
PERSEVERE JAY KAY NOVELS📘
February 18, 2025 at 06:00 PM
⭕⭕⭕⭕⭕⭕⭕⭕⭕⭕⭕
*WRONG MOVE*
_WRITTEN BY:_ *PERSEVERE JAY KAY*
_EDITED BY LISSTTY_
https://whatsapp.com/channel/0029Vadg8wzCcW4uiPhj2T25
_COMMENTS GROUP_
https://chat.whatsapp.com/CJC8E8Sf2ZMLF3maH3d5hp
*----------------------------------*
*CHAPTER 2*
*GAMU*
Ndakasvika kumba ndiri serious ndokupa mhamha mari ndokupfuurira kuenda kuroom yedu yevasikana.
"Iwe iwe. Dzoka apa",
Ndakabva ndadeedzwa paya apa ndanga ndabudirira. Ndakango pukuta maziso neface quick quick nekuseri kweruoko ndokuzo cheuka ndichi dzoka ndokunomira pamberi pavo.
"Mhaa?"
"Tarisa kuno tione?" Vakadaro apo ndainge ndakamira ndakatarisa pasi ndichi tambisa zvigunwe. "Ko huso kuwuna wuna hanzii?"
"Hapana", ndakadaro ndokutarisa pasi.
"Hauti hapana zve. Koface zvaine mhororodzi dzemisodzi wani? Waita sei? Kudzoka wakaita chigure kudai hanzii? Wanga wakutamba futi ndakutuma??? Heee?"
Kana pekutangira ndanga ndisina kutsanangura so ndanga ndango nyarara ndakatarisa pasi.
"Ndipindure uko. Haundinzwi? Shena ndeyei? Asi matamba maflau futi?" Vakadzokorodza ndave kutonongedzwa pamhanza ndikaziva kuti zvanga zvave padhuze nekushata.
"Pane vanhu vanga vachindi denha."
"Saka?" Vakadaro ndokubva vatomira kufufura muboora wavai furura.
Zvingataurika? Nyaya yeku shaikirwa nevabereki unopedzisira waveku tambidzanwa mumhuri. Ndanga ndatombo dzingwa kuMhorondoro kwa maiguru nenyaya idzodzi dzekunzi ndanga ndarova munhu. And panguva yacho zvekuti iye anga akuita sei hazvitariswi. So after that mainini mai Gire ndoo vanga vanditora kuti ndigare navo. So zvaitotyisa kutaura kuti ndanga ndarwa nevanhu. Ndanga ndakungo kwenya musoro. Ndakaimharwa nayo mbama ndakavarairwa.
"Hausi kundinzwa kuti ndiri kuvhunza? Watanga futi zvekurwa nevanhu?" Vakadaro ndokutoisa dish ravo pasi ndikatoziva kuti zvanga zvakushata.
"Mirai nditaure zvaitika mhamha. Nda_"
Zvandakazombo pedza here? Mhamha vaiti chavanhonga chiri padhuze ichocho chakuto tema munhu. Ndakarohwa musi iwowo ndokuzosara kuno diridza garden ndave kungo svimha.
"Kasika kupedza uchereredze mvura muma drum umo otherwise ndokuvinga ikoko ndikaku rikita. Munhu wepi. Bvisa zitauro iroo! Nhasi kurikuuya vaenzi parikufana kukasika kutanga kubikwa."
Kana vatotaura waifana kutanga kutoita zve otherwise paigona kukushatira.
*NARRATION*
"No I'm feeling exhausted Allen. Ukuziva kuti ndaswera kubasa wani?"
"Tese taswera kubasa Gee. Asi kana zvakuita kunge kumabasa kwenyu uko muriku foroma zvidhinha zvinozobuda here? Sex inomboda energy yei yaungabva waita kuti ndaswera kubasa?"
"Of course inoda energy babe I mean... Nezuro wani takaita Allen."
