PEEE WEKWA SHUMBA ONLINE NOVEL
February 17, 2025 at 09:06 AM
Vanoda book from chapter one please follow channel.
https://whatsapp.com/channel/0029VaSVy4v2UPBBILNWyt3i
RUMBIDZAI
STORY CREATED BY.
TETE MASIBANDA AKA PEE WEKWASHUMBA.
CHAPTER 18
NARRATOR
Hezvo munoti hasi mashura here aya akadaro umwe nurse akamira akatarisa mbuya va Rumbie avo vainge vakungohwaira hwaira nurse uyu akamboda kuseka asi akatadza chaiko" haaaa ichi ndicho chinonzi chisionekwi mudzi wembwe chokwadi , akadaro achirovanisa maoko umwe wacho achibva ati " taura hako chinonzi chisionekwi umhandara hwaamai chokwadii Chembere yakadii kuita nhumbu here? Nhai Gogo nhumbu makaiwana kupi cz chitupa chenyu chiri kuratidza kuti muri wa 1963 apa matova nenhumbu ine mwedzi mitatu
Ma nurse aya zvaitomaitira funny chaiko kuti Munhu mukuru akadaro angaite nhumbu here Mbuya varumbie vakàtorohwa nehana vachinzwa nezvenhumbu iyi vakabvq vati
" Handina nhumbu ini munoshura imi " kwaingova kuramba kwenyadzi asi chokwadii ndechekuti vaitoziva kuti nhumbu ndeya Jimmy
" Mbuya ndizvo zvatawana pataita ma test edu " Akadaro umwe nurse
" Nhai Gogo muchiri kuenda kumazuva here?
" Hongu ndichiri kuenda zvangu vakadaro Mbuya varumbie ma nurse akamboita chinguva akatarisana umwe ndiye akazoti
" ummm but you are 60 years kaah Kana zviri zvechokwadi kuti imi muriwa 1963 ".
"Ndizvo zvamakapindira basa here kuda kunetsa vanhu vakadaro Mbuya vachitosimuka ma nurse akasara skangotarisana
" ummmm nyika ino yashata unondiudza kuti muñhu airasira urume hwake muchembere iyi aisanzwa tsitsi hre ,umwe nurse àkabva apindurawo
" It seems vainakirwa cz kana zvaisanaka vakadii. Kuenda ku police kunotaura nyaya yavo vadzivirirwa nhumbu
" Kwete handingazvare mwana ini ndofanirwa kutoibvisa nhumbu iyi nekukwegura kwangu ndinomugomera here mwana ini? Vakadaro Mbuya va Rumbie vachitaura vachisarasa maoko avo Ndofanirwa kuenda kwa Godobori wangu anondibvisa nhumbu ndonyarirepi
Vakabva vatora nzira iñonanga Kwa Godobori wavo iyo n'anga yaizikanwa mudunhu re Chief Nyajena nekuita zvemushonga yainge iri yeku Malawi haina chayaitadza n'anga yacho mbuya va Rumbie vakaita kunzunzutira vakananga kumba kwa Godobori wavo " zvichikonzerwa na Rumbidzai ! Vakadaro vachirasa maoko vainzwa shungu dzisingaite
Nechinguva chisipi vainge vatosvika pamba pa Godobori wavo semunhu aizokamwa vakangosvika nekupinda chete vachibva vatanga kuombera maoko kuratidza ruremekedzo kuna sekuru
" Wakaputsa mhiko dzangu dzakawandisa " yakadaro n'anga yacho mbuyà varumbi ndokuti
" Ndinozviziva changamire ndokusaka maona ndasvika pamuzinda uno"
"Ndakati iwe haufanirwe kurara neumwe murume kunze kwangu ndochii? Chawakazoita mukadzi wenyoka yangu wakamuendesa saka uchadii unoripa nei"?
" Ruregerero ishe wangu"
Mbuyà varumbi vainge vane mhiko yekuti vaisafanirwa kurara neumwe murume kunze kwa Godobori chero na sekuru varumbie vakange vasisaite bonde ,Sezvo sekuru va Rumbie vaitevedza doro zvakavaitira nyore havo uye vainge vainge vakadyiswa
"Nhumbu iyoyo hauchaibvise asi wotozvara mwana iyeye ndiye watichazonoita kuti asimbise mhiko dzawakaparadza".vakadaro Godobori zvinova zvakapedza mbuya iyi simba chaiko
" Zvino nyika inozoti chii ichiona ndakatakura nhumbu nhai ishe wangu"?
