Tanny's Online Novels
Tanny's Online Novels
February 18, 2025 at 05:58 AM
*WRITTEN BY TANNY M(MUZUKURU WESHAYA)* https://whatsapp.com/channel/0029VaDYeL6IHphKZdYP1O25 *Book redu rinosvikira muchannel umu saka gara vaita follow munyori haape mabooks kuinbox* ❤️BEVERLY MY SISTER ❤️ https://chat.whatsapp.com/IGZ9r8Q049c5RxO1E11wRP *For comments* Book📚20 Free book ,read comment and share *App/Call 0️⃣7️⃣8️⃣0️⃣2️⃣9️⃣7️⃣4️⃣0️⃣0️⃣* *Chapter Four* Muna Ndanga ndava zvangu stranded kuti ndochidii nehupenyu. Shungu dzaiwepo asi nyadenga vainge vazviramba hawo. I even asked God zuva nezuva ndainamatawo wani. Ndanga ndiri mutadzi asi ndaiedzawo wani kuita mwana kwaye asi zvainge zvaramba hazvo. Ndanga ndakugara in isolation. Sometimes rinenge risiri godo as such asi unonzwa sei munhu vavaidzidza naye uchiona kuti ndiwe unoisa effort yakanyanya iye haaise ndobva abuda akapasa. Kutaura chokwadi ndakanzwa mweya vangu kudzikira. I called mhamha ndichivaudza ndobva wati "Chandoziva kuti chimwe nechimwe chinoitika for a reason mwanangu.Tochingonamata kuti tete wako vasaora moyo newe nekuti ini shungu dzekuti ndikutsvagire zvimwe zvekuita dziripo asi mari ndiyo iri kuramba. Kune mamwe maopportunities anogona kumuka saka usabva vazviomesera kuti nei zvakadaro. Zviri kundirwadzawo ini mai wako asi zvinoita chete ". Ndakavati okay zvangu. Mangwana acho ndiwo akati tete ndaifanirwa kuenda kumodelling school. Vaiita kunge munhu anga apinda mupfungwa dzangu chaimo. Body yangu yanga iri so perfect for modelling. Takazoenda kuModelling academy kwacho . Mafirst days ndaidzoka hangu kumba asi pandainge ndakuita masessions emanheru tete vakabva wati ndigare pachikoro. Vakandipa pocket money yezvese. Girls racho ranga rakanaka zvisingaite. "Nhasi ndipo pane first audition yeduka Muna ". Umwe anga ava shamwari yangu Tania said. "Yooh saka une zvekupfeka here.l only have a couple of few nice dresses chete ende vanhu wese vanomaziva ". "Vanhu vatopinda mutown kunotsvaga zvekupfeka ". Ndakaverenga mari yangu ndikawona iri ishoma. Kuti ndinetse tete kuti ndoda mari zvinhu zvanga zvakundinetsa hazvo. Tania anenge akaona kuti ndanga ndakatoomerwa akabva aenda kuroom kwake ndobva adzoka ane a long beautiful red dress. "Today its Valentine's day you can wear this ". Ndakamutarisa ndobva ndati "What about you Tania une chekupfeka here ". "Don't worry about me ndakuenda kunotenga kutown ". Ndakamuti okay ndobva abuda hake achienda. Ndakatarisa pashoe reck pangu kuti ndoisa bhutsu ipi. Ndakaona mamwe maheels angu aisungwa tutambo so. Ndakakumura dzandanga ndakapfeka hembe ndobva ndapfeka dress racho. Ranga rakanaka haro rine vent uye kumusoro uku ranga risina haro maoko. Zvemakeup ndaisagona but l vowed to try kuti ndionekerewo zviri nani. Ndakabva ndatanga kupractiser kufamba ndichizvitarisa pamirror. Ndanga ndakugona zvangu asi ndanga ndichilacker padiki diki. Vamwe pavakadzoka vanga wane mashopping bags awo anga ane zvinhu. Kutariswa kwandaiitwa kwakamboita kuti ndifeele bad asi ndakasiyana hangu nazvo. The audition was at 7. I had my dinner at five kumasix ndanga ndatopedza kugeza ndakuzviisa makeup. Mumusoro