
Tanny's Online Novels
February 25, 2025 at 06:41 AM
*WRITTEN BY TANNY M(MUZUKURU WESHAYA)*
https://whatsapp.com/channel/0029VaDYeL6IHphKZdYP1O25 *Book redu rinosvikira muchannel umu saka gara vaita follow munyori haape mabooks kuinbox*
❤️BEVERLY MY SISTER ❤️
https://chat.whatsapp.com/IGZ9r8Q049c5RxO1E11wRP *For comments*
Book📚20
Free book ,read comment and share
*App/Call 0️⃣7️⃣8️⃣0️⃣2️⃣9️⃣7️⃣4️⃣0️⃣0️⃣*
*Chapter Thirteen*
Muna
Dylan ndanga ndamubvuma nekuti ndanga ndagara ndichimuda ndaingomirira kukandwa shoko chete.
Chimwe chinhu changa chaita kuti ndimude ndichekuti akadzikama akasiyana nevamwe vakomana vandaiziva hangu asi munhu anga amufonera uyu anga achida chii chaizvo ndakanzwa chibhonzo kuti bii pahuro pangu.
Ndakatomboseka ndega ndichiti nefirst day ndakutotanga kukwira forogonya here.
Ndakagara hangu pasi iye paakabuda akasungira towel chete kumusoro kusina chinhu.
Ndakabva ndachinja magariro andanga ndakaita ndichibva ndafacer rimwe divi ndaisada kumutarisa hangu ndaitonzwa kunyara chaiko.
Iye akabva aseka.
"Uchiri mwana sure are sure kuti handisi kuita child abuse une makore mangani iwewe ".
Ndakaseka hangu ndichibva ndamuti
"Ndine 20 asi kana ari mashoma uri kuita child abuse yacho ".
Iye akaseka hake ndobva ati "Handina futi mafuta madam ndokumbirawo ".
Akataura zvinyoro nyoro.
Ndainzwa kutoda kutaurawo naye saka ndakati
"Pavaicrossa boader vaiti uri kuenda kunozora mafuta ani apa vagezesa towel ranguka apa ".
"iiii bhururu chimbondimirira ndakuudza kuti ndakangonzi hande wani chandinacho apa ipassport chete nesvirands svandatengesa maruva ndakanzwa kuti zviri romantic kuproposer musikana akatsikawo maruva so ".
Ndakabva ndatanga hangu kuseka.
Iye akatora mafuta ega ndobva atanga kuzora ndobva aenderera mberi nekutaura achiti
"Life yangu minzwa yega yega shaa asi ndichaedzawo kuti iite rosy sezvo vandibvuma so ndinenge ndakushanda ndine target yekuti ndatone mukadzi asi iwewe pavandibvuma hauna kufunga kuti ndiri mechanic ?".
"Ndaifanirwa kuzvifunga here ...".
"Apa vatowa international asset kaa most girls vakaita zvavakaita isu zvedu tinenge tichitoedza kuteya nzou neriva chairo anyway l won't take your love for granted from first day ndakangonzwa kuti uyu anenge wangu chete uyu asi kuti ndikande shoko ne1 day zvaisaita hazvo saka ndakabva ndati tiite hedu mafriends asi ndazotoona kuti ndogona kudyirwa babe ini ndakati tsoo mufriendship zone ".
Ndakangoseka hangu zvishoma.
Akabva apfeka hembe dzake ndakatarisa kuside .
Paakapedza akabva ati hande panze.
Panze pacho kwanga kwakutosviba hako.
Takangoenda kwakugara panze.
"Handina mari yekupinda muparty umo yedu ndoitira pano ".
Akadaro achinditarisa ende ndakanyatsoona kuti mukomana wangu anga akanaka hake.
Ndakapinzira ruoko rwangu pane rwake ndobva ndaita kakumuzembera ndakatarisa hangu mudenga.
Nguva padzainge dzaenda akandikumbira kuti ndipo kiss ndikabva ndaseka.
Takakisana ndobva ndaenda zvangu muroom mangu.
Mangwana acho ndiro ranga riri day rekupedzisira saka ndakarongedza zvinhu zvangu zvanga zviri zvishoma.
I expected kuona Dylan asi handina kumuona ini.
Ndakasvika pakuenda kunokwira ndenge kudzoka kumba asi iye anga asipo.
Ndakabatikana asi wekubvunza panga pasina nekuti phone yake yaisaita hayo.
Pandakasvika kuZimbabwe handina kudzoka kuchikoro asi ndakabva ndaenda kumba kwasisi Bevie.
