Vee Stories ❣️❣️
Vee Stories ❣️❣️
February 19, 2025 at 04:28 PM
*RINAMANYANGA* 🌹🦴🌹🦴🌹🦴🌹🦴 Nganonyorwa yechinyakare https://chat.whatsapp.com/IObbLKRrRur8C5QY6vIg1a NaVee💘 Virginia Chambati 🇿🇼773⁶⁵¹524 *Kana usati watevera channel yaVee wakamirirei nhai. Baya link riri pazasi wobva wati follow uchazvionera hako mitakunzva yakasiyana-siyana kubva kune munyori wako anonyora zvinotapira nguva dzose.* https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H For Comments join this grp https://chat.whatsapp.com/C98g8juBv40Dy87mWGl40t 💘20 (Last Free Chapter) Munhu akafara pakadzoka Rerekai aive VaMandinetsa. Vakaita kumhanya vachinombundira wavo muroora ndokutotora mwana aive kumusana, "Nechinanga manga masiya madzimai enyu, manga mati ndochengetwa naniko?" Vachingopedza kudaro mwana waRerekai Nhoroyadonha akabva aita kuparura mhere yakavhundutsa vanhu vaive panze apa. Chakwesha akange ave kutoenda kunogara pasi kutu aombere tete vaRerekai, akatomirawo achitarisa mwana uyu. Akachema kunge ainge abaiwa baiwa nemunzwa wemupangara. "Ko zvaita seiko Nhoro muzukuru wangu waita seiko, inzara here?" Rerekai achiona kuti mwana aramba achichema akabva amutora nekuti akaziva zvazvaireva. Akatanga kunyaradza mwana achienda kure nevamwe pasina nguva mwana ainge anyarara. VaMandinetsa natete vaRerekai ndivo vakatanga kunogara pasi ndokuzotevera naiye Rerekai nemwana wake. Hasha dzaChakwesha dzainge dzakaita kuzara kusvika mumusoro chaimo. Dai paive nemhuka pedyo naye ndiyo yaaipedzera shungu dzese. Akatoita zvekumanikidzira kuombera tete ava. Akazoyeuka mashoko asekuru vake Chikerema akabva afunga zvakare mudzimai wake mutsva Farai. Aifanira kungotevera zvaiitwa naRerekai sefuza kusvika wake Farai atambirwa pamusha apa. "Ndineurombo nekukutsikai pasi pachine dova kudai. Ndakaona muzukuru wangu uyu achisvika kumba kwangu nezuro husiku. Ndakamubvunza kuti ainge achidzingirirwa here? Akandiudza kuti zvainge zvaitwa nemurume wake ndizvo zvainge zvamudzinga. Ini semunhu mukuru ndaona zvisina kunaka kuchengeta mhuri yevaridzi mumusha memukuwasha, ndosaka mationa tichisvika pano nhasi kuti vaviri vataurirane isu vakuru tiripo," tete vakadaro vachiti vakatarisa VaMandinetsa votarisa Chakwesha naChikerema vainge vakagara pedyo napedyo. "Ini handina kufungira kuti muroora wangu angaite chiramwa chinenge chegurwe kudaro. Uyu murume wake akazosvika manheru achida kuona mhuri yake akaona yangove nzvimbo," VaMandinetsa pavakataura mazwi aya Rerekai akaratidza kushamisika ndokutarisa Chakwesha chiso chizere mibvunzo. Chakwesha akambokwenya musoro akatarisa sekuru vake avo vakangogutsurira iye akaziva zvavaida kuti aite. "Hongu tete, ndakatoshamisika kunzwa amai vachiti Rerekai akange aramwa akatuta kese kake kusanganisira nemwana wangu uyu. Nhaiwe Rerekai waida kuti ndizodii wandishaisa mukana wekuonawo mwana wangu." Chakwesha akasvika ndokutora Nhoroyadonha mumaoko aRerekai uyo akamboda kumurambira. "Ndinoziva ndakangoenda ndisina kuoneka, asi sekuru Chirongo vakange vati ndiuye nekukasika pane zvavaida kuti tigadzirise maererano nebasa redu rekuvhima iri. Munongozivawo kuti