Liliosa Online Novels
February 23, 2025 at 04:44 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAkulRKbYMVngP8t51U
*Two Days Marriage*
SHORT STORY
Writer: L Chiwara
⁰⁷¹2132297
*Part 3*
*Narration*
" Haa unonyepa Sheron kana uchiramba kutaura muridzi wenhumbu nhasi ndingatokuuraya chete hauna ngozi iwe uri mwana waMai vangu iwe uri weropa "
Vakadaro sisi vaSheron vachivhomora cord yemagetsi vachida kumuruka nayo.
Pazvinhu zvose Sheron aitya shamhu akasana kuchema asati arohwa kwacho .
Tete vaiva vangomira vachinzwa kupererwa akaidirwa kumusana Sheron akayuwira achiumburuka pasi Sisi vake vakati
" Handisi kuzokusiya taura nhumbu yaunayo ndeyani iyi "
Tete vakazobata zvavo asi musikana aiva aridzwa kani kwete zvekutamba
" Shelter unouraya mwana uyu unoziva kuti Mai vako havade naye "
Shelter akati
" Aewa tete regai ndimurove kusvika ataura anoda kuuraya Mama nebp uyu , izvozvi Mama havasi kurara day and night vari pabasa kushandira iye kuti ave ne better life asi iye busy kuvhura makumbo achiita zvevarume manje nhasi ndoda kukubhura "
Lucky murume waShelter akabva asvikawo achitobva kubasa ndiye akazodzimura bongozozo rese akati
" Mainini chingotaurai kaa muridzi wenhumbu "
Shelter aiva atobata fon kuti afonere Mama asi murume wake akamumisa akati
" Babe chimbomira kufonera Mama kani vanotaura Mainini "
Ndakatoona kuti ndikada kushinga nhema ndinourawa nekurohwa pano ndikati
" Ndeyeumwe mukomana so aigara kuHarare "
" Anonzani mukomana wako wacho "
Tete vakabvunza ini ndikati
" Aisava mukomana wangu takangorara tese nemistake tete "
Sisi Shelter vakati
" Hakuna mistake yakadaro waunoda kunyepera ndiani usatamba nepanozobata nhumbu iwe taura kuti anonzani mangwana chaiye totoenda kuZimbabwe tinokusiya pamurume "
" Ainzi Motion airoja pamba pana Mama pavakazotengesa paye handina number dzake nekuti taisadanana "
Tete vakadzungudza musoro vakati
" Asi waikechesa kani zvekuti makangobhadharana mukati zvaperera pano hapana anotsvaga umwe "
Ndakaramba ndakanyarara chero ndaida kuexplainer vaizozvinzwisisa here kuti takaita 2 days marriage .
" Saka mati todii tete "
Sisi vakabvunza tete vakati
" Tichatanga tanzwa kuti ariko here mukomana wacho ko kana akatama tonomuwanirepi "
Sisi Shelter vakafonera Mama vachivaudza zvese Mama vakati
" Ane mashura here mwana uyu asi shuwa pavanhu vese angamitiswa naMotion anei rombe riya raingokwira nekudzika asina kana cent "
Sisi Shelter vakati
" Tete vari pano toda kutomuperekedza tibvunzireiwo kune vamakatengesera imba kuZimbabwe kuti Motion achiripo here kana kutipawo number yaMai Deony vaye vaigara kuroom yekucorner "
Number dzaMai Deony dzakasendwa Sisi Shelter vakafona , Mai Deony vakadavira vachiti
📞Halloe Baba Deony wazondifungawo ,
Hezvoo maybe vaiva vafunga kuti ndiBaba Deony murume wavo aiva akanorova kuJoni manje sisi Shelter vakabva vati
" Ndini Shelter mwana wevaimbova Landlord wenyu ndati ndokumbirawo kubvunza muchiri kugara pamba paye here "
Ivo vakati
" Ah makadii sorry ndanga ndafunga kuti ndiBaba Dee, ah paye ndakatama last month Mai vepo vakazopatenga ava vakauya asi vainetsa zvekuti saka takabva tese maroja"
Sisi Shelter vakati
" Ko Motion akatama achiendepi "?
" Ummm mukoma Motion handizive kuti imba vakaiwanirepi asi vari muno muWaterfalls imomu ndombosangana navo necomby yavo vari paroad "
Sisi Shelter vaidisa nyaya vakati
" Asi Motion akatenga Comby here "
Mai Deony vacho vaizvidawo vakati
" Haa kana iyoyo yekubasa handiti Motion anoshanda kudriver maComby here kubva pakapera basa rake kuProton kwaishanda "
Sisi Shelter vakadzi cutter vakati
" Zvakaoma wakutonogara nemunhu anodriver maComby shuwa nemahurire anoita varume vekuma Comby haa zvakaoma "
Ini ndikati
" Ko ndikangotsvaga basa kunoku ndoshanda hangu ndochengeta mwana wangu ini handide zvemarriage hangu ini"
Tete vakati
" Kumusha kwedu hakuna munhu ari single saka ndiwe unenge wakuda kutotanga kushatisa rudzii go and pack mangwana takaenda kuZimbabwe ndakutotenga matickets tonomutsvaga tasvika Motion wacho "
Sisi Shelter vakati
" Ndasaver number dzaMai Deony ava regai ndivakumbire number dzaMotion wacho kana tasvika kuZimbabwe tomufonera "
Takarara number dzaMotion dzawanikwa munhu wese arongedzers kuenda kuZimbabwe mangwana and takamukira kuairpot ndiye hutu takanga zvedu kuZimbabwe.