"Saka zvekuti takaita nezuro zvinei? I'm a man and kumabasa uko tetaswera netwuvana twakaminura uko then woita shungu dzekuti ndonodzipedzera pababy rangu kana ndariona. Hauna kuita half day here iwewe nhasi?"
"Ehe ndaita half day hant wanga wati uda kundiona here?"
"Saka waneta nei munhu apedza basa kuma 1? Or ukungoda hako excuse yekundi side liner?" Allen akadaro ndokusimuka pamubhedha atove pissed.
"Who would l side line you for Allen. What are you trying to say?"
"Hameno ka iwewe ukuvaziva. Maybe you are getting sex yacho somewhere else hako and that's why ndirini ndega ndiriku feeler the need," Allen akadaro ave pissed off.
"Nhai Mwari. All this because l said I'm too exhausted for sex? I mean l haven't even recovered from yanezuro sex Allen you know takaita like dzinenge 3 to 4 rounds chaidzo."
"I know iwe Gracious. Do you have to remind me that? *e*** racho rine rubber band here ino dhamba? Zvekuti ndakaita zuro zvinei nanhasi? Zvino rarisa **o** here izvozvo?"
"Nhai Mwari hezvo hezvo. Nekuti nyadzisira kwese uku inyaya yesex chete?"
"Aah zvinozobhowawo zvaunoita iwewe. Saka pandaiku begger nezuro manheru kuti udzoke waiti cause dakutaura nyaya newe? Dai wanga usiri kuda wagara wangondiudza zve. Nhai..."
"Yowe yowe, sorry Allen. Chivhara door racho tiite. Zvingatonetsa zve. Kokungondi roora woita zvaunoda hako nenizvi,"
"Kuroora kweiko kana 3 rounds dzichifana kulaster week rese ndisina kuita sex saka marriage ndoo yaunozogona?"
"Ehe ndoigona. At least it will be worth it. Izvi zvekundi shandura shandura sekunge ndakato bvisirwa zvinonetesa Allen kutaura chokwadi 4 years. 4 years dzese dzata danana I've never heard you talk about our future. Even ndikatanga nyaya yacho you brush it off. Gore riya wakambotaura zvekuda kuroora in 6 months what what and then ndiye zii..."
"Tiri kuita sex yacho here kana kuti hatisi Gracious?"
She was quiet for a second ndokutura befu, "Zvakaoma."
She started taking off her clothes Allen akamira kudoor. Akabva abvisawo dzake faster faster ndokumupushira pamubhedha.
*GAMU*
Sisi Gracious vakazosvika kuma late zve around 3 to 4 chaiyo vachibva kubasa. Ndanga ndakuto kwesha mapoto pama plates anga asukwa namhamha. Vanga vasina kukwesha mapoto.
"Hezvo Hezvo. Ko kuzokwesha mapoto wakatsamwa tsamwa kudaro chinunguna changu hanzii?" Vakadaro ndokubva vandipa hug ndichisuka paye from behind.
I don't know why but Gracious aingondi farirawo hake from the first day randaka svika. Yanga iri first and last born yepamba ipapo and anga akandisiya ne4 years. Ndaitoziva kuti kana Gire asina kuenda kubasa pamba panoswera pachinakidza. Ndakango smiler hangu faintly and then she was like,
"What's wrong? Asi mambo tukana pano?" She asked ndokubva aseka.
Ndakapedzisira ndakusekawo.
"Shame. Sorry hako mwana wedu. Anyways l have an idea. Iwewe chisiya mapoto ndipedzise. Chipinza zvinhu zvangu mumba izvi," she said vachindi tambidza bag ravo ne purse.
"Haaa ndakuto pedzisa hangu," ndakadaro ndakutanga poto yekupedzisira.
"Ehe iyoyo chisiya ndipedzise nekuisa mumba. Wamboshandawo. Kufarira basa here? Chizorora chinunguna," she said jokingly vachitondi torera poto yacho.
Ndakamhanya nazvo mumba ndokukasika kudzoka ndisati ndasvikirwa ndichifamba.
"Ndapedza," ndakadaro ndichidzoka.
