
PachopisaTv🔥📡Secrets & Hot🔥Confessions🫷
February 19, 2025 at 01:53 PM
Hie king ndikandirewo
.... Ndini uyo 2016 ndripa karoi apa nhamo yakasunga play.... So ndaida mari yekuty ndipinde paguta so njuga dzairema so l came up with a plan quick quick.... Munoziva kumusha kune ma garden anoiswa kure nedzimba zvekuty anenge arimurukova... So ndakatanga hangu kufunga gape rekunoba miriwo yevanhu ndichihodhesera vakadzi vemusika vaibva tonaz vachiuya kuruzevha.... So nekutya kuisirwa mushonga ndakaita plan yekutenga zi hunter torch 🔦 ndokurisungirira pamhanza apa ndini uyo mu garden pfeee so ndaiti pakutemha muriwo paye ndaiita ndichi lighter torch ndichiidzima kuitira kuty vanhu vafunge kuty chipoko... Izvi zvakaitika kwe mwedzi wese vanhu vachingoti chipoko chirikuba muriwo... Hama dzadiwa rimwe zuva ndakazogariridzwa vaona kuty zvanyanya nekuty ndaitemha ndichisiya tumoyo twemuriwo.... So ndaive ndakaboora maburi angu 3 e exit just in case zvikashata.... So this other day ndini uyo pfee mugarden asekuru ndine mazikusaga angu like always .. Torch pamupaka.... But ndakatyora mashizha anokwana kuita matatu ndikatanga Kunzwa bvudzi kuty nyawu nyawu... Ipapo Ndipo pandakaona kuty zvinhu zvaita manyama amire nerongo.... So ndakabva ndavheneka netorch mumhera me garden ndikaona haikona mune village yese yakaita kugariridza..... So ndakakanda masaga pasi ndokubva ndatanga kutenderedza torch kutsvaga pane wandingadherere ndirove mabudo..... Vakomana vakazoti vandizara nadzo tsvimbo ini ndakabva ndatanga kungojamba jamba ndakananga ku exit kwangu wanikwe kune munhu... Hama ndakashandisa torch kumuvheneka mumaziso kusvika ndasvika pedyo ndikasiya ndarova munhu negokora ndikabuda ndikatiza.... Nyadzi dzaive dzekuti ndisabatwe nekuty ndaive we village yairi pa next... Naiwaya ndoti mwari vandiregerere
😂
🙏
😢
😮
👍
❤️
💯
🗿
😱
188