Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
February 22, 2025 at 04:30 PM
Join my Whatsapp group https://chat.whatsapp.com/K8DiXVFTBdiJbpMcqX1o6W Follow and like my Facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100088230793445&mibextid=ZbWKwL Follow my Whatsapp channel, click on the link below https://whatsapp.com/channel/0029VaEpX4f3mFYFDMD9w709 REMORSE Written by Tinah Munyengeni. O787336898, O786192322 Chapter 10. Vanessa. "Ah manje zvekuti vamboende kumba kwenyu zvinozobuda here? Vanenge vakuzodzoka nani?" Baba vakadaro sekuru vakati, "mhepo iri apa haisi kutomboda zvekuti ndishande ndiri pano, ndikaenda navo kumba kwangu vanogona kudzoka vanaka. Mamiro akaita zvinhu haana kunaka, mazuva ese apera aya ndakanga ndiri muninga ndichiudzwa mazano, nhasi ndipo pandazoti ndichiuya nekuti ndavakuda kupedza dambudziko iri" Vakadaro sekuru vakanzi nababa, "handichaone kunge pane change apa ini sekuru, sorry henyu but munhu wacho uyu anga arikuita zvimwe zviri worse mazuvano saka kuti muende naye kumba kwenyu pasina munhu aripo zvinotonetsa manje. Inyaya yekuti mbuya vacho havapo, dai vanga varipano vaenda nemi. Nekuti kana murikuda kupedza dambudziko iri chero pano handione hangu richitadza kupera" Vakadaro baba sekuru vacho vakati, "ndonyaya yandataura ndikati mhepo yacho ine simba kana ndiri mumusha uno haingakundike, zvirikutoda ndisiri panapa" sekuru Vakadaro ndikati, "baba ane mhepo ndiani?" Ndakadaro ndavatarisa vakati, "endai henyu mumba Mai Cindy, hatisi kutaura nezvenyu" "Sekuru vanga vachida kuenda neni kumba kwavo wani?" Ndakadaro sekuru vacho vakati, "ndizvo zvandanga ndirikuda kuita, asi kana musirikuda kuti vabatsirwe zvakanaka" Vakadaro ndikatoshaya kuti aida kubatsirwa wacho ndiani nekuti inini handina kana chandaida kubatsirwa nacho. "Baba regai ndiende navo inini, ndodzoka navo sisi kana vabatsirwa" mainini Vai vakauya vachidaro baba vakati, "ndati hazviite, kuenda kumba kwasekuru ndati hakuite" Vakadaro baba ndikafamba hangu kudzokera mumba mandaiva ndanzi nababa ndidzokere. Ndakanzwa panze paye vakungotaurisa baba nasekuru ndikaona mainini Vai vatevera vakati, "kana makangwara budai muno mutize baba muende nasekuru" Vakadaro mainini ndikati, "ah baba vati ndigare muno, ndigare muno, ndiga...." Vakanditi, "imi arikuda kubatsirwa ndimi, dai manga muri mumwe matiza baba maenda nasekuru nekuti varikuda kunokubatsirai mupore" Vakadaro mainini ndikati, "inini handisi kurwara ini, ndakapora ruoko urwu" "Ko urikuda vaende kupiko?" Baba Vakadaro vapinda mataiva mainini vakati, "dad I don't know why you're doing this to her. Vane family irikuvada, sekuru ndivo varikuti vanokwanisa kuvabatsira imimi moti vasaende, we really need this dad" Vakadaro mainini baba vakati, "handichatovachenese sekuru, vangade kuenda nemunhu anorwara kumba kwavo uko? Vauya panapa vachiti vauya kuzoita basa then why this sudden change. Usaudze Mai Cindy zvinhu zviri opposite nezvandinenge ndataura Vai, unovapa confusion" Vakadaro baba ndokuti kwandiri, "Mai Cindy garai muno mumba, hamuna kwamuri kuenda handiti?" Vakadaro ndikati, "ehe, inini ndanzi ndisadye futi mubin na Carlton" ndakadaro vakati, "ehe musaende futi kumashops, vanhu