
Vee Stories ❣️❣️
February 26, 2025 at 04:21 PM
https://chat.whatsapp.com/HTKZ0wMWZy74hxCm9KFyRb
Pinda mu channel usasarire shure, ikoko unowana bhuku from 1 kusvika parava. Follow link below
https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H
Vanoda kutandara nevamwe vachipa ma comments join group riri pazasi iro.
https://chat.whatsapp.com/G2vPuBUVf4R2kj8SYucN2b
NHANDARE YEROPA
⚔🔫🗡🔫👊🔫🥷
✍VIRGILEND
Vee 💘 aka Virginia Chambati
&
Sir LEGEND C
Chitsauko 3
"Muri kutoita zvekutamba, ndati hipi logandanga?" Izwi remwana wemuchena rainge razoita kukwidzwa zvino apa rainge rava nehukasha mukati. Hana dzemajaya maviri aya dzakange dzoita kutamba mbakumba kuita sekunge dzichatsemura zvipfuva zvavo nekutya. "Ha-ti-tina kumbova-o-o-ona isu," Hondo akataura achiita kakukakama nekutya. "Iri kuti ndinetamba nhai? Ndati hipilo gandanga!" Ipapo Hondo akapererwa nemashoko ekupindura, akazongoona jombo dema rasimudzwa mudenga ndokutsunzunya meso ake akazochechuka orinzwa ranzi dzii mumusoro make iye achiwira pasi.
"Ngaitaure kwayaona gandanga!" Hondo akayuwira nemarwadzo achishaya kuti ozvibuditsa sei munyatwa yaainge apinda iyi. Akatarisa rutivi rwaive naTapera ndokuona mumwe wake ngoma ndiyo-ndiyo. Tapera ainge achizvuzvurudzwawo ari pasi nemumwewo musoja. Mujaya aiita kuyeredza misodzi achiratidza kurwadziwa kukuru nezvaaiitwa izvi.
"Hey wena hipi logandanga!" Scar Face uyo ainge akatsika musoro waHondo akadeedzera achiwedzera simba uku achiita kuutsokota musoro waHondo nezijombo rake. Nzeve dzaHondo dzakatanga kuunga akazviona asisanyatsonzwe ndokunge vaimusiya ari mupenyu.
Vakomana vakashungurudzwa ndokutorwa vogadzikwa vakakombwa vave kuitwa bhora nemasoja aya ayo aiita mhurepure, mumwe neumwe achipura paada. Vakaramba vongobvunzwa kwaive nemagandanga asi havana kutaura nekuti vaisazivawo kwaaive. Masoja aona kuti apa hapana chinobuda akati regai tiwedzere kushungurudza majaya maviri aya. Musoja aivepo wechitema akabva abvunza mazita evakomana vaviri ava. "Munonzi vanaani imi uye munobvepi musingazive kune magandanga?"
"Ini ndinonzi Tapera, mumwe wangu anonzi P.." Tapera haana kupedza kutaura Hondo ave kutotaura zita rake sezvo ainge afunga kuti munhu anozvitaurira zita rake. "Ini ndinonzi Hondo." Hondo akazofunga apedza kuti aifanira akataura kuti Paul asi ainge atodya manonoko. "Ko iwe wanga wotaura rinotanga naP wani? Ndazviona kare kuti munonyepa imi, kana zvekuti hamuzivi kune magandanga inhema. Zvino nhasi maigochera pautsi, munochiona chakatadzisa imbwa kuseka kunyenama ichigona." Masoja aya akabva atowedzera kushungurudza vaviri ava. Vakadirwa doro rechirungu vachibanhwa nejombo zvaipisa tsitsi, musi uyu vakaoneswa ngwavaira. "Nhasi muchapera nehondo semazita enyu."
Vakazoponeswa nerimwe bhunu rakauya rikazevezera munzeve dzeriye renyembe dzemuwando, Scar Face. Vari vaviri vakatarisa rutivi rumwe ndokunongedzera ikoko, wanikwe wose musoja aivepo oringa divi iroro. Mafambiro avakaita apa akaratidza kuti vainge vanzwa kuti ndiko kwaive nemagandanga avaitsvaga asi pakuenda havana kunanga divi iroro. Vakomana vaviri pavakaona vatsukunyuka panyatwa iyi vakabva vati kwarakwashu ndiye mudondo pfochooo, vakatanga kumhanya netusimba twavakange vasara natwo twushoma vakananga neche kune rimwe divi kwainge kwabva nemabhunu aya. Vakati vamhanya kwechinhambwe ndokunozvipotsera pasi nekutanga kufemuruka kunge vanhu vakange vapedza kumhanya pamujaho welong distance kuchikoro. Vachiri kufemuruka kudaro vakaona vakombwa zvakare. Nhamo neman'a hazvisiyane chokwadi. Vainge vaita hwenhindi yenyama kudauka kubva mugango ichinodonhera mumoto, ikava chawagona hapana jeri reBindura.
