PEEE   WEKWA SHUMBA ONLINE NOVEL
PEEE WEKWA SHUMBA ONLINE NOVEL
February 19, 2025 at 06:06 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VakaaVVCsU9TqVjDVJ0r *Kindly join our channel for maprevious chapters andipe vanhu book inbox data* 💞 https://chat.whatsapp.com/LrctONMT9n8Ik0oWSk5nOs *Main group ndounosvikira book kana usingade kujambwa gara wapinda* 🔥 https://chat.whatsapp.com/KA7X1HcXyyP6xtzNxKKBmn *Vese vachada kuisa macomments pindai umu titandare takawanda usasare pane vamwe kana uri chimumu gara wasara hako usapinde coz tokukanda panze* 🔥🔥🔥 *Free book* *Farisai* 💞 Book 4 Written by *Ruvarashe (meeky )* Chapter 1⃣ *Farisai* "Iwe mwana waTambudzai ukundiudza kuti uchiri wakarara izvozvi past 4 uchiri wakarara hako unoti vana vangu vanobikirwa nani inguva dzekurara here dzinodzi " "Mamukasei Tete , nhasi andisi kunzwa mushe sorry henyu ndingadai ndamuka kare ndaita basa semazuva ese " "Kurwara kurwara zvinebasarei neni izvozvo ndibudire mumba imomo tone kasika ndoda kukurova mazuvano ukurebesa muswe " " Mirai Tete ndimuke ndiite " Ndakamuka zvekuvavarira zviya ndainzwa dzungu chairo asi nekutya kurohwa ndakamanikidza kumuka nekuti ndaitya kurohwa natete vaiti kana vakurova vaisakendenga vairova chero pavada zvavo , ndiri pakati nekupfeka zvimapush zvangu ndakabva ndanzwa door ravhurwa " Andindi munhu anoita sekuti ahanzwe nanhasi uchiri muno zvako huya kuno ndoda kunyatsa kukurovera panze chaipo pari free "vakataura vachindidhonza kuenda neni panze " Tete musadaro Kani ndiri kurwara sorry kani ndokumbirao ruregerero " I said ndakutochema " Pwuregerero pwuregerero ahusati watanga ukutochema hako chisati chakumhara chitorobho uchakumbira zvakanaka ndakurova " " Ouch Tete Kani "ndakayuwira ndasaidzirwa pasi ndichisvikorovera "Bvisa hembe dzese idzo usare usina chinhu kasika " "Tete munondiuraya ndiri kurwara kutaura chokwadi ndiregerereio" ndakataura ndapfugama kukumbira ruregerero "Iwe ahunzwe kaa Horaiti Mira hako " Ndakabva ndapihwa one chiwepu pakati pemusana apa ndakasimuka faster faster kwakubvisa hembe dzese "Good rara nedumbu " Ndakabva ndarara nedumbu hangu kwakubva ndatanga kurohwa ndakatanga ndichachema kupedzisira ndakungogomera kutaura chokwadi ukaona uchiri kuchema unenge usati warohwa ndanga ndangoti rapata zvino ndichiyeredza misodzi "Nhai mom munosvika rinhi muchitambidza Farisai nhai ivava ana Trish avagone here kungoitao basa saye zvavangori mazera mamwe wani ,mwari anokutongai mom kutaura chokw...." Ahana kupedza kutaura agamwa namom vake "Iwe iwe iwe udzikame ahundiudzire zvekuita wanzwa ibva pano ndokukwatura mxm kamunhu kasingafunge " "Ndirikutokuudzai mom mwari anoona hake " " Haiwao ana Tafara moda kuzviita ana good girl tibvirei apa "said Trish Ndaivanzwa hangu ndiri zii pasi gogo vakabva vaenda havo nana Trish ndichibva ndasara ndakarara hangu pasi ndanga ndisina kana simba chandakakwanisa kuita kuchema chete Nguva nguva ndakazonzwa Farisai andimutsa " Mainini mainini mukai " " Hesi Fari watii " " Huyai kuno mupfeke hembe dzenyu mainini dakuti mubve pano ana mom vabuda vaenda kumashops nana Trish ameno zvavaenda kunotengerwa vachibva vaenda kuchikoro " " Ko iwewe ukuitei pano nguva dzechikoro " " Mainini imbosiyai zvekundibvunza zvakawanda hembe dzenyu ndarongedza simukai tone mupfeke tiende " " Okay Fari but ..." Andina kupedza kutaura andigamha " Mainini ndati