
Liliosa Online Novels
February 17, 2025 at 03:41 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAkulRKbYMVngP8t51U
GARA WABAYA FOLLOW BEFORE YOU READ USAZORASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS ETHIS BOOK
*SOPHIA*
WRITTEN BY
LILIOSA CHIWARA AKA
Lillies of the valley 💐*
Main group
https://chat.whatsapp.com/Lu8dgdQQdCG5IyJ5iiPEqa
*CHAPTER 22*
*LAST FREE CHAPTER*
*SOPHIA*
Pakuita court wedding naTravis ndakada kuparamba ini zvaiitawo here kuchata nemunhu asina kana kupedza kuroora kumba kwedu aiva akangoendesa tsvakirai kuno chete .
Travis akandinyengerera tikatsvaga ma witness eimwe couple yaigarawo panext pedu .
Ini handina hama dzangu dzandakaudza iyewo Travis haanawo hama yake yaakaudza takangonozviita muchinyararire tikapfekedzana maring pamberi paJudge tikadungamidzana takadzoka kumba .
Mazuva iwayo ndakabatwa neflue yairwadzisa musoro zvekuti Mai Taa vakatomboti
"Dai Pastor vekuChurch kwedu variko ndaitomboenda nemi manonamatirwa"
Ndakati
" Vakaendepiko Pastor venyu "
Ndakabvunza zvangu ndichidawo kuziva mawhere abouts aExy wangu .
"Hanzi Pastor Luis vakadzokera kuchikoro kuSouth Africa saka vanopota vachidzoka kuno "
Ndakangogutsurira musoro zvangu uyu Travis ndiye aiva ava kufambira mapapers achitaura pafon naTete achiudzwa mamwe maprocess acho .
Zvakatora 1 month kuti mapapers abude .
Mai Taa vaiva vava kuswera kumusika wavo vaiva vashaya pekuvhura tuck shop saka vakangoita musika wemazep nemaputi padhuze nepakachikoro kaidzidza Taa .
Vaiswerapo pazuva nenhumbu yavo ndaitovanzwira tsitsi ini dumbu raiva rakura asi vaingoshinga kunoshanda .
Travis akavaoneka iniwo ndikaenda kumba kwedu Mama vakatovhunduka vakati
" Kwakanaka here kwamatitsika nhasi "?
"Ndauya kukuonai Mama kwakanakisa "
Vakada kutakura Juju akavaramba aiva achavazivirepiko mwana wangu .
"Hona muzukuru wangu ava kutonditya Sophia kaa wakaoma mwanangu kubva waramwa kudaro chitombomusiya haachayamwe kaa uyu"
Ndakangoseka tikapinda Mumba naMama , Oddy hanzvadzi yangu aivapo hake maziso ari palaptop , zvinhu zvizhinji zvaiva zvachinja pamba pedu vabereki vangu vaiva vava kurarama kalife choro mota yaiva yava kufamba naDad yanga yava yelevel repamusoro chairo ndakaona kuti Jamal Ari kubata basa pamba paAtezvara vake .
"Inga muri kudeveloper pano pamba I leather sofa here iri "?
"Ehe rakatengwa naiye Privy kungondiita surprise hake hanzi imari yake yaanga achi sevha kuBotique kwake ndakachema mwanangu ndikati kubereka kwakanaka"
Aiva atenga zvinhu zvakawanda Privy stove chaiyo vaiva vachinjirwa ungazomuda here mukitchen mamai vangu maAir fryer aiva avamo ndakangoti vagoni zvavo vana Privy vasina zvipomerwa zvemudzimu pavari ikezvino vava kungochengeta vabereki.
Dad vakapindawo vachibva kubedroom vaiva vasimba Baba vangu vakamhanyirwa nekamuzukuru kavo Juju aingoti munhu rume wese waaona Dad .
Ndakava nenguva yakanaka nevabereki vangu chandakatenda havana kumbondisarudza kuti ndini ndisina Mari vaingondidawo semwana wavo and mwana wangu vaitomufarira Dad vakatombobuda naye nemota vakadzoka vamutengera machocolates neice cream .
Ndakazoti kuma 4 chaiko kwabva ndataura nyaya yangu ndichivaoneka kuti ndafunga kumbonotsvaga Mari kunze kwenyika ndatowana basa uye mapapers atova ready .
Ring ndaiva ndabvisa ndikaisa mubag ndaisada zvekubvunzwa mibvunzo yakawanda wanda.
Mama vakati
"Zvino wongobuda kunge nyoka here mwanangu usina kana muteuro Tanga waereswa ugowana kufamba ko Juju maenderei naye handiti dai makamusiya ndaiwanawo munhu wekutuma kuti tora mucheka uyo ndichisona muroom mangu umo "
Munin'ina wangu ndakangomuisira message ndikati
" Mainini ndambobuda kunze kwenyika kunoshava tinoonana ndadzoka " akaivhura akasandipindura ndikasiyanawo naye .
