Tanny's Online Novels
Tanny's Online Novels
February 19, 2025 at 07:55 PM
*WRITTEN BY TANNY M(MUZUKURU WESHAYA)* https://whatsapp.com/channel/0029VaDYeL6IHphKZdYP1O25 *Book redu rinosvikira muchannel umu saka gara vaita follow munyori haape mabooks kuinbox* ❤️BEVERLY MY SISTER ❤️ https://chat.whatsapp.com/IGZ9r8Q049c5RxO1E11wRP *For comments* Book📚20 Free book ,read comment and share *App/Call 0️⃣7️⃣8️⃣0️⃣2️⃣9️⃣7️⃣4️⃣0️⃣0️⃣* *Chapter Seven* Muna Paakandisiira jacket rake mukomana uyu ndakangoseka hangu. He was funny after all. Sezvo ndanga ndisisina munhu wekugara naye mukati ndakabva ndatanga hangu kufamba kuenda kumahostel. Ndakaona Tania achitewera kumashure achindimhanyira. "Slow down chommie ndoziva kuti une heel control yakasimba ". Akabva andibata mumapfudzi ndobva ndamira hangu. "Ko hauna kundiudza wani kuti une dude rako vakati hauna munhu saka who was he ". Ndakaseka hangu ndobva ndati "Makuhwa ndiwo anokukurira Tania ndaneta ini.Ufunge hako handitombomuzive munhu iyeye anongoita zvekunyuka uyu ". Akandinongedza ndobva ndamuti "Serious Tania ". "Tichaona zvedu rega nditi shwee muromo wangu. Ukandiudza kuti mukomana wako lm not going to judge you kana kumutora ". "Serious handimuzive ini hande tonorara kuroom kwangu undiudze kuti dude rako vakarinyurura kupi ". Tania maparents ake anga ane mari yakasviba kuti ndoo asi kwandiri aisashaina kana akatenga chinhu ndisina aindipa kana kutenga zviri two. Musi uyu hatina kurara achindiudza hake mastories ake. Takazorara kwakutoedza chaiko. Makuseni takaenda kupractice kwedu. Days passed ndipo pandakaenda kumba. Beverly anga atosimba hake. Tete vanga vasipo bamukuru ndiwo vanga varipo ende vainge vari hawo kwindi hameno kuti vainge vaitwa sei. Week ratakapinda ndakanzi ndidzoke kulevel kwandainge ndabviswa kuya. Ndakazviziva kuti chihera ainge apopota hake kuita kwatete wangu ndaikuziva ini. Tanga tine first round redu Thursday yakatewera yacho everyone was invited. I was expecting to see my sister to come asi havana kuuya tete ndiwo vakauya chete. Ndakanzwa kurwadziwa chaiko asi ndakazonzwisisa ndanzwa kuti anga anonoka ari kuchikoro. Musi uyu ndanga ndaita practice yangu. As always ndini ndanga ndiri kwekupedzisira zvangu. I didn't want to let my aunt down nekuti ndaiziva kuti vanga vabuda mari yakawanda kuti ndisvike pandiri nhasi. Ndanga ndisina kumbopfeka zvinodhura ndakapfeka zvinhu zvanga zviri within my means izvozvo. Pakasvika turn yangu ndakanzwa misodzi kuungana mumaziso mangu. Ndakafunga kuti dai mhamha vangu vanga varipowo zvawo. Ndakaita breathe in and out ndobva ndapinda. Ndakazviudza kuti ndofanirwa kuenda kumaInternationals inini. Ndakatanga kufamba. Hall yese yanga yakanyarara kuti zii. I knew kuti ndanga ndichiita chaizvo izvo. Pandakasvika kudoor ndakubuda ndipo pakaita ruzha rwevanhu vairatidza kuti vanga vafarira kufamba kwangu. Ndakaenda kuroom kwanga kune vamwe. Shenesea akabva ati "Vamwe wedu tongoziva kuti vari kutiperekedza pano nekuti chimuti ndini ndakachiti dzvii ". Pari pakunaka hake yes anga akanaka. Ndakangoti nechemoyo Mwari ndioneiwo. Hakuna chinhu chinofadza kuudzwa nemubereki kana guardian kuti lm proud of you. Tania akandibata papfudzi pangu ndobva ndangoita kasmall smile hangu. Takazodaidzwa tese kuti tipinde tichifamba then tomira kumberi ikoko waiting for our results. I gave it my best as well tobva tamira kumberi ikoko. I spotted tete wangu wiping a tear from