Vee Stories ❣️❣️
Vee Stories ❣️❣️
February 28, 2025 at 04:05 PM
https://chat.whatsapp.com/GsyVXyO3DKl2zrYhebTrUE Follow channel for previous chapters. https://whatsapp.com/channel/0029VaKdqpwKWEKl53ljby0w NHANDARE YEROPA ⚔🔫🗡🔫👊🔫🥷 ✍The Xpandables Vee 💘 aka Virginia Chambati & Sir LEGEND C Chitsauko 5 "Amai mwana zvimwe zvinhu hazvidi vanhu vechikadzi mhani, Hondo chatove chigondora ichi chozvifurira, kusakuma hurema hwacho. Ini sababa hurema hwake hunodzoswa kwandiri ndikasamuraira. Sekupangwa mazano kwandakaitwa nevakuru vangu ndave kuturirawo pfimbi yemashoko yandakapakatiswa kwaari iyeyu." Amai vaHondo vakaseka ndokuti, "zvimwe zvichiri kupinda neimwe nzeve zvichibuda neimwe apa, itai muchimupaka zvishoma nezvishoma zvinomedzeka," vese vakapedzisira vasekawo naHondo wacho. VaMurambwi vakasara votsonya mwana wavo ndokusekera zvavo pasi. Kana ainge aine nzeve dzekunzwa ainge anzwa mashoko aainge apakurirwa nemubari wake. Mazuva akafamba vanhu vakatamba mutambo wekuzvarwa kwaJesu sekutaurwa kwazvaiitwa nababa Paurosi nevamwe vavo vechiRoma. Mazuva aya vanhu vainge votya kuungana vachifara nekuti ndiyo nguva yaingoyerekana masoja ati pfacha kusvika vooneswa ndondo. Hondo naTapera vakangotora mukana iwowu kushanyirana zvavo vachizeya nyaya dzakasiyana siyana. "Ini ndiri kunonokerwa nekutanga zvidzidzo zvangu zvefomu yekutanga ini Tapera, zvekugara pamba kwenguva zvataita apa zvinondisvota. Ndirikuona kutanga rugwaro rwatave kuenda kunopinda urwu chiri chiratidzo chekuti chero kukura ndinenge ndakura, hauoniwo sekudaro here?" "Iwe uri kufaraka kuti unenge uchigara pachikoro, zvino ini baba ndakavakumbira kuti vandibhadharire vakati hakuna kwavanoiwana mari yakawanda kudaro. Unoreva kuti ndingafare pakadaro? Kumba ndinenge ndichiyenda nekudzoka naani, unomaziva masango ari pakati apa kuti anotyisa sei? Ndinoona kutorega kuenda kuchikoro kwacho kwakatonaka. Chero kunyora nekuverenga ndave kugona, zvakare kurima ndinogona nekudaro chimwe chandingada chii zvangu?" Hondo akarova mumwe wake bendekete ndokuti, "wataura segwara apa mumwe wangu. Usandiudze kuti nyaya iya yekuoneswa ndondo nebhunu ichiri kukuvhundutsa. Ukave nemoyo wakadaro tinoramba tichingodzvinyirirwa nevanhu ivo vaye kunge vane simba. Ravo simba ndere bofu rakatsika dombo. Pasina zvombo zvavanenge vakasenga zviye hapana chavanoita vaya ndirikukuudza." Vakomana vakafamba zvavo vachikakavadzana kusvika vasvika kumana kwaana Tapera. Pavakasvika vakangomhoresa vaivepo ndokunokwira mumuti wemumango wanga uchangotanga kuibva. Vakadzionesa chirikumeso kusvika vazodaidzirwa mabhanzi ainge abikwa naamai vaTapera aya ekukanya flour nemunyu netsvigiri wokanda mumafuta. Apa ainge akaita kuzadzwa murusero zvekuti kungoatarisa kudai waibva watorohwa moyo kunge watoadya. Vakomana vakaabvisa chirikumeso kusvika vanzwa parere moyo. Sezvineiwo kupera kwekisimusi kutangawo kwegoredzva, mazuva anobva atanga kupitipidzana sekunge anomhanyiswa. Vanoshanda kumaguta vakadzokera kumabasa avo, mazuvawo ekuti zvikoro zvivhurwe akaswedera. Hakuna musi usingasvike zuva rekuti vana vainogara pamishoni vaende rakasvika amai Murambwi vatoneta nekurongedzera jaya ravo. Musi wekupedzisira uyu vaiti vakavhura pano vovhara voita sevafunga zvimwe. Vaiita sevairongedzera munhu aienda kunopedza gore ari kusango uko kwaisawanikwa zvekudya. Tapera ndiye ainge asarudza kuperekedza mumwe wake zvake sevanhu vainodzidza pachikoro chimwe chete. Chavo kwakave kugeza chete nekuzongotakura tirangi, bheke renhumbi nemagudza nechisaga chimwe chenhumbi chainge chakazara sekunge mune