
PEEE WEKWA SHUMBA ONLINE NOVEL
February 21, 2025 at 10:03 AM
*RUMBIDZAI*🌹🌹🌹🌹
*STORY BY:::::;;;*
*TETE MASIBANDA❤️❤️❤️❤️❤️SHUMBAKADZI💞💞💞💞💞( MAI KIMBERLY)*
Followchannel for more books
https://whatsapp.com/channel/0029VaSVy4v2UPBBILNWyt3i
RUMBIDZAI.
STORY CREATED BY.
TETE MASIBANDA AKA PEE WEKWASHUMBA. MAMA KIM.
CHAPTER 22
RUMBIE
Upenyu hwangu hwaitorwadza sechironda chemumhino chokwadi , handina kumbofungira kuti ndichazorarama upenyu hwakadaro hongu kumusha kwambuya vangu kwaitamburwa but nhamo yandainge ndakuoneswa newangu wandaiti murume yainge yanyanya
Ndakapepuka ndiri muneimwe room yainge yakanaka ichitova ne everything ndakamhanyisa mhanyisa maziso angu ndikatadza kuziva kuti iroom ipi cz since ndigare na Crag ndaiñge ndisina kumbopinda room yakadaro zvangu : Ndakamuka ndokugara pabed ndakanyatso kunzwa marwadzo muviri wangu wainge wakaita kuchekwa chekwa chaiko ndakatarisa vanga raive paside pesikarudzi yangu kwakunzwa misodxi yangu ichivavira handina kumboziva kuti murume wangu yainge iri mhondi yakadaro ini rudo rwangu rwakatanga kupera zvishoma nezvishoma dai ndaiñge ndakahura better zvino mukomana wacho ndaisatomuziva chero nechiso chake ndakabata pachifuva pangu ndakangokwanisa kubudisa mashoko ekuti Mwari hamunà nhorowondo yekukundikana ,ndaishaiwa chero manzwi ekumunamata Mwari wacho kuti ndoti çhiii
Unosvika pakupererwa nemashoko marwadzo acho ainge azonyanya Zvisinei ndakavavarira kumuka hangu ndichibva ndazendamira kumadziro ipapo door rakabva ravhurwa ndokuona ari Crag paakandiona ndamuka akabva aratidza kutsamwa mwana wevanhu
" Uchademba kuti dai usina kumuka zvako ,he said akaita kusunga chiso
" Kutaura chokwadi Crag hañdina kumbohura ini, ndakadaro misodxi yakuyerera chaiko handina kuziva kuti ñdainge ndatodenha mango ndakaregedzerwa mbama neweti ichiyerera nemakumbo angu akabva atora banga ndokunyika kumagadxiko kwangu ndakanzwa kurwadziwa Veduwe
" Unoti handina kuhura ini ndakakuba right handed , unoziva ndakudai sei? Iwe wakutamba nemoyo wangu
Ndakabva ndabatiwa zveutsinye chaiko ndokuitwa rough sex apedza ndipo pandakatanga kurwadziwa pasi peguvhu ndakazoona kuti ñdainge ndabva nhumbu eish ndakarwadziwa chàiko
" Better yabva pamwe anga asiri mwana wangu who knows "
Handina kukwanisa chero kupindura ndaitoona kuti Crag achinja apa ndaizama kuda kumuudza chokwadi asi munhu wacho aisandipa mukana wekutaura ndakasiya ndavharirwa muroom imomo ndakambochema chaiko apa ñdainge ndisina chero fon yekuti nditsvakewo help zvàngu kunze kwakasvika pakuvira Crag akazodzoka late akabata plate yainge ine sadza
" Idya chero uri hure handikunyimi chikafu ,he said nenzara handina kuda kuramba ndakangoritambira kwakuridya rese sadza racho
" I know Crag hañdina chandichataura ukabvuma asi nditenderewo ndibve pano ", ndakadaro misodxi yeshungu ichibva yati mokoto nematama angu ndainzwa kurwadziwa chaiko Crag ndiye ainge ari first lover yangu but ainge atsemura moyo wangu in to million peace
" Usambofa warota kuti pano uchabva ucharipira matadzo ako ,unoda kubuda woenda kuchikomba chako wondohura hantie manje let me tell you iwe nemhuri yako mese ndogona kungonyangarisai ,he said achibva aburitsa pfuti