her eyes apa vanga vachitora video. Ndakasekerera hangu. Master wacho vanga vari kumberi vakabva vatanga kudaidzira mazita evanhu vanga vabudirira kupinda kumaInternational models. Pavakamira kudaidzira mazita ndisina kunzwa zita rangu ndakanzwa misodzi ichiungana mumaziso mangu. Ndainzwa mweya wangu kubuda chaiko. Ndanga ndaedzawo wani. Iwo master wacho vakaramba vakabata paper rawo vakatitarisa. Vakasekerera hawo ndobva wati "Kana ukashanda extra hard tinokubvisa pamany more kukuisa pachidanho chako chaipo ". Tania anga asina kudaidzirwa palist iri saka l assumed kuti ndiye airehwa hake. Ndaitonzwa kuti dai ndabuda ndaenda kunogara panze ndichirohwa nesvimhepo ipapo. "Today you showed the judges that its not about doing it but une passion in modelling ,ladies and gentlemen a round of applause for our first round Princess Munatsi Rugare Rwambiwa ". I looked at the judges misodzi yangu ichiti waya kudzika. Ndakadzungudza musoro wangu. Ndanga ndanzwa chaizvo here ini. Ndakabata muromo wangu not believing it. "Miss Rwambiwa please ". Vakadaro master wacho vachiti ndiende pavanga vakakamira kuti vandipe maflowers. Ndakawiper misodzi yangu ndobva ndatanga kufamba kuenda pavanga vakamira. Every step yandaiita reminded me of the hard work l had put ndiri kuhigh school ndikanzwa shungu dzichindizarira. Kune vamwe this was a small thing since it was our first round but kwandiri this was big. It instilled the confidence l needed kuti ndisvike chaipo pekuti vanhu wese vanenge vari proud neni. Ndakaita kakutyora muzura mbijana ndichigamuchira maflowers acho. Ndakabva ndatorwa maphotos. Other judges vakakomenda pamusoro peperfomance yangu yandainge ndaisa and wese vanga vachindipa mahug. Vasikana vazhinji vakarwadziwa nazvo asi Tania was so happy for me zvekuti pandakadzika kubva kumajudges she gave me a hug. "Few words kumamwe mamodels nevabereki vari pano ". Vakadaro master wacho vachindipa mic kuti nditaure. Ndakamedza mate. Ndakaisa maziso angu pana tete awo vanga vari busy kupukuta misodzi yawo. "My aunt always says ,a journey of thousand miles starts with a single step. Im so proud of this step l have taken and l also want to congratulate everyone who have participated here.Kutowa pano it means you have the potential. Zvikaramba nhasi unoedza zvakare ,never back down on achieving greatness thank you " Ndakadaro ndobva ndadzorera mic kumuridzi. Vanhu vakabva varidza mhururu nekuombera maoko. Takazofamba kubva kumberi tobva taenda panze. Ndakasvika tete wangu vatowapo kudhara. Pandakavatarisa vakafamba vakabva vauya kunondipa hug. Misodzi yangu yakabva yatanga kudzika. "Well done my girl. Vagonesa this is beautiful vanzwaka.Hatina chihera anotadzirira kuita zvakanaka isu. Vagona ooh you deserve it.Pandanzwa usina kudaidzirwa pane vamwe ndaiita kunge ndichakututa nayo ndanga ndabatikana zvekuru.Keep it up Rugare ". Vakadaro tete ndobva vandipa laptop yanga ichitori nyowani. Ndakavatenda zvisingaite. Sezvo kunze kwacho kwanga kwatodoka tete vakabva wati vava kudzoka kumba. Ndakawati vafambe bho. Pakabuda mota yawo muAcademy ndakutoda kuenda kumahostels ndakaerekana ndabatwa muhuro mangu umu. Ndaida kuridza mhere asi ndakanzi "Unotya kufa iwewe ndini ". Ndakamutarisa munhu wacho anga ari that guy. Anga akapfeka a over coat jacket. "Hie ". Ndakadaro ndakutanga hangu kufamba. "Hie ani ". "Hie iweweka vakandiudza zita rako here handina kuribata ". Ndakadaro