ndanga ndine frontal yangu one yandainge ndakatenga nemari yandanga ndapihwa naBeverly. Ndanga ndatomusuwa mumwe wangu. Ndakazvitarisa ndikaona kuti ndanga ndava bho ndobva ndabuda hangu kunanga kuhall. Kwanga kwatogadzirwa zvakanaka and vanhu vanga vatotanga kupinda kudhara. I looked at myself for the last time. Ndakangosmiler hangu. Ndakazviudza kuti l was here to learn chete. Vamwe vasikana pavakatanga kubuda ndipo pandakazorora hangu. Vanhu vanga vakachena zvawo especially mumusoro vaiona kuti mafrontal aya haasi mamwe aya aya asi emhando chaidzo. Tania akafamba kuuya kunomira pandanga ndiri "Rakatokufita wena dress riya all the best shamwari yangu hande paline apo ". Ndakagutsurira musoro wangu. Ndini ndanga ndiri kwekupedzisira kweline. Vanhu vakatanga kupinda vachiplayerwa music yaienderana neday racho. Line parakasara ndane vanhu two kumberi l said a little prayer. "Mwari ndipo pazvinototangira apa. I failed once but not this time please guide me ". Ndakadaro ndabata kumeso kwangu nemaoko angu two. Ndakanzwa kusuwa Beverly. I wanted a hug from her . Pakasara munhu one kumberi kwangu akabva angopinda hake. Ndakasara hana yangu ichiita kukwatisa mapudzi chaiwo. Ndakanzi yawa turn yangu naMam vanga vari padoor. Ndakati "Okay ". Ndichiita breathe in and out. Ndakavharira tuziso. Music yakabva yaitwa on. Ndakabva ndapinda ndichifamba zvemodel chaizvo. Kumberi kwanga kune majudges varume nevakadzi. Pakupinda ndakapinda zvakanaka asi pakudzoka handizive kuti tambo yepamaheels yakadzika sei ndiri mukusweya pakufamba kwangu ipapo ndakabva ndagumburwa kwakukudubuka pasi nemuromo. Imika !!!!!!! Hall yese yakati bvuuu kuseka. Apa kuti ndichimuke ndainge ndakunyara nekuti vanhu vanga vari busy kundiseka. Ndakauya ndichisimudzwa namam waya vanga vari padoor. Ndakafamba kumberi ikoko kusvika pakubuda panze ndakatarira pasi. Gumbo rangu ndanga ndakutoita zvekukamhinha nekuti ndanga ndaminyuka. Mam awa vakangondisiya ndiri ndega panze. Ndakabvisa maheels angu ndakutanga kutwasudza gumbo rangu. "Can l ...". Ndakatarisa munhu wacho ndikabva ndanzwa hana yangu kurova chaiko. "Ummm no no l can manage please go inside ". Munhu wacho ndanga ndisingamuzive saka ndaiita kuti abate gumbo rangu why. Ndakamedza tumate nekuti anga akanaka hake munhu iyeye apa perfume yake ndakaziva kuti munhu uyu haapinde mumashop mamwe chete nesu. "I want to help chete hapana zvandokuita apa uri close to the door unongodaidzira kana ndikaita zvinhu zviri inappropriate ". Akadaro achiri simudza gumbo racho ndobva aita kakuritenesa kwakuridzosa muposition. Ndakarwadziwa asi l started feeling better. Akaramba akanditarisa ari kumakumbo kwangu. Ndanga ndakushaya kuti ndohotarira kupi chaiko. "Thank you ndakuenda ". "The auditions are not yet over ". "But kwandiri zvatoperaka saka zviri nani kuenda kunozorora hangu ". Akabva asimuka achiita kakuzunza maoko ake so. "Enda zvinokupa shungu to do better next time. Ukasekwa unofa here ?? If a situation is kinda lemonish make lemonade out of it ". He said achipinda murima kwaisasvika malights. Ndakaramba ndakatarisa murima imomo. He was gone !! Asi changa chiri chipoko