imimi musaite kunge zvinhu izvi zvisina basa. Munhu uyu arikurwara zvaasinganzwisise iye asi imimi munozvinzwisisa. Mukamurega achingofamba-famba munenge murikuda kuti zviitwe sei? Especially you Vai ndinenge ndiri kutotarisira kuti uchengete sisi vako ava munguva yakaoma kudai iyi nekuti she needs you now more than ever, be there for her if you want her to be ok" Vakadaro baba ndikati, "Ok, N Richards, TM and Zapalala, but I'm ok, I'm ok, ok, ok" vakabuda baba ndikasara ndichiimba. Ndakasara ndakagara hangu ndega vabuda vese namainini ndikatanga kufunga kuti ndikasangana naTom ndoda kumuudza zvese zvaiva zvirikuitika. Ndakanga ndine nyaya hobho dzandaida kumuudza apa iye ndipo paanga asiri kuuya futi kuzondiona. Ndakazobuda mandaiva ndanzi ndiuye kuzodya. Takaenda kunodya ndikati, "inini handina kuguta" ndakadaro baba vakati, "vawedzerei ka chikafu chacho" Vakadaro baba mama vakati, "ah imi, votofira muplate here? Munhu asingagute?" Baba vakati, "mbuya Cindy usaite kunge wakutoda kurasa mwana nekuda kwezvakamuwira, handiti chiri kutokonzeresa kuti adye zvakawanda kudai ndiyoyi nyaya yekurwara kwaari kuita? Haikona kuita so, munoda munhu kana akanaka achikupai mari, apa ndaa yekuti akurwara makuita as if makusarudza?" Vakasimuka ndokundipa chavo chikafu ndikati, "imimi maguta? Inini handigute nezvishoma ini" "Ehe inini ndaguta, idyai zvakawanda ndokuti mugute" Vakadaro baba ndikasekerera ndichidya zvavaiva vandipa. "Dai manga murikuda kuita semunomudawo Mai Cindy uyu sekuru vaCindy maidai marega sekuru vaenda naye, handiti chatirikuda kuti apore? Saka murikuti kana muchiramba kuti vanobatsirwa murikumuda here kana kuti murikumuitira hutsinye? Vamwe tinenge takutofungira kuti ndimi murikuziva zvirikuitika manje? Ndimi makataura zvasekuru ava muchiti ndivo vakagadzira dambudziko iri asi nhasi why this sudden change? Kana pane munhu asingade Mai Cindy ndimi nekuti hamusikuda kuti vapore" Vakadaro mama baba vakati, "sekuru vakapedza dambudziko ndibaba vake uyo Gombachuru, iye atoriwo mwana kwete kuti handisikuda kuti Mai Cindy apore. Musataure mashoko asiriwo mbuya Cindy, ko kana vakaenda ikoko voitwa zvimwe zvinhu? Musaite kunge musingazive Gombachuru chaiye akambotibatsira imi. Kana musirikuda zvekuvapa chikafu chakawanda ibvai mangovapa neshare yangu inini morega kundipa ndichaona zvekuita" vakabva vabuda baba mama Vakasara vachiti, "iye munhu angadye kunge ane chikwambo mudumbu, Mai Cindy chikafu ichi hachide kudyiwa chakawanda" "Manje inini handigute nezvishoma ka ini?" Ndakadaro ndamira kudya vakati, "zvishoma kudiiko munhu uchitadza kuguta nezvawapiwa?" Vakadaro ndikati, "manje ndinotodya zvakawanda ka ini, handiti baba vandipa chimwe chikafu ichi ivo vaguta" ndakadaro ndakuenderera mberi nekudya hangu. Vakanga vakutaura nyaya dzavo namainini inini ndiri busy kudya. Pandakapedza ndaiva ndaguta hangu ndikasimuka ndakuenda kunorara. "Rongedzai plate yenyu Mai Cindy" mainini Vai vakadaro ndikati, "horaiti" ndakadzokera mumba ndikarongedza plate yacho ndokuenda hangu kunorara. Mainini Vai vakazotevera ndakasvinura ndikavati, "ko munhu ane chikwambo mudumbu anodya zvakawanda?" Ndakabvunza vakati, "aihwa, hazvitaurwe pane