ALL ACADEMIC HELP
ALL ACADEMIC HELP
February 23, 2025 at 04:33 PM
*ZimTotems Family Presents Mitupo Poetry From Mitupo YeDzimbahwe Book* Beta Wabata Dhliwayo Wabata, Dhliwayo, Rufura, Mamberere, Mauruka, VaChimapwere, VaMutiwakopa, Mutukuti wedanda, Majeketera, Manjuru, Mazivanguva, Maita Matsindira, Diutiu rangu riri, Madzivire, Musikana anenge ishwa, Inodyiwa nemanhenga ose. Maita Beta, Maita ishwa yangu yiyi, Dzikarinda hadzidyiwi, Aiwa zvaonekwa Wabata. Bhebhe vokwaTumbare Bhebhe, Enzinda, Tumbare wejira jena, VaChulu chaNhave, Vachisavase, VaChigala nakabhanga, VaChichengeta munongolo, VaChilayilo chakanye ishomwe, VaChifukijavakajidhema, VaChilimamafunde manji, Asaiva Tumbare, Bwana bwomuRozvi bwaitsva muchoto. Bonga Chihwa Maita BONGA CHIHWA Maita Sigauke Bonga Chihwa Mwaita Mutambara Mwaita WaGarwe Mutupo wetakagurirana Matikaha ngekuone tsimba Kuona mumhu tinodedera Mwaita Bumhi Muera Imbwa Wanodya ichifamba Chadonha pasi hawadyi Dehwe rehosi tusa vanthu Karimera mutete Zvaitwa Ngonyamu Gumbo Madyirapanze Mazviita Gumbo, Maita zvenyu Madyirapanze, Vaidyira panze nokutya Vaera Shiri, Hekanhi Chidonhamuto, Chidonhamukaka mhuru inobva muGona, Chifukamakono hadzi dzakatseketera, Shava huru yakapamba Gona, Gara ramasango, chipauro chamafuta, Godzamuto mhuru inobva Gona, VoRufura, Venzeve tsvuku, Mushukuro weGona, Vanechitanga chisizari n'ombe, Chinotozara musi wezvita, Maita vari Masakadza, Maita vari Njaidza, Navari Mhiri kwaNyazvidzi, Maita vari Hwiru, Tatenda vari Chikwidzire chamabwe machena, Chakada mutema muzvare Mataruse, Hekanhi vari Raubwi, Vari muhari huru, Vari chikomo chaMabwazhe, Mhare yokurwa yaiganza kunge handira, Zvaitwa Chisema, Sambiri, Chikara wapanze, Chifamba namana, Chifuramakuru, mazondo tinodya, Maita vari Svikire, Vari Maturi, vari chivende, Vari Hubvumwe, Chiputsamakuru; Godzamuto, Vari Hwiru yaMazonde vokuda nyama, Vanoera gumbo remombe asi mutumbi wayo vachidya, Shava yangu yiyi, Chitanga, Chikanyamatope, Maita vari Mapfukudza kunodyiwa boora nechirimo, Naka muchadya makunguwo huku dzarova, Hekanhi Madyirapanze, Ganyamatope, Kuti vane nzara vaponewo, Hekanhi Musipa, Marera Nherera, Matsikapasikuzororahuvata, Hekanhi Gutu, Hekanhi weGona, ndisengei, Senga nhundwa, senga musoro pane romo neziso, Hekanhi Mhandamakan'a, Matakuradumbu, Matangakunwa muviri une nyota, Vatambi vemuGanyiro, Matsika pachena napanerima, Hekanhi Masangedzwa, Bvumazvirema, Teveratsimba mutsvairo wenzira, Hekanhi Murendo, Mushaya chirashwa, Mafuta tinozora, Runyanga igonamombe, Gumbo mubhadha, dovo tinowadza, Nyama tinodya, mukaka tinomwa, Muswe inhawo, ndove indozura mumba, Zvaitwa Chitova, mushukuro wegonamombe, Aiwa zvaitwa Gumbo, Chinemukutu, maKorekore Gumbo