Tanny's Online Novels
Tanny's Online Novels
February 21, 2025 at 06:59 PM
*WRITTEN BY TANNY M(MUZUKURU WESHAYA)* https://whatsapp.com/channel/0029VaDYeL6IHphKZdYP1O25 *Book redu rinosvikira muchannel umu saka gara vaita follow munyori haape mabooks kuinbox* ❤️BEVERLY MY SISTER ❤️ https://chat.whatsapp.com/IGZ9r8Q049c5RxO1E11wRP *For comments* Book📚20 Free book ,read comment and share *App/Call 0️⃣7️⃣8️⃣0️⃣2️⃣9️⃣7️⃣4️⃣0️⃣0️⃣* *Chapter Nine* Muna Ndakabva ndatanga hangu kufamba kuenda kuhostel kwedu. Iye akandimhanyira ndobva andibata ruoko rwangu. Ndakamira ndichimutarisa. Iye akabva ati "Vangofamba wani ko kwese uku tabva tese tiri bho wani ". "Asi ndamboti hatisisiri bho here ndaonaka uri busy paphone pako plus pane zvandiri kuda kuita kuroom kwangu ". "Next time unotaura kuti ndakusuduruka kwete kuita kunge munhu anenge akatsamwa pane zvauri kuda here handina hangu mari yakawandisa asi yekuspoiler bhururu wangu handizoshaye" Akadaro achibata muhomwe make kwakubudisa twenty dollars ndobva andipa. "Unotenga zvaunenge uchidawo bhururu wako ndiplumber mari dzepano dzinonoka kubuda iyi ndakatongwavha kunze uko ". Ndakamuti"Thank you ndakuenda ". Akabva ati "Just like that here amana hameno vangochinja mood sei apa chindipawo hako mapapiro ndiende shaa " Akadaro achindipa hug ende zvakaita kuti hana yangu iwedzere kurova. Munhu vaanga ataura naye ndakanzwa kunge musikana wake. Ndakazongozviti isu tiri mabhururu chete hapana hapana hapo. Ende kurambana kwandainge ndaita naAsher hapana mumwe mukomana anga ambondisvitsawo shoko. Tania aigara achiti inbox yake inenge yakazara nevanhu vanenge vachimunetsera . Yangu yanga iri so dry asi ndine mamhepo here nekuti kunyangwe ndikanzi ndaita mukomana handifunge kuti tete vanonyanya hawo kundibatirira sezvavaita tiri kuhigh school. Ndakafamba ndobva ndanopinda muroom mangu kwakutombobatwa nehope nekuda kwekuneta . Ndakazomuka kumanheru ndakuenda kunotora chikafu changu kudinning . Ndakasangana naShenesea ane mumwe mukomana ende akabva atomubata ruoko achiita rwekukochekera hameno aifunga kuti ndorwadziwa nezvinhu zvisina basa izvozvo here. Pachikoro ndanga ndatovengwa nekuti l was that simple asi ndini ndanga ndaitwa first round Princess. Ndakanotora chikafu changu kwakudzoka kuroom kwangu ndobva ndadya hangu. Ndakambotaura naBeverly ndisati ndarara then following day takangoita practice zvenguva shoma zvikanzi tirongedze zvinhu zvedu sezvo tanga tichizomukira kudzoka kudzimba dzedu kuholiday. Tete ndakavafonera ndikavaudza kuti ndiri kuvhara mangwana vakati ndouya ndichikutora. Pandakapedza kurongedza hembe dzangu phone yangu yakabva yarira. Anga ari Dylan. "Hesi Dylan ". "Zvitorinani kunditi hesi bhururu pane kundidaidza nezita rangu shaaa.ndanzwa kuti muri kuvhara mangwana saka ndokwanisa kuuya kuzokuona here ". Ndakambotanga ndafunga kuti ouya here. Ndikaenda kumba ndinenge ndisisakwanise kumuona saka ndakati "Yes huya ". "Ok iribho ndouya manje manje ". Ndakangoti okay ndobva ndaenda hangu kunogeza kwakupfeka bottom rangu necrop top kumusoro. Pandakapedza ndakabva ndatobuda hangu kuenda panze. Ndakasvika ndichimbomira iye akazouya neimwe mota hameno sei mashamwari ake vaisamupawo kahonda kekuti akwanise kufamba ega. Anga atorine dzimwe two boys mukati imomo. Akadzikisa hwindo ndobva ati "Pinda ......." Ndakaramba hangu ndakamira ndaida kupinda kuenda kupi mumota manga mune vakomana chete. Akabva adzika apa musi uyu ainge akapfeka short nemashirt akanaka evakomana nekabag kaicrossa pamberi apa. Ndakaramba ndakamutarisa hangu . Paakasvika akabva ati "Ndati pinda wani " "Kupinda kuenda kupi kana uchindiona unondionera pano pachikoro hakuna kwandiri kuenda. Nezuro ndakabuda futi nhasi hazviite kuti ndibude aunt wangu vanogona kusvika anytime handidi hangu zvenoise ". Iye akabva aseka kwakuti"Asi havazive kuti uri musikana muhombe here kune kwatanga tichida kuenda newe saka toita sei ". Ndakaramba hangu ndakanyarara ndobva afamba achidzoka kumota. Akatora paper bag ende mota yacho yakabva yatobuda kuenda. "Saka togara kupi muroom mako hamuna pipe iri kuda kugadzirwa here ndongopinda togara tiri imomo". Semunhu anga ari mushandi wepachikoro ndakangofamba kuenda naye kuroom kwangu kwacho. Manga muri clean saka akasvika achiita zvekurara pabed pangu akatarisa mudenga. "Saka unotonditruster sabhururu wako zvekundiunza muroom mako here ". Ndakangoseka zvishoma ndobva ndamuti "Ehe ". Iye akasekawo zvishoma ndobva ati "Pamabhururu ako iwayo awuyinayo ini ndini chete hangu ndine bvumo yekuunzwa muno please usaite chijairira chekupinda nemukomana sezvavaita apa ". Kutaura chokwadi ndakanzwa kunyara handina kukwanisa kudaira ndakangogutsurira hangu musoro chete. "Vakomana they are sh*t vanokuita yese yese and once akuita yese yese usina svosve rakaenda kumba kwenyu kanganwa kuti anozopinda mumba newe munhu iyeye anenge akutokuita wekutambisa chete opedza ozotora hake ari sealed okanda paden. Ndiri kukuudza izvi nekuda kwekuti uri bhururu wangu handina kuona uri munhu akapaparika hake anomhanyira zvinhu l like the way you are calm bhururu ramba vakadaro vanzwaka unosvika kure ". Akadaro achimuka kuti agare. Ndakangomuti okay ndobva ndamuti "Muno mune manoodles chete ndokugadzirira here " "No ndauya nechikafu chako chiri mupaper bag umu ndichatoita kuti chikafu chepano chiitwe upgrade mbijana l mean kuti ndichataura nemaboss andinofamba nawo kuti chikafu vakuchinjirei chiite zviri nani tora chikafu udye ndanga ndichida kutobuda newe asi vangotya hako kubuda asi musi uno takabuda tese wani saka why varamba nhasi ". Ndakatora paper bag ndobva ndati "Ndaona mune vakomana two plus iwe wechithree ini ndingori musikana ndega hazvina kundiitira sorry hako kana ndakubhohwa Dee ". Akabva anditarisa achisekerera hake ndobva ati "Ndokunzwisisa type dzako idzi hadzidi zvisina basa ". Akabva adzoka mukurara kwake ini ndakatanga kudya chikafu chaanga auya nacho ndapedza ndakabudisa macards tobva tatanga hedu kutamba ende nguva dzacho dzanga dzichitoenda. Pakwainge kwamanheru akabva ati "Saka apa ndichakuona after holiday ". Ndakagutsurira musoro asi zvanga zvichitondirwadzawo nekuti ndanga ndatojaira kugara ndichimuona Dylan. "Saka pakaipa ini ndakuenda ". Akadaro atosimuka hake. Ndakaramba ndakamutarisa ndobva ati "Uri kuita kunge uri kuda kuchema wani " "Kutaura chokwadi ndichakusuwa Dee ndanga ndatojaira kukuona kumba hapana chandinenge ndichiita and handitobvumidzwe kubuda zvisina busstop rinonzwisisika ". "Kana neni asi iwewe vagara uri mwana akanaka tozongoonana paunodzoka pacho plus handiti hausati vadelita number dzangu here huya tone ". Akadaro achindisimudza ne1 hand ndobva andipa hug. Ndaitonzwa kuda kudzisa misodzi asi ndakazvidzora hangu. "Pauri kudzoka apa unenge vakuita serious nechikoro nekuti ndipo pamunenge makuenda out muchiona kuti vamwe vari kuita chii.Chakusuwa bhururu wangu ". Akadaro achindiswinya. Ndaisada kuti abve asi ndakazongobva hangu ndini ndobva atobuda achienda ende paakabuda pacho phone yake yanga ichitorira. Mangwana makuseni tete ndiwo vakauya kuzondiona asi pandakasvika kumba sisi Bevie hameno kamuitiro kavanga vachiita kandanga ndisiri kunzwisisa. *Beverly* Hana yangu yakati bhaaa kurova ndotarisa kuti ndanga ndisina kupfeka chinhu uku muroom macho manga mutorine kamwe kasmell kevanhu vabva kuita tlof tlof. Ndakaramba ndakamira iwo bamukuru wacho vakabata muchiuno vakanditarisa. "Nhaiwe Beverly hausi kunzwa kuti ndiri kukudaidza here vakazvikiira mumba mako kuti zvadii vhura door tone nguva dzafamba pastove hapana kana chinhu uri kumirira kuti ndikutume kuti isa poto yemuriwo manje inini. Ndokuendera kubasa ndopedza ndokupa chikafu ndokubikira futi rugare irworwo unorionera kudenga shamwari ". Vakadaro tete vachiedza kuvhura door. Chokwadi ndaizvitaura ndichiti kudii. Makumbo angu ainge ongodedera ndakamira kudaro. Ndakademba nechandanga ndabvumira kuti bamukuru vaite zvavanga vaita neni. Iwo bamukuru vakabva vandipa sign yekuti ndipe phone yako. Ndakatora phone yacho pakatable ndobva ndavatambidza. Vakabva vangoivhura phone yacho asi ndanga ndakatoisa password hameno kuti vaiziva sei. "Ndianiko ari kundifonera apa phone yacho ndaisa pai " Vakadaro tete vachifamba kuenda . Bamukuru vakavhura door ndobva vakasika kubuda. Ini ndakamhanya kunotora airfreshner kwakunogeza Pandainge ndakugeza pacho tete vakabva vapinda. "Ko ndanga ndichikudaidza wani vanga uchiitei muno uchitadza kundidaira ndotoita kunge mwana mudiki kukudaidza iwe urimo here ". "Sorry zvenyu tete musoro wangu uri kutema zvisingaite ndanga ndakatorara ipapa ndatomuka ndichiti rega ndigeze " "Ko wanga uchindifonera wani ". Ndakamedza mate ndobva ndati "Eeem ndofunga ndaitsimbira saka mukuitsimbirira imomo inenge yafona yega kwanga kuri sei hako kuchurch " . "Haiwaa kuchurch kupi kwandanga ndiri ndanga ndaenda kukitchen party yeshamwari yangu iwo bamukuru wako havadi zvekuti ndiende kumaparty saka ndangoita zvekunyepa plus ndoswera pano ndichiitei hangu ". Ndakangoti "Aaah its okay rega ndiise muriwo wacho pamoto ". Ndakadaro ndichifunga kuti vachati zorora nekuti ndanga ndavaudza kuti ndiri kurwara asi havana kuita saizvozvo. Ndakapfeka dhirezi rangu rakareba ndobva ndaenda kukitchen ndobva ndaisa muriwo pamoto. Bamukuru vakazobuda kwakutanga kuona bhora musitting. Ndichivatarisa ndakazvibvunza kuti Beverly une shuwa kuti pari kudyiwa natete wako ndipo pavakudya ? Ndakazvishairwa mhinduro ndobva ndaenderera mberi nekubika kwangu kusvika ndapedza . "Ini ndadya kuparty saka usandiisire hako sadza rega ndinogeza vagarisa vanozoti hameno ". Zvavanga vataura apa ndakazvibata ende ndine kumwe kurwadziwa kwandakaitwa kunge ndanga ndichitorerwa mukomana wangu achindicheater izvo ndini ndanga ndiri third wheel. Vakabuda vakabva vaenda hawo. Ndinositi ndinongoisa dish patable vanhu wogeza wega asi apa pandakaisa chikafu patable bamukuru vakati "Ndiri kudyira kuno huyai nacho chikafu