TEEJAY🇿🇼 OFFICIAL🇿🇼 (TINASHE MUGABE DNA 🧬🇿🇼) AND SEKURU CHIREMBA🪽 : SKINCARE REMEDIES🌿 & CONFESSIONS🤲🏽
TEEJAY🇿🇼 OFFICIAL🇿🇼 (TINASHE MUGABE DNA 🧬🇿🇼) AND SEKURU CHIREMBA🪽 : SKINCARE REMEDIES🌿 & CONFESSIONS🤲🏽
March 1, 2025 at 05:56 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19 KANA UCHIDA BOOK IRI KUBVA PA ONE PINDA MU CHANNEL..... UNOWANA CHAPTER ONE YACHO. USAJAMBWE NE BOOK IRI... ❤️‍🔥KUMBIRAI ❤️‍🔥 STORY BY LORRAINE READ AND SHARE NEW BOOK 2025 CHAPTER 2. . KUMBIRAI. Ndichisvika kumba ndakawona mhama vasati vadzoka kubva kunzungu kwavo ndofunga vaive vakuchera nedzekuyanikidza dzekuchengetera vazukuru vavo ve harare vaiwanza kuuya kuno ma holidays ega-ega. Nguva iyoyo ndakabva ndayenda kunopinda mu kitchen ndokutanga kugudubudza mapoto ndichitotarisa kuti sadza rangu ririmo here, ndokuwona ririmo ndichibva ndagara pasi nekutotanga kudya ndisina kugeza maoko ndaitonzwa mazinzara uku sadza racho ndipo paranga risina muriwo zvekuti ndakatodya mbichana rimwe racho ndichibva ndayenda kunokandira huku panze ndokuchizotanga kusuka ndichiridza foni yangu. ndaiwanzofarira kuterera music dzekare dzana dzana leonard dembo dzainyatsoita kuti ndipinde murudo ne moyo wese. ndichipedza kusuka ndakambofunga kusiya ma plate acho panze asi ndakazofunga kuti chembere iya payaidzoka kubva kumunda ichisvika ichiwona ma plate akawungana panze ndaitukwa,, ndakabva ndangosimudza dish rangu ndokuyenda naro mu kitchen mandakanotanga kupukuta ma plate aya ndichimarongedza musherefu. Ndaitofungidzira kuti baba vangu havapo, ndakatoshamisika ndichinzwa vachitaura vachitopinda muno vachibva vanditi. "Ko watodzoka Kumbirai?"ndikavati... "Eh ndadzoka kare, ndanga ndichitoti hamupo". "Ndanga ndakarara zvangu , asi zvawanga wafambira zvaita hazvo?"Vakadaro vachitogara pabhenji ndokuvati... "Ehe, asi hapana hapo zvambotaurwa zvakawanda ndangopihwa matombo andanzi ndigeze three days ndokanda kumabva zuva". "Wowona kuti watevedera zvawaudzwa". "Horyt baba,, hamusi matova nenzara ". "Ita ubike ndoda kuwana nguva yokunwa mapiritsi angu e Bp." "Regai ndingotsvaira-tsvaira ndowana kukuchidza moto ". "Horyt mangwenya." Vakadaro vachitosimuka vachibva vayenda kunogara panze ndokusara ndichitotsvaira fast, ndichiitira kubikira baba vangu nenguva ndaisada kuti vafe nenzara zvekuti time yakazouya mhama vakawana ndatopedza zvese takutodya mupunga wemasikati ndokuvapakurira rawo takatanga kudya takagara kumumvuri kwairova ka mhepo vachinditi.. "Zvanzii ku church kwawanga wayenda ?" Ndakambotanga ndadya chipunu che rice ndokuvati.... "Ndanzi ndichirarama hupenyu hunotyisa ". "Ko zvemukomana wako wataura here ?" "Eh zvanzi munhu ari boe, anotondida ne moyo wake wese "Saka pakanaka, tangomirira kuuya kwake titambire mari dzedu". "Don't worry, Lorgan achakupai mari yamuchanyatsogutsikana nayo". "Tichatogara tasukura sora riripano hazvizoite kuti vayenzi vasvike pano vachiwona pakaita pasango.". "Ndichapakura mangwana ". "Horyt". Takazopedza