Maybe Novels
February 17, 2025 at 04:09 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t Follow our channel for more chapters Trauma Written by Floccy 0773056698 Chapter 1 Taive takagara panze neshamwari yangu Chengetai tichitamba maplaying cards. "Phone yako iri kuringer Medury." Chenge said ndikati, "Obvious ndimhamha hapana mumwe munhu anondifonera kunze kwavo. Ndiri kudzoka zvauri iwe usare uchibirira." akaseka hake akati, "Ndiwe unobirira wakambondiona ndichibirira here ini?" "Ndiwe shasha yekubirira ndokuziva." "Enda unodavira phone uko." Ndakapinda mumba isisarire phone yacho ndikaitora ndokuona vari mhamha vachibva vafona futi vakati, "Medury sei wanga usiri kudavira phone?" ndikati, "Sorry mhamha ndanga ndiri panze ndichitamba naChenge." zvikanzi, "Usabike ndiri kuuya nechikafu." ndikafara ndikati, "Mundivigire mabhisvo nemirinda mhamha." "Handivigire munhu akafoira ini." Ndaive ndakafoira grade 7 ndakabuda ne 30 units, maresults aive achangobva kubuda. "Ndakati sorry wani." I said vakati, "Handisi kuuya nazvo ini ndiri kuda kuwana kumba ikoko kwakarongeka ndiri kuuya nemuenzi." ndikati, "Muvaudze uncle Jeremiah kuti vanditengere mabhisvo nemirinda." "Akuudza kuti ndiri kuuya na Jeremiah ndiani? Wakangwarisa mwana iwewe. Ukurumidze kuvhara mawindows mosquito isapinde." "Ehoyi." I said and the call ended ndikadzokera kwaive naChengetai ndikati, "Wasara ukabirira ka?" akaseka akati, "Handina kani, ngatitambe." tikaenderera mberi kutamba. "Wakazoti uri kunodzidza kupi?" she asked ndikati, "Handisati ndaziva ini, mhamha vangu vari kuroorwa vakati vachanditsvagira chikoro chiri kudhuze nekumba kwemurume wavo kwatinenge tave kugara." "Muri kuenda rinhi?" "Manje manje, hembe dzedu dzatiri kupfeka pari kuroorwa mhamha vangu dzatovepo, rangu dress rakanaka nebhutsu dzacho mira ndinopfeka undione." I said ndikapinda mumba kwakubva ndaenda kubedroom ndikapfeka ndikanoratidza Chenge. "Zvakanaka wakachena. Saka unenge usisagare kuno, ndichatamba nani nhai?" ndikati, "Ndichakumbura mhamha vangu kuti ndisare." akati, "Uvakumbire usaregedze." ndikati, "Ndovaudza rega ndinobvisa hembe nebhutsu ndidzosere pazvanga zviri." ndikapinda mumba. Taigara tiri two namhamha vangu mutwo rooms, baba vangu ndaisaziva ndaive ndakaudzwa namhamha kuti vakatiza. Mhamha vaiita zvekutengesa sadza kuma shops pagrowth point paside pebhawa. "Ndave kuenda Medu ndokuona mangwana." Chenge said ndikati, "Uri kumhanyireiko? Inga nguva dzichiripo wani?" akati, "Mhamha vangu unovaziva havadi munhu anonoka kudzoka kumba. Uri kuenda kuchurch here mangwana?" "Hamheno, mhamha vakandibvumidza ndoenda." "Havamborambe, ndokuona kuchurch chindiperekedza." Ndakamuperekedza kusvika kudhuze nekumba kwavo ndikadzoka kumba. Basa rese ndaive ndaita kwakubva ndatanga kutamba magames paphone ndakamirira kusvika kwamhamha. Nguva dzakafamba kukasviba mhamha vasati vauya ndikavafonera vakati, "Tave kusvika masisi." pasina nguva ndikanzwa sound yemota panze ndikasimuka pandaive ndakagara ndichifara ndaziva kuti uncle Jeremiah vauya, ndaifarira because vaindivigira tunonaka and vaive vakanditengera zvinhu zvakawanda including phone. Ndakabuda panze ndichimhanya ndikaenda pamota, uncle vaive vaburuka ndikavasvetukira ndichiti, "Uncle Jerry!" vakanditakura vachiti, "My baby." Vakazondiisa pasi ndikati, "Mandivigirei?" mhamha vakati, "Medury ita hunhu iwe? Wambovamhorosa here?" uncle ndokuti, "Siya mwana wangu Mary, my baby ndauya