chacho kuno Chihera ". Ndakangoti ehoi ndobva ndaenda musitting mavanga vari. "Kana munhu achigezesa munhu wake maoko anopfugama kwete kubhedherera kwamakaita uku " Ndakanzwa kupererwa chaiko kuti vaisatya kubatwa natete vachitaura mashoko aya here. Ndakapfugama ndobva ndatanga kuvagezesa maoko acho. "Dai zvaiita ndaitoda kuti undidyise hako ". Vakadaro vachinditarisa. Ndakaridza hangu tsamwa ndichibuda iwo vakasara vachiseka hawo. Ini ndakatora chikafu changu ndikadyirawo kukitchen ikoko. Tete vainge vakamirira kupakurira murume asi iwo bamukuru wacho vakazobuda musitting zvekuma 11 chaiko. Tete wangu nekushaiwa hana kana kuti nditi kusakwana here vakafuma kuuya kuroom kwangu hanzi "Ko murume wako nezuro kunonoka kuuya hake kubedroom apa ndanga ndichida kuti andigunzvewo asi kana kutondipira gotsi chairo. Ndakatosvika pakuti baba Kay nhasi mombonyefura handina kuneta zvikabva zvanzi nhasi ndini ndakaneta vakadzoka nguvai nezuro iwawa ". "Ummm zvekuma2 ikoko " "Saka nei vakazoramba kunyefura nhai Bevie ukati bamukuru wako havana kunditsvagira plan B iwawa nekuti baKay ndovaziva kunyangwe vakaneta sei ukawati ooh havarege hawo kunyefura ". Munoziva ndakaseka zvekupererwa zvese nekutonzwa tsitsi chaidzo kuti tete wangu idzidzo here dzakanyanya kunotsimbira oblangata kana kuti chii. Chokwadi panyaya dzakadai vaida kuti ndidaire ndichiti chii chaizvo. Hongu ndanga ndatowa plan B yawo asi iko kundiudza nyaya dzemubedroom mawo zviri necessary here ndizvo zvinoita madzitete ese here mybe ndini ndisingazive ? "Zvino kana makatsvagirwa plan B munoita sei nhai tete " "Ummm unoti ndikazvibata ndinotadza kudzika kuZhombe nen'anga mazarire adzakaita ini ndinoda yekuti b*che iroro rinenge richitewerwa nemurume wangu rikure kudonha pasi kunge mazamu embwa mupengo ndione kuti anokudzoka here kana kuuraya ndinouraya Beverly ndinombozviti hangu ndinobva pano ndonozvitangira hupenyu hwangu asi ndakaita counseling yeumwe mukadzi apa kuva single uchibuda mumba hakuna kuchipa zviri nani kungopeta ngwena hangu ndiri muno mumba mangu plus bamukuru wako nemari yavainawo chokwadi nekalife style kepadenga kandajaira aka ndoti ndoda kuchengeta imimi ndokagona here asikana ndiri kuda kutombozamira kuva munhu kwaye chaiko rega ndinoona kuti makuseni ano vanobvuma here ndaisa hembe mulaundry wacha mainini havasi kuuya ". Vakadaro vachibuda kuenda. Ndakagara pamubhedha ndichinzwa kupererwa chaiko. Pandakabuda kuenda kulaundry kwacho ndakasvika ndichipera simba mapants abamukuru anga akaiswa ipapo kusanganisira awo tete wacho kuita sekuti vaingosiya achiita hawo murwi . Haaa ndakasimuka ndikanoknocker padoor pawo. "Ndokumbirawo kuona tete " . "Ko kuti daddy mamuka sei ". Ndakavatarisa ndichibva ndaramba ndakanyarara. "Ko uri kuita kunge vakatsamwa wani ". "Ndizvo zvandiri kuda kutaura natete wangu izvozvo ". "Vakuita sei tete wacho ". Tete vakabva vabuda vakasungira towel kwakuuya padoor . "Asi surf yapera here pane boom imwe iri kustoreroom uko ". "Ndokumbirawo kutaura nemi bamukuru vasipo ". "Chii chaunoda kutaura vasipo asi vakuda kutizira here chingotauraka kuti uri kudei ". "Ndaona muwashen mune mapants enyu neabamukuru ,kutaura chokwadi tete ini apa hamuna kundinyanyira here.Last time ndakawacha mapants abamukuru ndikanyarara ndikati zvandanga ndamanyika