
MAMA SHANNELLE NOVELS& CHIKAPA STORIES📚🖋💚🇿🇼
February 18, 2025 at 08:35 AM
Like before you read❤️📍
SERENITY
https://whatsapp.com/channel/0029VaLcDGY9xVJpFXBJQk3k
Chapter 9
"Tsvodanai tione zvamanga muchiita usiku huno chokwadi vabereki vari kuti makarara imi murikuita chisionekwi musango rakadai, chokwadi vamwe vana hamurereki. Chida iwe chisikana nezera rako iri busy kuita musara wakadai dai wanga urimwana wangu ndaikuponda zvomene vana munorwadzisa mhani,apo zvese unenge uchizviwana nxxa mhani!"
Akadero umwe murume aiva mupurisa ndakangoti nechemumoyo dai aiziva kwandogara aindinzwira tsitsi zvake.Takarara takagara kusvika kuchene apo foni yabamnini yanga yadairwa namainini saka ndaitoziva zvangu kuti hapana chobuda.Zvisinei vabereki vemukonana wandaiva naye vakabva vangosvika vachibva vabvisa mari yavo ndokutora mwanakomana wavo sare ini ndakangoti tuzu.
"Ko mhamha chingobatsiraiwo musikana uyu akwanise kubuda akafona nezuro asi hapana auya."
Akadero akarereka musoro moyo wangu wakabva wanyevenuka kuti ndakubudawo izvo kwani kunyararira kwaamai ava kwaiva kwekugadzirira mhinduro.
"Ndizvo zvawairarira mwana wevanhu musango izvozvo kuda kundiitisa ,manje ini handinzarwo ngaagare kusvika vabereki vake vauya vazive hunhu hwemwana wavo sekuziva kwandaita hwemwana hwangu buda tiende tione."
Vakadero neizvi raiva pamusoro ndikaona mwana achinditarisa neziso raiti sorry.Vakatanga kufamba asi mukomana aingondicheuka ndakaeredza misodzi ndakamutarisa nemaziso aireva zvizhinji.Ndianiko wandaizoudza akandinzwira tsitsi mulife mangu?
Ndakasara ndichikwetsura mhere zvekuti kana mapurisa acho akasvika pakupererwa kusvika umwe wacho aiva wechidiki ati,,,,
"Nhaiwe Kenny ukati hauna kungomhanyira vana ava here iwe pamwe mwana uyu arikutaura chokwadi tarisa chitray chechingwa ichi now zvakumaker sense manje mwana uyu anogona achigara nastep mother chete uyu."
Vakauya pandaive ndokundibvunzurudza ndakaona uriwo mukana wekutaura chokwadi ndichibva ndangotaura zvese zvaiitika mune hwangu hupenyu.Nyaya yakazooma vanditi handei tese kumba kwenyu.Ndakakasika kufunga ndichibva ndabvuma ndakati chikuru ndabuda mumaoko emapurisa.
Takabuda nemapurisa maviri echikadzi ndikati zano nderipi pano ndoita sei kuti ndisasvika kumba nevanhu ava.Kusvika kwangu nemapurisa pamba kwaizovhukunyura zvese zvakavanzika chete .Zvisinei tichifamba kudero tave pana Kelvin corner takabva taona vamwe mai vechikuru vachibirwa foni pachena zvapo vakabva vangobata mbavha iya ini ndichibva ndanzi tipe address tozouya kumba kwenyu toda kumboshanda nembavha iyi.Hongu ndaisada zvangu kukonzera bongozozo pamba pabamnini vangu ndaingodawo kuti vataure navo vandibatewo mushe asi zvakakona n'anga murapwa achida.
Ndakasiiwa ndakati tuzu kana simba rekuvapa address ndakarishaya ini.Ndizvowo zvinoitwa kumutemo here izvi.Kwainge kwatova kusiiwa pachena ka uku.Ndakazofamba ndokuenda kumba ndakatoshamisika ndichiwana pamba parizii.Ndakashaya kana wekubvunza kuti vamwe vaenda kupi?Ndichiri kuzvitongesa ndakabva ndaona Fortue achibuda mumba akabata chichangani bag changu achibva ati,,
"Better ubve pano kubva zvawauya pano pamba hapana rugare izvozvi Felie is fighting for her life in hospital because of you".
Munoziva ndakapererwa kusvika pekupedzisira chaipo.Ndaita sei nhai sisi Fortue mhosva yangu ndeyei?"