ndichitonzwa kahana kangu kurova kwazvo. Mukomana uyu hameno zvaanga ari kumuona kwandaiita ndaiita kunzwa hana yangu kurova zvakapfurikidza mwero. Asher ndiye anga ari mukomana vangu wekutanga. Since anga ari mwana wechikoro seni zvinhu zvaingogumira mukumhoresana nekutaura paphone chete nekuti kuchikoro kwacho malove affairs aitodzingisa chaiko saka zvevakomana zvakawanda ndaisazviziva hangu. Iye mukomana uyu akabva ati "Unodada hako asi ini ndinonzi Dylan hameno iwewe unonzani ". "Ndonzi Munatsi ". "I prefer kukudaidza kuti Muna handiti ndizvo here bhururu wangu ". Ndakaseka hangu ndobva ndati "Ndizvozvo bhururu wangu " Iye akabva aseka hake. "Congrats bhururu nhasi maita chaizvo izvo nekuti ndanga ndisipo here ". Ndakaseka hangu ndoti "Pandakadonha vanga uri muhall here " "Ndanga ndirimo asi hauna kuzviona.l expected kuzokuona une mawende asi vakasimba bhururu " Ndakaseka zvangu ndobva ati "Hausi kuda kuti tigare pamasteps apo here kumahostel uri kuda kunoitei ". Ndanga ndisinawo zvekuita saka ndakabva ndagara pamasteps pacho. He was smelling nice hake. "Hausi kuda sadza nhasi here ". "Dai vaiziva kuti ndakapotsa ndafa sei vanyarara zvako ". "Ko indawa ". "Paya ndakangoshinga kudya but l think kuti ndine maUlcers saka sadza racho rakandikanganisa colony yangu ". "Eish sorry zvako bhururu wangu ". Akabva aseka hake. Ndanga ndakutofarira hangu zvekutaura naye. Anga asina kundisvitsa shoko and l wasn't expecting it nekuti munhu anga akanaka hake kunyangwe anga ari plumber. "You looked extra beautiful today ". Ndakamutarisa ndoti "Thank you ". Takambonyararidzana zvedu ndobva azoti "Saka muface wako haana kuda kuuya kuzokuona here " "Ndakamuramba muface wacho vanhu wekumba kwedu havatode kuti ndiite zvisina basa ". "Saka uri single " Akandibvunza zvine kushamisika mukati ndobva ndati ehe. Akamboseka hake ndobva azoti "Plus iwewe nelevel ravakuda kuenda iri ndimi mababe anenge achizotorwa nembinga kwete ana pombi yaruza ". "Ini chandongoda is a man anokwanisa kuprovider chete zvimwe zvese izvi hameno ". Akaramba akanditarisa hake. Phone yake yakarira ndobva ayibudisa ndobva akata phone yacho. Handina kumubvunza kuti ndiani asi ndakangoziva kuti munhu wake anga akufona. "Sorry ". Ndizvo zvaakabva aita. "Sorry for what ". "Kufonerwa nevanhu vasina plan awa munhu ari kuda kuti ndimunamire toilet sitter yake ". Ndakangoti okay hangu. Ndakasimuka ndobva ndati "Ndakuenda kunorara ini ndaneta uye ndamuka kudhara ". "Isa password ". Akadaro anditorera phone yangu. Ndakaisa password yacho iye hameno zvaakaita ipapo kwakuti "Ndaisa number dzangu ndadzisaver kuti Bhururu wangu ". Ndakaseka hangu ndobva ndati okay ndobva ndafamba ndichienda kumahostel kwedu. Ndakasvika Tania akandimirira. "Mazuvano uri kupisa hako asi apa uri kubva kupi ". "Ndanga ndina bhudhi waya ". Akaseka ndobva ati "Door rako make sure kuti vagara rakavharika nekuti team ranga rakatarisira kuti ndiro richaitwa vanhu wacho rabatikana zvisingaite " Ndakamuti hangu okay. Madays akafamba Dylan aingouya achindiona kuchikoro ende musi vaaitadza kuuya ndainzwa kubhowekana zvisingaite. Paaiuya pacho taiita nyaya shoma ndiye anga akundidzidzisa how to model zviri classic. Ndakashaya kuti semunhu vaplumber anga akazvionera kupi zvinhu izvi. Kupractice ndaizosara kuzviita asi ndatopedza kare kuzviitiswa naDylan. Rimwe week haana kubatika. Chikafu chacho chaisadzika hacho. Ndanga ndakamuita bestie wangu wepamoyo