zvinokurudzirwa kuti kana wofamba nzendo dzine varikumhepo mukati, zvinonzi taura wadzoka, ukasadaro hazvizobudi zvakanaka. Kunyange ndadzoka ndiine mumwe mukadzi, mhuri yangu handina kuikanganwa. Zvose zvakaitika ndisipo ndinovimbisa kuti ndicharipa," kana pane munhu akakahadzika nemashoko aChakwesha aive Rerekai. Tete vaRerekai navaMandinetsa kuzovadaro wanikwe nyemwerero yoita kupenyesa zviso zvainge zvave kukokonyara nekuda kwekufamba kwemakore. "Ndizvo zvandakaudza Rerekai uyu paakasvika kumba, akakurumidza kurasa jira achada kufuka, hezvoka muzukuru machena auya nemumwe wako ayo," vakadaro tete vachiita kunyumbwira nemufaro. "Muzukuru Chakwesha wazorodza moyo wangu ufunge. Ndofunga wangoona wega kuti Rerekai akaita zvekukuzvara chaiko, tarira maziso aNhoroyadonha nemiromo, kuzoti nzeve, haa makaita kudondana chaiko. Ndinoona achizoita muvhimi mukuru pamberi apo sababa vake." Chakwesha akatarisa chiso chaNhoroyadonha kwenguva refu ndokutanga kutamba naye achicherechedza chiso nechimiro chemwana uyu. Mwana aingotarisa kwaive naamai vake zvakazoita kuti abve mumaoko aChakwesha odzokera kwaive naamai vake Rerekai. Tete vaRerekai havana kuzodzokera musi uyu nekuti vainge vakumbiriswa naamai vaChakwesha, VaMandinetsa kuti vamborarawo vachionana sevanhu vainge vave nenguva vasingaonane. Nguva dzekurara dzakasvika Chakwesha ndokupinda mumba maairara pasina zvake waaudza. Izvi aiziva zvaaizviitira zvake. Kuuya kwakaita Rerekai kwakamuratidza kuti waakange achitamba naye uyu pane paakange akatsika pakakura, nekuti munhu aifanirawo kunyara manyebo aairarama maari aya okumbira kurara navatete vake. Pakapinda Rerekai Chakwesha akangomutarisa ndokuenderera mberi nekuzvambarara kwaakange akaita. "Mwana wangu haana kukuonesa nhamo here, pakumutakura mudumbu nepakusununguka?" Uyu mubvunzo Rerekai akange asina kumboutarisira zvachose. Aitofunga kuti achanaiwa nemimwe mibvunzo yaaizoshaya kuti oipindura sei. "Ah aha... haana uyu. " Hapana akazotaura chimwe chinhu zvake. Rerekai akangorarawo pedyo naChakwesha. Chakwesha hapana chaakazobvunza zvake nekuti aingoda kusiira Rerekai tambo kuti imusunge iye mbune pasina kupindira kwake. Pavakamuka amai vaMandinetsa vakaita kunyemwerera nekuti zvavaida zvainge zvazoitika ipapa. Achiona mufaro waamai vake Chakwesha akamirira kuenda kwatete vaRerekai iye ndokuzosara achizivisa amai vake kuti aida kunoita kuti Farai achiuya mumusha zvino. VaMandinetsa nekuda kwekuti wavo muroora ainge aripo pedyo navo havana kupikisa. Farai akapembererwa zvakanaka ndokusvika zvake pamusha. Zvose zvapera Farai akazoratidzwa imba yaaizorara nekuti pamba apa paive nedzimwewo dzimba dzekugara, izvo zvakaita kuti Chakwesha arerukirwe. Dai kuri kunzi ainge aronga zvekutora Farai ari pamba apa, aizotanga amuvakira yake yekugara izvo zvaakaudza vanhu vose kuti achaita asati apinda musango kunovhima. Musi wekutanga wainge wakakosha kune vaviri Farai naChakwesha nekuti ndipo pavaizotangawo kuzivana semurume nemukadzi. Tete vaFarai naambuya vaChakwesha vakasvikogarira muberere memba yakanorara vaviri ava vakamirira kunzwa zvaitarisirwa kumusikana wese