Mama Ree Novels🇿🇼
February 17, 2025 at 08:40 AM
https://chat.whatsapp.com/LBdq5eKzdlG5Hx62PSdu9Q
https://chat.whatsapp.com/HSd1zdua5xBAlx3RbcU1sS
*Written by Pastor Rebecca aka mama Ree :Book 6*
Read, comment and share our channel link
*(short novels)... Book tittle*
*0643594545*
*HURA HWANGU*
*CHAPTER 13*
*MR DOMBO aka Ashwell*
Akomana handide kunzwa munhu anoti vakadzi vakafanana umm ndaive ndakagara pachair iya inotenderera ndakabata musoro just thinking wat just happened... Aaah ndini here ndaive ndashandiwa pa crawu dzvene ramadzimai purisika kkkk.. Devil akabva apinda achindivhiringa happiness yangu
Me... Ko nhasi ahusi pa duty ko wavingei
Pele... Kuzokuoona thinking hangu about the good time yawakandipa marumwe zuro so ndabva ndabika ndikauya nechikafu ndichida kupihwa kamwe ka dose
Me... Inga pano panobikiwa wani nhai ndinongodya pano wazvinetserei
Pele.... Hakusi kuzvinetsa asi kuita ma duties angu seumwe wako
Apa aidaro achiuya kuzogara pamakumbo.. Dai kari kare kugarirwa kudaro ndaibva ndatoimba simudzai mureza but apa dololo fuse ahina kunzwira moto kana ka one kutoenda zvake kuholiday Ashy kkkkkk... Iye akabva atanga kushanyarika zviya zvekutsvaka so that awane kumutsa zvirere... Handina hangu kana kuvhunduka asi manje ziso raive kudoor kutya kuti ko Prisca akadzoka futi
Pandakafunga izvozvo ndakabva ndamubvisa pamakumbo iye akashamisika..
Pele... Wats wrong ahusi happy nhasi ndikufara kuti rudo rwedu rwadzoka sepakutanga iwe wakuchinja futi
Me... Handina kuchinja ini shar asi ndiri busy handiti ukuziva zviripa ground hre
Pele... Ummm hoo iribhoo saka chidya hako ndozokuona mangwana
Me... Iribhoo bbe
Akabva andikisa ndokubuda ndikasara ndichirasa hangu chikafu chake aah handina nzara lm full kwese kwese ini...
My name is Ashwell Dombo yeah kudzidza ndakadzidza ndikapasa pakashayika mama vangu bamkru mukoma wamudhara wangu took care of me....haaa yekurerwa iyi yakaoma vamwe vanhu vanokukudza nemoyo wekuda kuzotora advantage of you ndozvavaive voita manje... Basa ndovakandiwanira zvino ndaive ndoifira l remember rimwe zuva vachindituma kuita zvisiri pamutemo
Bmkru....ita zvandataura
Me... But manje mukundiisa panguva yakaoma kubasa
Bmkru... Kana usiri kuda taura wakaita nguva yakareba sei uchitsvaka basa wakariwana hre now wawana mukana asi ahuchade kuushandisa zvakanaka to return favour kuneni you are being ungrateful..
Me... Ok bmkru ndazvinzwa ndoita
Chero ndimi ndaiita sei ndakambosvika pakufunga kuti ndisiye basa racho ndiite zve music zvandaida manje nekuda kufadza muchembere wangu ndakazongoti regai ndiite.... Ehe ndakatoroora hangu asi manje mukadzi wangu akaziva nezve affair yangu na Pele akabva andiramba ndakazama zvose asi akarambisisa.. Coz Pele akaenda akanomutyisidzira.. Apa madam yangu yaive mai maria zvechurch zvaive zvake she was very innocent so ndakazomusiya ndaona kuti she deserves better .. Kuti ndimusiye Pele zvaisaita pane nyaya yaaiziva yaaigarotaura kuti anofumura ndikamusiya manje ndaive pama one...
