
PEEE WEKWA SHUMBA ONLINE NOVEL
February 26, 2025 at 12:05 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Vb6b4X60gcfJfe3wWg0c
TANGLED LIVES .
SHORT STORY CREATED BY.
TETE MASIBANDA AKA PEE WEKWASHUMBA. MAMA KIM.
CHAPTER 1
VIOLA.
" Sisi Vee mandidaidza here"? akabvunza Shalom asi ndakatadza chero kudaira nekuda kwemarwadzo andainzwa ndakaita zvekukotama ndakabata dumbu rangu.
" Sisi Vee chii", she said achibva andibata pfudze rangu asi ungati marwadzo akawedzerwa ndakabva ndaridza mhere chaiyo ndokuchiita zvekupfugama apa rumwe ruoko rwakabata musana rumwe rwakabata pazasi peguvhu ndichikwiza kwiza.
" Jesus sisi muriku bleeder imi yasvika here nhumbu"? She asked asi handina kukwanisa kudaira nekuti ndainzwa ndine marwadzo chaiwo akangosimuka ndokubata ruoko rwangu ndokuenda kumota achibva adzoka ndokutora bag rehembe dzemwana apa ropa racho rakabva raita seravhurirwa .
" Ndofa Shalom", ndakadaro ne voice raive pasi pasi.
" Hamufe sisi", she said achimutsa mota ndokubva taenda Lowveld Private hospital tichisvika pachipatara .
" Ndirikunzwa kuda kugomera Slalom".
" Eish be strong sisi", akadaro achimisa mota achibva adzika achimhanya ava kudaidzira ndakabva ndavhura makumbo angu ndainzwa kuda kugomera ndakabva ndapush ndakanzwa kuti zasi kwangu kwainge kwabuda chinhu.
" Yowe", akadaro doctor akabva amhanya paive nekamwana ndokuputira ndakabva ndaiswa pabed ndokusundiwa kupindwa neni mukatii.
" Doctor mwana wangu arisei"? ndakadaro akabva adzungudza musoro wake ipapo hana yangu yakarova zvakasimba.
" Don't tell hasi mupenyu". Ndakadaro maziso angu ava kutovavira misodzi akabva atura mafemo ndokutii.
" I am sorry Mrs Nyamaropa manonoka kuuya mwana afira mudumbu uyu", he said ndakabva ndamuka ndokugara pabed .
" No not again mupenyu chete 7 months dzinorarama", ndakadaro ndakufunga kuti murume wangu ndaizomuti chii chaizvo yainge yatova nhumbu ye 3 dzichingobva dzava pa 7 months apa dzimwe 2 vaive vakomana vose .
" Sorry Mrs Nyamaropa manonoka", he said ndakatanga kuchema zveshungu chaiko ndainzwa shungu doctor akapedzisira andibaya injection ndokurara ndakazomuka later Shalom ainge adzoka kumuona kwandakaita misodzi yakabva yayerera nematama akabva abata ruoko rwangu ndokutii.
" Chiregai kuchema sisi zvatoitika", she said.
" Unoona sekuti zviri nyore Shalo imba yangu yoparara unoti Sean acharamba akamira neni here vana vake vachingofa"? Ndakadaro misodzi nemadzihwa zvava kuyerera akabva atura mafemo ndokutii.
" Kana achikudai achamira nemi sekuvimbisana kwamakaita pamuchato kuti ndichamira newe munhamo nemufara", she said aisazvinzwisisa hake akabva awedzera ndikutii.
" Ndataura namama na dadie vati varikuuya ivo bamukuru vanodzoka rini?.
" Nhasi manheru", ndakadaro murume wangu ainge akaenda SA nenhau yebasa rake chokwadii odzoka kubasa achiwana nhumbu yabva zvakare aizama kundinyaradza hake Shalo asi zvaisatambirika vabereki vangu vakazopinda kungoona mama vangu ndakabva ndatanga kuchema zveshungu chaiko vakabva vandimbundikira".
" Shalo chimbobuda", she said Shalom akabva abuda ndokusara ini naivo na dadie .
" Mama ndodiiko munoto Sean acharamba achimirira ini here"? Ndakadaro misodzi ndokuyerera vakabva vatii.
" Zviripachena kuti Sean ndiye ane dambudziko rekufa kwevana dai usina kumbozvara mwana akararama zvaive nani", she said dadie ndokubva vatii.
" Pamwe zviri kungoda kuti chokwadii chibude pachena chete"., He said ndakavatarisa neziso risingaite vaona zvavaitaura zvichiita here chokwadii chaitaurika ndakamira pai .