"Chigara apa undiudze nyaya. Warohwerwei?" She said vave kuto kwesha poto.
Ndakatogara paka sturu paye ndokubuda mai vaya ndiripo makumbo achiita kutambirira ndiripaka sturu.
"Iwe wagara hanzii?"
"Maswera sei mhamha?" Gracious akabva akasika kupindura ndokubva vamuona.
"Aah, koiwe wadzoka? Kokusvikirana nema plates usina kumbopinda mumba hanzii?"
"Haaa ndangoti ndimbo batsira mwana wamai uyu. Aswera achimboitawo rega ndimbomu zorodza," Gracious said.
"Hezvo. Kuzorora aitei? Asi iko kurwa nevanhu muraini umu? Tarisa kana face yake izvezvi ichiri neshenha nezera irori. Munhu anoda kuudzwa kugeza? Munhu aveku shandira 19?"
"Haaa akuto geza. Anditi arikutemwa nemusoro l think inyaya yezuva. Chigezai mainini then mozongoenda patuckshop ka 1 hant," Gire akadaro ndokuzo wuna wuna neka bucket ndichino chera mvura uku ndakatariswa neziso.
Somehow l realised kuti kana Gire aripo ndaisarohwa. Bodo zvaisaitika. She was always on my side and l liked her zvekutodaro. Ndakageza ndoku zopihwa ka dollar kemapiritsi kaye pamwe neyekuno tenga muriwo ndokubva ndazevezerwa kuti ndigotenga zvandaida padollar riye nasisi Gire. Ndakabuda ndichifara kani ndichiziva kuti at least ndaimbo furwa nemhepo ndotenga kana Jumbo Bun riye.
*NARRATION*
"Kwakuri sei kubasa?"
"Kwanga kuri right uku. Ndakaita kuneta," Gracious akadaro smiling as she finished up with the dishes.
"Haa as long as kuchingobva mari chete hazvina kushata,"
"Yeah ndizvozvo."
Pakamboita karunyararo ndokubva mai Motsi vatanga zve. "Iye ariseiko mukwasha wangu?"
"Hmmm mhamha," Gracious akadaro ave kutoseka.
"Hezvo kondakanganisa here? Handiti gore riye wakamboti avekuda kuuya kuzoroora here?" Vakadaro ndokuseka zvavo mai Motsi.
"Haiwa. Ndandichiri mwana paya. Ndaka kasikawo kungoita excited pamwe munhu anga ango shayawo nyaya,"
"Haa zvagara vakomana ndoo zvavanoita kana vachida kuzama kurara newe. Zvinoda kungwara. Iwewewo unotomirawo kumu vhurira makumbo acho kusvika abvisa," vakadaro ndokubva Gee apa ka nervous laugh.
"Yeah yeah shuwa ndo yacho."
"Ndandichi taura namai Tsitsi. Mwana wavo arikubvisirwa this coming weekend."
"Mukomana wake uya mushurugwi akazofunga kuroora?"
"Yeah yeah iii haa vanga vakushupikana. Chete ndomakore acho chaiwo ekuroorwa iyaya. Newe unofana wakutondipawo madates ndiudzewo vamwe kuma group uku tinenge tichingopihwa pressure," vakadaro vachiseka ndokubva Gracious azongo sekawo.
"Iii ndichiri mwana musandi tyire. Ndichauya naye,"
"Hmmm mwana wepi. Handiti wakutoenda kubasa? And wakatosvitsa 23 musi uno?"
"Ehe hazvo but 23 still iii handisati ndafara zve mhamha. Ndofana kumbodyawo mari dzangu",
"Yowe, mari dzinodyiwa isu vamwe takabata vazukuru. Imi mozodya mari dzenyu. And usazvitye. If everything goes well, haa gore rino hariperi," mai Motsi vakadaro.
"You sound so confident."
"Iwewe chako chete tsvaga mukomana anoroora. Anoratidzika. Inini ndichaitawo side rangu samai vemunhu. Usatye zvinoita. Uchaona."