vanhu izvozvo" Vakadaro ndikaseka ndichiti, "asi mama vati ndine chikwambo mudumbu wani ndosaka ndichidya zvakawanda, Tom anozviziva kuti inini ndinoda zvakawanda" ndakadaro vakati, "horaiti" Vakadaro ndokutanga kubaya-baya phone yavo. Ndakanga ndakungotaura hangu ndega vasingadaire kusvika ndizorare. Makuseni ndakamuka ndine nzara ndikaenda kukitchen ndikashaya chikafu, "ndine nzara, ndine nzara, ndine nzara" ndakamira padoor rekitchen ndichideedzera mainini vakabuda vachiti, "endai kumashops munotenga mabanana kana mune nzara" Vakadaro ndikati, "ah baba vakati ndisaende kumashops ava, ndirikuda kubikirwa ini" ndakadaro vakati, "baba havapo ava, endai kumashops munokasika kudzoka vasati vadzoka. Handimbovaudze kuti maenda kumashops, ndokupai mari yacho" Vakadaro ndikati, "ndonotenga mabanana?" Ndakabvunza ndakubva padoor vakati, "ehe, Mirai nditore mari" vakaenda mumba vakadzoka nayo ndokuti, "mukasike kudzoka, endai muchimhanya handiti? Munotenga mabanana munodzoka ndabika" ndakatora mari yacho ndikamhanya kuenda kumashops. Ndakazofamba ndaona sekuru vaiva vakanzi ndisaende kumba kwavo nababa ndikati, "sekuru ko murikuenda kupi? Inini ndakanzi ndisaende kumba kwenyu" "Ndauya kuzotora iwewe, handiti une nzara?" Vakadaro ndikati, "ehe ndine nzara asi ndirikunotenga mabanana ka ini, ndapihwa mari namainini Vai" ndakadaro ndoda kuvaratidza mari yacho ndikaishaya. "Ko asi warasa mari yacho?" Vakadaro sekuru ndikati, "ah ndanga ndakaibata iyi, ndakuenda ikoko kumashops vanondipa mabanana" ndakadaro ndoda kuenda sekuru vakati, "ukaenda usina mari haupiwe, handei kumba kwangu ndinokupa mabanana ariko hobho uko. Kana ndakupa wodzokera kumba kuna mainini baba vasati vadzoka, havambozvizive kuti waenda kumba kwangu" Tom. "And handina kumboziva kuti akadzoka nepfuti kubva kuSouth ini" Mai Hard Vakadaro ndikati, "haaa kuSouth uko dzakachipa ka, i think akangoiwanawo iri cheap. Inini handina kutombofungira kuti it was a real gun munoziva. Zvekuti dai akandipfura mumusoro atori mariro so" ndakadaro kwakuseka hangu vakati, "and zvakaoma, ivo mainini vacho anga avada zvekuita seiko? Apa phone yake haisi kana kuita" Vakadaro ndikati, "haaa anogona hake akatodzokera kuSouth ikoku. Ndavaboe ini ndakuda kutoti ndiende hangu kumba" ndakadaro vakati, "hausati wapora baba Cindy" I smiled ndikati, "ndinopora ndirikumba nevana vangu, plus kune dare rakandimirira ka?" Ndakadaro vakati, "haa dare reiko, mwana wavo ndiye akaita zvekuti urare naye vanofana kutsiura mwana wavo" Vakadaro ndikati, "haa izvozvo hapana anombozvibvuma. Sisi vanhu vaye varikutofunga kuti ndakarara namainini ndichida, hapana anombozvinzwisisa. And mazuvano sekuru vamai Cindy vandivenga manje saka ndichatongoti ndiende kudare kwacho ndinonzwa zvavarikuda" "Asi ivo ndivo vakakonzera nekutaura kuti mainini vachamutsa imba yako, vakanga vakutoona kunge vava mukadzi wako. Ndosaka vakanga vakuda kuita humai kunana Cindy, ipapa vanogona vanga vane mimba yavo kare yozonzi ndeyako. Inini hangu handina kumbobvira ndazvifarira zvekuti ugare namainini izvi nekuti ndoziva kuti ndizvo zvazvinoita izvozvi" Vakadaro ndikati, "haaa zvakatoitika, chatosara apa kuti ndinotaura navo vana baba vacho