Vee Stories ❣️❣️
Vee Stories ❣️❣️
February 28, 2025 at 01:02 PM
https://chat.whatsapp.com/GJbja7LlR9qJX7rbiTodpP ```VANODA MAPREVIOUS CHAPTRS DZVANYAI FOLLOW PACHANNEL LINK IRIPAZASI APO...``` https://whatsapp.com/channel/0029VaKdqpwKWEKl53ljby0w NHANDARE YEROPA ⚔🔫🗡🔫👊🔫🥷 ✍ VIRGILEND Vee 💘 aka Virginia Chambati & Sir LEGEND C Chitsauko 4 Muchineripi, Ruka naJohn vakangoti vachiona mota yemasoja havana kuda kuudzirwa zvekuita. Mumwe nemumwe akapesanisa makumbo ake ndokuti tande nemumadenhere vachitiza nehupenyu hwavo vakananga kwakasiyana. Muchineripi akamhanya zvaasati akamboita muhupenyu hwake hwose ndokuzonomira avambukira kumhiri kwerwizi Pururwi ave kuita zvekunzunzutira. Akabva anovata muchuru chaive pedyo nenzira yainanga kuchikoro kwaChada achizororera, chinangwa chiri chekuti azosimudzira mushure mekutura befu. Ari muchuru kudaro akanzwa mutsindo wemunhu aitekenya pasi achiuya nekwaaive. Akabva asimuka ndokuti kwati paseri peMushumha waivepo akavhura ziso akatarira kunzira achida kuona kuti aive ani aimhanya uyu. Paakaona ari umwe wevakomana vaainge abva navo ku Silveira mission akabva azviwisira muvhu ndokutanga kugomera achichema akabata gumbo rake. Ruka paakanosvika apa Muchineripi ainge abuda mumajokochwa maaive ave pachena paionekwa chero naani zvake. Ruka paakaona munhu mberi kwake akada kunzvenga oshandisa imwe nzira yaienda kuchigayo kwaManjokoto, paakazocherechedza akaona ari Muchineripi uyo aiita kuyeredza misodzi achichemera mudundundu. Maziso ake ainge akaita kutsvuka zvichiita seabvira kare nekuchema izvo bodo yaive vicks yaainge azora. "Ko waitasei nhai Muchineripi zvaunenge uri kuchema urere ipapo? Simuka tibatane tiende kumba, vamwe wamboonawo kwavari here?" Ruka akabvunza achiswedera pedyo naMuchineripi. "Nda.a.a nda.a.a." Muchineripi akatadza kutaura neshungu. "Waitaseiko? Taura tinzwe. "Ndakuvara gumbo rangu rasvodogoka, handizivi kuti ndosvikirwa nani kumba." Ruka akanzwa tsitsi ndokusimudza Muchineripi omubereka votanga kufamba zvishoma nezvishoma vakananga kugomo reRuuzhe kunova kwaiva pedyo nekumana kwavo. Vaviri ava havana kufamba zvekusvika kure, John ainge atizirawo nedivi rokwa Diyo abudikira akaita kumarika-marika muviri wose nguwo dzake dziri mamvemve. Ruka akangoti tumbi kumira akamuyeva. "Ko ukagoramba wakandiyeva kudaro kwakanaka here? Uyo wawakabereka aita sei?" Majaya aya akatsvaga pekuzorora vokurukurirana mafambiro avainge vaita kuti vasvike pavaive. Muchineripi akabva atanga kurudunura nhema dzaainge akaka nguva yaakaona Ruka achimhanya kuuya nekwaaive akazorora. "Varume ini ndapona neburi retsono chairo, kukurukura hunge wapotswa chokwadi. Ndati ndichiona mota yemasoja iye ndokuvhunduka paye pataita aziva kwake aziva kwake, ndamhanya ndokuzonomira ndave chinhambwe ndichida kunyatsoongorora kuti vanhu ava vanga varipi vachisiya mota yavo iri yoga. Ndatanga kunyahwaira ndichidzoka ndokutanga kutarisisa mativi ose. Ndabva ndaona rimwe bhunu richitaura nemukomana wandafananidza naHondo richimupa mari. Pandada kunyatsocherechedza ndatsika chimuti bhunu riye rikacheuka rakanongedza pfuti kwandiri." Muchineripi akambozororera. "Inga wasangana nengwavaira nhaiwe Muchineripi, asi une chokwadi here iwe kuti munhu wawaona ndiHondo? Ini handifungi kudaro nekuti matiziro ataita tese payeka anga aine munhu pasi." "Ndigoreva nhema kuti zvigodini? Hondo handimuchenese ndinoona kuti atengwa nababa Paurosi kuti ashande semutengesi chete." "Une chokwadi chezvauri kutaura