Takaenda kumba kwaTete vaiva neimba kuKuWadzana kwaigara Couple yaichengeta saka vaiva vatofona everything zvaiva zvakarongeka takangosvika nekudya tikambozorora ndokubva sisi Shelter vazotanga kufonera Motion pakatoshanda line rangu randaisishandisa ndiro rakaiswa number dzaMotion wacho dzikafonerwa
" New number Helloe "
Ndozvaakaita apa aiva pane noise zvekuti vakatadza kunzwanana, sis Shelter vakafona futy vakadavira zvikanzi navo
" NdiSharon mwana wevaimbova Landlord vako ndokumbirawo kukuona ndiri kuKuWadzana"
Iye wacho anenge akanyumwa akati
" Sheron chaiye kwakanaka here plus why voice rako rachinja "
Ivo vakati
" Ndini wani nhai Motion ndakadzoka from South Africa ndakuita attachment yangu kuno can I see you mutown "
Iye akati
" Unouya kaa kuWaterfalls ndokupa madirections but zvekuma 7 ndapedza basa "
Sisi Shelter vakati
" Olk send directions"
Vakabva vakata madirections akauyawo nematexts aiva asina kumbotama achienda kure from pataigara zvake ini ndini ndaitonyatsa kuziva Waterfalls ava vana Sisi naTete vaiva vanhu vekuJoni kaa hapana zvaizivikamwa .
Takataimira kwatodoka kwava Kuma 6 ndobva tahire Uber yedu paIndrive ndisu avo kuWaterfalls kunomira pagedhe pepamba paiva pataurwa this time ndakafona ndirini ndikanzi
" Pinda gedhe harina kulockwa ndiri mukati busy kugadzira gadzira mumba manga muri junk "
Tikapinda tese nemonarch redu ndikanocka akauya akavhura akapfeka short chete kumusoro kusina vanhu , anenge akatovhunduka kuona vanhu vakawanda akambovhara door akazodzoka kuvhura akapfeka .
" Ah kwakanaka here "
" Kwakanaka Bamunini ibvai padoor tipinde "
Akaita zvekusundwa naSisi Shelter vakapinda ini ndikateverawo nebheke rangu ndikapinda ndikagara pasi chaipo , tete vakagara pachair 1 yaivapo sisi Shelter kutogara havo pamubhedha .
Mainhuwirira kani mumba macho ndofunga shasha yaiva yasprayer ichiti babe zvariri kuuya kusleepover .
Tete vakatanga nyaya vakati
" Bamunini ndini tete vaSharon , ini handina kuzouya pano kuzoita zvekuseka , Sharon ane nhumbu takazviona paakauya kuHoliday kuSouth uko tikamubvunza akati ndeyenyu mune zvamakaita mese here "
Motion akaratidza kupererwa akati
" Anonyepa uyu tine zvatakaita asi ndakamupa mamorning after akamwa "
Sisi Shelter akati
" Hezvooko kaa waramba munhu wako handei tete tingapedzerwa nguva regai nditofonera Mai vacho ndivaudze "
Ini ndikati
" Iwe Motion unoziva takarara tose 2 nights , first night ndopandakanwa mamorning after the. Second night ndakazongoenda kumba handina kunomwa "
Iye akati
" Ndakuwana usiri virgin ko ndoziva sei kana nhumbu yacho wakanga unayo kare "
Ini ndikati
" Ndakabva kuchikoro ndiri kumaperiods ini Musi watavhara chaiwo chero ukabvunza Mama "
Tete vakati
" Bamunini tava kumbokusiirai mukadzi kana mwana azvarwa moenda kuMaDNA , then musikana anoda kucontinuer nechikoro asara neAttachment neku graduater chete saka mopedzisawo taenda isu mainini "
Sisi Shelter akati
" Mosara zvakanaka Baba naMai Juju , Sharon tinenge tichingotaura pafon asi dai uri mumwe watoenda kuAttachment because dzingori 6 months kaa dumbu rako harisati Rava kunyanya kuonekwa iri "
Vakabuda zvavo hama dzangu sare tatarisana naMotion uya ndaiva ndakushaya kuti ndotangira papi manje kana kuti ndomuti chii nekumboganza kwandaiva ndakaita paye.....
Follow for more
IN GOD HATIPERI 🥰
❤️
😂
🙏
👍
😢
😮
382