Kubva zvakaenda mudzimai wangu ndaive ndave razor pama dress Pele aishandira ivo bamkru vangu vasaka ndaitoziva kuti anorara navo futi.. Coz hakuna mukadzi aiishanda namudhara wavaisarara naye hazviite fanika ivava vechidiki haaa vanoda ma fressh chaiwo... Vapfanha vanosara vonodya vakuru vaumburudza muchero kare... Nekudawo mari kwemamwe ma bbe haa ma 1... Mukadzi wavo aive akashinga kana iri mari aiida coz chekugarira paive pasina baba vaicheka madhirezi pachena ndofunga zvaive zvemhuri chaizvo kkkk.. Ndaive nekamupfanha kangu kadiki pamakore asi pa brain taifambidzana Zola ndiyo yaive friend yangu iyoyo...
*Back to my story* after work ndakaenda kumba kwa Zola apa ndaive ndavimbisa Pele kuti ndaiuya kumba kwake... Eeh ndisiyei hangu ndaiwanepi energy yacho ndaive ndapedzerwa zve 2days chaizvo.. Ndaitoda ka energy drink chaiko kkkk.. Ndakasvika hangu kushamwari yangu
Me... Ako kanogara pamba sechingwa chemu breadbin
Zola.... Hahaha mukuru kaaa munoroveka
Takaseka hedu ndokuita our bro handshake.. Uyu ndaiwirirana naye kudarika vamwe vana vababa vangu.. Zviya zvekunzi blood is thicker than water zvinoshanda kune vanhu vakabatana mumhuri kwete yedu inenge ma popcorn yekuti mamwe anopopa achibuda mupan kuenda panze mamwe pa stove kkkkk mamwe otsva zvawo... Ndakatoona kuti ndiye akaimbwa namai charamba uyu pasong yekuti there is a friend who sticks closer to you than a brother... Kkkkk
Zola.... Kwakanaka hre kunge uri pano usiri padenga pemwana weumwe munhu or usiri kukonzeresa heartbreak now
Me.... Ndave munhu bhoo ini shar ndakatendeuka
Zola... Holy ghost fire wch church ndinotora mbudzi.. Mombe nehuku dzangu
Me... Kudzitorepi?
Zola... Kuti dziuye kuno tiendewo kuchurch dzinonotendeukawo.. Ooh ndanga ndasiya nguruve dzangu ndodzimwe hadzide kugeza... Do you think dzinotendeuka hre
Me... Kkkkkkk tseki wako ukwane iwe.. Nguruve kugeza izvo kanganwa
Zola... Yeah saka zvekuti matendeuka inhema zvoitika kana nyika yave kumagumo
Me... Iwe unofunga kuti ahisati yave kumagumo hre tarira zvakuitika kkkkk ana Zola makunyengwa instead of kunyenga..
Zola... Hahahahaha ndisiye ini aah ndonyenga ndakakuratidza wani simbi yangu iya
Me.. Wakazomuona hre ita uone munhu kwete kungotumira mari apa rimwe bharanzi rikudya husavi aah iwe
Zola... Ndazviziva ndozvega zviri mupfungwa zvebota ahuneti hre
Ndakabva ndatarisa pa bhurungwa pangu ndokunongedzera nechigumwe
Me... Ashy hanzi ahuneti hre iwe.. Daira kaa usarambe wakati zii
Zola.... Kkkkkkk unopenga wanzwa tseki
Me... Haa tingaseka hedu asi nhasi ndaendeswa nyikadzimu chaiyo.. Dai ndasungwa mbiradzakondo ndaisamborwadziwa kana kunzwa pain nekunakirwa
Zola... Ehe taura ndakaterera
Me... Im srs pane kamusungwa kandapa tsvimbo yamoses haa kanditamba itsva sitayera...