kudya ndichibva ndayenda kunosuka ma plate ndakapedza ndokuchizogadzika mugomo wenzungu kwakuyenda nkunogeza.Mazuva akafamba ndiriko kumusha ndichitaura na Logan zuva ra mwari rega-rega achingondivimbisa kuti achauya kuzondiroora ndakambotanga ndichamuterera ndakazopedzisira ndamuti anditumire zvake mari ndingoyenda kwaari, kana achizouya kuzondiroora tinongodzoka tese ,akamboda kuramba kunditumira mari yacho ndakamumanikidza akapedzisira anditumira mari yacho ne ecocash ndokuyenda kunoyitora kuma shops ndichiti weekend ndipo pandaibva kuno, ava ana mhama handina kumbobvira ndavaudza kuti ndirikuyenda ku harare ndaitya kurambidzwa ndaitoti ndaizovazivisa kana ndasvika.Musi uyu ndakaswera ndichibatsirana na mai vangu basa sezvo ndaiziva kuti mangwana ndirikuyenda,,ndaitowonekedzana navo kekupedzisira.ndakatokura yard, ndakawacha magumbezi avo . Ndokuchizoyenda kunogeza ndichibva ndayenda kunochera mvura yekunwa kuchibhorani,,kwaiva kudhuze zvako. Ndakatosvika kune vamwe vanhu vaitochera mvura kwakubva ndayenda kunogara pa side ndakatanga kuba-baya foni yangu ndipo pandakanzwa munhu akauya kuzogara pa side pangu ndokuwona ari Bernad achibva anditi.. "Asi mazwano hausi kugara kuno?" "Nei wadaro". "Hausi kuwoneka ndipo number dzako". "Number dzangu handidi nadzo". "Usadaro shaa, madiro andokuita Kumbirai haufane kundivharira panze". "Ndine mukomana wangu". "Mukomana wako upi iyeye ". "Anogara ku Harare ". "Amana !"saka ungatode kuyenda kunodyiwa ne vanhu ve harare, uchisiya isusu ana Benn". "Vanhu vekuno kumusha hamuna chamunombondibatsira nacho ndosaka ndirikuda kuroorwa ne munhu weku town". "Vanhu vekuma town ma vakadhakwa, kana uchida kuwana rudo danana neni." "Yuhwib!" Ndichidanana newe kuti zviita sei?" "Type yako wakafitira kunaka chaiko" "Kunaka pai manji?" "Urikuda kuti nditaure nemazita here?" "Undikwanire wazvinzwa". ",uneka softaz kandoda". "Urikuda kundirambisa ne munhu wangu here,?"" "Ngatokurambe ndiwanewo kupinda pauri". Munhu uyu akapedzisira akundibhowa . Ndakabva ndasimuka ndokuyenda kunocherera pa bucket rangu sezvo ndiri ndaitotevera.ndichitowona razara ndakayenda kunoritsiga ndichibva ndananga kumba.apa zvinhu zvese zvaiva zvakamirira kuitwa neni. Takatongoti ndichisvika kumba ndokutura mugomo wangu nekutotora poto ye sadza ndokuyiisa mvura kwakuisa pamoto.Muriwo waivapo nechekare paiva pabikwa beans masikati.hazvina kumbonditorera ma minutes akawanda pakubika.. Sadza richitoibva ndanga ndangopakura ndokudya hedu kwakuchizotanga kutandarara se mhuri. Baba ndivo vaiva pamberi kukurukura nyaya dzemuno muraini, pamwe pacho vachipinza nyaya dzezvipoko . Ndakazopedzisira ndavawoneka ndokuyenda kunorara se munhu ayiziva kuti ane rwendo mangwana. Zuva rinoteera racho ndakamuka makuseni-seni ndokungozvipukuta- pukuta nekukwesha mazino, kwakuofeka dress rangu randaiva ndakatengerwa na tete Joy raiva rakanaka richinyatsobuditsa ma hips angu.kutsoka ndakabva ndapfeka mapushi