Tanny's Online Novels
Tanny's Online Novels
February 23, 2025 at 11:54 AM
*WRITTEN BY TANNY M(MUZUKURU WESHAYA)* https://whatsapp.com/channel/0029VaDYeL6IHphKZdYP1O25 *Book redu rinosvikira muchannel umu saka gara vaita follow munyori haape mabooks kuinbox* ❤️BEVERLY MY SISTER ❤️ https://chat.whatsapp.com/IGZ9r8Q049c5RxO1E11wRP *For comments* Book📚20 Free book ,read comment and share *App/Call 0️⃣7️⃣8️⃣0️⃣2️⃣9️⃣7️⃣4️⃣0️⃣0️⃣* *Chapter Eleven* Muna "Unomuka uchibikira baba Kay kuti murume wako here awa ...". Vakadaro vachinongedzera bamukuru wacho. "Ndinogara ndichingobika wani saka ndizvo zvandangoita nhasi saka ha....". "Usandipindure zvisina basa mhani bhasteti izvozvo zvaunoda kuita pano enda unodzidzisa mai wako vakatizwa vakasiiwa pamhene nemurume akaenda nemunhu kwaye ". Misodzi yangu yakangoti waya pasi. Sisi Bevie vakaramba vakatarisa pasi. "Ndini ndiri kukuchengeta pano saka hauite zvaunoda panapa iwewe. Vadii vatanga vabvunza kuti tete ndivabikire chikafu here iwewe kurara ndichinetsana nawo kwese hauna kukunzwa here iwewe ". "Saka kunetsana kwenyu ndiko kunonditadzisa kuvabikira chikafu here ko mai wangu vamunoramba muchipinza mupicture munoramba muchindirwadzisa paronda randagara ndinaro ini ndinosvika pakuremerwa inini ndinosvika pakuva confused kuti munonyatsa kuda zvipi. Ndikasabika munondishaudha ndikabika munondirova munoda kuti ndiite sei inini. Hongu marara muchinetsana asi ndikanzi ndibikire sadza ndoita sei. Kana ndakanganisa tete sorry zvenyu ". Vakadaro sisi Beverly vachipukuta misodzi yawo. "Dai vasiri mai wenyu wane masare akatandira hanzvadzi yangu kure daiso aripo pamwe musimbori pano futi saka hodzero yekuenda kwehanzvadzi yangu ndimai wenyu dai vakanoitira zvekufuma uchibika kumba kwenyu musina kutizwa nababa imimi ". Ndakafamba ndichienda panga pana sisi Bevie. Vanga vakutochema chaiko . It really broke my heart. Pese hapo tete vaida kutirangaridza kuti takatizwa nababa. "Sorry Bevie ". Ndakadaro ndichida kumunyararidza asi ndakatadza kuzvidzora ndobva ndatanga kuchema. Dai ndaiwana munhu anondibhadharirawo chikoro kusimudzira kubva apa ndaitenda Mwari. Vaitaura zvavanoda nekuti vanoziva kuti hatina maoptions ekuita. "Chokwadi chagara chinorwadza ende ndicharamba ndichitaura. Pano panoti ini ndikati jumb Beverly unofanirwa kuzvininipisa wobvunza kuti how high tete mune chiiko imi zvamunoda kundiitira tunhu tunondipisa hasha. Pasina ini you are both nothing saka musade kundiendera kumhepo. Itwo tumachira tunosonwa namai wenyu tunogona kukuchengetai kukupai life yandiri kukupai iyi here. Hamuna kuuya pano nemabag azere zvin'ai here imi makaperezeka" Ndaisada kunyanya kunetsana nawo tete asi apa ndakabva ndati "Zviri zvekuperezeka makunyepa henyu. Mhamha vaienda kumaricho kumusha uko kuti vaone kuti tadya here.Hanzvadzi yenyu yakangoenda tete mhamha wangu vakasiiwa pazero but that woman tried kukavhira gap raitadzikwa nehama dziri padhuze.Mashoko enyu ibakatwa tete tiri vana tisefereiwo mashoko amunotiudza muri kuzvara chii matiri chaicho. Ichiri nyaya yekuti sisi Bevie vabikira bamukuru here or pane zvimwewo zvinhu . Im trying so hard kukanganwa trauma yekusiiwa nababa tiri pazero pava nemakore asi the memories are still fresh in my mind seni hangu munenge muchitondirwadzisa henyu. Makati ndichiri mwana saka kana muchitaura mashoko ekuti mai wangu wane masare munenge muchiedza kuti tiite sei.Munoda tivenge mai wedu here ? Ndanga ndisingade kuzvitaura asi kubva