"Usandivhunze zvisina basa hatichawani zvatoda pano pamba nekuda kwako baba vedu vanoda iwe kupfuura isu."
Munoziva zvaitaurwa zvacho zvaisamaker sense zvisinei ndakatora kabag kangu ndokutanga kufamba.Pandakati ndibude gate mainini vakabva vangobudikira vachibva vati.....
Amai Fortue
Ndakarohwa nehana ndichiona shura raiva mberi kwangu iri.Ndakamusimudza ndokumurarisa pamakumbo angu ndipo pandakaona kapaper kachidonha ndakabva ndakanhonga ndokutanga kuverenga.
Ndakazongonzwa ndabvutirwa katsamba kaya ndakasimudza musoro ndokuona vari baFortue hana yangu yakabva yangorova ndichibva ndaramba ndakangotuzura.
Ndainge ndoshaya zvino kuti chaimbova chii chaive chanyorwa naFelie mutsamba umu.Pakarepo Felie akabva apfakanyika ndichibva ndangoti ba Fortue mwana wedu kani!Ndipo pavakabva vangobvonyera kapaper kaya muhomwe.Ndakabva ndambofema zvishoma.Takasimudza mwana wedu ndiye naye kuhospital achibva atotorwa ndokunorapwa.Ndakamboti garei zvishoma ndichivaraidza murume wangu ndichibva ndazongoti verere apo kwanga kwatochena tamirira maresults kubva kunana chiremba.Ndakamhanya ndokupinda mumota ndiye hutu ndakananga kumba .Ndakasvikonanga kucottage kwaEddy uko kwandakasvikoona shura chairo.Eddy aitofemuruka zvake ari pamusoro paFortue ndakanzwa hasha dzangu dzese dzichiuya chimhuka rudzii Eddy chaaida kundiitira pamba pangu.Ndakangononga chivass chemaruva ndichibva ndamutema nacho mumusoro. Munhu haangati amai nevana zvese aah imi.Ndakaona achinyatsodonhera pamusoro pafortue achibva angoti zii akadero.
Ndakashaya kuti ndomubata sei ndanga ndazopererwa zvino.Fortue achiona zvadai akabva angomusundira kwakadero achibva auya mberi kwangu ndokutanga kundipopotera handina kuwana simba rekumupindura pfungwa dzangu dzanga dzopishana zvino misodzi yongoyerera zvanga zvazondiwandira zvino uku Eddy,Felie muhospital naSere kumapurisa.
Zvino ndozviudza aniko?Pandakati ndimusimudze akabva angopfakanyika ndichibva ndangomusiya akadero ndokumhanya zvangu ndichibuda ndichisiya vangotarisana semachongwe nafortue.
Ndakabuda ndokunanga kuhospital uko kwaiva nafelie ndakasvika ba Fortue vagere pabench repanze havana zvavakataura neni vakangondipa ziso rinotaura vachibva vangonditema nekatsamba kaya.Ndakabva ndangopererwawo ndakadero, panguva iyoyo mukoti akabva angouya achibva atideedza apo ndisati ndaverenga katsamba kaya ndakabva ndangokakanda muhandbag ndokupinda mukati.Mukoti akatanga kutaura pamusoro pemwana wedu kutaura chokwadi hapana chandakanzwa pandakaona vave serious ndakabva ndangoti verere ndini uyo kuMatapi kotarisa Sere.Ndakapererwa zvichinzi ,,,,"Saka ndimi mai murikushungurudza mwana kaimi".
Ndakashaya mhinduro ndokungoramba ndokakama zvino ndakabva ndatobatwa nemhosva.Ndakazongoita lucky rekuti ndakavapa pashoma pandaiva napo ndichibva ndatonopinda mumota ndokurova pasi sezvo vanga vanditi Sere anga abuda akaenda kumba.Chakandityisa inhau yekuti anga aperekedzwa nemapurisa.
Ndakanzwa kutya kuchipinda mandiri chokwadi Sere anga azondigona shuwa kuunza mapurisa pamba pangu.Ndakarova mota sebenzi ndakati ndichisvika pamba ndokuona Sere nebag rake achitobuda gedhe pandakada kuti nditaure naye ba Fortue vachibva vatosvika apo vachiita kuvira nehasha.
End of chapter 9
More comments more fire
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
206