Zola... Ashwel takatiyi nenyaya yekurara nevasungwa handiti unoziva hazvidiwe kaa
Me... Iyeye handina kurara naye ndiye arara neni
Zola.... Iwe tseki zvakafanana asi zvandataura wanzwa kkkk
Me... Yes bro kkkk.. Asika zveshuwa uyu ndotosungisa iye kodai Ashy avhunika coz maitiro aaita umm ane munhu pasi
Zola... Haa wakaroyewa ne akafa manje na Pele hameno hako apa chandoziva ahambofe akakunda Pele
Me... Haa Pele ndiani iyeye aah ndikutaura zvechimhamha pano
Zola... Zvauri srs nhai iwe hezvo
Me... Im srs ndazowana my other rib manje asi problem nyaya yake ihombe saka umm ipapo manje ndosaka ndisiri kuda kudhakwisa zvinhu na Pele
Zola..... Haa huye bode regai ndigeze ndiende kubasa.. Plus ndine munhu wandoda kupfuura ndichiona hangu
Me... Ndiani iyeye
Zola... Mai vemwana wangu Carol
Me... Day dreaming kkkkkk ok saka wakutoenda usina kundipa kana drink
Zola... Oga save yr self lm not yr wife or maid.. Marry
Me... Ndoroora mujeri hre kkkkk
Takaseka tichitobuda tose hedu...
............................................................................
*CAROL*
Kukura hakutane veduwe mwana wangu akange atove negore akukambairawo.. Ndaigaro receiver magifts asi aiuya neumwe mukomana achiti apihwa na Zola... Zvaindinetsa ko why asisauyewo kuzondiona pose paiuya mukomana uyu aitora Zoe mapics oenda naye...
Hunhu hwa Sizwe ndakange ndohutya ini akange akuzvinyanya yooh especially day rakaona achizvibatsira neruoko umm sies mhani kana kunyara zvake.. Ndaishaya kuti vasikana vanodawo zvakadai vaidei.. Mumba make mainge mazara zvinhu ma solar aya... Pose paaiuya nazvo mama vaiombera vomutenda nemutupo.. Even fon vaive voshandisa itsva.. Wainzwa votaura
Mama... Yeah ana mai Tariro vaifunga kt Tino wavo achaita zvinobatika iyezvino akangogara pamba ari graduate kudaro no basa.. Zvoda mwana wangu akaropafadzwa pasina chikoro anoshanda
Me... Anoshandepi mwana wenyu mama
Sizwe... Unokudii ini ndoshanda mabasa asina dikita mukati chodiwa ma connections
Mama... Nhai hako iwe
Me... Humbavha hre ndohwamodaro
Ndichipedza kutaura kudaro ndakarohwa mbama ndakavhunduka..
Sizwe.... Waguta mari yemukaka kaa nema pampers wakutaurisa..
Mama... Ayehwa zvee Sizwe ahuzorove sisi vako nhai zvotaurwa nemuromo ndoziva matsamwa nzou asi musadaro
Dad.... Iwe Sizwe unorova mwana wangu shuwa ndirpo ini ndiri mupenyu unojairira kaa iwe
Sizwe... Muri mupenyu hre imi kkkkk ndoshaya kuti asi munoroya hre coz varoyi ndivanonzi vanofa vatambura stereki dai musingaroye makatooneka kare...
Dad... Sizwe unoreva ini hre iwe
Sizwe.... Manga mafungei haaa
Akabva atanga kufamba kuenda kubed kwadad.. Mama ndokumhanya kumubata
Mama... Ayehwa nzou yangu hazvinzwaro
Akabva apusha mama ndokudonha..
Sizwe... Sorry mama sorry was angry chete honai makukuvara
Akabva avasimudza mai vake aisada navo.. Dad vakatanga kukosora non stop vachiita sevarikupera mweya
Dad.. Carol takecare of yourself usafe wakarasa mwana wako uyu she is a blessing.