Ndakaperekedzwa nevabereki vangu kunosiiwa kubus stop ndikaenda kumba ndikasvika Travis achitorongedza anenge aiita kunonokerwa mukomana .
Mai Taa vakauya tikavaudza vakangoti
" Ndaiva ndakazviudzwa kare naPastor endai henyu asi murangarire vana "
Mangwana Acho ndakamutswa kuma 4 chaiko naTravis tikatanga tanamata for the first time kunamatawo semhuri .
Takageza tikabuda nemota taiva taita yeku hire kuti inotisiya paairport chaipo .
Ndainzwa mufaro mumwe wekuti ndaishaya kuti ndoita seiko zvendege ndaiva ndakambokwira hangu ndichienda kuVictoria Falls kare ndichiri kuchikoro wandaityira ndiyeyu umwe wangu aiva asina kugadzikana zvachose .
Matickets taiva nawo nema mornach edu kwabva tapinda mundege hedu .
"Ini ndiri kufara zvangu ini "
Akadaro Travis achiita kunge achabudisa mazino ese panze nekuzhinya .
Takano connecter flight yedu muSouth Africa tikaenda zvedu kuIreland kwatakawana Tete vakatimirira .
Wakava mufaro bedzi bedzi tichionana asi Tete vakati havatenderwe kutichengeta pamba Pavo ndaitofanirwa kurara ndaona vaizondi employer vacho ndopiwa accomodation.
Vakandiendesa kumurungu wavo ndikatanga kuudzwa maworking conditions Acho zvese zvaiva nyore ndikabvuma zvangu ndokuzonoratidzwa imba yataigara maiva muflat mune 2 rooms and property yese yaivamo ndakambonzwa kufema mweya mutsva kutonzwa kuti zvasiyana nekuZimbabwe pano .
Ndakarara ndatoratidzwa pasurgery pandaizoshandira nebasa randaizoita and ndaifanirwa kutotanga basa mangwana Acho .
Tete vakanga vativigira chikafu rice nenyama ndizvo zvatakararira izvozvo sevanhu vaiva vaneta kana mabag hatina kumboma unpacker .
Ndakamukira kufonerwa naTete and vakatoziva nekuti ndaiva ndararisa chaiko ndichikangamwa kuti ndiri kunotanga basa .
Ndakamuka ndikageza vakauya vakanditora taifamba netsoka zvedu ndipapo pasurgery pavaishandira pandaiva ndakawanawo basa .
Raisarwadza basa racho and chikafu taipiwa ipapo pasurgery break nelunch .
Kuma 4 ndichipedza basa ndakaenda kumba ndikawana Travis achitotamba nemwana ndaitova busy kutaura naMai vangu nevideo call ndichivaudza kuti ndakafambawo zvakanaka .
Tete vakaenda neni kumba vakandiudza zvema shifts kuti ndisamirira 500 yandaipiwa kusurgery chete , ndaifanirwa kutsvagawo maOut patients andainoita care kunze kwechipatara .
Ndakabvumira pamusoro Tete vakanditsvagira 1 client yaindipa $30 dollars per day Saka ndaiti after 4 ndoenda kupatient yangu iyoyo ndotobva neka$30 kangu .
Travis aiva asati Awana basa Tete vaimutsvagirawo asi corse yake yemagetsi inenge yainetsawo kuwanisa basa .
Ndaifunga kuti zvandavawo kunze kwenyika pamwe ndichatangawo kusimba asi yuwii nyaya dzakarambira pakuva slender ndaitoita kunge ndinomwiwa ropa nezvikwambo .
Skin chete ndiyo yaizongoratidzawo kuti munhu Ari kudya achiguta uyu .
Mwedzi uchikwana ndakatambira ndikati handimbotenge chinhu nemari yangu ma30 dollars andaiwana pazuva aitikwanira zvekuti Saka 500 yangu ndakachengetesa Tete yese vakati
" Wakangwara Muroora Mari ndeyekuchengeta wozonoita zvinhu zvako kumusha "
Travis haana kufara nazvo ndakashaya kuti aida kuti ndimupe Mari yangu here aidye iye .
Akabva atanga kuita zvima attitudes zvisina nebasa .
Akanditi
" Ndakunotsvaga basa Saka wotoona kuti Juju womuisepi "
Akataura kuseni ndatopfeka kuenda kubasa ini ndikamuti
" Juju mwana wako ona plan naye "
" Ini ndakaita 1 month ndichisara naye pano now it's your turn shaa "
Ndakangobuda Mumba ndikaona munhu asara akati tumbi kumira.
