COOKING & Baking Recipes With Chef Les🇿🇼
COOKING & Baking Recipes With Chef Les🇿🇼
February 26, 2025 at 04:09 AM
*CHOKUDYA CHEMAZUVAOSE CHINOTIRINGANA* 🍞 NDIRI MUTENDI. 📖 _16 Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara, asi ave. mave novupenyu bwusingaperi._ _'JOHANI 3:16'_ Vakawanda vedu tinofarira kunzi maKristu, tinonzwa zvakanaka kana tichisheedzwa kunzi maKristu nekuti tinoenda kuchechi, asi kuenda kuchechi nekuzviti maKristu hazvisizvo zvinotiwanisa hupenyu husingaperi. Chinhu choga chinotipa hupenyu husingaperi *KUTENDA*. Kutenda kwoga ndiyo nzira inotisvitsa kuhupenyu husingaperi kwete kuenda kuchechi musi wesvondo wakabata Bhaibheri uchizviti muKristu, izvozvo hazvisizvo zvinotiwanisa hupenyu husingaperi. CHIIKO CHINOMBONZI KUTENDA? 🤔 Kutenda kubvumirana naJesu Kristu anova shoko, kutenda kumira pashoko uchirirarama. Kana shoko rikati uri wakarurama waMwari kuburikidza naKristu Jesu, _2 Vakorinde 5-20_ ukatenda izvozvo, unova zvinoreva shoko. Kana shoko rikati Mwari havakusiye uri woga vanewe nguva dzose, _Vahebheru 13-5_, kana ukatenda zvarareva womira pariri, unova zvarareva zvisinei nezvirikuitika muhupenyu hwako. Zvinetso zvingauya kwauri nenzira dzose asi hazvishandure shoko nekuti Jesu ndiye zuro, nhasi nekusingaperi haashanduke. Haashanduke nekuda kwezvinetso zvingakuwira, Jesu ndiye mambo mukati mezvinetso imomo. Saka panosimuka zvinetso, zviudze zvaunotenda, zviudze kuti ndinotenda kuna Mwari, ndinotenda shoko ravo, ndinotenda kuti vanondida, kunyangwe ndikasangana nezvinondinetsa handicheme nekuti ndinoziva kuti zvichandiitira zvakanaka saka ndinofara mumatambudziko nekuti ndinoziva kuti matambudziko anowiisa kutsungirira, kutsungirira kunovuyisa kuidzwa, kuidzwa kunovuyisa tariro, tariro hainyadzisi. Ndine tariro neshoko roga roga rinobuda mumuromo maMwari nekuti NDIRI MUTENDI handisi muKristu anongoenda kuchechi chete asi ndiri mutendi. NDIRI MUTENDI NGUVA DZOSE, NDIRI MUTENDI PAZVINOOMA, NDIRI MUTENDI PAZVINONAKA, KUTENDA KWANGU HAKUSHANDUKE. 🙏🙏🙏 *NB-NDIRI MUTENDI, SAKA MUTENDI ANOITA SEI? MUTENDI ANOFANIRA KUTENDA, SAKA TINOFANIRA KUVA ZVATINOTARISIRWA NAMWARI KUTI TIGOVA, MWARI VANODA KUTI TITENDE.* 💥 Kutenda ndicho chinhu chinoita kuti tione zvinhu maonero anoita Mwari, kutenda chete ndiko kuno kunokururamisa pamberi paMwari. 🙇‍♂️ BABA VEDU MWARI, NDIBATSIREI KUTI NDIGONE KUTENDA KUSHOKO RIMWE NERIMWE RINOBUDA MUMUROMO MENYU KUTI TIGOSUNUNGURWA NEKUTI NDINOTENDA KUTI CHOKWADI CHINOSUNUNGURA. *AMEN* *#to God be all the Glory* *CZ* https://whatsapp.com/channel/0029VayWB2w7IUYe3Q0J0R3F
🙏 ❤️ 👍 21

Comments