Hondo akangotarisa Tapera vaviri ndokutodonha pasi kunge varara. Kana zviri zviroto vaizomuka votsanangurirwawo nevamwe. Vachakadaro vakanzwa vozunguzwa. Kuvhura maziso kudai wanikwe vakatariswa nemaziso ano mahombe ari matsvukutsvuku. "Ringainzira, vakomana vaoneswa chitsvuku nebhunu ava, izvozvi simba rati hwaa kupera, ko kuzonyepera kufenda kani!" Akadaidzira murume uya mumwe wake ndokusvika padyo navo. "Vakomana simukai, hatidi mbwende munyika yechipikirwa. Zvamadai matokura motofanira kumira semikono. Iwe unonzi ani?" Murume uya akabvunza akatarisana naTapera. Tapera akambobwaidzika ndokuzopindura aona arivhurirwa ziso dzvuku rainge remunhu abva kubhema mbanje. "Tapera ndiro zita rangu."
"Tapera nehondo, ndinofunga ndizvo zvaida kurehwa nevabereki vako pavakakupa zita rako iro. Ko iwe unoitwawo ani?"
"Hondo ini ndinonzi Hondo."
"Ayikazve, vana imi mandinakidza nhasi. Vabereki venyu vanenge magamba chete, dai ndiine nguva ndambonoonana navo. Hazvina hazvo mhosva, mazuva mazhinji, ndinovimba kuti nerimwe zuva tichasangana."
Vamwe varume vakatanga kunyuka rumwe rumwe vachibva mumadenhere, vamwe vachibvawo pasi kunge vainge vakachererwapo. Hana dzana Hondo dzakawedzera kurova. Vainge vongotarisira zvese, ko vainge vachatyei kununa ivo vainge vasasikwa. Ava vanhu vakanga vakapfeka zvakasiyana nevanhu vavainge vambotanga kuonana navo. Zvichireva izvo kuti vakanga vasiri pamwe chete uye matauriro avo aisava ekutyisa asi aive nekuumba hushamwari mukati. "Vakomana taona zvese zvamanga muchiitwa nebhunu tiri patanga tiri. Ndinoda kukuvimbisai kuti mukaona hutonga hwotsvuka chizivai kuti nyika yedu tave kuibvisa muhutongi hwedzvinyiriri. Imi regai kutya nekuti tinemi. Ini ndinoitwa Tongainyika uyu ari pedyo neni ndiRingainzira. Vese ava vari pano vana vevhu, kana masvika kudzimba musarega kuudza vanababa nanamhai venyu kuti tinemi." Achipedza kutaura Tongainyika akabva adaidzira kuti, "Pamberi nekubatana pasi nemhandu!" Vamwe vose ndokudaira vachiti, "pamberi uye pasi nadzo!"
Hondo akanyemwerera achiona morari yaive nevarume ava akazviudza muhana make kuti aifanira kuzoyambuka oenda Mozambique odzoka kuzosungura nyika yechiberekerwa pamwe nevamwe. Vakambomira zvishoma ndokuzotsvaga nzira yekudzokera nayo kumana kwavo sezvo vainge vangomhanya vasingazivi kwavaienda. "Ini ndave kutotya kufamba ini, dai zvikoro zvavharwa hazvo kusvika hondo yapera nekuti zvandasangana nazvo hazvijairike. Ko dai vasina kubva vachimhanya mhanya, taitoitwa kanyama kanyama nemabhunu zve." Tapera aitaura akaita kuisa maoko ake mumusoro apa maziso akaita kuvhurwa zviya zvemunhu aona chiitiko chinotyisa.
"Kunze kwekuti utokumbira vadzimu vakupe hushingi kuparadza vanhu avo, iwe wave kutovapa nyembe. Unomboziva here kuti dai pasina mazipfuti avanga vainavo aye hapana zvavaindiita paya? Kutovimba nejombo, zvino pavandisiya ndipo pavairasa." Hondo akapindura mumwe wake vave kubira rwizi Mutora vachinoinda muminda yavo.
"Tsuro haipone murutsva kaviri shamwari, ngatichirega kungofamba zvisina tsarukano, masango amera minzwa aya," Hondo akaseka zvake ndokumira kumberi kwaTapera. "Uri kutombotaura zvemasango? Ndakanzwa kuti vanotosvika mumisha vopisa misha, hapana kwekuvanda shamwari, tave kutofanira kumira semikono kwete sesheche, zvazvatodai nyika yose yava nhandare yeropa hakuna kwekutizira." Mashoko aHondo akawedzera kutya kuna Tapera zvakaita kuti atange kufambisa uku achitarisa mativi ose kuri kutya kusangana zvakare nemabhunu.
