Tanny's Online Novels
Tanny's Online Novels
February 26, 2025 at 09:06 PM
*WRITTEN BY TANNY M(MUZUKURU WESHAYA)* https://whatsapp.com/channel/0029VaDYeL6IHphKZdYP1O25 *Book redu rinosvikira muchannel umu saka gara vaita follow munyori haape mabooks kuinbox* ❤️BEVERLY MY SISTER ❤️ https://chat.whatsapp.com/IGZ9r8Q049c5RxO1E11wRP *For comments* Book📚20 Free book ,read comment and share *App/Call 0️⃣7️⃣8️⃣0️⃣2️⃣9️⃣7️⃣4️⃣0️⃣0️⃣* *Chapter Fifteen* Beverly Munoziva ndakaita kupererwa chaiko ndichibva ndatodzima phone yacho. Ndainge ndazvinyika mumatope asingaite. Asiwo ndaitoshinga kurara nabamukuru here ?? Munoziva panguva iyi ndakaita kunge munhu anga abviswa chinhu changa chakanditi kwidiba kumeso kwangu kwese uku ndikanzwa kuzvishora zvakanyanya asi at the same time ndakatanga kuzvibvunza kuti ehe hazvo Zeddy nhumbu iyi akaitambira achiti ndeyake ko mwana akazobuda akaita kunhonga babamukuru nemurowero vavaita chibereko changu ndaibva ndazvitaura ndichiti chii. Zvese hazvo ndaiti ndiri kugona kuronga asi ndaingotenderera muimba yeround chaiyo nekuti ndanga ndiri kudzoka papoint P chaipo. Ko iye Zeddy wacho kuzoti this time hauna stress here asi haasi kufara kuti ndamuitira mwana here nekuti paya handiti aiti mimba dzekumba kwawo hadzibve negosoro achiratidza kuida nhumbu iyoyo saka why now with his reactions asinganzwisisike. Chokwadi ndakafunga munin'ina wangu Muna kuti akanzwa mabororo ese aya mwana anoda kudzidza chii kwandiri. Ndikaita zvakanaka inini anenge achitoti ndiri kuda kuzoita zvakaitwa nasisi wangu zvino zvekufongoreswa nabamukuru here !!! Aaah ndakanzwa mabhonzo kugujumuka yowa hayo dai ndakaziva asi yainge yatonanzva zvayo pasi mvura yemuguchu ndaida kuidyorera sei. Ipapa Zeddy anga abuda nezuro wacho asi haana kutombofona kuti anzwe kuti ndakasara sei zvimwe akafona payanga yakadzima phone yacho ko ndichaziva zvipi. Idzi nyaya ndoisa padivi chokwadi musoro kukurungana nematambudziko andakakonzera ndega here ko tete vatosvika here kun'anga kufunga nezvazvo ndakanzwa mudumbu mangu kurira chaiko. Ndakabakidza phone yacho. Zvinhu zvese zvainge zvandiremera izvi. Kana ndichifa mai wangu vanofanirwa kuziva kuti ndakadyiwa nei. Ndakaita kutura mafemo ndichida kubaya number dzawo kuti ndivafonere. Chokwadi hana yangu yanga ichirova ndotanga ndichiti kudiii !!! Hongu tete vaindiudza makobvu nematete hawo asi kunzi ndine 15 points nhasi ndiwo. Kuti ndinzi Beverly awa kuenda kuCollege ndiwo tete vamwe chete. Asi ndanga ndanyanya kubatwa nei chaizvo. Mashoko aMunatsi aakaudza tete musi uya vaanga ashinga kutakura mabag kudzoka kumusha akabva ati tiba mupfungwa dzangu ekuti hongu mune kutituka kwamunoita asi pamoyo pangu ndoda kuisa chete zvakanaka zvamakatiitira zvino kurara nemurume wawo ndiko kuvati chihera makaita basa here. Makambosvika panguva yekuti unenge vakunzwa udopi uyu kupwata chaiko nekuti direction yaienda hupenyu hwangu ndakaita kuita yekupfekera mabinocular asi handina kuona direction yacho. Ndanga ndisina kurwadzisa tete chete asi ndainge ndatonyanya kuzvara ruvengo rwatete namai wangu kuita wekudira chilli ndakatarira rutivi. Ndakasimuka kubva pamagumbeze pandanga ndakagara ndotanga hangu kutenderera mukamba kainge kasina chinhu aka. Ipapo ndakanzwa musana kurwadza hameno mwana wani anga achida kundiparadza uyu kuti ndevabamukuru here asi dai anga ari wawo apindaka kana musix months chaimo zvimwe doctor vakanyepa mamonths mascan aya haasi acurate at times. Ndakatomboseka hangu ndainge ndazochiona kuti badza pasina mupini