimisi madiki neari pakati. Musika wechimanje-manje uyu uri kuvakwa zvichifambirana nechikero chepasi rose saka munokwanisa kuona chimiro chimwechete kana mukashanyira dzimwe nyika,” vanodaro. Gurukota rinoona nezvemadzimai, nharaunda nemabhizimisi madiki neari pakati nepakati – Cde Monica Mutsvangwa, vanoti zvainge zvavimbiswa neHurumende kune vanotengesa zviri kuzadziswa sezvo misika wekufanotengesera wave kupera kuvakwa izvo zvichapa mukana wekuvakwa kwemusika mukuru. “Ndinonzwisisa kuti hurongwa uhu huri kuenderera mberi hwekupedzisa kusarudzwa kweboka rekutanga revachabatsirika nekupihwa nzvimbo dzekutengesera mumusika uyu uye ndinoda kukuvimbisai kuti chirongwa ichi chichaitwa zviri pachena. Zvakakodzera kuyeuchidzana kuti pakugovaniswa kwakarongeka kwenzvimbo kune vatengesi, tinoda kushandirapamwe, kubatana, kutendeseka uye zvichiitwa nenzira yakajeka. Kuzvitutumadza nekuzvipfumisa zvinokanganisa vamwe pamwechete nehurongwa hwekuvandudza Mbare Musika.” zvakanyanya nemoto wakaparadza munaGumiguru 2024, ndinotenda nemhinduro yekukurumidza kubva kuvakuru. Musika mutsva wekufanotengesera unopa tariro huru kunesu vatengesi uye ndinofara zvakanaka kuona uchitora chimiro.”
👍 😂 😮 🙏 ⚰️ 😢 😭 11

Comments