Madyirapazhe Mazvita Gumbo Maita zvenyu Madyirapazhe Shava huru yaka pamba Gona Gara ramasango Chipauro chamafuta Chikodza mhandara Godza muto mhuru inobva Gona Vezheve tsuku VeRufura Mushukuru we Gona Vane chitanga chisisazari ngombe Chinotozara musi wezvita Maita vari Masakadya Maita vari Njaidza Vari mhiri kwaNyazvidzi Vari Hwiri Vari Zvomutumbwe Vari Raubwi Vari Muharu huru Vari chikomo chaMabwazhe, Chisema, Sambiri Chikara chapazhemwongo Chifambanamana Chifuramakuru Mazondo tinodya Maita vari Svikire Maita vari Maturi Vari Chivende Vari Hubvumwe Chipatsamakuru Godzamuto Shava yangu iyi Chitanga Chikanyamatope Maita vari mupfukudza kunodyiwa boora nemuchirimo Vari Chikakatanwa Vari Boromoka Vari Mandira Ganyamatope, hekani Madyirapazhe Kuti vane zhara vaponewo Hekani Musipa mareranherera Matsikapasi kuzorora kuvata Hekani Gutu Hekani weGona Ndisengei, senganhundwa Sengamusoro pane romo neziso Hekani Mhandamakanga Matakuradumbu Matangakumwa muviri une nyota Matsikapachena nepane rima Vatambi vomuganyiro Bumazvirema, hekanhi Masengedzwa Teveratsimba mustvairo wezhira Hekani Murendo Mushayachirashwa Mafuta tinozora Runyanga igonangombe Gumbo mubhadha Dovo tinowadza Nyama tinodya, mukaka tinomwa Muswe inhawo, ndove inodzura mumba Zvaitwa Chitova, mushukuru we Gonangombe Aiwa zvaitwa Gumbo, Chinemukukutu maKorekore *ZimTotems Promotes Cultural Restoration and Tourism Through Cultural and Traditional Music Fused With Traditional Dances and Totem Poetry..To Book Sekuru HWESA and ZimTotems Band contact 0773641883/0713053846..( 30% Of Bookings Payments Goes To Charity )..For Music Visit YouTube@ ZimTotems or Facebook@ZimTotems* Gwai Gumbi Maita Gwai, Maita mukuruvambwa, Zvaitwa Moyo ndizvo, Vane chuma chisingaverengwi Vakatorerwa umambo naMabvakure, Maita hwai yangu iyi, Ikachema kunofa dangwe, Ukaidya unopera mazino, Maita vana vaMbarure, Maita vana vaChigondo, Zvaitwa mhuri yaNyamhunga, Zvaitwa mhuri yaGora, Maita zvenyu vari Goromonzi, Vari Mharamasimbe, Kuziva zvenyu vari Manyewe, Vari Baramhanya, Tatenda vari Mburwi, Zvaitwa Chuma, Zvaitwa Gono, Zvaitwa Gumbi, Zvaitwa Gwai, Maita vari Mhondoro, Maita Sembe, Chuma-Chitunge, Tinotenda vari kwaMashayamombe, Tinotenda Chinhove changu chichi, Zvaonekwa vari Doworo, Maita mwana waGora, Zvaonekwa Gwai rangu iri, Zvaonekwa Mukuruvambwa. HWESA Maita Chiwambu Hwesa Masango Maita Mhokore Varidzi VeHwesa Maita Mhoni Vemutsetse Pamusana Makaramba Kufamba usiku Maita Vani Sena, Vari Putukezi Vari Masumburero, Maita Nyamhute Chipahumba Mudya Sikat Usiku Uchikwevera Varanda Tsotso Musango Tsotso Mudzira Zvaitwa Katerere Hlatywayo Nungu Tiyashire Nungu, Matikiti, Chikandamuseye, Mwashuma Dekete, Tinobonga Mafuyateya, Ndizvo zvinoita