Ndakasvika asiko achibva azondiudza kuti ndoita sei kuti ndipinde mukati.
Ndakapinda hangu ndobva ndaenda kunogeza.
Pandanga ndichigeza pacho pandakapedza ndakukanda hembe dzangu muwashen basket ndakaona mune hembe dzabamukuru.
Zvinhu zvakandinetsa kuti dzanga dzichitsvageyi umu kuti vari kutumira zvakare hembe kuno kuti vawache here ??
*Beverly*
"Beverly enda unogeza uri kubuda kasmell ".
Vakadaro bamukuru vachida kundibata ruoko rwangu kuti ndipfuure asi tete vakabva vandibata kuti ndisambofambe.
Awa rimwe zita rawo vainzi Zvanyadza ende apa vaitoda kundinyadzisa chaiko .
"Anoda kunogezei nhai bamudiki ngaataureka kuti hurume hwaari kunhuwa huri kubva kupi ".
Tete mai Kay vakabva wati
"Hezvo sisi ataura wani kuti ari kuita heavy flow mwana uyu pamwe ndiyo smell yacho yaari kubuda anogonhuva hurume sei iye ndangomusiya pano two minutes ndichinotenga surf murume wacho anenge amuona kupi chaizvo hamusi muri kuda kufuwisa mwana here imi ".
Iwo tete Zvanyadza vakabva vatanga kuseka kwakuti
"Saka Yvie hausi kunzwa kuti mwana hurume hwega hwega hwaari kunhuwa apa here ".
"Kunyangwe ndikahwunzwa murume wacho amuona kupi pano pana garden boy chete mungati nezvakaita Bevie izvi angarega achirarwa nemukomana akadaro here kana kuti munewo maissues enyu naye Beverly wacho.
Ndini ndamudaidza pano anga achizvigarira kumba kwawo uko saka musada kuti next time ndikamudaidza anoramba asi iwewe ropa rako riri kunyanya kubuda zvakaita sei zvekuti rinobva ranhuva kunge hurume kudai nhaiwe Beverly ".
Ndakakanda bamukuru ziso nekuti ndainge ndapererwa nezvekutaura zvacho ini.
"Iwe ari kunyepa mwana uyu aaah ndikaramba ndichibvunza unoti ndiri kuda kushaisa mwana wehanzvadzi yako mufaro asi uri kudzoka uchikanganwa kuti Beverly munin'ina wangu futi uyu mwana wehanzvadzi yangu ndikaona zvakashata paari ndinotaura iwe Beverly vava kuziva chinhu chinonzi murume here taura chokwadi nekuti ndiri tete wako mangwana zvikanetsa ukada kuita zvauri kuita izvi uchamira wega ndiri kutokuudza so.
Kumera mazamu nekuita mazigaro ayo hazvirevi kuti vava munhu mukurusa stereki zvekuti unenge vava kuziva hombe nemuzera mudiki iwewe nekuti uchachema chete.
Hausi kuda hako kutaura asi ziva kuti ukaita zvinhu zvako uchiti handisi kuonekwa hausi kufikisa hupenyu hwangu nekuti murume wangu ndinaye uye hausi kufikisa Yvie nekuti murume wake anaye saka ukatadza kunzvera situation woona kuti isu titori nherera haungaverengi kuti baba wako varipo kana vasingatumire kana tsapo yemunyu zvayo iwe ndipo paunenge uchiita zvekupenga .
Tete wako awa vanenge vachitaura wega kupenga kuona kuti mafunda here maita here hupenyu huri nani iwe ndipo paunoita zvinhu zvekupenga ngazvisawe zvinhu zvandiri kufungira nekuti uchachema ndiri kutokuudza so iwa mwana anoziva zvaanoda muhupenyu hwake vanzwaka ".
Vakadaro ndobva vadzoka kunogara kusitting.
Bamukuru vakangonditarisa kwakufamba vachienda ende ndakasara ndichitura mafemo dai vati tone ropa racho zvaizopera zvakanaka here apa ??
Ndakafambisa kunodira airfreshner muroom mangu ndobva ndapinda mubathroom kwakubva ndageza.
Apa mweya ndiwo vanga vandibata hawo kuti kwii ndanga ndichimbofungei nhai .
Ndakaenda ndikawacha hembe dzawo tete ende sezvo ndainge ndabura hombe ndakabva ndatobuda kudzoka kumba kwangu.
Ndichiri muroad bamukuru vakabva wati mira pauri ndiri kusvika ipapo.