ndisina kuona hapana zvandichaita nhasi mabva makwidza gejo mobva maisa enyu here. Tete dzimwe washen dzese ndinowacha asi pamapants apa hausi munyama vamuri kundipa here uyu " . "Uri kutaura munyama wemapants emunhu ari kukuchengeta ko munyama wekuti makatizwa nababa ndiwo vausingaone manje " Munoziva ndakaita kupererwa ndikanzwa misodzi ichiswinyira mumaziso mangu. "Wacha uise paline next time ndinowacha ndega " Vakafamba vakadzoka mubedroom mawo . Ndakasara ndakatarisa bamukuru ndobva ndafamba kuenda kunowacha kuseri asi ndakatombochema. Zvekuudzwa kuti kutizwa nababa munyama vandanga ndinawo iwowo ndakanzwa kubatikana handidi kunyepa. Kana vachindiudza kudai ko mai wangu vanovati kudii?? Ndakapedza ndobva ndageza kwakunogara panze chaipo. "Enda unochinja hembe dzako tiri kuenda out " "Handisi mumood endai nemukadzi wenyu " Vakatura mafemo ndobva wati "Sorry Yvie haumuzive kuti ane mukanwa makaumburukwa nechidembo here.Ipapa hanzvadzi yangu yekumusha uko yafona ichikumbira mari vakashaudwa nawo tete wako awa.Ndakumuti chindipa mari pamari yandinoti ndikahora ndomupa hanzi handina vanoda kundiroyera pamari iyoyo.Unoti kutaura here ikoko " Ini ndakabva ndawati "Apa muri kuda kuti tibude tiende kupi chaiko ". "Handiti nezuro ndakakuudza kuti ndiri kuenda newe kuloadge here ". "Mari yacho yamuri kuda kunoshandisa ikoko handeyi tinoitumira tete kumusha kwacho kumashops todzoka pamba pano ". Vakaramba vakanditarisa ndobva wati "Ndokuda vanzwaka ,enda unopfeka zvinhu zvakatsiga tibude ". Ndakangoti okay ndobva ndaenda kunochinja ndichipfeka dress rangu refu chairo asi rine tumatambo kumusoro ari maoko. "Ndiri kubuda namainini kunotsvaga maspare parts epamota pangu " "Endai asi ngaakasike kudzoka kana kungoti handeyi tese kunotenga maspare parts acho " Vakadaro vachitosimuka. "Chienda unopfeka zviri nani ". Vakadanzwo nabamukuru. Iwo bamukuru vakabva wati "Torai chitupa chenyu mari iyi mosenda panumber dzandichakutumirai kuphone kwenyu ". Ndakati okay. Takazobuda tese kuenda kunotenga maspare parts anga asiri muhurongwa. Ndakaenda ndikatumira mari panumber dzavatete wacho ndobva ndadzoka hangu kumota. "Ndakutengerai favourite ice cream yenyu iyi mainini ". Vakadaro bamukuru vachindipa nepahwindo. "Asi tete havaidewo here " "Vari allergic to sweetness vanozozvitengera wega ". Tete wacho vakaseka vakati "Kanomboita mariiko kagaba kedhora ikaka ndihwo husweetness hwacho here ". Ini ndakabva ndati "Maita basa bamukuru ". Kwakutanga kupura ice cream yangu . Patakasvika hedu kumba musi uyu ndiwo vakabika asi mangwana kuseni seni vakafumira kunotora Muna. Bamukuru vakauya kuroom kwangu ini hangu ndanga ndisiri kuda kuramba ndichirara nawo asi vakashandisa simba rawo vachipeurira pant rangu padivi kwakundisiya vandiita kwakubva vaenda kubasa kwawo zvekuti pakasvika tete naMuna ndanga ndakatofizuka chaiko. "Hamusi kufara wani kundiona ". "Kutonzwa kurwara chaiko ndangomuka ndichinzwa kadzungu chaiko ". Changa chiri hacho chokwadi ndanga ndichirinzwa dzungu racho . "Makapedzisira kuona mukomana wenyu rini pamwe mamusuwaka handina kuzomuona pamaida kundiratidza paya tonei hedu ". She said tiri muroom medu. Ndakatora phone yangu kuti mdimuratidze Zeddy wacho. *Stay tuned*
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 💃 🤣 💚 1.2K

Comments