zvatabva kuZhombe hamuna kuzoda kuti tidzoke kumusha kunoona mai wedu. Mwenje wehupenyu huri kuna mai wedu asi kana muchititsimbirira kuti tisaende kunovaona munenge muchida kuti chii. From the bottom of my heart l acknowledge kuti munotichengeta pamba pano asi ndizvo zvinoita kuti mutituke here isusu . Hatisi perfect tete tine maflaws edu sevana asi munozotonyanyira kanii....". Sis Bevie vanga vachingochema zviri silent. "Tingori tsono pasina shinda tete.Tinotodawo kuti muwe shinda yedu kuti zvinhu zvitifambire muhupenyu asi kana zvinhu zvichiitika seizvi all in the name of kuchengetwa l have had enough. Zviri nani hangu kubuda ndodzoka kumusha kuna mai wangu ndowira mumapapiro awo. Tikadya sadza rine munyu tinoridya tichisekerera pfungwa dziri pamwe kwete izvi mhani . Mukabata kutituka pano hamurege.Mamurova uyu nekuda kwehasha dzenyu nabamukuru dzamakupakurira isu. Sezvandataura kuti tiri tsono pasina shinda badza pasina mupini asi God will provide for us. Thank you nekutichengeta kwamakaita ndikaramba ndiri pano ndichakumakai zvekuti ndikawona pari kutengeswa mushonga wegonzo handizeze kuutenga ndokuisirai asika pfungwa dzinodzoka kuti pane pamakatiitira zvakanaka ipapo ndipo pandinofanirwa kugara ndinapo pamoyo pangu chete " Ndakadaro ndichifamba kuenda kuroom kwedu. Pane pekuti unoona wega kuti ndiri kugara hangu ndiri kupihwa zvese asi mashoko pamusoro pamhamha wangu anga andirwadza hawo kusvika pekupedzisira. Ndakarongedza hembe dzangu mumasuitcase angu three ndichiisa zvinhu zvangu zvese. Ndakamakweva ndichienda kusitting kwavanga vachituka tuka sisi Bevie heavy. "Ko mabag uri kuita sei nawo ". Ndakatarisa sisi wangu ndobva ndapfugama pamberi pawo tete ndobva ndati "Ndakabatanidza maoko angu aya ndinoda kukutendai zvichibva pakadzika dzika pemoyo wangu makaita basa tete makandichengeta . Kubva pagrade five kusvika pandiri apa ndinoziva kuti makapindana nedzakawanda makayaura kuti tiwe zvatiri nhasi. Nhasi saMunatsi Rugare Rwambiwa ndasarudza hangu kushandisa badza risina mupini kukura nzira inoti hupenyu hwangu ndega. Ndinoda kuti muzive kuti ndine kutenda kwakanyanya mumoyo mangu nekutichengeta nekuvhumbamira kwese kwamakaita asi ini ndafunga kudzoka Zhombe kuna mai wangu ". Sisi Bevie vakasimudza musoro vachinditarisa . "Mari yacho unayo here hausi musikanzwa vauri kuda kuita here uyu ". Vakadaro vachida kudzorera suitcase rangu mukati asi ndakavabata ndikati "Ndataura kuti ndiri badza risina mupini ndichashanda ndotsvaga mupini wacho ,ndakakutarisai muri sisi vakuru kwandiri ndine respect yakawanda nemi asi kubva tisvike pano anga ari makobvu nematete ega ega zvimwe zvacho hatitaure tinoramba takanyarara asi izvi zvanyanya tete. Ndiri seni hangu ndiri kuda kuchengeta chete zvakanaka pamusoro penyu kwete kuisa ruvengo pamoyo pangu " "Ko chikoro unoda kuita sei iwe unohakira nyaya dzaBeverly ndiwe vandiri kutuka here " "Kubva ndibve mudumbu ramai wangu vakandidzidzisa kuti awa ndisisi wangu. Pain yavanonzwa ndinoinzwa ava nekuti ropa rangu nerawo rakafanana mukatuka Bevie munenge matotuka kana neni wacho " Vakabva vagara pasi tete wacho ndobva wati "Munenge manditsamwidza munoda kuti ndiite sei ,baKay ndokumbirawo kuti mupinde mumba umo ndiri kuda kutaura nevana wehanzvadzi yangu ". Bamukuru wacho vakatarisa Beverly ndobva vafamba vachienda kubedroom kwawo. "Gara pasi titaure Munatsi ". Ndakasiya bag rangu randanga ndabata kwakugara pasi pacho. "Kukutukai hazvirevi kuti handikudei