kana achitanga kurara memunhurume. Sevanhu vainge vave nenguva vakamiswa nekuda kwematakanana aRerekai havana kutorawo nguva kuchemedzana. Mhere yakavhomorwa naFarai yakafadza ambuya vaChakwesha amai Chikerema. Vose vari vaviri natete vaFarai vakaridza mipururu vachibva pavaive. Vatete vaFarai vakazoperekedzwa kunosiiwa pedyo nekudunhu ravo kwaGomoguru naiye Chakwesha naChikerema papera misi mitatu. Vakaita zuva rimwe vachienda ndokuzoitawo rimwe vachidzoka. Rerekai haana kusiya tsika yakange isingadiwi naamwene vake vaMandinetsa yekupinda musango kunotsvaga huni idzo dzizera pedyo pedyo nemusha. Aenda musango kudaro akasvika paaiziva ndokumbomira mira achinhonga tutsotso. Akavarairwa akanzwa munhu akauya achimumbundira nekumashure iye ndokuda kuviruka asi zvikaramba nekuti aiita sekunge ainge abatwa nehutare. "Kudzoka kwaChakwesha ndiko kokupa manyawi ekuda kunditiza here nhai mudiwa wangu?" Nhongo akabvunza Rerekai vazotarisana zvino. "Nhongochena chandangovinga nhasi kukuudza kuti ngatimbomirei zvatiri kuita nekuti ndikabatwa naChakwesha hazvizomire zvakanaka." "Handidi manyawi iwayo Rerekai, wakatsidza iwe kuti zvawaramba kuwanikwa neni hauzondirarisawo nenzara. Izvozvo chete ndizvo zvandakakumbira kuzosvika ndawanawo mudzimai anonditapudzawo nyota. Izvi zvawave kutaura zvabva nepi? Unoda kuti ndinobata chibharo mbudzi here kuti nhomba ipere. Muno tiri musango hapana anombosvika pano kana zvodii. Inga ndakanzwa kuti Chakwesha akafamba rwendo wani, chinotitadzisa kurasa miswe chii?" "Handisi ini ndirikukutadzisa kuwana mumwe mukadzi Nhongo, roora wako waunoita naye zvese pasina kubirira, murume wangu akadzoka akanditambira, saka zvose zvatakange takaronga ngazviparare. Kudanana kwedu ngakuperere pano. Ndofunga waizviziva kubva kumavambo kuti ndinoda Chakwesha kwete iwe. Unoda kuudzwa nemunhu akagara pamuseve here kuti unzwisise? Zvimwe zvinhu shandisa musoro kwete moyo Nhongochena," Rerekai aitaura akaita kusunga chiso kuitira kuti Nhongochena akurumidze kutambira nyaya yake. Ainge amboenda kumba kwavo akabva asimbiswa naamai vake kuti aizogara zvakanakisa nemurume wake Chakwesha kusvika vachembedzane. Uyu musvuuganda, dzvinyu risina gushe ndiye aingodawo kuramba akabatirira pane munhu ainge asisamude. "Ungataure zvako mashoko akaita gomo Rerekai, asi ndinoona kuti pane chaurikukanganwa. Ropa rangu ririmumusha maNechinanga iro uchaita sei naro? Kana waramba uchiomesa musoro ndave kudawo mwana wangu Nhoro." Hana yaRerekai yakati bhaa kurova. Paakazoyeuka zvimwe zvinhu ndipo paakazonyemwerera. "Unofunga kuti ndikasiyana newe ndiani mumwe achazondifadza zvaunoita izvi? Unoziva here kuti kubva zvadzoka Chakwesha haasati andibata. Muviri wangu wose ndewako uyu, ndiudze wandivigirawo uchi here nhasi?" Akadaro Rerekai achibata chipfuva chaNhongochena zvakaita kuti nyama dzemukomana dziite chidokwa dokwa chekuda mumwe wake. "Unoziva kuti ukandipuruzira zvakadaro ndinobva ndapera simba. Chimbotanga wandisunungurawo tozotandara tichinanzvisana huchi hwegonera uhu hwandakuvigira," Rerekai haana kuramba zvake nekuti aida kutamba tsoro dzake zvakachenjera. Akafukura