"Ndichakupa mushonga uyu unomuzora muno hakuna chero ani zvake anombofa akaona kuti unenhumbu vanenge vachingoona kunge usina".
" Mwedzi mupfumbwamwe , vakadaro mbuya varumbie vachishushikana chaizvo asi chekuita ndopainge pasina zvapo vazopiwa mushonga ndokuzora muviri
"Muzukuru wako azvisenga zvakare ropa remwana iyeye ndorida kuno", ndiwe wakaputsa mhiko
" Haaaa uyo haisi nyaya ndinoita ndakumba vakadaro vachibva vabuda zvavo kuenda kumba kwàvo vakasvika kudeketera varipa guva ra vamai va Rumbidzai
" Enda enda mwanangu enda unotora muzukuru wako ndinoda ropa rake enda Tambudzai mwana wangu ndinoziva unonditerera iwe vaideketera vakaita kupfugama pasina nguva pakabva paita chamupuriri chakasimuka chichibva paguva ramai va Rumbie
Mbuya vakabva vasekera ndokusimuka kusimuka kwechamupupuri ichocho zvaireva kuti Mai Rumbie vabvuma kunoshungurudza budzi zvamunoziva kuti wafa wapusa anoitwa yese yese kana achinge atangirwa ndizvo zvainge zvakaitika pana Mai Rumbie vainge vatotsipikwa kuti vazombomira nemwana wavo ndivo vaitoshungurudza mwana wavo " Mweya wavo wainge usina chero zororo nekuti vaiti pavanoda kurwisa mai vavo vaibva vatoenderwa Godobori vonzie enda unonetsa mwana wavo Mbuya vachipedza kuita p a mhiko dzavo vakabva vaenda kumba vakasvika vozvibikira sadza nematemba zvavo kwakudya
Zuva ramangwana ndipo pakafonerwa na Shantel achitaura zvekubva kwenhumbu Kwa Rumbidzai vakafara kuita sekacheche chokwadi
" Uchaibuda woga zvako imba iyoyo Rumbidzai ungaputsa mhiko dzangu iwe ! Vakadaro vachisekerera zvavo ,vazobvunduka vanzwa kutaura kwemunhu vaive Mai Tariro
" Imhiko dzei heya ndimi munoshandisa muzukru wenyu
" Kundipumha uroyi Mai Tariro unechokwadi
" Ummmm ndakupumhai here "?
Mbuya vakangoritsa zikutsamwà
" Uchazviona iwe vakadaro Mai Tariro havana kuzogarisa vakabva vatobva ndokuenda kumba :::: Days passed nhumbu ya mbuya ichikura but hapana aitomboiona chero kufungodzira nezvazvo
CRAG
Kutaura chokwadiii ndaiona kuti mukadzi wangu ainge achida mwana wamai zvisingaite asi ini kuona kwangu mainini vañgu vaisava munhu kwaye ndaitongoona nehunhu hwacho dressing yacho yavaita especially kana mukadzi wangu achinge aenda ku mountain prayer ummm ndaiswa pamuedzo but ndaizama nepese pandaigona kukunda muedzo yacho
Mazuva akafamba ndainge ndakutya ndakuramba ndichiti mainni this zvaizoita kunge ndisingade hàma dzemukadzi ,pandakaziva Kuti mukadzi wangu ave nenhumbu zvakare ndakafara ndainge ndakudawo mwana veduwe ndaizivei kuti satan aripa basa kubva kwenhumbu ya Rumbie kwandirwadza apa ndainge ndatotenga preparation zvekuti yaivadiki ndaisambova nebasa nazvo hangu manje zvainge zvadirwa jecha
" I am sorry broe mwana anga agara asiri wenyu , akadaro doctor ipapo maziso angu ainge akutovavira misodzi chaiko pandinoti ndava kuita mwana zvoenda nepamwe here?
Ndakangofamba ndokubuda muroom mainge muna Rumbie ndakananga kumba kwamama vangu kusangoita tsaona iiii luck chairo cz pfungwa dzangu dzaisave panzvimbo luck ndakawaña mama variko ndakangosvika nekuzvikandira pamukombo pavo ndakatanga kuhwihwidza chaiko
" Hezvo nhaiwe Crag unochemei kwafiwa here"?, vakadaro mama asi ndakatadzà kupindura ndakachema kusvika shungu dzapera
" Tell me çhii murume mukuru kuchema asi warambiwa na makoti hre? Ndambotura mafemo ndokuti .
" Mama muroora wenyu abva nhumbu zvakare arikuchipatara uku!
