
PEEE WEKWA SHUMBA ONLINE NOVEL
February 21, 2025 at 06:02 PM
Follow the LOE LOAH NOVELS channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VajO5n15PO0wigbUuh19
PINDA MUGROUP RAUNODA APA
Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/CUFZOgO2pYuFRJcJKZ32RC
Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/KKaWPbgFvCQEIHbgnU100F
PINDA MUCHANNEL MUNEVAMWE MUNOSVIKIRA BOOK
🧚🏻♂️🧚🏻♂️🧚🏻♂️🧛🏼♀️🧛🏼♀️🧛🏼♀️
_MACHEMBERE_ _WHY_
*FREE* *BOOK*
STORY WRITTEN BY LORRAINE LOE [AKA mama Kay]
Aaapp or call 0718446199
Aapp:0718446213
.....CHAPTER 1..
SANDI
Wuuuuuuuuuuu wuuuu wuuu ,,shiiiiiiiiii
Ichi chaiva chamupupuri chaiva changoitika panzvimbo yandaiva ndakamira ,,ndakatadza kana kufamba kana kuita anything ,,ndakatya kufamba kana kuita any movement ndaitya kuenda nemhepo iyi ,,zvakaita nguva yakareba kwazvo zvichiitika panzvimbo iyi ,ndaiva ndakavhara maziso ASI panguva iyoyo ndakatanga kunzwa dzungu chairo ndichibva ndadonha pasi ,,ndakatora nguva yakareba kwazvo ndakarara pasi ,,chamupupuri chiya chakaita sechono Pera ,ndakavhura 1 ziso ndikaona chinhu chakangoita sechati mveee kumberi kwangu ,,ndakawedzera kuvhura meso asi handina chandakaona ,,chamupupuri chiya chakasvika pakupera ndichibva ndanyatsovhura meso ,,ndakasimuka pandaiva ndakagara ndikanzwa moyo wangu uchinditi famba udzokere kumashure,, ndakatanga kutedza kanzira kaivemo musango iri kusvika ndasvika paive ne dziva rakakura kwazvoo ,,iri dziva ndairiziva ASI ndaisawanzo svikapo ,,ndaingorinzwa nembiri yekutorwa kwevanhu nenjuzu ipapo ASI hameno kuti zvivindi zvandaiva ndapindwa nazvo kusvika ndiende apa ndakazvishaiwa kuti zvaiva zvabva nepi ,,
Ndakaramba ndakatarisa mvura yepadziva apa yaive yakaita blue chaiyo ichiita seinofashaira ,,ndakagara pasi ndikaramba ndakatarisa mumvura umu ,,ndakaita chinguva ndakangotarisa,,pakangoitika zvinhu zviri funny zvandisina kunzwisisa ,,ndakaona mvura ichiita kusimuka ndokudzokera ichiita kamwe kahuslow Soo ichinorovera ,,yakasvika ichinonditi mwaa muviri wese uyu ,,ndakapukuta kumeso ndichibva ndaramba ndakangotarisa paya ASI hapana chandakazoona futi ,,
Ndakakwenya kwenya maziso ndichiti zvimwe ndatadza kuona ,,ndakapedza ndichibva ndatarisa zveee mumvura umu asi hapana kana chandakaona ,,ndakanetseka zve ndikazvibvunza if I was dreaming or not ,,ndakasimuka paye ndichibva ndatanga kufamba ndodzokera kwandaiva ndabva,,ndakafamba road yese ndichingonetseka ,,ndakawedzera speed sezvo kwaive kwasviba ,ndakasvika kumba zuva ratorereka ,ndichingoti svikei mhamha vakabva vabuda muimba yavo yokubikira zvikanzi "hezvooo ,nhayiwee inguvaiko dzauri kudzoka pamba idzi ?