mainini voenda kwachiremba tongodzivirira zvemimba zvacho. Inini hangu chandisirikuda kuzopedzisira ndakuita mwana namainini haa" ndakadaro ndikati futi, "udzai nurse ndakuda kubuda ini" ndakadaro ndokubva vamboda kuti handisati ndapora but ndakatora hembe dzangu ndikanochinja mubathroom ndikabuda muchipatara ndega. Ndakangonosiya mari ku reception ndikatoenda kumota yangu yaiva yauya namai Hard ndokuenda kumba. Takasvika kuna mama vaiva vasara nana Cindy vakati, "ko matobuda?" Vakadaro ndikati, "ehe hangu, ko maswerasei?" Ndakadaro vakati, "taswera hedu" ndakaenda kuroom kwangu ndikanogeza and dressed my wound ndega ndikaisa bandage rimwe ndega. "Ko machena-chena murikuda kuenda kupi?" Vakadaro mama ndikati, "tine dare rakatimirira ka kumusha kwana baba uko, ndirikuda kuita zvinhu zvacho zvingopere ndione zvimwe zvekuita" ndakadaro ndichifonera sekuru vandaiva ndirikuda kuenda navo ndikati, "zva Timothy tinozotaura ndadzoka" ndakabva ndatobuda hangu ndikaenda kunosangana nasekuru mutown. Vakatora mota vakadriver ivo vakuti, "mupfanha wako anenge akabaya joza, kuchikoro hakuna. Zvinhu zvake zvingoriko iye haako" Vakadaro ndikati, "haa ndozvandirikutoona hangu, maybe arikufungira kuti akandiuraya" "But apanduka zvisirizvo manje mupfanha uya" Vakadaro ndikaseka ndichiti, "ah kule hamuzive marwadzo ekutorerwa babe here? Unoita zvakawanda" ndakadaro vakati, "ah babe here? Ungabva watozotsamwa kunge ari mukadzi wake kudaro. Plus mainini vacho ndivo vakaronga zvinhu izvi havana kubatwa chibharo" Vakadaro ndikati, "izvozvo manje zviri kutozivikanwa nesu, iye chero ukamuudza haambobvume. But haa zvakatopera ndinoita boe, chandiri kuda kuti ndingoita kusiyana nenyaya dzekuchengeta mainini. Kana food yavo yavanobika this time handibate, handichatode hangu kuvaona vachiita zvemapoto panhu pandinenge ndiri. She's evil, apa nesize yavo iyoyo havatombotye kana kurara nevarume nxaaa vanosemesa. Ndonzi tora zvakadaro uite mukadzi, haaa Mwari ngavandione" ndakadaro sekuru vakati, "haa vapfanha vemazuvano varikutotyisa, kana iye Timothy haangatadze kuita hasha. Vanga varikutoitana havo mukadzi nemurume vapfanha vaye" we laughed ndikati, "apa ugoona handina kana kuzvifungira" "Ah vanenge vakatobva kare vachichimhanya, and vanenge vakachimaster chigame chacho" Vakadaro sekuru ndikati, "haa vanogona kuchimaster, makore ese aya kana kumbozviona kuti pane zvaitika? Haa ma one" ndakadaro ndokubva tatanga kutoita nyaya yaTimmy namainini iyoyo. Takasvika kumusha sekuru vamai Cindy vasati vasvika ndikatanga kuona Vanessa aiva akagara panze akabva asimuka achindiona. "Tom, ndanga ndakutsamwira. Ko wakati uchadzoka kuzonditora iwe usingadzoke wani?" Akadaro ndikati, "sorry babe, ndauya kuzokuona wanzwa?" Ndakadaro akati, "hauna kuuya kuzonditora? Ndine nzara ka ini? Mainini vambonditi ndonotenga mabanana ndikashaiwa mari. Ndazosangana nasekuru vaye vandakanzi ndisaende kumba kwavo nababa vakati vanoda kundipa mabanana kumba kwavo ndikaramba kuenda navo. Vatanga kundibata-bata mukaka wangu vakazotiza, ndadzoka kunoku mainini vasina kubika ava" ndakafinyama ndichinzwa nyaya yekuti pane munhu anga arikuita basa rekubata mukadzi wangu. "Varikupi mainini?" Ndakadaro