ndakakuudzai kuti muri vana wangu imimi. Handingakusiye uchienda kuZhombe uchisiya chikoro kumashure kana uchienda unoenda uchidzoka uchienda kuchikoro vanzwa here " Vakadaro vachirewera ini. Ini ndakagadzirisa pahuro pangu painge pokakata ndobva ndati "Kana muchiramba muchituka tete zviri nani kuenda kumba kwamai wangu nhamo haiurayi iyi ". Vakabva vanditarisa wobva wati "I have high hopes for you girls ndiri stressed zvamuri kundiona so. Bamukuru wenyu awa havasi kuita zvinhu zvandiri kunzwisisa.Sorry ndataura mashoko anokurwadzai girls asi ndakati pano munobva mava kuenda kunoita zvinhu zvenyu mega.Rega nditaure nabamukuru wenyu sorry Beverly sorry hako Muna chidzosa mabags handisi kuzopopota futi ndangomuka ndine hasha chete ". Vakadaro vachisimuka kwakupusha mabags angu kuenda nawo kuspare kwedu. Ndakasara ndakagara pasi ndichinzwa kupera simba chairo. "Todii sisi Bevie ". "Zvakaoma Muna tiri kufanirwa kumbonoona mhamha pandiri kuvhara apa tete wacho tofanirwa kuvajaira kana tapedza then tosuduruka pano ". Ndakangogutsurira musoro. Pakazosara kupera week racho tete vanga vasiri kupopota asi vaiona kuti nabamukuru kuwirirana kwawo kwekudhara panga pasisina hapo . "Mazuvano hamusi kunyanya kudya sisi kwakanaka here ". Ndakadaro kuna Beverly. "Handina Appetite yacho ini ndiri kunzwa kuda kudya pandinenge ndava nenzara chete ". Ndakangoti okay hangu. Dylan ndanga ndichingotaura naye paphone chete. Madays akafamba hawo tiri pamba asi mumwe musi bamukuru vakakasika kubva kubasa kwawo vakati Beverly hanzi natete wako uende unotsvaga chikafu chako pauri kuvhura uri kuenda kunogara kuchikoro asi usiri mukati asi uchigara kudzimba . Iwo sisi wacho vakangoti okay asi havana kuenda kunotenga chikafu chacho. "Vazotenga here chikafu chekuchikoro ". "Ndanga ndichimirira kuudzwa nemi " Iwo tete wacho vakabudisa mari mubag mawo ndobva wati "Kuramba ndichigara nemi pano zviri kuda kunetsa munenge muchiuya paweekend chete kana paHoliday ". Tete wacho vanga vatodzikira hawo. Ndakazoperekedza sisi Beverly kuenda kunotenga chikafu chacho early morning takavaperekedza natete kuenda kumba kwacho. Yanga itori full house yanga yanzi imba yeshamwari yabamukuru vari abroad. Iwo sisi wacho vanga vasiri kuratidza kuti vari kufara kuti vanga vakugara panze chaipo ende vanga vari kuratidza kupera kubva pakusimba kwavanga vakaita. Ndakazodzoka hangu kumba ndakugadzirirawo kudzoka kuchikoro. "Bamukuru wako vakatambira mari asi haina kusvika pamba pano.Grocery vakatenga wega zvese zvinodiwa ndiwo vakaita asi havana mari yavakandipa kuti ndishandisewo ndiri kususpecta kuti bamukuru wako wane girlfriend chete ndichazvibata hangu imi endai munoita zvechikoro nekuti ndasara ndisina kana cent yangu yese ndiyo yandakubhadharirai kuchikoro kana yefuel baba awa vakatadza kutsukunyusa homwe yawo ndinenge ndisina ". Tete wangu vaimbopererwa hawo asi apa vakandiratidza level rekupererwa chaiko. Musi wacho uyu ndakasvika kunorara bamukuru vasina hawo kudzoka. Kuseni pandakamuka ndichidzoka kuchikoro kwangu vanga vasipo futi zvimwe vakuita hawo zvemagirlfriends. Pocket money yandainge ndapihwa yanga iri shoma shoma chaiyo asi ndakati ndichamanager hangu iyoyo. Kumba kwasisi ndainge ndakukuziva hangu saka ndakati ndikaomerwa ndiko kwandaienda hangu ikoko. Ndakatanga kuchikoro zvakanaka ndanga ndiri focused than ever before. Taigona kusvika kuma10 manheru tichiita practice mangwana kuseni kuma5 tomuka tichiita zvakare practice yedu. Dylan