ndokukama-kama tubvudzi twangu handaida zvekurukwa ndaifarira kugara ne short hair.ndisati ndabuda ndakambotanga ndadongorera pa door ndichida kuwona kuti mhama havana kumuka here, ndakawona vasati ndichibva ndatosimudza sechewu rangu nekutobuda ndichifambisa ndakananga kwaikwirirwa mabhazi. Kwaiva kure mbichana ndakatofambisa ndichiitira kubata bhazi, zvemakombi ayifamba ma half half handaizvida. Ndichisvika pa bustop pacho, ndakabva ndanzwa mutinhimira webhazi ndikaziva kuti ndaive ndabata nguva chaidzo,richitosvika pedyo neni rakabva ramira ndokuyenda kunopinda mukati kwakuyenda kunogara ku backsit ndichibva ndatoisira Lorgan message ndichimuti ndakuuya, akandipindura nguva iyoyo achiti, okay beb kana wasvika kumbare wondiudza ndouya ndokutora,ndikamuti"ok",akanditi" l love you, ndakabva ndangonyemwerera ndega so, ndaiva ndakuda kuisa foni mu bag ndokuwona mhama vakundifonera ndakati handimbovadaire.ndakato ignore call yavo ndichiisa foni mu bag ndokutotanga ku focuser nekuwona zvaitika mubhazi maitoridzwa tv . Bhazi richiti fambei, ndakatozvitengera mabanana nema apples ndokudya mamwe ndakasiya.bhazi rakafamba takazosvika mu Harare kuma 2pm. Ndokuisira Lorgan message ndichimuti ndasvika akati akuuya kuzonditora arimo mu town .Ndaiva ndatonokerwa nekuona mudiwa wangu.ndakabva ndanotsvaga pekumira pakanaka paisa famba vanhu vakawanda ndaitya kubirwa se zvandikamboita last time pandakambouya kuno ndichiyenda kumba kwa mai Mufaro munin'ina wa mhama v ndakachema musi wacho ndabirwa 30us yandaiva ndapihwa na mhana ndichizonzi nditenge hembe ne bhutsu kuno.handina kumbomira zvenguva yakareba ndakabva ndafonerwa na Lorgan uya achindibvunza kuti uripapi?" Ndokumuudza ,achibva ati " horyt ndakuwona,,ini ndaive ndisina kumbomuwona, ndakatotanga kucheuka-cheuka ndichitsvaga kuti aripapi ndokuzonzwa munhu asvika pedyo neni nekuti .. "Beb". Nguva iyoyo ndakanzwa ka hana kangu kuroverera ndichimutarisa Lorgan ndikamuti.. "Ndanga ndichitofungidzira kuti urikuuya ne uko". "Pawangondiudza pauri, ndipo pandabva ndakuona, urisei beb wangu." Akadaro achitondinyemwerera ndikamuti.. "Ndirinani hangu miss you chete, dai pasina kuti tiri pa vanhu ndingadai ndambokupa tight hug chaiwo". "Unozondipira tasvika kumba". "Ndafara kuti ndakuwona wanga warova Lorgan ". "Now takuchigara tese, hapachina kusuwana". "Yah". "Hunza bag nditakure ." "Hokey". Ndakadaro ndichimutambidza bag racho ndokutanga kufamba tese. Kusvika patikasvika ku range rover yake ndokupinda mukati ,ndaitofungidzira kuti taiva tskuyenda kumba . Ndakatoyendeswa pane yimwe restaurant ndakanzi nditaure chikafu chandirikuda kudya , ndokuumuudza ,akanditi ndiyende kunogara pa table, ndokuita sekudaro Asi mukuwona kwandaita vanhu vakachena vanema skin anogezwa zvakaita kuti ndizvidzikisire kutozviwona se munhu akasara. Ndaiva ndakuto feeler out of place nairo zidress rangu randaiva ndakapfeka.Loragan akazouya achigara pa table pacho achibva anditarisa akati.. "I