
TIKMAN ENTERTAINMENT 💦
February 24, 2025 at 12:58 PM
makadini nehama dzese pano. Ndibatsireiwo nemurume anotuka vabereki vangu kuti havana kudzidza hanzi marombe vana vachinzwa. Nezuro mai vakauya kumba vachibva kunoona sisi vangu vanga vabatsirwa mwana saka vakauya kuzoona vazukuru. Mwana wangu ari grade3 akavaudza kuti daddy vakatuka mama kuti imi nasekuru hamuna kudzidza mese muri marombe munopona nekupemha kuvana venyu. Pandakadzoka kubva kubasa mai vakati waita wauya asi ndava kuenda ndatokuonai regai ndiende zvangu ini rombe risina kudzidza asi pano handichauyi chero zvikaita sei sara nemurume wako chero parufu rwangu musauye nenio penyu handiuye. Ndikati zvaita sei mwana wangu akati aaah ndavaudza ini gogo vangu zvinoita daddy ndakapererwa. Saka ndakazovanyengerera vakabvuma kurara. Hubby ari kunight saka azodzoka kuseni ndikamuudza bva abata mwana akamurova mai vakati ikoko kurova mwana zvakare ndiri pano ndeimwe nzira yekundidzinga. Ndikafonera sekuru vanogar mudhuze vakauya munyai akataurwa naye paphone kukanzi hubby ngaaripe. Zvino ari kuoma musoro hanzi kuti kunyepa here zvese zvaakataura ndoita sei nenyaya iyi nokuti sekuru vati vava kudzokera kumba kwavo sezvo hubby asiri kuda kuripa zvinenge zvadiwa namai. Ndavati taurai henyu zvamunoda ndiripe ini vese nasekuru vakaramba vati hubby aripe abva aenda kunorara. Ini ndatokumbira off kubasa nekuda kwenyaya iyi ndipeio mazano ndapota
😢
💔
😂
😮
🙏
☝️
👏
😇
😭
37