Ndakanotaura naTete kuti ndisiyewo mwana wangu naNanny wavo but it was very expensive aida $50 per week munhu aisara nemwana ndizvo zvimwe zvakapedza Mari yangu zvekuti ndakasvika pakudemba kuti dai ndakamusiya zvangu kuZimbabwe .
Travis akawanawo basa pane imwe company yemagetsi aitambira Mari svinu asi haana zuva raakatenga chikafu kana kubhadhara munhu aisara nevana .
Ndakatoona kuti nhamo yekuZimbabwe ndiyo yaimuondesa aiva asimba zvino oti nemhasuru ko aimukira kugym everyday zvee .
Paakandibhowa ndepekuti ini ndiri busy kuunganidza Mari yekuti tigonoita zvine musoro kuZimbabwe iye Ari busy kudya yake Mari munhu kutonotenga mota zvake kutofamba akagara Travis chaiye Mai vake vachisvuzva kumusha uko .
Waiti ukada kumutsiura unenge wazvivambira zvimwe aigona kutoda kundirova kana kubva anoita 1 good week asina kudzoka kumba kwacho .
Ini ndaiva ndakamujaira zvangu from Zimbabwe ndohwaiva hunhu hwake and aitoratidza kuti ava kuita zvevakadzi ndofunga ndiko kwaipedzerwa Mari naBaba Boy.
Tete vaiva vasinei nazvo pese pandaivaudza vaingoti Travis handimugone muregei akadaro ndakato noticer kuti kakundifarira kavo kaiva kava kuita kachidzikira plus dzimwe nguva ndaigona kuenda kumba kwavo ndowanika vari mumeeting naTravis vachiita senge vane zvakakosha zvavaitaura asi ini pandaisvika vainyarara.
Mwedzi yakatevera ndakira kupa Tete Mari yangu ndikaitumira Dad vangu pamukuru kuti vandichengetere .
Umwe musi Travis akadzoka kumba ndikamuti
" Ngatiiteika umwe mwana Baba Ju "
Akarambisisa akati
" Handichade zvevana ini ipapa ndine stress Mai Taa vakazvara mwana musikana anotoda preparation saka zvevana imbondimirira zvako"
Mazuva iwayo sex aiva akuramba zvake neniwo ndaiva ndisinei nazvo moyo wangu waiva wakatosviba nezvake .
Ndakamutukirira akanditi
" Ukafarisa unoswera wadeportwa kuZim remember ndini ndakagadzirisa visa riri muzita rangu iwe utoriwo spouse ndokwanisa kukuchekesa anytime "
Yah ipapo ndakabva ndadzikama aiva akandingwarira munhu kuisa zita rake padenga kunge ndiye ava kundipinza muIreland manje ndizvo zvainetsera maspousal visa unoita kunge uchanamata munhu kuti akusiye uri paVisa rake .
Ivo Mai Taa ndaitaura navo every time vachiti mwana vakamuzvara achirwara rwara Saka aida attention vaiva vatombomira kuenda kumusika vachiona zvemwana izvozvo .
Hapana kupera 6 months mwana wamai Taa akabva afa vaingoti aingogomera usiku hwese vakamboenda naye kuchipatara asi hazvina kana kuchinja mwana ndokubva aoneka.
Isu taiva tava ne 1 year tagara kuIreland Saka ndaiva ndatosuwawo kumusha pakarongedza vamwe zvekumusha neniwo handina kumboda kusara ,
Travis akatenga ticket rake chete imi ndikatengawo rangu neraJuju , Tete vakatenga ravo murume wavo akasara nevana kuIreland.
Takasvika tikananga kwaMurehwa chitunha chemwana chaiva chatoendeswa kumusha Mari yaiva yasana kutumirwa naiye Travis wacho .
Moyo wangu waida kusiya Juju kumba kwedu but ndakashaya mukana mota yaiva yatsvagwa naTete yaiva pakumhanya.yakatitora straight from Airport kunanga kwaMurehwa.
Travis kana kumboratidza hake kurwadziwa nemwana wake aiva afa aitova pafon pake achiseka nyaya achirova doro achimwa futi .
Ndini ndakanochema naMai Taa kutomira navo havana kana hama yavo yaivapo avawo vamwene vangu vaingomhiza maoko vachiti anga asiri mwana wemwana wangu uyu haiwa vanhu musachema.
Travis naTete vaingoita tumatare twavo pakona peimba vachiti mwini mwini ndakashaya kuti aiva matare eiko chaiwo ainyanya kuitwa.
Mwana wangu aiva kwati kwati neni zvekuwandirwa aiva asina kuzvijaira zvachose saka aingova neni pese pese .
Ndakafonera Mama ndikavaudza kuti ndakauya ndikananga kunhamo pfungwa yangu yaiva yekungoti tichingopedza zvenhamo ndotokwira bus kudzokera Harare ndinoona Mai vangu ndaiva ndavasuwa.