hope urikunzwa kufara kuti wauya kuno." Ndakango smiler ndakamuti.. "Ndirikunzwa kufara". "Indava kudaira uri lol lol ?" "Handisi here ndiri kukunyadzisa nezvandikapfeka". "Uchindinyadzisa nei zvangu, zvaukapfeka zvitoriboe". "Sure". "Yes beb hapana kana chinomboshoreka pauri". "Ok ". Chikafu chaiva cha ordwa chakazouya ndokutanga kudya asi ndaitonyara Lorgan, ndaitoti pakutsenga paya ndaitsenga mbichana-mbichana ndichingowona iye achimboita achinditarisa zvaita kuti ndiwedzere kunyara.takazopedza kudya tichibva tayenda kumba ayiti anogara Glen Lorne handaiziva kuti ndekupi hangu. Ndaiva ndakato chiller mumota ndichiridzirwa ma song e rudo.. Ndichitaura na Bae wangu, nyaya dzaitsva, takazosvika kumba kwaigara ndokuwona mumwe musikana aiva akamira pa gedhi akapfeka ka dress kaiyisiya nyama dzese panze... Ndikabvunza Logan kuti ndiyani akati... " Musikana wandoshanda naye kubasa , hameno kuti arikudei, rega ndinotaura naye ndirikuuya." Akabva aburuka mumota achibva ayenda kunotaura musikana wacho ndichavawona nepa windscreen. Musikana wacho ayita kunge ayipopota.akabva apihwa mari na Logan achibva ayenda achibhidhaira nema heels ,Lorgan wacho achibva adzoka mumota akasvika achinditi.. "Vanhu vekubasa kwangu vanoda kundijairira". "Hanzii ?" "Hameno zve mari zvavanga achitaura, ndazopedzisira ndamupa." "Wagona". "Tasvika paden, rega ndiridze huta gateman avhure gedhi". "Ok beb ". Akatoridza hut, gedhi richibva ravhurwa kusvika kwekupedzisira, mota ichibva yapinda mukati ikanopakwa kwaiva nedzimwe, ndokuburuka ndichitotarisa pamba paigarwa na Logan paiva pakanaka paine zimba rihombe. handifunge kuti pakadai kumusha ndaive ndichazoda kukudzokera.. Takabva tayenda mumba ndokuwona mucherungu chese, ndikanyatsoti ndakazviwanira mukomana wangu ane mari,,tisati tambogara mu dining akabva anditi handei unowona ku bedroom kwedu kwatichange tichirara tichibva tayendako ndichingoyeverwa nekuwona zvaive zvakaita mumba make.tichipinda mu bedroom macho ndakatoyenda kunogara pazimubhedha racho iye achibva auya kunogara pa side pangu achinditi.. "Beb ndo muden medu umu ". "Une imba yako yakanaka Logan." Ndakadaro ndichitotarisa mu room macho ,akati.. "Ana mom's varikuzviziva here kuti wauya kwandiri ?" "Havasi kuzviziva ndichivafonera manji manji ndivaudze". "Soon ndoyenda kunokubvisira. "Okay ". "Ndirikuda kuti undiitire mwana , Uchiri virgin here ?" Ndakatobvumira nemusoro akati.. "Pindura nemuromo ." "Ndichiri virgin Logan." "Good beb baby ,wakagona wakazvichengetedza, coz vamwe vasikana variko mazwano havachina basa nemuviri yavo". "Saka iwe Logan hausati wamborara nemusikana". "Handisati ,ndichatotanga kurara newe." "Okay ". "Toyenda kunogeza or tomboyenda kunobika". "Asi une nzara?" "Ndirikutobvunzira iwe, ini ndakaguta chikafu chatadya ku restaurant ". "Kana ini ndakaguta futi". "So handei tinogeza, timbopanana love sa vanhu vanga vane nguva vasingawonane". End of this chapter 2..
❤️ 👍 😢 😮 7

Comments