Vee Stories ❣️❣️
Vee Stories ❣️❣️
February 24, 2025 at 03:49 PM
https://chat.whatsapp.com/HTKZ0wMWZy74hxCm9KFyRb Pinda mu channel usasarire shure, ikoko unowana bhuku from 1 kusvika parava. Follow link below https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H Vanoda kutandara nevamwe vachipa ma comments join group riri pazasi iro. https://chat.whatsapp.com/G2vPuBUVf4R2kj8SYucN2b NHANDARE YEROPA ⚔🔫🗡🔫👊🔫🥷 ✍ VIRGILEND Vee 💘 aka Virginia Chambati & Sir LEGEND C *_NB: Nganonyorwa iyi ipfungwa dzevanyori uye inotaura pamusoro pehondo yerusununguko rweZimbabwe. Munhoroondo dzakadai mune mazita asingagone kusiiwa kutaurwa nekudaro mamwe emazita muchaawana munyaya yedu iyi._* Chitsauko 1 Zuva rainge rorova nhongonya, kunze kuchiita sekuchauraya munhu nekupisa. Vanhu nemhuka vainge vakazorora pabvute vachitya kuribudira sezvo raigona kutokonzeresa hurwere. VaMurambwi vainge vagere nemudzimai wavo mumvuri vachimenya nzungu dzembeu apo vakaona jaya ravo Hondo raive iro roga mukomana, vamwe vose vari vasikana, rosvika richimhanya pamwe nekudikitira. Nguwo yarainge rakapfeka yechikoro yainge yati nyakata neziya, zvinova zvaidudzira zvega kuti jaya iri rainge rabva kure richimhanya. Vabereki varo vakariti ndee richinopinda muruvanze, mai varo aChihoro ndokuzobvunza rave kusvika pavari. "Unomanyireiko ukadaro nhai Hondo? Kupisa kwose kuri kuita kunze haukunzwi here nhai zijaya rangu?" Hondo asati apindura baba vake vakabva vadairira. "Munoti majaya anombozvitevedzera here zvekupisa izvi? Kana nesu ndizvo zvataiita tichiri muzera uyu. Ipapa haatozvinzwi kuti kunopisa, imi ndimi mungatotambure nekumutyira. Hazvishamisi kumhanya kuri kuitwa uku munhu achitoda kuenda kunotamba nhabvu nemamwe majaya" "Hondo mwanangu, ukaona kuchipisa kudai unofamba pore-pore kana kutofamba uchizororera. Ukada kuita zvako zvekumhanya izvi unokomoka. Zuva harina kunaka iri, tambira mukombe wemvura uyu unwe. Kana wapedza wonotora hudyo hwatasiya huri mumba yekubikira uuye udyire pano tichimenya nzungu." "Zvakanakai amai, ko ndazombokuswedzai here? Maswerasei amai nababa? Mave kugadzirira mbeuka yode kuturuka mvura iyi?" Hondo akataura achisimuka kuenda kumba yekubikira. "Ukaona vana verugwaro rwechinomwe vamirira zvakabuda musarudzo kudai mwaka wemvura unenge wasvika. Mapisiro aya haipedzi svondo isati yaturuka." VaMurambwi vakapindura mwana wavo uyo asina kuzovadaira nekuti ainge atove mumba yekubikira. Kusara kwavakaita Hondo achipinda mumba vakamboita chinguva makanda enzungu ariiwo oga ainzwika kurira kwekumenywa kwaaiitwa. VaChihoro ndivo vakazodzima runyararo rwaive pabvute apa voti, "ko zvakaitika kuGangare makambozvinzwawo here baba vemwana?" Vakabvunza vachitora mukombe wemvura votanga kukwekweta vachidzinga nyota. Nekuda kwekupisa kwaiveko uku vainge vatora chirongo chemvura ndokugara nacho pedyo. VaMurambwi vakamira zvavaiita ndokupindura mudzimai wavo. "Hakuna chandati ndanzwa ini, kwakaitikeiko?" "Zviri kunzi vana mukoma vakaonekwa ikoko, zvino hamheno abva anotengesawo kumasoja ayo ari kunzi akabva aita kuuya nezvizukurubvi zvawo ndokutanga kubhura vanhu vachitsvaga vana mukoma ava. Vanotaura vanoti bhunu rainge rakadya mutarara. Uvato hwavo hwainge hwapinda chiva, rovambira rainge rakunga hata kwavanoisa musoro. Wese anga achisanganikwa naye ainge achitsikwa nejombo obvunzwa nechiraparapa kuti hipi logandanga? Zvichireva kuti riripi gadanga?" Hana yaVaMurambwi yakati tibvu kurova. "Mmm mukaona