Rufu ruchipera vanhu vakasara varipo vemumusha iye Travis kuita kunge asingavazive Mai Taa ndakati dai ndaiva nemari ndaivatora hangu vaiva vasakara zvekuti vaingochema chikafu vairamba ko chaidzika nepiko.
Musi wacho manheru ndichitobika Tete vakauya vachifambisa vakati
" Mai Juju mwana aripi "?
" Matii Tete Juju anga achitamba nevamwe panze apo aripo "
" Hapana Juju apo atsvagwa naDad vake vakamushaya "
Ndakabuda netorch yefon yangu ndikati
"Juju !, Juju iwe kuti aendepiko "?
Travis aiva ava kungotendererawo achidana achiti
" Kune vanhu vanoba vana here kuno "?
Vamwene vangu vakati
" Hakuna vanhu vanoba vana kuno pane paari chete Juju weew huya muzukuru "!
Takatanga kuita panda kutsvaga mwana musha wese Travis achipopota
" Uri careless Sophia kurasa mwana kumusha chaiko akashaikwa mwana iyeye uchazvionera "
" Ko imi vana Tanya manga muchitamba naye hamuna kuona kwaaenda here " ?
Tete Mai Tanya vakabvunza vana vaitamba naye zvivana zvikati hatina hatina .
Vamwene vangu vaifamba naIvo Tete vedu vataigara navo kuIreland vakaenda nedivi raiva nemugodhi vachipopota ndakanzwa vamwene vangu vati
" Nhai Jesu yoweee kani Mari ndodiiko mwana wemwana wangu "
Ndakamhanyako ndiri mufull speed Tete veku Ireland vakandibata ndisati ndasvika asi ndakavakurira Simba ndikawana mwana wangu akati yangarara pamusoro pemvura ndakakunya skirt ndikati
" Juju huya mwanangu maiwee wawira Seiko wanga uchitaura uchitsvagei kuno usiku "
Ndaida kutowirawo mumugodhi ndichiti ndibudise mwana wangu asi Travis akasvika akandituta nechibhakera ndikawira kwakadaro uko , pakadaro mudzimu wakatiza kana kundibata ndakashaya Simba rekumudzorera akandirova vanhu vachisiya havo zvakadaro Tete vaiva busy kufonera mapurisa kuti mwana awira .
"Mubudisei kani achiri mupenyu mwana wangu tikamuita first aid anorarama "
Ndakadaro Travis paaiva andisiya , Tete veku Ireland vakati
" Atofa uyu Mai Juju uyo ati yangarara pamusoro pemvura haachatoremi mirirai mapurisa tikamubudisa tinosungwa "
Ndikaikwetsura mhere ndichida kunopindira mwana wangu zvaiva nani kuti mapurisa Acho agondisunga asi ndamubudisa chete .
" Munhu kukonewa kuchengeta mwana chaiye uri careless zvangu newe zvapera lucky enough tiri kuZimbabwe ndokupa madivorce papers mangwana chaiye ndokubvisa paVisa rangu haubatsire chinhu imbwa yemunhu"
Ndakaridza mhere ndikati
" Munenge manga makazvironga kana paine akanda mwana wangu mumvura uchafa uri rombe "
Mapurisa akabva asvika mwana wangu akabudiswa ndaingohuta ndakabatwa naMai Taa vaitovawo pakuchema mwana wavo asi vakamira neni ndaiva ndisisina kana simba mwana wangu achirohwa rohwa nekuzunzwa zunzwa kuti aonekwe kunzi mupenyu here mapurisa akati
" Afa uyu"
Neniwo ndakabva ndaona rima ndiye zii ndakadaro....
*SOPHIA IS NOW ONSALE , MAKE YOUR PAYMENTS , TOKUISA MUSUB GROUP MUNENGE MICHIUYA BOOK*
Pakadai hapade kusaririra book riri kupisa 🔥🔥
100zig ECCOCASH
0784651747 I . MAFUKU
$2 ECCOCASH 0784651747 I .Mafuku
$2 INBUCKS 0789906134 L.Chiwara
*MASCRATCARDS HATISI KUTAMBIRA*
VARI SOUTH AFRICA
30 rand Voucher
*TYPES OF VOUCHER*
Ott voucher
Blue voucher
MUNOTORA RIRI PICTURE MOISA KUWHATSAPP PA+263⁷¹²132297
*CONFIRMATION YENYU NDINODA SCREENSHOT KWETE MAMESSAGES EKU FORWARDER PLEASE MUNOISA PA*
+263⁷¹2132297
VARI KUITA MAPAYMENTS BAYAI LINK IYO INOKUUYISA STRAIGHT KUINBOX KWEMUNYORI MUISE MACONFIRMATION ENYU
https://wa.me/+263712132297?text=hie+liliosa+Chiwara
Stay tuned
*In God Hatiperi*
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
108