nezvakawanda." vakatora mapaper bags mumota vakanditambidza ndikati, "Maita basa uncle." "Daddy, handichade zvekunzi uncle." "Maita basa daddy." "You are welcome my angel." he said kwakubva ndamhanya mumba ndikatanga kutarisa zvandaive ndavigirwa. Ndaive ndavigirwa zvakawanda including ma goodies ndikatobva ndatanga kudya. "You are spoiling her too much Jerry and I don't like it." Mhamha vakapinda mumba vachidaro uncle Jerry ndokuti, "Ndokumbirawo kuitira mwana wangu zvandinoda please ndikasamuspoila ini anozospoilwa nani? I want her to be happy, inga I told you kuti ndichakuchengetai mese na Medury chitotanga kujaira zvako because zvichatowedzera kana mauya kumba." "Medu watotanga kudya izvozvo usati wadya sadza?" mhamha vakadaro ndikati, "Sorry." vakati, "Iwewe ka! Unofarisa ukaona baba vako ava, siya zvauri kudya izvo utange wadya sadza." Vaive vauya nesadza vakapakura muma plates vakatipa but handina kutonyatsoridya ndikanzi, "Kana usina kupedza sadza iroro hausi kudya zvawavigirwa." uncle vakati, "Babes stop." "Ngaadye sadza." "Usadaro mwana, idya zvauri kuda hako Meme mwanangu." uncle said ndikatanga kudya. Vakazotanga kutaura nyaya dzekuroorana kwavo uncle vakazoti, "Handidi kunzwa kuti wadzokera kuchibasa chako Marry, I don't like that place please zvekubikira zvidhakwa sadza ngazvichipera wave kuzoita mukadzi wangu iwewe and handidi mukadzi anoita izvozvo. Ndinokwanisa kukuchengeta wakagara zvako but kana usingade ndokuvhurira business but kwete rekutengesera zvidhakwa, funga zvaunoda kuita wondiudza." "Ndichafunga ndokuudza." "Good girl, chikoro chemwana ndakachiwana ndikatobhadhara zvese zvaidiwa tichazoenda naye kunotora ma uniforms. It's a good school panodzidza mwana weshamwari yangu ndiye akatondibatsira kutsvaga nzvimbo." "Thanks babe, handizive ndokuenda nei, you are a blessing to us." Mhamha said uncle Jerry ndokuti, "You are welcome my love, paye pandinenge ndichikuudza kuti ndokuda ndinenge ndichitorevesa. I love you mese naMedury." "Ndoda kudzidza kuno ini kwandinenge ndichitamba naChenge." I said mhamha ndokuti, "Kwana iwe, unosara uchigara nani?" uncle ndokuti, "Sweetheart taura nemwana zvakanaka usamuitire hasha." kwakubva vanditarisa uncle vakati, "Tinouya tichimuona Chenge and iye anouyawo kuzokuona." ndikati, "Shuwa shuwa?" zvikanzi, "Ehe, ukangomufunga chete unondiudza tobva tatouya kuzomuona." ndikasekerera. "Isa mvura pastove yekugeza Medu." Mhamha said ndikaisa vakazoenda kunogeza vese vakadzoka mhamha vakati, "Tora magumbeze ako tave kuda kurara." ndikanotora vakaenda kunorara ini ndikawaridza pasi ndokurara. The following day ndini ndakakurumidza kumuka kwakubva ndatanga kudya ma goodies andaive ndakasiya nezuro manheru. Mhamha vakazomuka vakati, "Isa mvura yekugeza yedu tese wotsvaira nekusuka kana wapedza ugeze pane kwatiri kuda kuenda." "Na uncle?" "Ehe, ita nekukasira Medu." Ndakaita basa nekukasira mhamha nauncle vakatanga kugeza ndikazoendawo kunogeza kwakubva ndapinda mumba ndisina kupfeka zvangu. Ndaive ndatojaira kuzviita and ndaive ndisingatomboone chakashata pakuzviita, pese pandaipedza kugeza ndaibuda ndichimhanya ndisina kupfeka. "Hezvoo! Nhai Medury! Unopenga here? Watadza kupfeka hembe?" vakadaro mhamha uncle ndokuti, "Let the child be babes, unotofanira kufara kana ukaona achidai, zvinoratidza kuti pfungwa hadzisati dzakura and hapana zvinozivikanwa. Enda unopfeka zvako mwanangu tiende." End of chapter
❤️ 👍 😂 😮 😢 🙏 34

Comments