vana mukoma vave muGangare kureva kuti kwedu kuno vanosvika chero nguva. Zvino mabhunu akazviti fembu kuti vana mukoma vari mudunhu redu rino tinooneswa chitsvuku. Mazonzwa kuti vavawana here vana mukoma vacho?" "Kuvawana! Vaye havawanikwi nyorezve, mabhunu anozosara osvika vasisipo panzvimbo. Nhau dzose dzandinonzwa nezvavo kunonzi vanoita sevanosutswa vobva vanyangadika zvekushaya kuti vapinda nepi. Asi kuenda kunongoita masoja chete vanosara vachiwanikwa. Asi ndinonzwa kuti vana mukoma ivava vanhu vakanaka chose uye vane rukudzo kuvabereki, zvinonzi zve ukada kukonana navo vatengese uone. Unochitaura chakatadzisa imbwa kuseka iyo kunyenama ichigona." VaMurambwi vakabva vadairira mudzimai wavo vachimuudza nyaya yavainge vakambonzwa. "Ipapo haurevi nhema mudzimai wangu, kwaGutu uko kune murume aida kuita hwinyakwose mimba yebere, achiita mutamba kose kunzungu nekunyimo semhembwe asi vanamukoma pavakazozviti fembu kuti ndiye mutengesi, vakamuita zvinogara zvakadaro." Mudzimai waVaMurambwi aChihoro akabva ati nzeve kwangwa achida kuziva zvakaitika kune murume aitaurwa iyeye. Vakabva vatobvunza, "ndiudzei Shumba chinyi chakaitika kumutengesi uyu?" "Mmm zvaakaitwa zvinoti kurwadza zvikati kusiririsa, kunonzi baba ava vakachekwa muromo nebanga ndokusara meno ati nyena panze. Vakabva vamuudza kuti ukangotitengesa zvakare tiri kukubvisa rurimi." "Zvino haana kufa here abviswa romo iroro rainge rajaira kuropodza zvisina maturo?" "Kufa! Muroyi haafe nyore-nyore, anonzi ariko nanhasi asi ave munhu musvinu. Akabva agura akapfidza. Deno asina kushandura maitiro kutaura kwatiri kuita kuno angadai ave kunyikadzimu. Varume vaye havasi vekutamba navo. Deno ndanga ndichiri kutemwa dzinobva ropa ndaisva ndabatana navo ini ndinosunungure nyika. Hutongi hwehudzvanyiriri uhuu ndaneta nahwo. Vachena ava ngavadzokere kumusha kwavo. Ivhu redu vakatora isu vakatikandira kurukangarabwe kusina chinobuda ivo vachitora pakaorera." "Mbuya Nehanda vakasiya vataura wani vakati tora gidi uzvitonge. Kurwa hondo hakuzi kubata gidi chete baba vevana, asi kubatsira ivo vanamukoma ava nezvakasiyana siyana zvavanoda. Nguva ichakwana yekuti vasvike kuno movabatsira henyu. Zvavatove paGangare kudai vatosvika. Asi pese pavasvika inova nhandare yeropa, panokweshanwa nemabhunu ayo anoita seanofembedza pose pavari. Munotofanira kusimba kana vouya mozvipira kuvabatsira nemoyo wese. Hatidi kuti muzova mutengesi nekuti hamuzomboiti rombo rinenge reuya wekubviswa muromo. Munogona kutopfuudzwa masikati machena." "Nhamo yandakaona ndini ndinoiziva nekuda kwemuchena. Kupurazi kwataishanda taiiswa pachibharo chaicho. Kusakuriswa munda wakarindirwa nembwa padivi. Ukangoda kutwasanudza musana yokuhon'era ichida kukuruma. Ndakazotizako ndauraya imbwa yemuchena yaaidisa kwazvo nebadza yandiruma gumbo, zvekuti dai ndakabatwa kutaura kuno deno ndakatofa." VaMurambwi vakataura vachitanga kudzura nekudzora ndangariro dzainge dzaitika makore maviri ainge apfuura, apo vaishanda kupurazi kwaRoy. "Ngaishande-ngaishande, hakuna inosimudza musoro kusvika yapedza kusakura." Uyu aive mwana wemuchena muzvinapurazi aivasvukumisa achiteera ari shure kwevashandi vaisakura mupurazi mababa vake. Pakati pevashandi ava paive naVaMurambwi avo vakatanga kukofora sora sevasvikirwa. Mwana wemuchena akasekerera achiona mapotsererwo aiitwa badza nevashandi vababa vake ndokubuda mumunda onogadha bhiza rake akananga kumba kwavo. Foromani ndiye akasara