Vakazouya ndaneta nekumira ndobva wati pinda mumota.
"Ko paya vapotsa vabatwaka for now handisati ndakuda kuti zvatiri kuita zvibatwe we need to be careful asi manje manje tichabuda pachena nekuti hakuna kwatinosvika tichiita chihwande.
Next week tichaenda tese kumusha kwedu ndezve one day chete tobva tatodzoka hedu ndakusuwa and l know kuti vanga vandisuwa ndichasvika kumba nhasi apa rega ndisvike kumba vamwe tete wako awo vakangwarisa ndinosvika tete wako vafidhiwa poison ikoko ".
Vakadaro kwakundikisa paruoko rwangu ndobva ndatodzika hangu kwakuzokwira mota kuenda kumba.
Ndakasvika Muna ariko achitoona tv.
"Ndafunga kuti muchauya manheruka ini ".
"Aehwa vanga vachida kuwachirwa washen yawo chete ".
"Asi vakaunza imwe kuno here ".
"Ko indawa ".
"Ndaona muwashen basket mune hembe dzabamukuru ".
Ndakanzwa hana kurova kana kumbenge ndazvifunga.
"Ehe ndiwo vakauya nadzo mbune hanzi dzanonoka kuwachwa vanga vajaira kuti kukumura nekubva ndatowachaka ".
Ipapa ndakakasika hangu kutaura ndobva ndafamba kuenda kubedroom kwangu.
Imo muwardrobe manga mune dzimwe hembe dzabamukuru saka ndakadziviga padzisingaonekwe ndobva ndadzoka hangu ndichagarawo kusitting.
"Ndanga ndabika kana muchida kudya.Ko ndine good news kaa sis ".
"Goodnews dzeyi kwanga kuri sei kuSouth ndotomboda kukuendawo ufunge hako ".
"Mukomana uya akazoproposer ndikabvuma hangu".
"Une mapics ake here ndione nekuti pauri ndotoda bamudiki musvinu chaiye ".
"Ummm handina asi ndichaita kuti anditumire akanaka hake haashorese uyo ko ari sei Zeddy ".
"Ari bho uyu apa ndiri kutomupa pressure kuti ndakuda kuroorwa hangu ndozopedzisa chikoro ndakumba kwake zvemaOn and off ndichidaidzwa kwatete handichazvide hangu ".
"Saka akabvuma here kukuroorai kwacho ".
"Anoda kurambira ani akati tichaona pamberi ipapa saka gara vandipa java size yako rega ndiende asikana plus ini ndakagara ndadyiwa hangu kare kuzogara kure nemunhu wangu ndinoona ava nezvimwe vakomana wacho hameno zvavari asi Zeddy ndomutemba nekuti anondida hake.
Ndichanzwa kuti awa papi nekuti anga akati muna June ,June wacho is month away kaa uyu ".
"Kana achibvuma hake zviri bho vamwe tichiripo hedu and handina hangu kwandinoda kumhanyira nekuti basa rangu riri so demanding ndinenge ndichienda kunyika dzakasiyana siyana before l settle down but lm happy for you kana akabvuma kukuroorai kwacho ".
Takataura dzimwe nyaya ndobva ndaenda kunorara ende bamukuru ndakavasendera mesaage yekuti vasauye hawo vakati okay.
Mangwana acho kuseni Munatsi akamukira kuenda kuchikoro kwawo ini ndikaendawo kwangu asi pfungwa dzangu dzanga dzisina kugadzikana.
Zvandiri kuita nabamukuru izvi ndichasvika kupi chaiko ? Vaingova mubvunzo vandakashairwa mhinduro.
Pavakauya kumba manheru ndaitoda kuti ndivaudze kuti timbomire chigame ichi asi iwo vakatouya wane imwe shamwari yawo.
Ndakashaya kuti vaida kuti ndiite sei.
Ndakagara musitting iwo ndobva wati
"Mai Mukanya uyu ndiTindo shamwari yangu Tindo uyu ndiye mai wepano ndangoti muzivane musazosangane panzvimbo isiriyo".
Ndakamutarisa zvakanaka Tindo wacho ndikaita kunge ndakambomuona asi pfungwa dzakatadzirira kuziva kuti kupi chaiko.
Ndakangoti ndafara nekukuzivai ndobva ndaenda hangu kunopakura chikafu kwakuwapa .
Ndaitonzwa kunyara kuramba ndakagara nawo saka ndakaenda hangu kunorara.
"Ko unorara sei uchiziva kuti nhasi ndiripo ".