" Mbuya vako ndoswera ndavanyika nyere mudehenya ini ,unofunga kuti ungandihurira ndobva ndatokuregedza easily kwete
Ndakarohwa nehana Crag aitova mhondi chaiko akabva atobuda ndakasara ndakuita kugwenda chaiko ndakasimuka pabed pandainge ndakagara hangu ndokutanga kuvhura ma drower aivemo imi wee ndakarohwa nehana ndichiona mune type ne type dzepfuti koti mapanga aiwa handichataure zvangu ,ndakaita kupererwa chaiko ini wy lord kundirega ndichipinda mukati mebere rakadai ndakabva ndavhara ma drower aya ndokudzokera pabed pfungwa dzakatanga kuita baramhanya munerangu nehanya umu ndakazviudza kuti ndofanirwa kutobuda apa chete
Ndakagara muroom iyi 3 weeks rimwe zuva Crag akangobuda achimhanya zvekuti akasiya asina ku locker door hameno kuti aimhanyirei ndakatarisa kumadziro ku watch yaiveko ndokuona kuti dzainge dzatova 9:00 pm ndakapererwa chaiko asi ndakazvipa chivindi kusiri kufa ndekupi nhai Veduwe
Ndakavhura door zvishoma nezvishoma kwakutanga kuteverera passage seprise ndakabva ndanosvika ku mainn door rainge rakovharwa zvaro but key dziripo ndakabva ndavhura ndokubuda kugate ndakatoita zveku jamber jirahal ndakatura befu chàiko handina kuda kutambisa nguva ndakabva ndati chitsoka ndibereke ndaita kunzunzutira zvekuti ndakanangepi handina kumboita basa nazvo ndakazorora ndave kure chaiko !
Ndakambomira ndichifunga kuti ndoenda kupi zvàngu kwa mama Mai Shumba kwaisave nevanhu munhu aita zvekuparinda aisagarapo aingouya apo ne apo ini ñdainge ndisina chero fon ñdainge ndatopererwa chaiko ,ndakàtanga kutevedza road ndaisatoziva kuti ndodii asi ! Mukufamba kudaro ndakazongonzwa ndabatiwa kwakutanga kudhonzewa pandakada kuridza mhere ndakaregedzerwa mbama zvekuti ndakatomboona rima chaiko Murume uya akabva andikwevera paseri pegwenzi ndokutànga kudambura hembe dzangu ndakada kutaura akabva andindonyera hembe yañgu mumuromo zvekutii ndainge mdisichakwanise kutaura
Misodzi yañgu ndiyo yainge yakungoyerera chete ipapo akabva abvisa pant rangu achiita zvekubvarura chaiko kutaura chokwadiii ndakàrwadziwa handide kunyepa ndakademba rufu chairwo ndakademba kuti dai ndisina kutiza kumba kwa Crag hangu murume uyá akabva apinda mandiri he enjoyed him self apedza akabva amuka ndokupfeka trouse rake kwakutiza ndakasara ndakuhwihwidza chaiko hapana chinhu chinorwadza sekubatiwa chibharo nemunhu wausingazive and aitoratidza kuti anga akadhakwa zvake ! Ndakasara ndakuvavarira kumuka ndokupfeka hembe dzangu apa kunze kwainge kwakutonhora zvako ndainge ndisina chero jacket zvaro mdakavavarira kusimuka ndokuenda ku main road ndokufamba ndakananga Kwa Shumba ndatosvika kwakati ziii ndazongoona kuti hapana yekutamba ndokutsvaka pekurara muheji imomo ndainge ndakutotya nyoka uye kubatiwa chibharo aigan ndakazvipfekera mu heji ndokurara chando chakandiita party veduwe uku ndainge ndisati ndanyatso kupora maronda àngu
" i am going to revenge Crag",ndakamataura mashoko aya neshungu chaiko ,usiku hwese Handina kurara kunze kwazochena zvako pàndakaisa ruoko rwangu muhomwe ye trouse randaive ndakapfeka ndakafara kuona card rangu rekubank ndoshaiwa kuti rainge razopindamo sei ndakafara cz ndaizowana kurarama but first ndaifanirwa kuenda ku Phamrcy ndonotenga Prep kudzivirira chirwere sezvo muñhu akandibata chibharo ndaisaziva kuti akamira sei