oongorora mashandiro evaisakura. VaMurambwi pavakaona mwana wemuchena aenda vakada kutwasura musana sezvo wainge worwadza nekuda kwekusakura kwavainge vaita. Nguva yavakanoti vasimudze musana imbwa yemurungu yaaidisa zvikuru yakabva yafemera mugotsi mavo ndokunosvikokachikira tsapfu yavo ichinyudza meno ayo. Rume rakabowa zvakaita kuti wose munhu aivepo asimudze musoro achitarira kuti chinyi chaiitika. Imbwa iye yakaramba yakati ngaa kuruma zvekusiya Murambwi asina imwe pfungwa kunze kwekuizvambura nemupinyu webadza raainge akabata. Akauregedzera nesimba rake rose uchinoti zete mudzoro rembwa iyo yakabva yagwauta kamwe chete ndokutomhuka nekupfanhura. Vose vaive apa vakangokwanisa kudaidzira vachiti, "hiii auraya imbwa yabhasi!" Murambwi akambopererwa nepfungwa kwenguva duku ndokuzofunga kuti zvaainge aita izvi zvaizomupinza pachimanikire. Vanhu vachiri mukukahadzika akabva ati tote akananga nedivi raive newaya ndokusvikopfuka achibva adyiwa nemasango. Vanhu vakasara vakati kanha nezvainge zvaitwa naMurambwi izvi. Foromani akamhanyira kwaive nembwa ndokuedza pose paaigona napo kuda kuimutsa asi hazvina kubatsira nekuti yainge yatofema kare mweya wekugumisira. Akasimuka paainge akapfugama ndokutarisa mativi ose achibva atanga kukwamatata. "Makatomira makanditarira muchitadza kutevera mumwe wenyu uyo? Kamani mhanyai munouya naye!" Vashandi vaive apa vakatanga kutevera nekwainge kwaendwa nako naMurambwi asi hakuna munhu wavakaona. Murambwi akati achibva apa akananga nenzira ndokuita seanoenda kwaGutu hoyo nokwaMutendi ndokuzonomira ave paSosera omirira dutavanhu iro rakanomusiya paNyika. Achibva apa akabva azowana muzvinabhizimisi wekwavo aive nemuchovha ndokumubatsira kutakura magirosa ake achibva azokwidzwawo muchovha uyu voenda vose. Murambwi haana kuvhunduka kuteerwa nekuti hakuna munhu aiziva kumusha kwake kwaaibva. Papurazi paaishanda apa paive pakazara vanhu vekuChiredzi nekudaro iye aingonyepawo kuti ndiko kwaanobva. Murungu akasara achitsvaka Murambwi kudivi rinoenda Chiredzi nyamba munhu ainge atove kwake kwaZiki achibatsirana kurima nemudzimai wake. Apedza kurangarira nhoroondo iyi akabva aseka zvake zvakaita kuti mudzimai wake ade kuziva zvaisekwa nemurume wake. "Muri kusekeiko mega kudaro nhai baba vevana?" Murambwi akabva apindura mudzimai wake achimuudza nhoroondo yaainge avanzira chero ani zvake nekutya kutengeswa. "Hezvo ko pamakadzoka paye mainge maparamura? Iko kuzosvikonyepa kani, aiwa murume iwe une chipo ndatenda hangu. Zvino hautyi here kudimburira nekwaRoy?" "Kutyeiko hangu? Handifungi kuti bhunu iroro rikandiona richandiziva, ini ndini ndingatorizive kwete iro nekuti tainge takawanda papurazi pake." "Mabhunu ane hutsinye husingaite ugoona havagoni kuzviitira basa kuda kutishandisa vachititsikirira. Izuva rimwe chete chete zvakarehwa naNehanda Nyakasikana zvichazadziswa. Mapfupa ake achamuka uye mhandu idzi dzichaparadzwa kusvika dzatiza." VaChihoro vakabva vatsenhura rumbo rwerusununguko. "Mbuya Nehanda kufa vachitaura shuwa.." Havana kuimba kusvika kure vadimburirwa nemurume wavo. "Iwe Chihoro nzimbo idzi handi dzekuimba pane pwere, vanozonodziimba pasipo tikapinzwa pachimanikire nemabhurukwacha, unoaziva kuti nyaya dzakadai ndidzo dzavanorwarira." Nguva yose yaitaura vaviri ava havana kunge vaziva kuti Hondo ainge ari shure kwavo achidya. Vakazokanutswa munhu otaura mashoko akavasiya vasina neremuromo. Kupetwa kwechitsauko 1
❤️ 👍 😂 🙏 🔥 21

Comments