kuti tifire pano, Takauya kuzokonza babayo, Mwaita Gondemukande, Mwaona kuti vantu vakatetepa, Mwashuma Maposa, Mutupo usikaambirwi, Mwaita vari Serere Burauta, Mwashuma Gandirwana, Mwashuma vari Dimire, Musatifura baba woye, Rambai muchitipazve, Tikafira pano ngenyi. Humba Nyanguru Maita Chiunga, Maita Humba, Mwana waMakombe, Chomera, Maita Nguruve, Mutakurwa. Zvaitwa tateguru wangu Makombe, Maita waDukudza, ari Jekacheka. Maita Chirema, Chirimanemuromo, Mapadza aripo, Asi muchiapa varanda. Maita vari Barwe, Gwindingwi guru, Vanodzira imba nematope, Muno muromo unenge gombe rekucheresa mvura. Zvaitwa Nyanguru, Makapedza rudzi rwavamwe nenyuchi, Maita vakarota, Zvaonekwa Rima, Tatenda vaChevakaranga naChibonoyo. Zvaitwa waGosa, Mwana waZunzangara. Maita variKaromokapuwe. Tinotenda variMatitima. Kuna Nyadekese, kuna Zambezi. Aiwa zvaitwa mwana waMatope. Zvaonekwa Nyanguru. Zvaonekwa Humba. Nguruve, Chitambanamatope. Mbano Matemavi Evo Nzou, Makunda, Maita Mbano, evo Musiyiwa, Mwoyowevhu, zvaitwa Madzorera. Maita zvenyu vomuGoromonzi, vokwaChikwaka. Zvaitwa vemvuto chena, vomuDzimwe. Maita Matemavi, Mbano yangu yiyi, Chiuya chinenge mukaka, Chinodyiwa navasina meno, Mhuka isina mutumbi, Chiuya chavachafema. Maita vari pamhiri paNhora, Vari Dzimwe muGoromonzi, VokwaChikwaka, Vachivakanamabwe, Kuvaka nomuti unosakara Kana kudyiwa nomuchenje. Maita zvenyu vari Mutiwaora. Waita waCheza naBenhura, Zvaitwa maKorekore, VaChipahomwoyo. Aiwa tatenda Musenda, Zvaitwa, zvaonekwa vari Dzimwe. *Zunde ra Chiremba is a flagship program of Zimtotems wherein the Project takes care of 140 Kids Living With Disabilities in Harare and Chitungwiza.. As such , Zunde appeals for Donations in the form of food requirements such as hupfu, porridge, milk etc ..Zunde also appeals for Wheelchairs, medication walkers ,diapers , pampers etc... To Donate Contact 0773641883/0713053846...Visit Facebook@ Zunde ra Chiremba or Facebook@ Zunde Food Bank* Mbuya Chikonamombe Maita Mbuya, Maita vari Gombwe, Kuziva zvenyu vari Rare. Hekani vaDzete vakabuda muRenje, Vachiuyawo kuzotitsvagawo VaMaromo. Zvaitwa vari Zvihota, Vana vaMaromo, Gusho rangu riri. Maita zvenyu Mhara, Chikonamombe, Mashayamombe, Manyuka angu yaya, Makanyaya churu namate chikave murove. Maita vari Gangarahwe Mukonde, Kune Mhara inobhururuka, Yakaera kutsika pasi kana yomhanya. Kuziva zvenyu Mhara yangu yiyi, Makanga musorwara mhezi Makatozozadzwa mhezi navaranda, Mazviita zvenyu vokwaSadzadete, Gobvu rinokonza chitsa, Dzangare, Vauyauya vakabva Renje. Maita vaMaromo, Chigumbu chino unye. Chinotodenhwa huri usiku Kuchidenha masikati chinovava. Maita variZvihota, chikomo chakaumbwa nevhu, Chisina kana nakatombo zvako pamusoro, Chinowakwapo