
Tete Tilda ¢ Bhozhongora Live Zim 🇿🇼 home remedies, Secrets & Confe$$!on$,News
March 1, 2025 at 11:24 AM
*Mhuri yeZimbabwe maswerasei,nhasi ndadzoka zvekare nenyaya yangu iri pamusoro iyo yandisina kupedza,nyaya iyi ndakazoiudza murume wangu zvizere nekuti pandakataura naye ari kunze saizvozvi tainge toita sekakupokana akunditi mapics auri kundisendera haasi ndipe ako ini ndichimuudzawo kuti ndiwo asi kuti ndasangana neurwere hwandinetsa akada kuzama kutamba ndokutombondi blocka izvo zvakandidya moyo kuti saka munhu uyu atondiramba kaa apa.Vamwene ndakavaudza kuti ndozvaita mwana wavo ivo ndokunditi chimboenda kumba kwenyu ndichataura nemwana wangu.Mhuri yeZimbabwe ndakavarambira ndakati kwete amai zviri nani ndifire pano pane kunopinza vabereki vangu mutoro.Hapana kupera 2 weeks murume wangu akabva andifonera iye achiti mai vake,mean amwene vangu ivo vandigara navo ndivo vakabata-bata vari kuda kuti ndisabate mwana murume wangu andirambe vakatondigarira mutezo chaiko.Ndakamubvunza kuti wazviziva sei,iye ndokunditi ndakaenda kumaporofita vakanditsanangurira nhau iyi yose saka iwe ita semunhu asingazive nekuti ndiri kuuyako ndopedza navo phone ndokukatwa.Ndakavhunduka zvose nokutya kuti saka paari kuuya ari kuuya kuzorwa nàmai vake nekuti makatiro aakaita runhare ainge akanyanya zviya zvemunhu akashatirwa chaizvo.So ini ndakungotiwo ndakawana vabika handidye zvavabika ndotoona kuti ndazviitira asi ndiri kuona kuti zviri kusimudza mashoko.Tiri kugara takapopotedzana nenyaya iyoyo kungoshinga ndichimagamuchira.Ndichadzoka ndokuudzai zvizere kana mwàna wavo adzoka ndichikupai zvizere.....................*
https://whatsapp.com/channel/0029VaIKglG8V0tfLJWjcE3a
😢
🙏
😮
😱
🫂
17