nhembe dzake ndokutendera Nhongo kuti apinde maari nekumashure iye akabata pasi. Nhongochena akaita kubuda ziya achifadza mumwe wake uyuwo Rerekai achiita zvidavado zvaakange adzidziswa navatete vake kuti azoitira Chakwesha chete muimba yavo yesikiro. Vaviri vakange vakarasa muswe vasingakendengi kuti kunze kwainge kunei. Pavaive painge pakasosa miti zvekuti aizovaona aifanira kusvika pedyo pedyo navo. Nhongochena avekupedza akaita kuodyorera hurume hwese muna Rerekai vese ndokuzvikandira pasi. Vakagadzirisana ndokuzotanga kudyisana zvavo huchi hwainge hwauya naNhongochena. Rerekai akapinza kagunwe kake muchivhara mazamu ndokubuditsa pasi penzara pave nezvaaida. Akatora chidembu cheuchi ndokuparadzira zvaive pasi penzara yake kwakutanga kudyisa Nhongo uyo ainge avete pagumbo raiye Rerekai. Nhongochena akakaruka amuka ndokubata padumbu pake apa. "Mudumbu mangu murikucheka cheka Rerekai ndofa kani! Ndiudze hauna kugadzirwa nemurume wako here iwe?" Rerekai akasimuka ndokuzunza marara panhembe dzake. "Uchinyanya kuda kuomesa musoro Nhongo, ndanga ndati tiitaurirane newe zvakanaka zvino waratidza kuomesa musoro. Ndatoona kuti ukaramba uchirarama rimwe zuva uchayerekana wanyuka pamusha pedu uchida Nhoroyadonha. Zvino uchamuonera kunyikadzimu kwawave kuenda uku," Rerekai akabva atanga kuseka akabata muchiuno Nhongochena achiita kuzvongonyoka nemarwadzo. "Ndaisaziva kuti Rerekai unoroya zuva rakacheka nyika kudai, zvose zvataiwirirana aive manyeboka? Ko rudo rwandaikupa kubva zuva rekutanga hauna kurwukoshesawo here? Hazvinei mangwana ndinhasi. Yeuka kuti hapana chisingazobudi, kutogona kuuraya zvakare Nhoroyadonha. Asi chero ukamuuraya hazvibatsiri nekuti rinamanyanga hariputirwe mumushunje." Akazopedzisira kutaura mazwi aya asisina kana simba. "Unofunga ndaikudii zvako iwe une midzimu isingadi maguta? Kwauri kuenda ndokune vanhu vasingabatsiri panyika sewe," aona kuti munhu haachapfakanyiki, Rerekai akabva atora mashizha akaoma ndokuatutira pamusoro pemuviri waNhongochena. Asati anyatsovhara akanzwa kuti painge pane munhu aifamba kumashure kwake. Magumo echitsauko 20 *Ngatisanganei kuSub grp tinzwe kuti Rerekai ainge aonekwa nani, uye akazoita sei?* *Farai achapagara zvakanaka here pamba navaMandinetsa?* *Ko Teererai achazouya here kuzogara naChakwesha zvaave nevakadzi vaviri kudai?* * * * * * * * * * *Nganonyorwa yedu yave kutengeswa kubva paChikamu 21* *VariZim munodai:-* - $2 Ecocash - 100 Zig Ecocash #0️⃣7️⃣7️⃣3️⃣6️⃣5️⃣1️⃣5️⃣2️⃣4️⃣Zita rinobuda V.Chambati. (haisi paapp iyi ndeye ecocash chete) - $3 Etym Buddie kana Netone - 100 Zig etym *Variku SA munotenga mavoucher e30rand* - Blue - OTT - 1 for you - Easy load etym *Vari kuWhatsapp munoisa confirmation panumber idzi:- +2️⃣7️⃣6️⃣4️⃣1️⃣8️⃣2️⃣5️⃣2️⃣4️⃣0️⃣* *VarikuFace book hatikusiyei isai confirmation pazita remunyori Virginia Chambati ,Vee Stories or Virgie Writes pages kuinbox kwake.* - Uchibva kuisa confirmation unobva watoiswa kugrp ririkuuya nganonyorwa yedu ikoko kuFacebook. *Ngatiuyei tose nehuwandu hwedu ndapota*
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 16

Comments