chisipiti chete kunge nhova yomucheche Aiwa Zvaonekwa Gusho, Zvaitwa Mbuya, Chikonamombe. Mhlanga Dhuve Aya Dhuve, Tinotenda Mapanda, Tiashire Muriwo, Tinogarira imwi babayo, Mwana wangu wokubereka, ABhasera, Amapfupfu, Chivara, Ndichjo chamwakafira, Dhuve rangu riri, Iro zuva rakangoti jene'ene, Takangogarira njira, Miromo yaoma nenjara, Iyo mhamba nechikari babayo. Zvakangooma zviri pachitaya. Aiwa zvaitwa vari Mupamba neZomba. Tinotenda dhuve. Mwaita vari Chirinda, Dhuve rinotsika mapuwe eipfuta mwoto, Aiwa zvaitwa babayo. Moyo Akatakwa Maita Moyo, Akatakwa, Chirandu chamambo, Mwana waKuredzamuswe, Mawire, Dunzvi renhika, Chiri mugore, Chikwariwa chakabeta mwanzva wenyoka. Maita Sahayi, Mhumba yangu yiyi Nhandare, Dooremhuka, Dunzvi renhika, Aiwa zvaitwa Mugoverwa Moyo Chirandu Mazviita Moyo, Maita Chirandu, Gonoren'ombe, Mushayachirashwa, Mukaka tinomwa, Mafuta tichizora, Nyama tinodya, Ganda tichikakise ngoma, Ndove tinodzurisa mudzimba, Muswe tinopumhisa, Nyanga tichiita gonan'ombe. Maita Chirandu, Maita Moyo, Maita Sahi, Maita dhewa rangu. Maita Bvumavaranda, Gono raMutindi naGochedza, Vari Maronga. Maita vana vaPfupajena, Vari muDuma neChidumana. Maita vari Dikitiki, Vari Ushava, Mushenjere wavaDuma usina pakaminama, Pakaminama tinoorora. Mhuri inobva Mandara, VaMareranherera vanorera nedzavamwe, Ndikafira pano wani, Kudai kuenda ndichidzoka zvinoita huyo, Chinondiona sechina meso, Navaripowo namangwana musanyara. Moyo Mugonderwa Maita Moyo Mugonderwa, Zvaitwa Varasa, Muteve wangu yuyu, Maita Moyo, Chagonda, Nyamayavo, Mauya ngei Mushayachirashwa? Mukaka tinomwa, Mafuta tichizora. Maita Mugondi, N'ombe huru, Kuziva zvenyu Gonoren'ombe, Aiwa zvaonekwa Moyo, Nyamayavo. *ZimTotems Encourages Natural Use Of Herbs For A Healthy Life.. Order ZimTotems Guchu For Immune Strengthening/Boosting and Body Detoxification... Guchu (Contents Only) costs USD 10 ( 75 % Goes To Charity)@0773641883* Moyo Mushoriwa Ewoi Moyo, Mushoriwa, Gono remombe, Chiera Moyo, Nyama yose tichidya, Maita VaRisingagohwe, Warida ndiye waribika, Zvaitwa Mushoriwa, Mhumba yomwoyo, Isina asinayo, Maita vari chikomo chemabwe machena, Chidonhamukaka, Vari Njaira, Kumuti unokope chirimo, Kukope zhizha unokonze ndove, Hekani Chidonhamuto, Vanonwa mvura yemugonera, Inonaya chirimo, Isingatinhire, Kuziva zvenyu vari Mabvazuva, Maita vari Urambe Guvira, Chikomo chisingamere uswa nemiti, Aiwa zvaitwa Moyo, Mushoriwa. Moyo Muturikwa Maita Moyo, Muturikwa. Maita Nhumba, Chirandu changu chichi. Zvaitwa vari Nhandare, Maita vaReve, Tatenda vamazhumu, MuGutsa wangu yuyu, Vamabwe machena, Vachipwanyamateteni. Maita vari muna Shavanhohwe, Moyo yangu yiyi. Aiwa zvaitwa Muturikwa. Moyo Nematombo Maita Moyo, Maita