" Baba vangu Shiri hanzie Veduwe ñhai Mwari , vakadaro mama vangu ipapo Jocelyn akabva apinda achiuchira maoko
" Haaa zvingori pachena kuti ndiye arikuzvidyira vana vake iwe unofunga kuti this generation unowana mhandara ine 29 years meaning mukadzi wechikwambo", akadaro Jocelyn
"Shut Jocelyn vakadaro mama vachimuregedzera mbama zvekuti asara akubuda ropa mumhino " ziva urimukadzi iwe mangwana ndiwe ucharoorwa unondowana kuna tete ikko" she said vachiita kuhuta nehasha
" But chokwadi machinzwa broe kungoti mama vanenge vadyiswa nemukadzi cz vangotanga kumuda zvisina nemusoro ,she said misodzi ichiyerera akabva afamba kuenda Kubedrom kwake
" I am sorry my son anga agara asiri wenyu mwana I don't think kuti kune munhu angatakura nhumbu yekubvisa you know kuti kuzvara kutori nani pakubva nhumbu kunorwadza ,she said maziso avo andojenga misodzi Ndakaona kuti Mai vañgu vainge vakuda mukadzi wangu zvechokwadi Vakandisimbisa havo ndakazobva apa ndokuenda kubar ndakasvika ndokunwa doro kusvika ndanzwa kuti ndave Boe ndokuenda kumba ndangosvika nekurara ndakazomuka late ndokuenda kundogeza ndichipedza ndokubuda ndisati ndabuda ndakabvq ndaona Shantel
" Morning bamkuru "
" Boe and you"
" Boe I want to tell you something
" Ok "
" Ndoona sekuti kubva nhumbu kwasisi mybe mukomana wàvo arikuzvikonzeresa cz pane munhu wavakadyira Mari dzake kwazomuramba zvawo
" Ok "' ,nxiiii kaive kahure kaisvota
Ndakabva ndabuda kuenda kuçhipatara ndakasvika amuka Rumbie ndokuenda kumba ndakatanga kufunga zvakaitika pandakatanga kuona sikarudzi kunyangarika ndakatoona kuti Jocelyn was right zvinova zvakandipa kurutsa mashoko ,Kutaura chokwadi ndakatoona kuti ndaresva ndataura ndokuenda kubar ndakadzoka late ndakawaña Rumbie akangosvinura maziso akazvimba ndakanzwà kuzvishora chaiko
" I am sorry bae kungoti ndairwadziwa Chete! ,Ndakadaro achibva atanga kuchema ndaka fillar guilty hangu Zvisinei ndakumbira ruregerero kusvika anzwisisa mangwana ndakamuka ndokuenda kubasa ndakaudza shwamwari Anos nyaya yañgu akambotora chinguva akanyarara ndokuzoti
"Ummmm wangu nyaya yako ihombe wadii wambofamba kumasowe wabatsirwa",
" Handiña chandoziva ini?
" Ok ndine vàmwe madzimai vandinoziva sezvo mangwana iri Friday toenda"
Pasina kuramba ñdakabva ndabvuma ndakazoswera ndakushanda zvangu ndichipedza ndokuenda kumba ndakadarika nemutown ndichitenga zvima nice nice zvekunopa mukadzi wangu
" Bae mangwana tiri kuenda kumasowe timbonobatsirwa , ndakadaro ndikaona akusekera
" Ok hunny no problem"
Ndakazoita zvekugeza hangu ndokudya ndokurara mangwana acho ñdakamukira ndokuenda kumasowe kuya painge vapakazara kwete zvekunyepa nguva yedu yakazosvika ! Madzimai vacho vakatanga kurira nendimi vachizvirovera pasi ndokuzoti " dambudziko renyu nderei , ndakabva ndarondedzera dambudziko racho , vakamboita chinguva vakanyarara ndokuzoti
" Madzimai muchida kubata mwana tangai marerura ndaona munezvamakaita ini" ,she said vachibvira Rumbie
" No hàndina zvandakaita ini ",she said
" Ummmm saka hàndina kukubatsirai kwandingaita mozodzoka makuda kutanga mazvichenesa pamberi pa Mwari".
" Reura bae"
" Handina chekureura ini bae"
" Chimbosudurukai vamwe vapinde "
Takabva tasimuka ndokudzokera kumota musoro wangu wainge wakutendera chii chaizvo chakaitwa na Rumbie
STAY TUNED🩷
❤️
😢
🙏
😂
👍
😮
58