*CHRIS*
Ndanga nditori pacall naChristine pandakabva ndaspoter mwana uya in a distance. Ndanga ndichangobva kunogeza ndave kuenda kuno linker nekamwana kaye kainzi Rue. Zvisineiwo ndakabva ndasangana nemwana uya ainzi haape number ndikati ndoo chance yacho iyoyi. Kana zvaRue ndakabva ndatomboisa paside. Kuti ndakabva ndanyepera kusunga mashoe lace ndichimirira kuti asvike.
The moment she was close she started looking like she wasn't the one wandanga ndaona earlier aine mazigumbezi mumaoko. She looked kinda different. But obviously ndaitoziva kuti ukaona kakagerwa musoro kese wobva watoziva kuti kakabva kuita form 4. Ndandisingazo remerwe nema book 4 zvechihwai.
"Hey, hecy," ndakadaro ave kupfuura.
"Maswera sei?" Akabva adaro ndikabva ndaziva kuti ndo twuya twuya twunenge twuine ka attitude kakusada kutaura nevanhu twobva twakupa karespect kekushaya.
"Iii ukabva wanditi maswera sei zvinobuda here? Wakutondi chemberesa kaiwe," ndakadaro ndokubva kamira ndokubata muchiona ndokundi tarisa for a few seconds then she laughed ndokuenderera mberi nekufamba.
"Ukusekei? Serious kah." l added ndave kutofamba ndichika tevera.
"Saka apa ma shoe lace awanga uchisunga acho aripi zvawakapfeka mapush?" Akabva avhunza ndokubva ndakwenya musoro.
"Haha, yeah you got me. I just wanted to wait for you hangu. But zvine skiri chii chii. Anywas ndonzi Chris," l said extending a hand shake.
"Well Chris zvashanda. Wandi mhoresa. Ndiri right. But ndirikumhanya so bye..."
"Okay then so can l at least get your tags then ndozoku fonera when you are less busy. Totaura," ndakadaro ndokubudisa phone ndokumu tambidza.
"Handina phone."
"Koyawakabata iyo?"
"Haisi yangu."
"Daamn. Ndipe dzemunhu wacho iyeye. Kana zvanetsa unondipa dzamoms vako ndotaura newe ipapo."
"Handidzizive nemusoro ini. Anyways ndakunonoka Chris. Ndo svika ndikatukwa," akadaro ndokubva afamba achibva.
"Come on hona, chitora dzangu then wondiisira call back," ndakadaro ndokubva ndamudhonza akavarairwa ndokubva asvika achinyatso wira pachest pangu apa ndikati daamn. This is some romance movie typa shit.
"Siya ruoko rwangu Chris dakuenda," she said nevoice ranga riri so low ndikaziva kuti kakudyira.
"Come on, l mean it's just a phone number. I mean wouldn't l be lucky if l could talk to you more oftenly?"
"Chris, nhasi handisi kuda zvekunetsana nevanhu kakawanda. Unondipinza busy. Ndisiye ndiyende," she said kechi 2 ndikaziva kuti zvagara musikana wese anotanga atombo ramba ramba. So l kept holding her hand.
"Chris ndisiye kani chiiko?" Akazongodaro nevoice rine hasha ndokundi dhonza nesimba randisina kumbonzwa kuti rakabvepi ndichinowira mugoronga ndokubva afamba achienda.
Sandi kunyara ikoko. Apa ndakuzama kusimuka zvine skiri dhumha dhumha nana Rue ndichibuda mugoronga sugar dzese dzasara mugoronga phone yave uko. Ndanga ndakungo cheuka cheuka kuti ndione kana ndisina kuonekwa nevanhu. Dhumha dhumha naDadza naSpencer vachiita kubvaruka nekuseka vachibva nekumashure. They clearly had been watching the whole thing.
*END OF CHAPTER 2⭕*
@lisstty
❤️
😂
👍
🙏
😮
😢
🔥
🤸♀️
💃
😆
284