Nematombo, Bvumavaranda vakadzi vachiza voga, Kuziva zvenyu vari Uzozvi Nhandare, Vomuti unokope chirimo, Kukope zhizha unoshura ndove, Zvaitwa mwana waMugumu, Maita Dzimbabwe, VaMarumbidza, Vakarumbidza mhuri nedzisi dzavo, Vano muti unobva Njaira, Ukarinze matehwe achaona. Tatenda Maseka, Moyo yangu yiyi. Maita vemhaswa, Vana meso ari patiku, Vanyokahaisvosvi, Ukaisvosva yakuruma, Vorupazho rutetetete Rukobvu runoparura nguo, Maita mwana waGumboremvura, Mambo usitandavare, Kutandavara kunova nomubvumbi. Maita Shai, maita Chirandu. Tatenda muGomo wangu yuyu, Aiwa zvaonekwa Moyo, Nematombo. Moyo Shayamombe Evoi Moyo, Shayamombe, Maita vari Manhize, Kuziva zvenyu vokwaMudimuranwa, Maita veChigara. Maita vari Chikapakapa. Maita vari Chikomba. Zvaitwa vari Man'ozhwe Vakaumba churu nemate. Maita Moyo yangu yiyi, Zvaoneka Shayamombe, Aiwa zvaitwa mwana waMurambwa. Moyo Sinyoro Maita Sinyoro, Zvaitwa Muroro, Vagari vamachira, VaZungu vamachira machena, Vakauya nomumvura Kuzoshambadza ndoro nendarira. Kuziva zvenyu vashambadzi, Maita vezviuya zvinenge mukaka, Unodyiwa navasina meno, Tatenda vadyi vamazai, Vamupfuramagidi, Nguo takasuka kare, Vaeni vakauya vakatakura umambo, Vanodya maroro vakatambarara, Vadyi vendatsva namashongadede, Vabvakure, VaChitsvachirimurutsoka, VaUsuunjenjema, Vagere Zvinjanja, Vene vepasi, Vanofamba vari padara, Vazukuru veshiri, Ziendanomudenga, Vane hama dzakaperera Chirozva. Mazviita vaSena, maita Moyo, Mutupo mukuru waierwa Dzimbahwe, Nyama inyoro mutupo usina mupatsa, VaChumachitete, chikobvu chinobanduka, Aiwa zvaitwa muNjanja wakaroka. *ZimTotems PA System For Hire ... Suitable For Both Indoor and Outdoor Events ( 50% Goes To Charity ).. To Hire Contact 0773641883/0713053846* Moyo Sithole Ewoni Sithole, Moyo, Mombe, Wasanga, Ganyamatope, Mutupo watakaera tese, Mwaita Mombe, Mushayachiraswa, Mutupo uri mudanga, Tinobonga Chirandu, Dzemudza wangu. Mwaita wari kuna Hamudiyamwe, Ngaone, Tabonga vari Madzadza. Zvigare zvakadaro, Mhera narini, Ngavatungamirwe Kuti ndaramo yavo irebe, Ndabonga nyamho. Moyo Wadyegora Maita Wadyegora, Evo, Moyo, mwana waRusike, Maita vari Dombotombo. Kuzibva zvenyu vari Mazave, Maita zvenyu vari Mandoga, Kurere N'andu naNherera. Maita varere Mahwemachena, VokwaMuzarabani, vari Shangura, Vari Chikombore, vari Dudzu, Wadyegora wadye mangava, Hwedza rinokudyawo, Maita Chirandu, Mukonde wangu yuyu, Zvaitwa vaHombarume variNhumbe. Aiwa zvaonekwa Moyo, Wadyegora, VokwaRusike, Varere kuMatumbaarira neBinda, Aiwa tatenda vana vaMuzarabani. Moyo Wakapiwa Maita Wakapiwa, Maita veGuruuswa, Chirandu, Hekani Moyo yangu yiyi, Kuziva zvenyu varikuMatsvitsi, Vari Tanganyika, Mutakurwa, Bvumavaranda, vauya veMhani, Hekani