Ndakaenda ku Phamrcy ndokunopiwa mushonga ndapedza ndokutenga morning after rangu ne pep ndokunwa ndaisadà kuita nhumbu yekubatiwa chibhàro mwàna wangu ndaizomuudza kuti çhiii nhai ndiçhipedza ndakabva ndambotsvaka chekudya hàngu sezvo ndaitova nenzara yangu uye ndaitotya kufamba nekuti chandaiziva ndechekuti Crag arikutonditsvaka end kundibata rwaive rufu rwangu chete! Ndakatenga chikafu chàngu ndokudya ndabva ndambonogara pasi peumwe muti ndakuchitanga kufunga ndaiti ndikafunga kuti ñdakabatiwa chibhàro ndainzwa kurwadziwa chaiko ndakazongosvika pakubiwa nehope ndiripo pasi pemuti ipapo hàngu ndakazoita kumuka ndichiita zvekuvhunduka ndokuona ari umwe musikana ainge achindirova rova
" Wy kurara munzira nhai sisi muno mu Harare munonyatso kumuziva zvakanaka here? Ndakashaiwa kuti ndotii ndakatura mafemo ndakangonzwa kuda kumuudza life yañgu ndakamutsanangurira zvose achibva ati
" Shem sorry my sister but since mati hamuna kwekuenda ndomboenda nemi kumba kwangu Kana muchida ,she said hàndina kuramba cz ndaitotya kubatiwa na Crag zvañgu
" I am Chiwoniso and you
" Rumbidzai ,ndakadaro ndichitogara pa couch raivemo mumba macho
" Nice to meet my sister ini ndakakura ndichichengetwa na Tete vangu hanzvanzi ya daddy vandishungurudza kusvika ndazongotiza murume wavo andiita mukadzi nguva dzaanzwa kuda zvake ainge ari rough achitova ne Mission yake yaibata vañhu achiita vakadzi kusvika ndazongotiza zvañgu zita rake ainzi Mukudzei but ndichada revenge zvañgu ini vabereki vangu vakangowanikwa vakafa", she said
" Vabereki vako vakaurawa nani ? Ndakabvunza ndakutonzwa tsitsi zvañgu
" I don't know but ndri kutongofungira bamukuru vangu he is very dangerous ivavo but handizorori ndisina kuvanhonhedza chete vanhu vanodzikisira vanhukadzi manje ndoda kuvataridza munhukadzi munhuwo", she said zvehasha
3 MONTHS LATER.
Sezvo mu card rangu mainge mune 1k cz kubva pakushanda kwangu kwa Shumba hàndina chandaishandisa chàngu kwaingova kuisa mu bank chete ndakano withdrowar mari yañgu ñdaisada kuonekwa na Crag mazuva akafamba ndichigara na Chiwoniso zvakanaka hangu marii yañgu ndiyo yataidya since ndaisaenda kubasa ndakazofunga kuita zvekubatisawo Oder yehembe pane vamwe Mai vaienda Messiah ndaingotengesera pamba end vanhu vainge vakutondiziva ndakazenge ndatengawo Fon yangu !
Days passed upenyu huchitofamba chaiko hembe dzangu dzaitengwa shem
Rimwe zuvà ndakamuka ndichingonzwa kuneta neta kutadza kuziva kuti çhii? Ndakazoti ndakubika sadza ne beef kungonzwa mweya wacho ndakabva ndatomhanya kundorutsa zvekutii mbabvu dzangu dzakasara dzava kurwadza chaiko
" Are you ok sisi", akadaro Chiwoniso"
" Yes I am Ok but handizive kuti çhii ndafema mweye we beef ndikatonzwa kuda kurutsa zvañgu i think i fever
" Makambosangana nemurume here", she asked mubvunzo uyu wakandirovesa nehana cz Chiwoniso ndaiñge ndisina kumuudza zvekubatiwa chibharo kwangu
" Yaaa but its rape"
" Meaning kuti inhumbu".
