THE ZIM BULLETIN NEWS
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                February 14, 2025 at 05:22 AM
                               
                            
                        
                            *Forward to others*
*VaMnangagwa Vanoti Hurumende Ichabatsira Kuviga Vafa muNjodzi yekuBeitbridge*
Ngatibatane pa WhatsApp Channel 👇🏾
*View and Follow and Share this channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaJEcyNDTkK81mXyWB0s
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vazivisa kuti hurumende ichabatsira mukuvigwa kwevanhu makumi maviri nevana vakafa munjodzi yemumugwagwa kuBeitbridge neChina mangwanani.
Mumashoko kuvatori venhau, VaMnangagwa vakati zvinorwadza kurasikirwa nehupenyu hwevanhu vakawanda zvakadai. Vakatiwo panofanira kutorwa matanho kuti vanhu vasarambe vachirasikirwa nehupenyu munjodzi dzemumugwagwa.
Vanhu ava vakafa pakabonderana bhazi rekwaUrban Connect nerori mumugwagwa weBeitbridge-Masvingo . Njodzi iyi yakaitikira pedyo neLutumba ‘toll Gate’ nenguva dza 8 mangwanani.
Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi vakati bhazi iri range rakatakira vanhu makumi matanhatu nevashanu uye rakaroverana nerori yeAuro Transport Haulage yange yakatakura vanhu vana. Bhazi raksnge richienda kuBeitbridge.
Mitumbi yevakashaya yakaendeswa kuchipatara cheBeitbridge District Hospital. 
Nyanzvi munyaya dzezvenjodzi dzemumigwagwa vaimboshanda neTraffic Safety Council of Zimbabwe VaTatenda Chinoda vanoti panofanira kudzikwa mitemo yakaoma kuranga vanokonzera rufu rwevanhu mumigwagwa.
* VOA