Moyo, wakapiwa, Mwana waMukwengapasi naMunyepi, Vaera Moyo, vanosweroteverwa navakadzi, Moyo Wakapiwa pasi rose. Maita vari Zangaome, vari Mahumwi, Hekani Mbuya, Ziriwosehwa. Maita vari Garara, Matandare. Tatenda vari Daranjiva vana vaMupfumbwa. Hekani Moyo, vari Mahusekwa. Maita vari Chikwizu neChikura, Zvaonekwa vari Jeranondo, Chipfuwamiti, vakadzi vachiuya vega, Gwezvavanhu vari kuna Mucheranegombe. Maita vari Wona, totenda vari Dikitira, Mwana waZiriwosehwa, hekani Nhandare. Maita vari uRozvi, vakabva Guruuswa, VaMunayisivemvura, Vanotocherwa pasi kuti uvawane. Maita vari Daranjiva, Kuna baba vaDhimwa naChimunda, MuZungu, Mugarandakatakurwa, Moyo Mudiwadiwa, Chisakarambwa. Pachapfuura napo vanoridza mhururu, Vana vaZiriwosehwa vakanyn'aya churu namate, Churu chikati ny'akata. Maita vaMoyo navaMunombirei. Maita vari Matsvitsi neChikura. Maita vari kuna Mutany'a, Mukono wakarwa pasi. Maita vari makaha, vana vamuzarabani, Zvaitwa vari Mahanwa; hekani vaMwenda, Aiwa zvaonekwa Wakapiwa, Maita vaMhani, Moyo. Moyondizvo Hekani Sahayi Dhewa Moyondizvo Vakami vomukaka Bvumavaranda vakadzi vaChiza vomene Dzimbahwe rerupwetepwete Vari urozvi Nhandare Sahayi mhondoro Jengetanyika Mwene wavanhu VaChuru chamapfunde manji VaChirisamhuru Muzinda wen’ombe Gorokotera chiri mudanga ndambachirashwa VokwaChuma chamambo chamachira chinosakara Mupfudze waNyan’ombe Chiwanzamukaka Chipuriro chamafuta Vachisiyandanyara Vari Manyanga Vane mudzi unobva mabvazuva, uchinobaya Rupango Vakapera nhenda muDzimbahwe Vachaona mudongo vagadzi voushe Muti unokope chirimo zhizha uchikozhendove Mururamanhanga Vesviromo svitokotoko svine nzungu inosvitsa dakataka Dzimbahwe Vorupazho rupwetepwete runonama imba Vamatakaringa hwirika zvirume zvichiringa pasi Dyembeu, kurima kwakona Mutengeni wazvozvovenga Mambo usitandavare Kutandavara, mvura inova mubvumbi Vazvikwechekweche zvinonongwa nevavindukira Asina kuvindukira anowana zvapera zvaenda nemwando Hekani, Nhandare Mupfudze uri mudanga VokwaBhasvi VaNyoka haisvosvwi Kuisvosva, inoruma munhu Vedombo rakakona chimwango nemarangadya Vamatururamvura Ziendavachisiya Nyamutorazvose Nyama tinodya Mafuta tinozora Mukaka tinonwa nokusevesa sadza Debwe tinowarira Nyanga igonamombe Ndove tinodzurura mumba Muswe udenhawo Haiwa, tatenda Varidzi venyika Zvaitwa, Sahayi Muzinda wapasi Changamire Musoni Shinda Maita mbeva, Musoni, Warukore, Munhuwakure, Zungunde, Mutswandiani, Akagara ngozi, VaRemba, Vauyi, Nyamunaka, VaMwenye, Vasingasone neshinda nhema, Vaerambeva, Vakashoshonora shono mumwena, Aiwa zvaitwa Musoni. *Mitupo yeDzimbahwe Book By Chiremba Hwesa Masango with illustrations and animal profile by Fidelis MATIURE; available@ USD 20 ... Order The Book Now @ 