matombo kuri kurema. "Nhai mai Hondo, asi mati mwana asadzoka kani kwaari kuenda uku? Chinga vanobvumidzwa kumbouya kupera kwevhiki wani?" VaMurambwi vakadaro vachiyedza kusimudza sagi riya. "Mwana wangu anozofa nenzara. Ndakanzwa kuti vanogona kubikirwa matemba ari kutobhaguja mumvura iwo achinzi abikwa, hanzi dzimwe nguva vanotopihwa macabbage chaiwo vhiki rese kana bhinzi dzakangoiswa mvura nemunyu chete. Handidi kuti rugotwe rwangu rwuzodzoke rwasara musoro chete nekuonda." Baba Murambwi vakatoona kuti kusweronetsana nachandagwinyira uyu kwaive kupedza nguva ndokumbotakura ivo sagi rairema racho vobuditsa vana ava. Mhere-mhere yevana vechikoro yakanzwika munzira dzose dzainanga kumishoni yeSilveira sedutu remhepo. Kwaive nevakange vatanga kare vaive kumafomu ekumusoro kwozotiwo vaibva mufomu yekutanga vachipinda yechipiri. VanaHondo vaive pakati peavo vaitanga zvidzidzo zvavo zvefomu yekutanga. Hondo neshamwari yake Tapera vakasvika pachikoro vanhu vachiti vanovhura mangwana. Amai vacho vakaita sevacharongedzera mwanakomana wavo Hondo kese kekudya kaive mumba mavo. Zvekumunda pamwe nezvekumagadheni zvainge zvakaita kuzara muchisaga chakauya chakatakurwa naTapera pavakasvika pachikoro apa. Vana vechikoro vakaunganidzwa nevashandi vepamishoni apa vachiiswa mutumba twainge twakavakirwa vana ivava. Mukamuri imwe neimwe mainge muine tumibhedha tunokwana kuita gumi. Tapera semunhu aifanira kupota achidzokera kumba akakwanawo pakamubhedha kainge kapihwa Hondo husiku uhu. Hondo aive nechidokwa dokwa chekutanga kudzidza ozvionera ega kuti sei zvainzi zvidzidzo izvi zvainge zvakaoma kudarika zvemurugwaro rwekwaainge abva. Chakamufadza ndechekuti havana kuparadzaniswa naTapera pavakaiswa mumakirasi avo avaizodzidzira. Semunhu ainge ati kurei parugwaro rwake Hondo haana kuwana matambudziko aya anowanikwa nevana vanotanga fomu yekutanga. Vakawanda vainyunyudzwa nevakuru kwavari zvekuti vaigara misodzi iri pamatama. Tapera naHondo vaityisa kutanga nekuda kwemiviri yavo yainge yakagwinya uye vaisa sasamhurana. Paive naTapera ndipo pawaiwana paina Hondo. Mazuva akatanga kufamba zvidzidzo zvikatanga zvichiita sezvinogozha kusvika zvomwirira muropa revafundi. Hondo uyo ainge odanwa kunzi Paul ainge akagarwa matunduru nababa Paurosi avo vaisada kuti mari yavaibhadhara iyendere pasina. Nguva zhinji vaiuya vachiongorora basa rake paaidzikira vomukurudzira zvinova zvakaita kuti awane shungu dzekuda kudzidza nesimba. Hapana chechikoro chaaishaya, zvese zvaidiwa aizviwana nenguva achitozobatsirawo naTapera. Taperawo ainge azowana nzvimbo yekugara mumaruwa aive pedyo nechikoro. Hondo akatozoona kuti dzimwe nyaya dzaitaurwa nevanhu dzaive nhema kunyanya pazvidyo zvaidyiwa kuchikoro, asati adzidza pamishoni aitoti panodyiwa machururu chubwi oga oga asi avepo akazoona kuti dzaingove nyambo dzekuda kuvasvibisa moyo kuti vasaende kunodzidza kumishoni. Kotoro yekutanga yakapera zvakanaka vakadzokera kumamisha vasati voda nekuda kwekunakidza kwaiita pachikoro. Kusvika kwavakaita vakabva vaita mahwekwe naMuchineripi uyo aibva kunorisa mombe sezvo ainge asina kuzobudirira kuenda mberi nechikoro. "Ko iwe asi wakatozosiya zvedzidzo kani uchida kuteverana nedzemiswe idzi?" Hondo akabvunza sezvo aisaziva kuti Muchineripi ainge aramba chikoro. "Zvakangofanana kuenda kuchikoro kana kurega, ini ndave kutoita svimari svangu nekurisa mombe panewe unowana mari nehutengesi. Iro zimuviri rawadzoka wave naro iro nderekupihwa chikafu chemumagaba chemabhunu semubhadharo wekutengesa nyika, unoti hatizvizivi here." Muchineripi rakafambisa