here iwe? Wazosvikasei pano uye gumbo rasvodogoka nei?” "Zvakaoma zvaitika kani, ndototenda midzimu yekwedu yarwa imire ikataridza kuti yakasimba, munongedzerwo wandaitwa pfutika ndingadai ndangokuduburwa kunyanya pandaona mutengesi dai ndatofa. Vadzimu vangu varwa vamire ndikakwanisa kumhanya sebenzi pfuti dzichirira shure kwangu." "Pfuti dzarira kupi kwacho iwe dzatisina kunzwa kurira kwadzo?" Ruka akabvunza achishamiswa nezvaitaurwa naMuchineripi sezvo kusina kana gidi ravainge vanzwa richirira. "Hamuna kudzinzwa here? Aah hoo dzinenge dzanga dzakaiswa masilencer saka dzangonzwikwa neni ndanga ndiri padhuze chete." "Hatichazivi chokwadi nenhema kuti ndezvipi, gidi rine silencer harinzwike kurira zvachose, rako rarira zvaunonzwa wega nderipi iri? Chitiudza hako kuti gumbo rakuvara sei izvo zvemasoja siya hako tinganzwe nekunyeberwa hedu." "Munofunga kuti ndinokureverai nhema asi ndicho chokwadi, ndazomhanyisa zvekuita sendichasiya mumvuri wangu. Mukumhanya imomo ndipo ndanowira mumwena wegwizo ndokusvodogokoka gumbo. Ndatanga kukambaira ndichitiza nehupenyu hwangu kusvika pawazondiwana Ruka." Vakomana ava havana kuzoda kuramba vachipikisana naMuchineripi nekuti vainge vaona kuti aingunovarevera nhema. Vakati vazorora ndokuzomutembedzana vonanga naye kumana kwavo. Vakawana kusina vanhu ndokumusiya voenda kwavo, vave munzira ndipo pavakasangana naTapera achibva avatsanangurira nhamo yaainge aona paruoko rwemwana wemuchena. Ruka naJohn vakanzwira vamwe vavo tsitsi. "Nemhakayei Muchineripi ari kuti Hondo ndiye mutengesi iwe uchitsanangura nhamo yamaona muri mese naHondo? Handiti dai ari mutengesi vaisamurikita nekumushungurudza zvamaitwa izvi?" John akabvunza achitotanga kuona Muchineripi semurevi wenhema mukuru. "Zvichida igodo badzi rekushaya nzvimbo Hondo achiiwana nyore." Majaya akatanga kufamba achipesana vose vave nekugun'ununa nekuda kwehunhu hwaMuchineripi. Zuva rakatevera Tapera akanoona Hondo ndokumunyengerera kuti vaende kunoona Muchineripi seumwe wavo wavaitamba naye. Muchineripi paakavati baa akabva akanganwa kuti ainyepedzera kukuvara ndokufambisa achida kusvova kuti anange kwaDumburo kusango raifudzirwa mombe, akazonyara aona kuti aonekwa ndokubva atanga kuropodza akamira paruvanze. "Wauya kuzoona kuti takatorwa nemabhunu akoka iwe Hondo? Taiti kungowaniswa nzvimbo chete, izvo uri mutengesi." Hondo achinzwa Muchineripi achitaura makunun'unu maodza moyo akabva amupindura ipapo ipapo. "Muchineripi uchiri neni chete? Tsvee kutenda rudo rwandaratidza rwekuuya kuzokuona iwe uchinyepedzera kukuvara zvauri kuita izvi. Kudai uri iwe wakasangana nezvatakasangana nazvo handifungi kuti kana zuva ranhasi waibuda mumachira. Ini manje kundiita mutengesi? Ndaisaziva kuti mumusoro mako makazara madhokororo kudai. Mhanyiro yawaita uchida kutitiza ndiyo inoitwa nemunhu akasvodogoka gumbo here iyo? Tapera ini ndave kuenda kutambisa nguva kwataita kuzoona benzi iri. Kutosiya mabasa edu tichiuya kuzoudzwa tsvina dzakadai." "Nyangwe ukataura zvinengei uri mutengesi chete, haunyari kuda kutibatisa nemasoja? Ndiwe wakati titore nzira yekudimburira nyamba yaiziva hayo ngwena kukweva jira ichisiya munhu. Waida kunotipinza mumusungo wawanga watiteyera zvino wakadzva, midzimu yedu yakatirwira yako ikadimbura mbereko. Ndanzwa kuti njuga yakazodya mugwandi. Ihwo huso huri kungoratidza hwega nekuzvimba kwaho uko kuti wakakinditswa nevanhu vako vatadza kutibata." "Muchineripi dzako dzakanyatsoti kwesere here