0773641883/0713053846* Mutonga Mupamombe Maita Mutonga, Mukoka, Ngezi, Maita vari Chivare, VokwaDumbura, Vakatumbura mombe nechara, Chipanga chichisvina ura, Chatadza kutumbura mombe, Zvaitwa Mutonga, Maita variChingondo, VapaChizarira, Siyakavhezha, Varidzi vamasango, Zvaitwa Ngezi, Vasireveteki, Vanotoreveteka kana vasorwa, Zvaitwa Mupamombe, Aiwa Mupawose. Ngara WaMambo Wamambo, Maita Nungu yangu yiyi, Maita Chipiri mukuwasha waMambo. Hekani Maposa, Chirashamihwa, Masvingo aGovere. Maita Chikandamina, Weshanu uri pauta. Maita vari Chirungurira, Manjekechera, vari Gokomere, Chizuza changu chichi. Maita Nungu, Hananda, Zimbovora. Mazviita vaRusvingo naMazambara, Vakafura dombo nomuseve rikabuda ropa, VaMupumbuvoko pachirimo, Rave zhizha vofura shangwa, Vakadzidzisa vanhu kutunge timbwa. Vokutora mapadza avanhu, Vachindoise mugomo, Vachibata wanike yangova mihwa yoga, Nungu yangu yiyi, Mushayachirashwa, Minungu ndeyengara, Nyama usavi hwavamwe, dehwe richiseveswazve. Maita vari Govere, Masvingo angu, Zimwaya, Zimuto wangu yuyu. Nhari Unendoro Mazviita Nhari, Unendoro, Zvaitwa Maokomavi, VaZungu veDande Vari mumatanga, Vakabva Mazumba Mbira dzichirira mudziva. Maita Nhuka, Mombe isina muusi, Muusi ndini. Kuziva zvenyu vaNyamombe, Nhuka Musikiti, VokwaMugarahukombwa, Vane mhuka isingaoneki, VokwaChotakurwa, Vana meso anenge embiti, VokwaMuchemwanoshiri, Vanokufamba kunenge kukavira nyimo, VokwaJekamvura. Maita Nyamasvisva, Vanofamba namago panyanga, VokwaMhepoinorigazvuru, Ichisiya hunde dzemiti muTsunga. Maita vaChihoro Makorekore, Mwana waBiri naGanyire, Anokura asingazivi murimo. Aiwa zvaonekwa Nhari yangu yiyi, Zvaitwa unendoro, Maita muTsunga weDande. Nhewa Simboti Mwaita Nhewa, Ingwe ina mavara, Mwazviita Simboti, Chiruka, Nyakuzvibatira, Chikatsa, VaMuteyi, Mwaita wari Kutsoka. Chirukamachira, wari Mhembere. Mwazviita wari Mundimu, Wanoirima Nhewa, Mhondi inopondera pachena Pasina kana negwenzi. Mwaita wari kuChai, Sanyanga, Buka iwe. Waita mwana waNyamaruodzo, Akapinda mubuwe nembwa dzake, Mwaita henyu wari kuUkuhu, Muchera, Chirebvu. Mwaita wari Tezi, Mwazviita Nyamuteyi, Tatenda muTawangena, MuSena, Aiwa zvaonekwa Nhewa; Simboti. Nzou Samanyanga Ewo Nzou, Maita Samnyanga, Maita Bondorouswa, Maita vari Mapanda, Zvaonekwa varidzi vamasango, Tatenda Nzou, Marigazvuru, Hekani Matyoramiti, Ewo ganda, ewo Muvi, Maita murarandimire, Murewo wakapaikwa pamhangwa yomuti, Zvaitwa chirandu, Vane nzeve dzinenge mahapa, Mukati tsimba rinenge chisero, Maita Jeranyama, Mutsikapanembiri, Tatenda Chirandu chamatondo, Maita vari Chibara chaManyika, Munetsoka dzinotyakaira pakufamba, Vatariri vemasango, Munofamba muchiyeva matunhu, Aiwa zvaitwa Nzou, Samanyanga, Zvaonekwa