here ?? Kungozvifunga izvozvo ndakabva ndafambisa ndichipinda mukati nedoor repakati. Ndakasvika ndikagara hangu muvanhu vanga vasiri paAudition pacho. Vanhu vakaita imwe round asi ini handina kuzodzoka zvangu. Munhu akazohwinha mumwe musikana aizviti Shenesea anga ari muyellow born chaiye zvinenge zvanga zvabatana nekuzora mafuta anotsvukisa. Tnnia ndiye akaita number two. Ndaisamunzwira godo shamwari yangu ndakatomukorokotedza hangu asi vanhu vaingondinongedza chete vachiseka. Ndakabva ndafamba kudzoka kuroom kwangu. Ndakasvika nekubakidza phone yangu. Ndanga ndichida kutaura nasis wangu Beverly asi phone yake yaingoringer pasina anodaira. Asher ndanga ndisisataure naye. Ndakashaya kuti ndotaurawo nani. Ndakaisa pillow kuface kwangu ndobva ndatanga hangu kuchema. Zvinhu zvacho zvese hapana chandanga ndichigona ini. Ndakasvika hangu pakurara then mangwana makuseni Tania akauya kuroom kwangu. Ndiye ainyanya kundifambira ini ndaizviitira zvinhu zvangu. "Ummm nezuro vakazozvifambisa sei Muna hona vakatogadziriswa sticker. Ranga rakanzi *Hona rava* apa picture racho ndanga ndakadonha pasi chaipo. Ndakatomboseka asi deep down ndairwadziwa zvisingaite. "After two weeks hanzi tiri kuita rimwe round iroro ndiro richadeterminer kuti uri kupinda kumaInternational models here or local models asi ini kumaInternational models ndiri kutoda kukwikwidza mybe ndogona kungosanganawo nevanhu vanongonzi vakanaka so ". Handina kumudaira hangu nekuti neperfomance yangu iyi ndanga nditori mulocal chaiye ndaizongoiswawo mumasongs evaimbi emuno that is if ndikaimprover hangu. Ndakamuka ndikageza ndobva ndaenda kumalessons angu. After ikoko ndakabva ndatombofunga zvekupinda mutown ndaida kutenga mafood staffs tete vanga vanditumira mari. Ndakatopinda zvakanaka naka hangu asi pandainge ndakuda kudzoka kuchikoro l was struggling kuona mota. Ndakanonoka kusvika kuchikoro. Vamwe vanga vaenda kunoona mamovies asi handina kuenda. Ende dai ndakange ndakaziva hangu ndakaenda nekuti mangwana acho kwakanzi kuroom yemunhu akaita number one kwanga kwabiwa mari apa ndini ndega ndaiwa kumarooms edu. Izvozvo zvakaita kuti ndidaidzwe kuAdmin. Ndakavaudza kuti ndainge ndisina kuba mari yemunhu asi nekuda kwekuti ndini ndaivako ndega ndakanzi punishment yangu yanga iri yekudiridza maruva uye ndakabva ndadzorerwa kumashure kurimwe group rakauya after isusu. Ndakarwadziwa hangu asi ndanga ndisina zvekuita. Everyday kwemwedzi wese ndaingomuka makuseni ndichidiridza maruva angu asi Tania dzimwe nguva ndiye aibiridzira kundibatsira asingade kuti zvizivikanwe nevakuru. Mumwe musi last day rekuti ndanga ndakufanirwa kupedza punishment yangu makuseni acho pakafuma kupinda mota two dzanga dziri dzeblack. "I think kuti ndiyo imwe round iya vakagadzirira here ". "Ini nditori pongwe hake natete wangu this time vanoita zvekunditswa muduri mafufu angu wobikira hawo imbwa ". Akabva aseka hake kwakufamba achienda. "Hie ....". Mukomana uya vandakamboona paya akadzika mumota idzodzo ndobva auya kunondimhoresa. "Makadii zvenyu ". Ndakadaro ndichiratidzawo respect. "Ko asi unoita part time job pano ". "No ndiri papunishment ". "Punishment