Ndakamhanya kunovabata vachitaura kudaro munhu wese ainge a akomberedza
Dad.... Sizwe stop wat you are doing before its too late... Mai Carol you failed me
Kupedza kudaro ndokufema kekupedzisira.. Hii ndakarwadziwa veduwe saka asara ndiani... Yes mama vanondida asi manje neimwe character yavanomboita ndozozvikunda hre... Haa panhamo yacho raive drama rega rega moziva vakadzi vekumusika soo.. Nziyo dzacho manje eeh vaiitanga kutamba kungonya zvavo... Pakazoita matare zvino vana sekuru namama iih hayas
Sekuru... Ba Carol akunovigiwa kumusha ku Masvingo
Mama... Ayehwa hazviite izvozvo anovigirwa kumbudzi uko pane kuswero tambisa mari muchidaro
Sekuru... Nyaya ahasi yemari inyaya yekuita zvatinoita kumusha kwedu..
Haaa pakaita zvohwe zvohwe....uku mama vaingoti heee mari iyoyo ikufanirwa kuchengeta muzukuru wavo Zoe uyu...ndakazosimuka ndadhiniwa ukuwo Sizwe aiita kunge munhu asiri kuziva zvikuitika hake aingouya otora zvaanoda obuda nekutengera vanhu hwahwa zvake...
Me... Pamusoroi ana sekuru nevamwo vose veduwe ini ndichitaura na dad vaigara vakataura kuti vanoda kuvigiwa panext namai vavo....Sis Tariro that day maivepo imi
Tariro.... Ehe ichokwadi vakatidana vakataura
Mama... Ndirinhi iyeye ini ndaivata nemurume wangu akachinja izvozvo akazvitaura kare
Tariro... Vaigara vakazvitaura mama coz
Mama... Iwe nyarara iwe mai vako ndivo vakakonzeresa hurwere hwemurume wangu apa.. Maisafanirwa kunge muri pano imi kusimudza mhepo chaiko
Haa mama vangu vaiita kunge vane gonye rekuda musindo eeh...
Mai Tariro.... Iwe mai Carol ndinyare wanzwa ndakunyararira kwenguva refu woona sendakapusa nhai..
Mama.... Kana usina kupusa wanga wafungei kwacho taura kaa usandivhundutsire senge une zvekundiita ini handikutye ini
Mai Tariro.... Siyana nemweya wegodo uri mwana mudiki ucharoya iwe
Mama... Godo rei randaita iwe ndiwe wega wakatadza kubata murume akakusiya akauya kwandiri anomudini munhu anomuka achinhuwa weti asina nguva yekugeza
Mai Tariro.... Wakazvitarisa ipapa unoona seunogona kugeza unofunga kuti kuzora mafuta enyu ekutsvukisa ndokugeza hre hawawo kunetsa murume kusvika aita stroke.... Usade kuti hee murume wangu murume wangu izvozvi marumwezuro akatoisa msg achitaura kuti he was sorry aitoda ndidzoke mulife make
Mama... Nhema idzo kuda kuita shaisano.. Dai waive wakapenga chii chikukutadzisa kuroorwa
Mai Tariro... Kusada hangu ko ndinofosewa hre
Sekuru... Imi imi nyararai uko hamunyare hre
Shuwa zvaive zvisisaite noise yacho eeh... Vakazonyarara ndokubva vanhu vatevedzera zvaive zvataurwa namama... Takanoviga dad kuma kuva kumbudzi but vana sekuru hameno vakataurei paguva ipapo... Manheru iwayo moms vakatoti kuchema kwapera vanhu ngavaende kudzimba kwete kuda kupedza chikafu... Aaah zverufu zvakapera hazvo but haa pamba ndaive ndisisiri safe zvachose nekuti painge pakuuya vakomana vakasiyana siyana yooh paiita kunge pa club masikati...
Wainzwa mama voti regai akadaro inguva yacho inodarika...Eddy akange vakuwirirana na Sizwe...voitana mukwasha natsano Ndakazogamuchira call from unknown ndakafara pandakanzwa voice
Stay tuned for chapter 14
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
279