chaipo. Mumwe musi tasarirwa nethree days kuti timbovhare ndipo paakauya. Akauya achinditora kuchikoro. Ndakafunga kuti anga ari kuda kuenda neni nutown or kumwe kunhu asi ndakazoona taperekedzwa nemota yaanga auya nayo kusvika pamwe pamba so. Ndakashaya kuti ndepani chaipo. Panga pakanaka hapo. Ndakangodzika hangu asi ndakamuti "Ko ndekupi kwatiri uye tiri kutsvageyi ". "Ngatipinde mumba uone ". Ndakangoti okay tobva tapinda mumba macho. Manga makanakisa kwazvo. Ndakagara hangu pasofa. Iye akafamba kuenda kuimwe room akazobuda nevamwe mai vaanga akafanana nawo. Ndakasimuka ndichibva ndavamhoresa hangu. Ndainge ndafunga kuti mybe ndimai wake asi akabva ati "Tete uyu ndibhururu wangu chaiye chaiye taurai mese ini ndine nzara hangu ". Akabva abuda achitisiya tiri two. "Uri sei zvako mwanangu ". Vakadaro tete wake . "Ndiri nani zvangu tete muri sei zvenyu ". Ndaitonzwa kunyara kunge anga andiintroducer semusikana wake. "Ndiri nani zvangu ndimi munawo vana Dylan awa. Ndaisaziva kuti ane mabhururu echisikana ini. Mai wake vanongoti ane vakomana vaanotamba nawo asi iwewe haana kumbobvira ataura kuna mai wake asi munodanana here mukomana wacho haanzwisisike hake uyu ". Ndakaseka zvishoma ndoti "Ndiri bhururu wake tongowirirana chete. Munhu ari bho zvake ". "Akakuudza kuti anoita nezvei here ". "Akati anoita zveplumbing kuModelling Academy kwedu uko ". "Ende Dylan kaa zvakamuomera hake zvisinei ndafara nekukuziva mwanangu pamba patete wake ndipo pano ". Vakadaro vakasununguka hawo. Anga akanyanya kufanana natete wake ndofunga ndosaka vaiwirirana hawo. "Vasvika ndichiwacha apa rega ndipedzise mwiri yacho ichada here ". Ndakabva ndawati "Regai ndipedzise tete pamwe mukomana anenge achipedzawo kugutisa dumbu rake ". Vakaseka hawo woti "Usazvinetsa mwanangu gara hako ". Ndakaita nawo nharo kusvika vandiratidza kwanga kune hembe dzacho. "Pane dzimwe dzangu idzi wobva vangowacha hako bhururu wangu ". Akadaro achiisa hembe dzacho . Anga ane bowel ranga rine cerevita Anga atori masikati hameno why aidya porridge. Ndakatanga kuwacha washeni dzacho dzese. Ndapedza ndakaisa hangu paline . "Ndasvibidza maplates atete wangu wotosiya vasuka bhururu ". Ndakamuti zvakakuomera ndobva ndasuka futi maplates acho. Ndapedza tete vanga vakagara hawo musitting vakabva vanzi "Bhururu wangu rega ndimudzose kuchikoro kwawo ndangomutora asingazive kuti tiri kuenda kupi rega nditore juzi rimwe iri rakundipisa haro ". Akafamba achidzoka mukati. "Mukomana wacho uyu anoda zvemafaro hake saka ukazoona ". Ndakangoti ehoi tete asi kuita kwake mafaro kwanga kusina basa neni nekuti anga asiri mukomana wangu. Paakabuda takanopinda mumota make. "Dzatowa two months ndakuziva bhururu thanks vabvuma kundibatsirawo basa mari yehuplumber haingambokwane kutsvaga munhu wekubhadhara ". Handina hangu kumupindura zvakawanda.Driver wacho anga arimo mumota akadriver tikabva tadzoka kuchikoro. Tichisvika kuchikoro akabva adzika iye kutanga ndobva aanswer call yake achiti "Ndiri busy mazuvano shaa saka unofanirwa kuzvinzwisisa iwewe unomboita busy wani ndakakuudza kuti ndokuona paweekend chete izvozvi nditori kumwe kunhu kwaitika break down saka ndiko kwandiri kutsvagira mari ndiri ". Ndakashaya kuti ndiani anga achitaurirwa zvinhu izvi . Pandakadzika kutsika pasi akabva angokata call yacho kwakuisa phone yake muhomwe. *Stay tuned*
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 🔥 👏 🥰 💃 1.1K

Comments