akati, "varimo mumba, vanenge vachingobaya-baya phone yavo inini ndichitaura ndega. Havambodaire ava chero ndikavati ndine nzara" akadaro ndikati, "sekuru mabuns atasiya aye handiti arimo?" Ndakadaro ndakuenda naye kumota ndikanomupa mabuns acho. Akadya zvemunhu ane nzara akati, "handigute nezvishoma ini" akadaro ndikaseka ndichiti, "Mira ndinokutengera zvakawanda, ndirikudzoka sekuru" ndakadaro ndokubva mdamutsa mota ndikati, "saka sekuru vakubata pamwe papi?" Ndakadaro akati, "pamukaka neapa pandinogara napo, ndakavati pamukaka panobatiwa naTom. Handiti ndiwe unopabata?" Akadaro ndikaseka ndichida asasurukirwe asi ndakanga ndiri kutonzwa hasha. Vanhu vaiva vakatora munhu vachiti vanogona kumurapisa votanga futi kumusiya achifamba achibatwa mazamu. Ko kana aizorepwa munhu wacho taimuzivira kupi iye aisagona kutsanangura zvakaita vanhu. Ndakaenda naye pamashops achingoita nyaya, zve lyrical talking zvakanga zvakuita zvichiita zvishoma. Nyaya ndidzo dzakanga dzakamuwandira munhu wacho and dzese dzaitondibata-bata moyo wangu ndichinzwa mabatirwo aakanga arikuitwa Mai Cindy wacho. Ndakadzokera naye kumba ndatofunga kudzokera hangu naye nekuti zvakanga zvirikubhowa. Ndakasvika sekuru vamai Cindy vavapo nemukadzi wavo uyo akabva ati, "Mai Cindy, huya shamwari uzopa gogo hug" akaenda Mai Cindy wacho ndikati, "ko munhu uyu kana musiri kugona kumuchengeta zvirinani ndidzokere hangu naye ka? Nekuti kana vanhu vachiudza munhu kuti enda unodya mumabin munodya vamwe vako vanopenga kudii ikoko?" Ndakadaro ndisati ndambovamhoresa sekuru vakati, "matotimhoresa here zvamuri kutotanga nekuda kupomera vanhu mhosva?" Vakadaro ndikati, "I don't think pambori neneed yekumhoresana apa. Ndizvo zvakaitisa mainini vazondiisira drug muchikafu izvozvi vachiziva kuti Mai Cindy haapo. Dai pasina kuti Mai Cindy arikuno uyu ndisiri kumbopomerwa mhosva kuti ndakaraper munhu wandisina kana kuraper akandiisira drug muchikafu. Ikozvino zvin'anga zvacho zvamaiti zvinorapa munhu zvirikuita basa rekubata mukadzi wangu mazamu, kudii ikoko?" Ndakapopota sekuru vamai Cindy vakati, "tingadziteedzere here nyaya dzako dzekugadzirira idzi kuti tikuone seusina mhosva? Kana zvanetsa nyaya iyi ngayingoitwa police case, rape yawakaita zvipere kwete kuda kuuya uchitonga panapa" "Itai police case yacho, Mai Cindy ndirikudzokera naye. Munhu anopedzisa adya mushonga kumabin uko ivo vanhu varipo. Handizive kuti mainini vacho varikunyanya kuvavarirei zvekubva vatovenga sisi vavo kudaro. Kana mati yava police case handisisina dare randiri kugara ndamirira kuzodaidzwa kumapurisa asi Mai Cindy ndirikuenda naye" ndakadaro ndikanzi, "makutoita wekutonga kudaro Mai Cindy wacho ava mwana wenyu here? Ko indava musina hunhu imi? Pamba pano ndipo pamuri kuita kutomisa kachipfuva mudenga kudaro?" Ndakatarisa ambuya vangu avo vaitosvika naatezvara vangu neumwe murume airatidza kuti In'anga. Zvekuti ndaiva pamba pana tezvara ndakambozvikanganwa ini ndikanoibata huro n'anga yacho ndikati, "manga muchibata mukadzi wangu mazamu nekuda kwei imimi? Kana musingagone kubatsira vanhu ingotaurai manzwa?" Stay tuned. End of chapter 10.
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 746

Comments