anga asiri kubatika kana kufona phone yake yanga isisiri kuita hayo. Ndakatosvika pakukanganwawo nezvake. Sisi Beverly vaiti nemukomana wawo zvinhu zvawo zvaifaya hazvo nekuti vanga vakukwanisa kumuona everyday . Vamwe vakomana vaimbondipfimba asi ndanga ndisina nguva nawo. Takasvika pekuti takanzi taifanirwa kuenda kuSouth Africa kwanga kune Miss Beauty Africa yanga iri ikoko. Takaenda tiri vashoma vakabva pachikoro pedu. Tanga tisiri kunoita chinhu asi tainonoona chete. Takaita one week tiriko then day five racho ndakagara zvangu panze kudhuze nekupool pahotel patanga tichigara ndakaona mumwe mukomana achifamba achiuya kwandanga ndiri. Ndanga ndiri busy kutora maphotos ndakabva ndaregedza ndichigadzirisa hembe dzangu kuti ndivhare nyama yanga iri panze. "Hie ...". "Hie how are you ". "Im Keith and you ". He said extending his hand. "My name is Munatsi nice to know you ". Ndakadaro ndichibvisa ruoko rwangu pane rwake. Akamadzorera muhomwe maoko acho. "I was watching you closely taking your pictures ,you are from Zimbabwe right ". "Yes ". "Im Zimbabwean too but lm based here in Pretoria l have a modeling Company ". Ndakangoti okay ndobva ndanyarara hangu. "There is a party in the evening do you mind attending it with me ". Ndakadzungudza musoro wangu kuti kwete . Akamboedza kuda kundinyengerera asi ndakaramba zvangu. Then manheru acho ndakutonopinda muroom mangu ndakanzwa perfume yemunhu vandakada kufananidza. Ndakacheuka kumashure kwangu handina kuona munhu. Mybe ndiri kumufunga ndakadaro zvangu ndobva ndapinda muroom mangu. Ndakambotaura naTania before sleeping hangu. Then following morning yacho pandakapihwa breakfast yangu yanga ine kanote kanga karimo. Kanga kakanzi *l miss you* ndiani angandidaro iyeye mybe yarasika asi food yacho yanga iri bho saka ndakaibvuma hangu. Kumasikati ndakanzwa knock padoor pangu ndobva ndabuda ndichitarisa munhu wacho asi handina kumuona . "Saka vanga usina kundisuwa here pese apa ". Ndakacheuka kumashure kwangu hana yangu ichiita kurova. Ndakabva ndasanganidzana maziso naDylan. Ndakashaya kuti anga atewera sei kuSA. "Dylan ....". "Saka hauna kutombodifungawo here hande kuroom kwako tone ". Akadaro andibata ruoko rwangu. Pandakapinda muroom macho manga mune maflowers anga ari pasi. Ndakamutarisa ndobva ati "Ndakuedza kakawanda ndichida kuona kuti uri munhu akaita sei chaizvo but lm sorry l felt so much in love with you Munatsi ". Akadaro achindibata muhuro mangu umu. Ndakaramba ndakamutarisa ndichinzwa muviri wangu kudedera. "I love you Muna ". He said akanditarisa mumaziso chaimo. Ndakaramba ndakanyarara. Akabva aisa muromo wake pane wangu ndobva atanga kundikisa. Ndakatanga ndisiri kuresponder kuguma ndarespondawo nekuti ndanga ndagara ndine mafeelings naye Dylan wacho. Kiss yakaramba ichienderera kusvika ndakunzwa zvisizvo ndobva ndazvibvisa paari . Iye akanditarisa ndobva ati "Ndokuda Muna ". Ndakasmiler hangu zvishoma ndobva ndamuti "I love you too ". Iye akaramba akanditarisa ndobva ati "Vatondiitisa high shamwari ndipe towel rako ndiende kunogeza ". Changa chiri chokwadi nekuti pamberi petrouse rake panga patofuta kudhara. Paakafamba achienda kubathroom phone yake yakasara ichiringer. Ndakaibata kwakuisa panzeve. "Hello ..". Ndakadaro ende voice rakadaira ipapo ndakada kurifananidza neraBeverly asi phone yacho yakabva yatokata hayo. Mybe ndanga ndatadza kunzwa.... *Stay tuned*
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 💚 🫣 💃 996

Comments