" No,no ndakanwa morning after ne prep ini ,hana zvaakataura Chiwoniso kunze kwekungobuda akazodzoka akabata pregnant test ndokuita test yacho
*Ma results enyu aya",Hana yangu yakaita kurova nezvandainge ndakatarisa pamberi pangu wy me Lord chandaiziva ndechekuti mwàna wàngu ainge asiri wa Crag nekuti pandakaita miscarriage hana kumbosangana neni pa 3 weeks idzodzo kusvika ndatiza ,misodzi ndiyo yainge yakungobuda! Mwàna wacho ndaizomuti chii Veduwe shungu dzakandikurira zvekuti ndakakuruka ndakuhwihwidza chaiko zvaizoda kudii chaiko mwana ndaimuda asi kwete nenzira iyi.
SHANTEL
Ndaifunga kuti kurambanisa Crag naRumbie zvichaita kuti ndidiwe zveee handina kuziva kuti kwaitova kuzvinyepera vehama weee Crag aitova muzukru wasatan chaiye ndaiñge ndakuitwa rough sex neku sim 2 zvinorwadza ndaisiwa ndapera basa chaiko hapana chinhu chinorwadza sekuti unoda munhu asingakude ndizvo zvandainge ndakuita asi ndaisaita give up zvàngu ndewangu Crag not umwe munhu ndoshaiwa wy aisazviona kuti ndomuda
Mazuva hamiri kufamba Crag ainge atova mhondi chaiyo sezuva iri ndàinge ndakatogara zvàngu ndichiona TV achitova masikati akabva àpinda neumwe musikana ndakaramba ndakamutarisa musikana wacho ainge akanaka kwete zvekunyepa ndakaramba Ndakatarisa Crag uyo vakasvika ndokugara pasofa havo pakamboita a moment of silent Crag ndiye akazoti
" Iwe haugoni kumhoresa vanhu", he said akaita kuvhura meso handina kupindura zvangu ndakangomhoresa musikana uyá
"Ok Shante meet my future wife Ayanda and you Ayanda ava ndi aunt vanoita basa Pano", he said zvisitomborina hanya after kundishandisa kwese akunditi ndiri maid wake ,
apakadaro akaita kundivhurira ziso zvekuti ndakatya kutaura ndakanzwa moyo wangu uchiita kuti tsemu Veduwe ndaifunga kuti ndagona kurambanisa vaviri ava but eish ndainge ndazvipinza pakaoma hapana chinhu chinorwadza sekuitwa maid nemunhu waunoda Veduwe ndakarwadziwa handide kunyepa eish zvakandidzimba moyo wangu Crag ndaimuda chaizvo anywhere ndainge musikana wàcho akabva asekerera ndokuti
" Nice to meet you".
" Thanks ,ndozvega zvandakakwanisa kupindura ipapo
" Ungachiendawo ku kitchen unobika here"? ,akadaro mwana wa mai Crag .
Ndakasimuka ndokuenda kunobika shungu dzainge dzaita kudunduvira chàiko how come Crag kundiita maid wake apa ndipo pandakaona kuti rudo harumanikidzwe zvamuchose zvisinei days passed ndakabvq ndaona kuti ndainge ndava nenhumbu ndokuidza Crag
" Crag ndave nenhumbu, ipapo ndakaona chiso chake chichishanduka zvekuti ndakazongo karuka ndava muvhu
" Handina kukuudza kuti umwe ma morning after here"?, he asked zve hasha munoziva ndakapererwa kushaiwa chero remuromo chàiko ndakabvq ndaregedzerwa mbama zvakere
" Nxaaaaa hure remunhu waifunga kuti ndichakuroora mangwana kunoedza ndoda kuonà usipo Pano", he said achibva andikandira $10 pama kumbo
" Crag".
" Shut up ukada kuramba uchitaura nemha unopabuda usiku huno", akadaro ndokufamba achienda.
STAY TUNED
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
79