" Stop dadie kusataura chokwadi ndiko kunoita kuti vana vangu vafe here"? Munoti chotaurika chokwadii izvezvi kungomuka ndava kuti Shalom mwana wangu imba yangu inoparara dadie", ndakadaro misodzi nemadzihwa zvava kuyerera Shalom aive mwana wangu wandakazvara ndine 15 years ndakaita zvekumitiswa baba vangu vakabva vasungisa mumhu akandimitisa chandakangoita kuzvara mwana handina kuyamwisa akabva atanga kupiwa formula ini ndokudzokera kuchikoro mama vangu ndivo vainge vava kurera Shalom akangokura achiziva kuti ndiri sisi vake kwete zvekuti ndiri mai vake iniwo pandakadanana na Sean handina kumbobvira ndataura chokwadii mama vangu vakandiendesa kuneimwe mbuya ndokupiwa mushonga wekudzora zasi kwangu kuite semhandara chero hazvo ndisina kuzobuda ropa asi ndaive tight ndakangonyepa kuti ndaitamba bhora .
" Nemiwo dadie munoona zvichiita here"? Vakadaro mama dadie ndokubva vatii.
" Kwanga kuchingova kutaura chete".
" Haiwa dai akauraya mwana ndipo pataiti pamwe zvingadaro kwete mupenyu uyu zviripachena ndezva kwa Sean", vakadaro dadie ndokutii.
" Ok ", vakadaro ndokutonyarara zvawo mama ndivo vakazotii .
"Usazvinetsa anokuda Sean hamboite izvozvo", she said vachisimbisa havo asi neni zvainge zvava kutondirwadza zvekuramba ndava kungofirwa nevana vangu 7 months anenge atova munhu zvee vana mama vakadzokera kumba Shalom anenge aingea atodzokera kudhara nekuti handina kuzomuona ndakasara ndava kufunga zvakawanda" Kuti dadie vanga vachirevesa here kuti panwe zvoda nditaure chokwadi"? Asi zvokwana papi nekuti mwana wangu mupenyu asi dai ndakauraya pamwe zvaidaro uye pamwe ndaigona kutozviputsira imba yangu nekutaura zvisina basa Shalom aisafanirwa kuziva kuti ndiri mai vake chandaidira Sean aisamboita zvekutamba chiramu na Shalom ndizvo zvaigona kutondirwadza kuona mwana wangu achitamba chiramu nemurume wangu zvino aisambozviita izvozvo saka zvaive right ndakafunga zvakawanda ndokupedzisira ndabatirwa nehope hangu ndakazomuka ndichiita zvekurohwa rohwa.
" Viola muka kutorara hope zvako", ndakamuka ndichiita zvekuvhunduka ndokuona ari Sean maziso ainge akaita kusvuka semunhu adya gavaka chaiko.
" Bae", ndakadaro akabva aridza tsamwa ndokutii.
" Saka ndozvarira pasi sebura here Viola vana vangu varingofa chii chirikumboita pauri? Heee tell me handina kukuroora zvakakufadza here ndiudze ingawani handina chikwereti kumna kwenyu wy ku feeder zvidhoma zvekumba kwenyu nevana vangu", he said mashoko ake andirwadza handide kunyepa .
" Sean", ndakadaro misodzi ndokuyerera.
" No Vee ndakudawo mwana unoti ndofara here kuramba ndichingova ndisina mwana", akadaro zvehasha ndakatura mafemo ndichibva ndatii.
" Wy urikuti ndini kokana uriwe unozvidyira vana vako"?
" Vee"? ,akadaro akavhura ziso handina kumboita basa nazvo dai ndisina kumbozvara zvaive nani manje ndaive naye mwana ainge atova form 3 ndakatura mafemo ndichibva ndatii.
" I am sorry bae kana ndaresva kutaura but wy urikundiudza mashoko anorwadza unofunga kuti kubva kwenhumbu dzangu handirwadze here unofunga kuti handidewo kunzi mama here" i said misodzi ndokuyerera akabva atura mafemo ndokutii.
" Sorry", akadaro achibva afamba achibuda.
" Mwana achaitwa zvekudii"? Ndakadaidzira ava pa door.
kutsvaka
";Unobvunza zvaunoziva here nhaiwe ndataura na doctor vamupise", he said ndokufamba achibuda ndakasara ndokutura mafemo ndaishaiwa kuti chii chainge chava kuitika muupenyu hwangu ndakasara ndokurara ndaifunga Sean achadzoka manheru asi vese na Shalom hapana akauya i am sure Shalo ainge aita busy ndakatora phone ndokuphonera mama vangu ndaida pandinoda buda muchipatara timbofamba tione chaikonzeresa kuti nhumbu ikangosvika 7 months yotobva imba yangu ndaiida soo ndaifanirwa kuita plan before its too late.
STAY TUNED 🩷
❤️
🙏
👍
😂
😮
23