kana kuti dzakatamba nepwere dzikaresva kudzorerwa? Dai waiziva nhamo yatakaona hawaitaura zvakapusa kudaro. Rwako ruvengo rudzii nhai iwe rwekubva waita kuvenga munhu zvese nemumvuri wake kudai? Vanhu vakaita sewe ndimi munouraisa vamwe vanhu nenhema dzenyu. Zvichida ndiwe mutengesi uri kutotamba nemauto. Tafambira kuzokukuta seumwe wedu asi tiri kutoona kuti hapana zvataita, ko gumbo rapora nguvai? Nemhakayei wainyepa kuti wakakuvara? Imbonyatsondiudza kuti unowanei chaizvo nekureva nhema iwe?" Tapera akabvunza aita kuzvimbirwa nehasha. "Tapera ngatisiyei munhu uyu tagara tatambisa nguva yedu kuzoona zvakadai. Zvichida ruvengo rwake rwuri pakusawana kwake nzvimbo, hatisisu takamuti atadze kupindura bvunzo yakanyorwa nevamwe isu. Hatidzokerei tinoita mabasa atasiya, ndambokuudza paye kuti kungouyawo hangu kuno chiona zvotoitwa nemutengesi uyu?" Hondo naTapera vakabva pamusha waana Muchineripi uyo akasara amire paruvanze ave kutwasanura muviri wake. Dai aive nenyadzi musi uyu aifanira kunyara nekuda kwenhema dzainge dzabuda pachena idzi. Kumba ainge atosvikwa naye akasengwa achiita semunhu aiyuwira nemarwadzo izvo kwaani majaya aaive nawo aitoshandiswa zvawo. Hondo akagumbuka zvikuru nekahunhu kainge kaitwa naMuchineripi aka zvekuti dai vaive kudondo paitsva demo pachisara mupinyi. "Wanga uchitaura seune muti mudama paye Hondo, chiona kuti tafambira nhando. Asi vamwe vanhu havana pfungwa chokwadi, kutoshinga kunyepera kurwara wotobva kwese uko wakatembedzanwa izvo munhu ari kunyepera hake. Dai ariye akaona tsekwende yatakapindana nayo haaimboita zvaakaita izvi." "Kana ruvengo rwake kwandiri ndinotoshaya kuti rwakabvepi chaizvo? Kuita sekunge tiri vana vepaguru kudaro, ugoona ndiye munhu wandainzwanana naye zvakanakisa kuprimary." Majaya akakurukura nezva Muchineripi dzimare vanosvika kwavo ndokuzonopesana mumwe neumwe oenda kumba kwavo. Hondo akanoti achisvika kumba kwavo ndokuwana baba vake vari voga, vakabva vamudana pavaive vagere ndokutanga kutaura naye. "Huso hwako hwakazvimba nei Hondo? Ndiudze kuti chii chaizvo chakaitika kuti usvike pamba wakazara ivhu mumusoro pamwechete nenhumbi dzose zuro?" Hondo akamboti zii achiruka nhema dzekuudza baba vake. "Usandirevera hako nhema sedzawakareva nezuro, ndiri kunyatsoona kukuzvuka kwakaita musoro wako kuri kundiudza kuti pane chikukutu chakaitika." "Hapana zvakaitika baba, zvandakataura zuro zviye ndizvo zvakaitika." VaMurambwi vakaseka ndokupindura Hondo, "handina kubarwa zuro Hondo, ndiri kutoziva zviri kuitika, taura mai vako vasati vadzoka kutsime kwavaenda. Masoja akakuita izvi aive mangani uye makasangana nawo kupi?" Hondo akaona sekuti baba vake vainge vatonzwa kare nyaya yakaitika ndokubva aidedemura yose akazogumisira nekusvitsa shoko raakange apfumbatiswa naana Tongainyika. "Vanamukoma vakati tikuzivisei kuti vanemi." VaMurambwi vakasekerera ndokubhabhadzira musana waHondo voti, "kana nesu tinavo, ndakazviziva uchingosvika kuti mainge masangana nechisionekwi mudzi webwe. Ndinoda uzive kuti chisingakuurayi chinokusimbisa, zvavakaita vaiti vari kukurwadzisa nyamba kwete vakatodyara mhodzi yehushingi mauri. Nhamo yawakaona paruoko rwavo zuro idiki pane iri kuoneswa vana vevhu nevauyi ava kune dzimwe nzvimbo dzenyika yedu. Kuzvipedza kubatana torwisa muvengi kusvika takunda. Tikabatana nyika yedu inodzoka mumaoko edu, asi tikafuratirana tinenge tapa muvengi simba." "Inyaya yeiko yamuri kutaura iyi?" Kupetwa kwechitsauko 4
❤️ 👍 😢 😮 5

Comments