yeyi ". "Ndakanzi ndakabira munhu mari ". "But vakaba here iwewe ". Iwewe wacho akamutaura sekuti munhu anondiziva. "No l didn't ". "Sorry ". "Its okay ". Ndaida kufamba kuenda akabva ati "Rava sei gumbo " He said achisekerera hake. Ini ndakabva ndaseka ndoti "Pane month ndakwara rawa boe thanks once again ". Akabva asekerera hake ndobva ati "Saka vakazoita maexcercise here Audition two is around the corner ". "Handina ndakadzoserwa kumashure ini ". "Nekuda kwenyaya yauri kuitira punishment here ". Ndakagutsurira musoro ndobva ati "Alright see you around ". Akadaro achifamba kuenda kumaAdmin blocks. Ndakafamba ndikaenda hangu kunogeza. Ndakazoswera hangu ndakagara kumastone bench sezvo kwanga kusina hako malessons or mapractice. Manheru acho ndakataura nasisi wangu vakati vainge vadzokerana naZeddy asi kudzokerana kwawo kwanga kuri kwekuti Zeddy wacho anga aramba achivanyengerera. Ndakavati no problem nekuti vanga vava munhu mukuru. Zeddy wawo vaimuda zvisingaite saka ndakangoti happy for you. Ini hangu ndanga ndisina munhu vandanga ndinaye . "Nhasi kune dinner yemacouples boys riri kuuya pano ". Chikoro chacho changa chine two macampus yevakomana nevasikana saka apa boys ranga riri kuuya kwedu. Ini ndanga ndisina vandinowirirana naye. Worse nekudonha kwandakaita kuya ndanga ndatowa hangu top shata rechikoro chese Matarisirwo andaiitwa naShenesea hameno ainge akandimakira hake chii. Ndakazongogadzirirawo ndikapfeka my white flared dress nepulling yacho kuitira kuti rikazopeturwa nemhepo. "Muri kupindwa nemacouples do you have a couple ". Shenesea ndiye akandibvunza kudaro. Ndakadzungudza musoro kuti kwete . "Saka buda muno uri kuda kuitei ". Nekuda kwekuti anga akaita number one aitopihwa respect saka ndakaterera ndikaenda hangu panze. Ndanga ndagara ndisiriwo kuda kupindamo ndiTania anga andimamikidza. "Hey uri kundibatirei". Ndakadaro ndangosimudzwa nemukomana anga ane mask. Haana kudaira akapinda neni mukati. Vanhu wese vakanditarisa nemukomana wacho. Vanhu vanga vasina kuda zvekugara wotanga vadya vanga vava kutotamba nemapartners awo. "Ndokumbirawo kusiiwa handisi kuzvida izvi ". Ndakadaro ndatoona kuti munhu wacho ari serious nekutamba neni. "Usatya ndini ". Munhu wacho akadaro achisimudzira mask yake. Ndakangokwanisa kuti "Muri kutsvageyi muno "iye wacho akabva aita kakundidonhedza achindibata pamusana apa. "Shhhh dzikama uri kuda kugara wega panze sei asi hauna boyfriend ". Ndakagutsurira musoro ndobva ati "Saka vanga usina kundiziva here even murima chaimo l locate you ". Ndakati "mhaa ". Zvikanzi vandinzwa!!!. Ndakabva ndaramba hangu ndakanyarara ndobva ati "Musi wemaAudition uya it wasn't my first time kukuona ndakambokuona futi ". He said achiita kakunditsmbirisa pachest pake. Ndizvo zvanga zvaitwawo nevamwe. I wondered why vanga vakapfeka mask. "Hauna kumwe kwavakambondiona here tiri kusangana kwese kwese what do you call that....". Akadaro achindidzikisa akabata pamusana pangu apa ndobva aramba akanditarisa mumask imomo uku ini hana yangu yanga yakurova chaiko.... *Stay tuned*
❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 👏 💃 🔥 🥰 1.2K

Comments