Ndakabva ndawati
"Zvamukupota muchiita zvekuti munorara kuno ndizvo zvichatibatisa izvi ".
Iwo vakabva wati "Kubatwa nani ".
"Umwe ndiani natete obvious ini hangu ndanga ndakufunga kuti timboisa mabrakes pazvinhu zvese izvi ".
Iwo vakabva wati
"Vauri kutaurira izvozvo apa ndini here nekuti iwewe ndakakuudza kuti uri mukadzi wangu zvekuti tinobatwa tikabatwa tinotangira ipapo tete wako vakaita miscarriage ende handisi kutonyatsoziva kuti nhumbu iyoyo yanga iri yangu here nekuti haana kumbobvira ataura ".
Vakadaro vachiuya pamusoro pangu.
Ndaida kuti ndimbotaura nawo asi vakabva wati
"Kana ndapinda muno shaa ndinenge ndakuda kuita zvangu newe kwete zvevamwe vanhu ".
Vakadaro vachitotanga kundibata.
Sezvo ndanga ndatovajaira handina kunonoka kudaira vakandikwesha hosha yese kusara yapera kuti hwaaa.
Mangwana acho ndakafuma ndichivagadzirira ndobva vaenda hawo kubasa kwawo.
Paweekend ndakabuda nawo kwakunotenga grocery nemadresses akareba kwakubva taenda kumusha kwawo.
Yanga iri first time yangu kukuenda.
Mai wawo vaigara kwawo wega nevana vavatete vanga vakadzokawo kumba.
Mai wawo vakafara fani nekundiona asi vaiita kunge munhu asinganyatse hake kuona.
Ndakaita zvese handizive hangu kuti vakapihwa introduction yekuti ndiri ani asi taifanirwa kudzoka kuHarare same day asi takabva tavharirwa nemvura.
"Ndakwana shangu dzamauya nadzo mainini maita basa kwazvo ".
Vakadaro mai wacho iwo bamukuru wobva wati
"Ndiwo vakatumira futi rimwe grocery riya apa ndiye atonetsera kuti hande tinoona mai nguva yareba ".
Iwo mai wacho vakasekerera hawo woti
"Maita basa mainini ".
Patainge tawa muroom yekurara ndakati kuna bamukuru "Mavaudza kuti ndiri ani wenyu nekuti vanga vachiratidza kundifarira kwazvo ".
"Iwe uri ani wangu.Ndakakuudza kuti ndokuda Beverly ndiko kutotanga kwacho kupinda mumusha uku ".
"Kupinda mumusha ".
Ndakabvunzaka nekuti ini kwanga kuri kuitawo hangu musikanzwa asi ndanga ndisina tarisiro yekuroorwa nawo ini .
"Ehe ndavaudza kuti ndiye nyachide namai Kayden havawirirane nekuda kwekuti mai Kayden vanotaurisa zvekuti amwene havapumhwe huroyi havana basa nazvo saka mukadzi asingakoshese mai wangu ndomudii ini ".
Ndakaramba ndakanyarara ndichinzwa hana yangu kurova chaiko haii ini ndanga ndazviisa payiko ini.
Mangwana acho ndakabatirwa mbudzi ikaurayiwa yatakazodzoka nayo kumba kuHarare ende mazuva iwaya ndainge ndongorwara rwara zvisinganzwisisike hangu tanga tatowa zvakare towards holiday.
Ndanga ndiri kuchikoro ndainge ndichinzwa dzungu ndakazoona rava rima kuti tiba ndichibva ndati zii ndakadaro.
Ndakazomuka ndichiona kuti ndiri muchipatara.
Tete ndiwo vanga varimo vakagara pachair.Vanga vachitambisa makumbo awo vakaita zvekupetera maoko awo.Pavakaona kuti ndainge ndamuka vakabva wati
"Iwewe utori nhinhi Beverly ende this time handisi kurasira mari yangu zvisina basa kasika kudzika pamubhedha ipapo tiri kuenda kumba kwemukomana wako nekuti zvemusha ndizvo zvavavakuda kana usingakwanise kuvhara makumbo ako iwayo yava imwe ine four months kaa nhumbu yauinayo iyi ,iwe nababa Kay hamusi kuzondiuraya nekuti ndanzwa kuti vakaendesa girlfriend kumusha kwawo uko manje ndichibva kunokupereka kumba kune karombe kaya ndiri kutsika mafuta ndakananga Zhombe".
Stay tuned
❤️
👍
😂
🙏
😮
😢
🌹
🔥
💔
💖
1.1K