VaMurambwi pavakaona mwanakomana wavo ari nechechinhambwe vakabva vamira paruvanze vavariro iri yekuda kunzwa kuti ainge awana here nzvimbo? Hondo akanyepera kufara achisvika paruvanze. "Titambireka vadzimba ndimi manga maenda mumasango umu, maona makamira seiko?" Vakabvunza vakafara, asi vakatoona mamiriro echiso chaHondo kuti kwaainge abva kwainge kusina kumira mushe. Mai Murambwi vachinzwa murume wavo achitaura vakabva vabudawo muimba yekubikira vachifambisa. Rufaro rwemwana wavo vairwukoshesa sezvo vakanga vamuisa pachinzvimbo cheuya achabuditsa mhuri kubva mumatope. Izvi zvagara ndizvo zvinowanzotarisirwa kana mwana ari mukomana, kunyanya zvaainge ari ega kudaro.
"Kukati kwakanaka ikoku nhai Hondo, ko madhaka mumusoro abvepi? Hezvo hembe dzese madhaka chete. Wanga uchiita hwekudiiko? Asi wamborwisana nemumwe munhu here?" Amai Murambwi vakabvunza vachipenengura mwana wavo vachifamba vose kunogara pabvute paiwanzogarwa nababa vake kana vasina zvekuita. Nhamo akati agara pasi amai Murambwi vakabva vabvunza zvakare, "wafamba sei nhai Hondo?"
"Ndinoona seasina kuiwana ini, kwakutoyedza kumwe," baba vacho vakataura vasisina mufaro.
"Ndafambira mashangurapata amai nababa, hazvina kumira mushe." Akawedzera kubaya moyo yevabereki vake Hondo. "Usatye mwanangu zvichaita," vakadaro vatsikitsira amai vaHondo.
Akazofunga kufadza vabereki vake avo vainge vangoti zii vakabata shaya. "Nzvimbo ndaiwana baba yekutogara pachikoro chaipo," apa akataura achisekerera zvake.
"Kugara ipapo? Inga takawirirana kuti unenge uchibva kuno wani? Nhai baba tinoiwanepi mari yacho?" Mai Murambwi vakange votarisana navaMurambwi zvino. "Musazvidya henyu moyo amai, baba Paurosi vati vachandibhadharira zvese changu kungotakura bhegi rangu ndoenda."
“Inga midzimu yangu yandinzwa nhai Mwari, kureva kuti school fees yese ari kubhadhara fata uyu? Mwari wangu makanaka." Amai Murambwi vakapembera Hondo naMurambwi vachifa zvavo nekuseka.
"Tichiri nebasa amai mwana, uniform tinotenga tega nezvese zvekunoshandisa. Totosimba kutoshanda mwana aende aine chekubata." Mhuri iyi yakasvika panguva dzekurara iri mumhemberero. Pakazouya Tapera zuva ramangwana ndipo pakazoziva vaMurambwi nemudzimai wavo kuti vakomana vakange vambosangana nemasoja vakaoneswa moto. "Motoita kufamba kushoma vanangu nekuti kwatoipa kunze uku. Hazvishamisi kuvaona vachisvika pano masoja iwayo. Kunyange mashoko amunotaura anogona kukupinzai muna taisireva, muyeuke kuti madziro anenzeve aya."
VaMurambwi vakayambira Hondo naTapera avo vaironga zvekunoona mumwe wavo ainge asvodogoka gumbo achimhanya kuri kutiza masoja.
"Kungoti akakuvara Muchineripi, ndanga ndisingadi kunomuona ini ane mukanwa makaumburukwa nechidembo," Hondo akazotaura vave chinhambwe kubva pamba pavo. "Hazvizoiti shamwari kuregera kunoona mumwe wedu watakange tiinaye munyatwa iya, kungoti iye haana kuzosangana nezvatakasangana nazvo, kudai akabatwa paye dzungu rese raainaro raipera riya." Vakarovana maoko vakananga kumana kwaana Muchineripi. Kwaingove kushingirira zvako asi Tapera zvekufamba akanga asisazvide. Vakazosvika kwana Muchineripi ndokumuwana aripo. Vachisvika vakaona Muchineripi akagara zvake pasi pemuti gumbo rekurudyi rakasungwa pachitsitsinho apa.
Muchineripi achiona vakomana vaviri ava vachisvika akayedza kusimuka kuti apinde navo mumba. Akadeedzera amai vake kuti vauye kuzomutora ivo ndokunonoka kuuya. "Ko Muchineripi zvaunoda kutiza kunge waona shumba kwakanaka here?" Tapera akabvunza vachisvika paive naMuchineripi uyo ainge akatarisa Hondo neziso reruvengo.
"Wauya kuzoona kuti takatorwa nemabhunuka iwe Hondo. Taiti kungowaniswa nzvimbo chete, izvo muhofisi muye waitotengwa kuti uve mutengesi."
Magumo echitsauko 3
❤️
🙏
😂
6