richitiza nekuti raitya kuzvamburwa naHondo. Tapera naHondo vakariseka ndokuenderera mberi nerwendo rwavo, vachisvika kumba vakatambirwa navaMurambwi, aChihoro vainge vasipo. "Titambire majaya angu, toti madzokoika, kwanga kurisei kumishoni uku?" VaMurambwi vakakwazisa majaya avo vachitambira bag rainge rakatakurwa naHondo vachinoriisa mugota make iye achitevera ari shure. Vakabuda ndokunogara padare vobvunzana mufaro. "Makadini baba kuriseiwo kuno kumaruwa nenyakanyaka idzi? Mukati kweduwo kuno kuchiri kwakanaka here?" "Kutotenda midzimu kutiwana tiri vapenyu kudai, hongu kuchakanaka asi vakomana vavemo muMatiore medu muno. Kutaura kuno nhasi manheru kune pungwe vanamai venyu kusavapo uku vatoenda kumba kwasabhuku kwavari kubikira vanamukoma." Majaya akarohwa nehana kunzwa kuti vanamukoma vainge vave munharaunda mavo. Hondo akabva ada kuda kunzwa zvizere ndokuisa mubvunzo "zvino imbwa dzaSmith hadzisi kunetsa here nekuvepo kwaana mukoma uku?" "Havasati vave nenguva refu vapinda muno, ndinoona kuti kana mauto aSmith aya haasati azviziva kuti kune magandanga kuno sekutaura kwavanoita. Dai vakazvinzwa tingadai takanzwa nekumhanyiswa muno. Ndakanzwa kuti kuChirorwe uko vanhu vave kuvata mumakomo soja raSmith ranetsa ikoko. Zvinonzi ririkuita kudya gaka neminzwa yaro, hamheno akavanyevera kuti vanamukoma variko. Chitogadzirirai zvakwavira kudai hakuna anosara muzera wenyu uyu unotodiwa kupungwe." Tapera akabva aoneka oenda kwavo, pasina nguva Nhamo ainge asvika achidana Hondo kuti vaende kugomo reNgove raive naana mukoma. "Ndatumwa iwe shamwari pamwe naTapera, muri kudiwa nemakomuredhi kugomo uko. Tatonzi tifambise vanoda kutituma kuenda kunovatengera doro kumagirosa ekwa Mukore uko." Hondo akanzwa hana yake ichirova nemufaro, ainge onzwa manyukunyuku ekuda kumbonosangana navana mukoma achiona zvaaigaronzwa nemakuhwa kuti zvaive zvedi here. "Baba manzwaka zviri kutaurwa naNhamo izvi? Regai timhanye tiende kwatiri kuda kutumwa uko baba." "Zvakanaka Hondo mwanangu tinosangana ikoko manheru." Vakomana vakabuda ndokunotora Tapera vachibva varurama vakananga kugomo reNgove kwaive nevarwi verusununguko. Pavakanosvika pabase vakawana pasina kana mucherechedzo wekuti paive nevanhu kana kuti paigara vanhu. "Iwe Nhamo hausi watinyepera here uchida kuperekedzwa kuzoteya mariva ako hako?" Tapera akabvunza, asati apedza kutaura akabva anzwa kudanidzira shure kwavo. "Ichooo!" Hondo naTapera vakavhunduka vachicheuka asi havana chavakaona kwainge kwabva nezwi rakadanidzira iri. Vachiri mukushamisika kudaro vakanzwa Nhamo adairira "chariraaaa!" "Kupikoooo?" "KuZimbabwe!" Ipapo ndipo pavakaona murume mushava achinyuka kubva musango ofamba achiuya pavaive akabereka gidi kumusana kwake. Hana dzavo dzakatanga kutinhidza vorangarira nhamo yavakaoneswa nebhunu. Murume uyu ainge asina kupfeka mbatya dzechiuto asi aive akapfeka dzeruvara rweshizha, akaona kuti majaya aive naNhamo ainge ogwagwadza nekutya ndokuseka hake otanga kutaura navo. "Makomuredhi tasanganiswa zvakareka, mandiziva here?" Hondo naTapera vakamutarira zvekutya zviye ndokudzungudza misoro yavo. "Ndini komuredhi Tongainyika." Tongai akataura achibvisa ziheti remurara raive mumusoro wake. Vakomana pavakamuziva kutya kwese kwakabva kwapera ndokukwazisana vachifara, vapedza kukwazisana Tongainyika akabva avaraira achiti, "chiendai kubottle store kwaMakova munoti tanzi utipe doro naana mukoma." Nhamo akatungamira vana Hondo ndokusara vamire. "Ko imi makamirirei?" "Mari yacho yekunotengesa doro hamuna kutipa." Kupetwa kwechitsauko 5
❤️ 🙏 6

Comments