rinorwadza kushanda naro ndine shinda asi kana ndisina tsono ndinosonei. Chokwadi ndakanzwa kupererwa ini. Ko Zeddy wacho akaziva kuti ndaikwirwa nababamukuru anobva aita sei chaizvo. Iyi ndiyo yainzi lost in love manje. Pane pekuti unosvika pakuzviudza kuti kugarira pfungwa unokunyanya. Ndakatura mafemo ndobakidza phone yangu yainge yaita screen out. Ndakadzoka panumber dzamai wangu . Ndakabva ndatovafonera. Pane kwanga kusiri kufa here. Phone yacho yakabva yaramba. Ndakaona kuti kuudza munin'ina wangu ndinotomukanganisa chikoro chake dai paiva pedo zvaiita zvino paphone ndomuudza makuna kuna aya here. Ndakaedza zvakare phone yamhamha asi yakabva yaramba hayo. Ndakambobuda panze ndichirohwa nemhepo kuti ndifunge chaizvo. Ndiri panze ipapo ndakaona iwo tete vatanga kufona. Ndakamboda kuisiya ndichitya kuti zvimwe vanga vaudzwa nababamukuru awa havana kukwanaka awa !!! "Maswera sei tete....." Ndakadaro ndakadzikamisa voice rangu. "Ko kuita sekuti nhamo yacho yatanga kukudzumburudza nhasi hanzi chii vadya here ". Ndanga ndisinawo kudya zveshuwa asi ndakangopindura kuti "Ehe ndadya tete "kuti vasawane zvakawanda zvekutaura. "Kana vadya zvakanaka my heart is bleeding nekuda kwako Beverly ". Pavakadaro ndakanzwa hana yangu kuti bamuu kurova chaiko ndichibva ndanyepera kakukosorera iwo vakabva wati "Vakandirwadzisa hako Beverly shuwiro yanga iri yekuti ini tete wako ndisimuke pamuchato ndopupura kuti honai mwana vandakachengeta vadadisa uyu ndopururudza mupururu asi ndinopururudzira madhodhi avakaita matema tema aya here anyway apa ndiri kutobva kubuda pashrine yasekuru awa chiororo hawo havana kutaura zvakawanda asi wati munhu akakutorerai pfungwa dzemurume wenyu kuti asakucheukei muchamuona mega. Ndaida kuti bvirai kuuraya asi wati kwete kungoita rufu rwekuti dhii sarai haruite munhu anofanirwa kutanga atambura kuona hell on earth handiti ndiwe vapinda mumba uchaonawo kurwadza kwazvinoita kutorerwa murume wako wekuti pese apa aikunamata kukuita queen mother wake senge kako karume kanokudza kunaka chiso homwe kakanyangara uchachema hako Bevie ndiri kutokuudza so . Senge achiziva kuti uri benzi rakasiya chikoro panzira nekuda kwaicho chekurembera ichi unochipihwa chava nehosha hameno zvako apa handina kusvika kumba ndiri kutodzoka kuHarare so. Vandipa 5 days hanzi munenge mamuziva munhu wenyu nekuti haaa awa havapotse sezvinoita vamwe rega ndidrivhe ". Vakabva vakata call sare ndakatuzura kuti ndoita kudii chaiko. Bamukuru vakabva vafonawo kwakubva ndatodzima phone yacho before five days ndinenge ndatobatwaka ini ende tete so ... Manheru acho ndakabika chikafu changu. Ndichipedza ndakanzwa mota kudhirima panze. Ndakangoti sezvo murume wangu ari murara pasi ainge auya nemota dzevanhu vanenge vachida kugadzirirwa mota asi ndakazopera simba ndichiona vari bamukuru . Chokwadi vaida kuti ndiite sei kuita kundivinga kudai asi tete vanga vavaudza address here . "Ita zvekutakura tunhu twako tiende tone ". Vakadaro vakamenya chiso chebasa. "Hakuna kwandinoenda uno vatowa musha wangu hongu mabasa angu akaipa kwazvo asi ndakuona kutadza kwangu kurambisisa mazuva amakanditanga aya. Kana muchida kurambana natete wangu rambanai mune zvakanaka kwete kuda kundiisa mumiromo yevanhu kuti kudai asiri Beverly mwana wehanzvadzi yake kudai ari kumurume ndinoziva mune mareasons why musisawade asi go and tem your dog musada kushatisa zita rangu ". "Hapana zvauri kunditaurira apa kutogona kundiudza kuti daddy ndiri kunakirwa nemi zvinoreva kuti tiri kuenderana. Handisi