"Handina time ini handisi kutozivawo ,maswera sei ? Ndakadaro ndichitopinda mukitchen Ivo vaive vakamira padoor ,,vakandingofora zvikanzi ,,
"Ukwane "
Ndakabata pandaive ndangoforwa paye pairwadza zvekuti ,,ndakapinda mukitchen muya ndichibva ndatanga kuvhura vhura mapoto ndichitsvaga chikafu asi paive pasina ,,ndakabhoikana zvekuti ,ndakabuda mukitchen muya ndichibva ndaenda kuimba yangu yokurarira ,ndakasviko zvikandira pamubhedha wangu wandaive ndichangobva kutengerwa waitepfenyeka tepfenyeka zvekuti ,,pasina nguva ndakanzwa mama vodana ,,
"Sandi,Sandi iwee ,Sandra hezvo mwana uyu achandiuraya ndirimupenyu Chete "
Zita rangu ndoitwa Sandra nyevedzanai ,,,ndakabarwa mugore Ra 1992 ,6 march ,ndine brother yangu mukuru anoitwa Jason ndewa 1989 then anonditevera musikana anonzi pamela ndewa 1996 tese taiva takapedza zvikoro asi hapana kana umwe zvake ayiva apinda muwanano ,taingodzungaira tiripo pamba pevabereki ,,
Vabereki vedu vaive neimba kuglenview 2 yaiva yakanaka kwazvo ,then kumusha vaivewo vakavaka zvakanakisa zvekuti ,,taigara zvedu muharare asi taipota tichimboenda kumusha sezvo vabereki vangu vaisada kuti pamusha pave dongo ,senguva iyi taiva tirikumusha asi pamela najason vaive vasara kuharare sezvo vaienda kumabasa ,,
Baba vangu vaishanda mubank ASI vaiti nguva yavanopota vachipihwa ma leave or maoff ndipo pataipota tichienda kumusha kwedu kwamurehwa ,ini ndini ndaigara ndichifamba navo sezvo ndaisaenda kubasa ndaivewo ndakatodzidza chaizvo zvekutosvika kuuniversity ASI basa ndairishaiwa ,chero rekutengesa zvaro mushop ndaishaiwa ,ndakanga ndangova munhu wepamba hope chaiyo ndaive ndisisina ..
Taive tabva kuharare tichiti tirikungonoita 1 week tiripamusha ,ASI dad vakanga vazowedzerwa mazuva eleave ,ndakabhoikana zvisingaite ndakatozviziva kuti tichachona Chete tirikumusha kuno ,,zvisinei mhamha vakandishedza ndikaramba ndiri zii ndaive ndavatsamwira zvokuti sure kurega kundisira chekudya apa ini ndaiva ndabuda mumba kare chaiko , vakasviko vhura door rangu vachibva vandiona ndakarara zvikanzi ,,,
"Hezvo hezvo ,Aya ndomashura chaiwo nhayiwe Sandi ,ndikukudana woramba uri zii zvako munomu ,chawakararira chii ?? Hatidyi here nhasi ,hapabikwe here pano ?? Sure ungati wabuda kare pano pamba wodzoka nguva dzino wosviko rara ??
"Mhamha maregererei kundisira chikafu ??
"Aaa ndingakusire chikafu iwe wangobuda pamba ,,wangawaendepi ,wadi kudya kwawanga waenda ikoko ??
Nguva iyi handina kupindura ,mhamha vaigoti wadi kudya kwawanga waenda Seiko sekunge ndaive ndaenda kumba kwemunhu ini ndanga ndabuda pamba ndichinotsvaga kwekushandirwa ,,ndakaramba ndakarara zvikanzi ,,
"Iwe muka ipapo iwe ,muka ipapo urikuda kuti tidye nguvai ??
"Mhamha ndinenzara handiikwanise kubika,itongobikai ndiwanewo simba "
"Heeedeee mashura chaiwo ,Aya ndoanonzi mashura Aya ,,sure sure ndikubikire wakavata zvako ipapo ini ,,Sandi wakutoda kunditonga pamba pangu iwe ,wakuda kutondiita sechanana pano ini ,,sure 33 years uchiri kuitei ,urikudii kunoroorwa uko uyitewo vana vako ,wulululu ,wulululu machembera amai bhoi chibvai pano ,vezera renyu vatova nevana 4 4 ,,chienda undisiye nditonge imba yangu ndega ,enda unotonga Yako uko ,, wulululu "
Ndakasimuka pandaiva ndakarara ndichida zvangu kubuda ,noise yacho ndaisaigona,mhamha vakabva vandivharira pamusiwo ,zvikanzi ,,
"Urikuda kuenda kupi ,ukuda kuendepi iwee ndati chiendai munororwa machembera amai bhoi " vakadaro vachirova rova maoko ,,ndakaramba ndakavatarisa vachingo paumba ,nguva idzodzo dad vakabva vasvika ,,,
"Heeey heey Mai j ,ko noise ndeyeiko heee ukuita kupopota zvinosvika kuroad uko ??
"Udza mwana wako uyu ,muudze mwana wako uyu baba Jason mutsiure hunhu hwake handiude "
"Adii futi this time?
"Abuda karesa pamba ,ipapa achangopinda mumba ongosvika achirara arikuda kubikirwa naniko ?
"Mai Jason ,iwe unongotanga nekupopota wambomubvunzawo here kuti angaaendepi uye afamba sei ?