ngano imbosiya muchirikuda zvejeri repano asi " Andina kudaira takabva tatotanga kufambakana nekwataienda ndaisambokuziva ndakazoona tabudikira pamwe pamba Soo ndaisambopaziva yaitova first time kupasvika Tafara akabva anotaura nemumwe mukoma ainge ari mumota Soo achibva azodzoka kwakuti " Mainini iyi ibrother yefriend yangu iyi arikuenda kuBulawayo Saka ati anonkwanisa kugara nemi kumba kwake mainini ndamuudza situation yenyu munhu boe zvake kumba kwake anogara namom vake any problem munondiudza panumber dzandanyora pachipaper chiri mubag menyu mune hembe inumber dzamom vefriend yangu " "Horyt Tafara thanks ndokuudza " "Irboe mainini regai ndimhanye kuchikoro ini " Akabva aenda mwana waatete v vangu kwakusara ndichimhoresana nemukomana uya pasina time kwakubva tatosimuka kuenda on our way to Bulawayo the guy tried to talk to me but akatozozviona kuti munhu wacho anga atori stressed zvake pamwe pacho ndaizotovhunduka misodzi yakuyerera mukomana uya aingonditarisa hake onyarara akazozvishingisa pava paya "Hey girl can you please at least tell me your name inini hangu ndonzi Praise Chifamba I am 25 years old" "Ndonzi Farisai Madiye ndine 19 years" "Okay nice name by the way musikana uya wawauya naye andiudza nyaya yako just a little bit so I decided kuti ndinogara newe but you will be more like my sister hako unenge uchingoitao one two kumba kwangu " " Maitabasa mukoma mwari vakuropafadzei henyu maitabasa nekundibvisa kumba kwatete vangu kuya " " It's fine girl, anyways tasvika hedu " " Okay bro " Ndakaburuka mumota muye kwakufamba kuenda kumba kwacho the house was big and nice ndaingoteera kumashure nebag rangu tichienda hedu Takabva tapinda mukati manga muine vamwe Mai vaivamo Soo but vairatidza kuti ndevechikuru havo ndakabva ndavamhoresa hangu and Praise did the introductions, kwakuzobva ndaratidzwa room yandaizoshandisa Ndakabva ndapinda mumba muye kwakubva ndanogeza ndichibva ndachinja hembe dzangu kwakubva ndaenda hangu kunogara kwaiva namai vaye vachibva vati "Iwe hembe yako iyo iropa here chii " "Aaaah ropa " ndakashamisika kaa andina kutomboziva kuti pandarohwa ndaita maronda ekutobuda ropa kana pandageza andina kunzwa kana pain ini "Ehe ropa iri mwanangu chii chaitika kwamabva uku are you okay " Ndakabva ndavatsanangurira zvaiva zvaitika kusvika ndizopedzesera ndava pamba pavo vakaratidza kubatikana zvavo vachibva vatonyarara but ameno nei ndakangonzwa kuti ndivaudzeo nyaya yangu ndakangofeeler comfortable soo " Saka are you okay" vakabvunza futi "Ehe I am ok mom it's just that ndiri kunzwa kutemwa nemusoro chete " "Okay let me go get something for you udye wobva wanwa mapills mwanangu " Ndakangovadaira thanks in no time vakange vaauyaa nechikafu nemapills ndakadya zvese apana chandakasiya because ndanga ndine nzara kwakubva ndanwa mapills aye musoro uye uchibva wati nyararei kusara kakungonzwa dzungu chete nemarwadzo wkurohwa aye Mazuva akafamba vanhu vepamba panaPraise vaigarika navo hao naiyeo Praise taiva takuwirirana zvisingaite Tafara ndaitaura naye zvangu achindiudza ndakasara ndichitsvagwa vanhu vakutoti maybe wakafa kare since ndainge ndarohwa ndakangomuti hoo ndaisada kutaura dzakawanda hangu because zvainge zvichiri kundirwadza zvakaitika musi wacho ........ The end 💘 *modecider kuti mukuda iri here or regrets of a second chance mondiudza kucomment group*
🙏 ❤️ 😂 😢 9

Comments