
Nhau DzeShona, Confessions & Secrets.🇿🇼
February 28, 2025 at 05:48 AM
Ndine dambudziko hombe ririkundinetsa, mukadzi haachada imba arikuda kudimbura muchato. Nyaya yacho yakamira so, ndakanga ndine musikana vandakadanana naye kune imwe town semunhu anomboenda out ne basa. Takadanana kwenguva yakareba madam vasingazive. Ndakazochinja basa zvekuti ndanga ndisisina mukana vekuenda kunomuona. Saka ndakamuti auye kuzogara ku town yataigara, nguva iyoyo lodger repamba pangu rakabva rabudawo ndikati kuna babe enda pa number yakadai ndichireva pamba pangu unotsvaga room apa ndaiziva madam vanomutora because room yakanga iri vacant.
Ndakanga ndatsanangurira babe kuti asvika ipapo hatizivane, nyangwe akawana imba yacho madam hawaifanirwa kuzive kuti tozivana. Apa ndaiitira kuti babe rigarire padhuze neni. Imba akaivana, ndichibva kubasa madam vakatondiudza kuti room yazowana munhu ini ndikangoti haaaa saka bhoo. Mangwana acho ndakasanga nebabe mutown ndokumutsvagira bed nezvimwe zvaaida ndokutonopinda muroom same day. Takagara tichiita kunge tisingazivane asi Mari yechikafu ndaimupa. Ndakamboti mirei kumupindira muroom make nekuti ndaida madam vasanyumwe. After a few months ndopandakatanga kutaimira madam vaenda kubasa ndomupindira muroom make. Takachova nguva tisina kubatwa kusvika mimba yabata, ndakamuti abvise nhumbu because aitozoita ma1 chaivo but babe rakajamuka. Rakabva raudza mukadzi vangu zvese kubvira pekutanga apa mukadzi arikujamuka. Akapunza mudziyo mumba babe rikadzingwa apa arikunditi neni ndibude muchato arikuda kudimbura. Ini mukadzi vangu ndichirikumuda. Arimo muno ende post ino achaiona. Makazens Ndokumbirawo mundibatsire kukumbira ruregerero. Babe ndakatoriramba asi nhumbu akaramba kuibvisa. Sorry hako yenyu mai Dee ndoda undiregererewo mudzimai vangu.
😂
😢
😮
💔
❤️
🙏
🚮
✖️
❌
🍑
88