kuroora Yvie ndiri kutoda kuroora iwewe zvekuti paanosara kuziva kuti vakasenga mimba yangu unenge vava mai Gorekore official ". Pavakapedza kutaura mashoko aya Zeddy akabva asvikawo.... Yvie Ndakaita yekusimudza discovery yangu ndakananga kumba. Chokwadi my marriage was on fire everything was burning. Ndainge ndatoona kuti ndikasaita izvi baKay vanga vachitoenda ndakanyinura kunge demba chairo. Kana kutaura neni mumba vanga vasisaite vaingouya kana kuseni wotora hembe wopfeka woenda kubasa kwawo. Chikafu chandayiisa effort kuti chinge chiri nani vadye vaisaita ,who ever his girlfriend was ainge akatoshandisira murume wangu mvura yehangaiwa chaiyo asi sekuru vainge vati vanozvipedza zvese izvozvo. Apa ndainzwa kutoneta Kay vaitodya hake manoodles orara nekuti simba rekubata mapoto ndanga ndisina ini. Munhu anga andirwadza ndiBevie. Sandizvo zvandaida kuti aite izvi. Ini pachezvangu ndichitanga kupinda mumba l was 34years asi kuna baKay ndakanyeba kuti ndainge ndine 27 iye akazvibvuma nekuti ndainge ndichiri mhandara ndisina kudzamburudzwa nevarume. Ndainge ndakanonoka kuroorwa nekuda kwekuti ndaida kudzidza kwakanyanya chaiko. Pana Kay ndakaita wekuzvara neoperation chaiyo nekuti kwainzi nyama yangu yakaomarara saka kubva pa34 now Kay ane 7 years turning 8 machances angu ekutadza kutosvitsa nhumbu dzacho nine months ndiro basa ranga rawapo . Kuti ndiudze baKay kuti ndizvo zvandatowa zvakandirambira iyi yanga yasvodza yainge yawa yetatu. Vabereki wake ndiwo vandinopa mhosva nekuti vamwe vakadzi vari kuma42 vanobata mimba dzichigara saka nei dzangu dzaibva. Ndakamboedza before 42 asi dzaisabata nhumbu dzacho. Phone yangu apa yakabva yatanga kurira. Vanga vari sisi Zvanyadza. Vakati svika kumba kwangu izvozvi. Ndakabva ndaenda nekumba kwawo asi nguva dzainge dzatoenda chaiko. Ndakasvika vari wega hanzi bamukuru vakaenda kubusiness meeting kuNetherlands. Ndakagara hangu pasi iwo vachibva wati "Une shuwa Yvonne ". Mabvunziro avakaita akandivhundutsa hawo kuti ndine shuwa pachii. "Mukadzi vavaimboshanda naye kubasa kwako mazuva andaiapplyawo aya akazoenda kupi maiwirirana zvekuti ". Iyi mibvunzo ndiyo yandaisada kubvunzwa. "Handizivi akangobva pabasa zvisina notice ". "Usade kundingwarira Yvonne nekuti nemadegrees ako iwayo haungangware kudarika ini ". "Taura pane nyaya yako Zvanyadza uri kuda kunditenderedza brain here ". "Mai wevasikana vafona vachichema kwazvo asi kana vazogara zviya Yvonne usazodaro iwewe uri munhu wemukadzi hausi murume iwewe ndaimboti mwana wamai wangu kuchenama kwake kuda zvimwe kudzidza zvakanyanya kwaakaita asi une hutsinye Yvonne machemero aita mai Beverly paphone apa andirwadza kwazvo ". Ndakaridza tsamwa ndoti "Kana vasvaurwa nenhamo ngavabveka pamba apo vaende kumba kwawo kana kuroorwa zvakare vachiri kugarirei vachida kuuya kuzochema kwatiri nekuda kwenhamo inopfungaira hutsi . Paya mukoma Godhi ndakagara ndavaudza kuti nekuzivirira neropa renyu remari apa maroora mukadzi wechikwambo ane nhamo isingaite. Mukoma after mwedzi vavaroora basa harina kubva rapera here paya ". "Yvie uri munhu mukuru mhepo kana dzasimuka mumba why vanhu vachiti ndedzekumhuri yemukadzi iwo mamhepo amukoma wako hauna kumaona here saka nekuti mai Beverly vanoera nhamo vakabva vaenda nehweseri kupfimbira mukoma wako shamwari yako ukavagadzirisira mapaper tese wemhuri tisingazive ukavati endai kumhiri uko.Uri mukadzi Yvonne uri mukadzi vandirwadzisa nhasi ...." *Stay tuned*
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 😭 🔥 👏 🇿🇦 1.4K

Comments