"Imi baba imi kaaa imikaaa handizvide izvozvo munogara muchisupporta vana kana ndichivatsiura" vakabva vabuda mhamha vachiita kubhidhaira vachienda kukitchen dad vakavaterawo ndikasara ndirindega ,,ndakadzokera mukurara I was sooo bored ,mhamha vaigara vachitaura mashoko ekungondibhowa ,hee wakurisa chienda unororwa ,ko ndaigozviroora here handi mukomana ndiye ayitouya kumba kwedu obvisa ASI Mai vangu vaitoita sekuti ndini ndinofana kuzviita ,,
Kukura ndaive ndakura yess ,,ndaitozamawo mufunge kuenda kumaporofita ndichizvifambira ASI hapana kana chaimbochinja ,, ndaitodawo kuroorwa ndovawo nemhuri yangu asi zvaive zvakatondiomera chaiko ,, unosvika pakulooser hope netariro ,wongoti aah hameno ,,
Nguva dzakafamba ndingorimo muspair ndakagaramo ,mudumbu mainge makurira nenzara ,,ndaizeza kuenda kunodya sezvo mama vanga varibika sadza racho vakatsamwa ,,ndakagaramo muspair ndikagara zvekugara zviya ndakazonzwa nock padoor ndikaziva kuti ndidad Chete ava ,,ndikati "pindai"
Vakapinda vakabata ndiro inesadza zvikanzi "oo sadza rako iri"
Ndakamuka fast ndichibva ndaritambira ndikati "maita basa dad "
"It's ok ,,usazvipe stress stereki Mai vako unofana kutongovajaira ,usambovatsamwire ucharoorwa kana nguva yakwana ,uye kana mwari ada don't worry "
Ndakagutsurira musoro ndikati "it's ok dad " vakabva vabuda vodzokera kwaive namama ndakasara ndikatimba sadza sesadza ndaive nenzara chaiyo ,,ndakapedza ndikaendesa maplates kukitchen ,,mama vakanditarisa kwakundipima ndikasiyanana nazvo zvangu ,,dzimwe nguva zvinhu zvinoitwa nevabereki vedu sooo kungoti ndimai ,hauna zvaungavaite ini Mai vangu vaitaura zvavanoda ,ndaitsvinyirwa zvekutsvinyirwa zviye ,ndaiudzwa tumashoko twese zvekuti pamwe pacho ndainzwa hasha dzekuda kumbovarova chaiko ASI ndaidzoka ndozvidzora ndoti ndivo amai vangu.
Ndakadzokera kuroom kwangu ndichibva ndambopinda online ,,I was expecting to see message ya tonde but ayiva asina kana kumbonditsvaga ,,ndakabva ndamutanga ini ndikati ,,,
"Zvichiri zverudo here izvi ??
Haana kutora time akabva atopindura ipapo ipapo zvikanzi ,,
"Hindava ??
"Tonde kubva makuseni ,no hie ,no call ,no anything tonde why ??
"Sandi ndinenge ndiribusy , besides iwe urikundipa pressure yekuti ndichikuroora but handioni zvichibuda that's why ndisisachakufonere nekuti pese pandinofona ndonyaya inenge ingori pamuromo "
"Tonde it's now 1 year uchingonditi ndirikugadzirisa I'm not getting any younger ,ndirikutoenda mberi ,I need kids "
"Hummm "
"Hummm chii tonde ,zvirikurema here kungondbvisira ??
"Sandi problem ndeyekuti wakura Sandi ,,imagine you are 33 I'm 32 ,you are 1 year older than me ,,patinoita vana 3 chaivo unenge wakutooneka kuti wakura I'm confused Sandi "
Tonde mashoko ake akandibata zvisingaite ,,ndakaramba ndakanyarara ndichishaiwa kana chekupindura ,,ndakabata Hana yangu ndikasvina misodzi iye ayiva ongoti ,,,
"Hello ,hello ,Sandi are you there ???
Ndakabvisa fon panzeve ndichibva ndaikandira pasi ,akaramba ongoti hello kusvika akata ega.
Ndakanzwa misodzi yoyerera yoga pamatama apa ,ndainzwa kubaiwa baiwa pamoyo apa ,chero kusimuka ndakatadza ,chokwadi yaiva mhosva here kukura ,ndaifana kuita Seiko Ini ,ndakachema zvekuchema zviye kusvikira ndabgobatwa nehope...
Kana urikuda kupinda mucoment group huya pa 0718446199 woti comment
End of chapter 1
@loeloah novels🌹
❤️
🙏
👍
😢
6