Nyamatsimba. Mhukahuru. *Zunde ra Chiremba is a flagship program of Zimtotems wherein the Project takes care of 140 Kids Living With Disabilities in Harare and Chitungwiza.. As such , Zunde appeals for Donations in the form of food requirements such as hupfu, porridge, milk etc ..Zunde also appeals for Wheelchairs, medication walkers ,diapers , pampers etc... To Donate Contact 0773641883/0713053846...Visit Facebook@ Zunde ra Chiremba or Facebook@ Zunde Food Bank* Shava Mazarura Maita Shava, Mazarura, Mwana waRwizi mukonde, VeMadzure, Muti mutema Chitungwiza, Maita Mazarura, Mukombe wendye, Vokwanyangenyange, Vakanyanga churu namate, VokwaMuchenje wachuru, Vari Madzure mukonde, Aiwa zvaitwa Mazarura, Mwana waRwizi Shava Mhizha Maita Mhizha, Zvaitwa Nhuka. Maita Mukonde wangu yuyu, Vamangurirambezhu vava, Vasingabati mbezhu neshangwa. Maita Mhizha yangu yiyi, Mupaya, waMabweadziva, Vakadzivira Dzimbabwe kwaMwari. Maita vari Bvumbura, Aiwa zvaonekwa Shava yangu yiyi. Shava Mufakose Maita Shava, Maita Mufakose, vokwaNyamhangambiri. Maita Chidavarume, Vanotokundwa pakusakura, Pavakadzi pasina anovakunda. Maita mwana waHwata, Mukonde wangu yuyu. Maita veGomba vakabva kwaNyashanu, Mwana waShirichirima, Ano mutsa nengoni, Akaitira ngoni vakanga vatandwa, Akavadzorera muShavarunzwe, Maita vokwaSadzadete, Gobvu rinokonza chitsi. Maita Gurudza vokwatsangadzi Isakacherwa ikapera, Maita Nhuka yangu yiyi, Matuka, mhofu yomukono. Kudya mhofu kudya munyepfu, Kudya bvupa meno omokotoka. Aiwa zvaonekwa Shava yangu yiyi, Tatenda mwana waHwata. Shava Museyamwa Maita Shava, Mhofu yomukono, Ziwewera, VokwaMutekedza, vakatekedzana paJanga, Vakapihwa vakadzi munyika yavaNjanja. Maita nhuka, Shava yangu yiyi, Hekani Mutekedza, vari uHera Mukonde, Zvaitwa Mhukahuru, vemiswe inochenga miviri, Zienda netyaka, mutunhu une mago, Vanovangira vashura vhu, kutsivira mutumbi, Chidavarume, vanovhimwa navanonyanga, Vakakamonera vakadzi dzenhema, Vanomonera vakadzi dzamangondi, Vanochemera wavatanga, Vanemisodzi isodonha pasi, Kuti yadonha yoda nhevedzo yaro romunhu ropa. Tinotenda vari Matenhere, Vari pazvikomo zveMbwenya. Maita veTsambo chena, Mhofu yomukono, Kuyambuka rwizi mvura yakwira makomo. Totenda voMuchimbare, veGuruuswa, Vanenzanga chena kunge mwedzi wejenachena, Maita Museyamwa, Nhuka yangu yiyi, Kuziva zvenyu vaShava Mukonde, vari Gombe. Zvaonekwa vahombarume, zvaitwa Mbiru, Aiwa, zvaonekwa Sarirambi, zvaitwa Nyashanu. Shava Mutenhesanwa Maita Mutenhesanwa, Shava yangu yiyi, Zvaitwa mwana waChiweshe, Mugova wakarasika, Mutsika pane mbiri, Mhandamakan'a, Marambakukundwa, VokwaMutovamombe, Makatova mombe neshamhu ikamuka. Hekani Masvinga, Dzvangaranga, Venzanga chena, VaChimbare, Chidavarume. Maita Nhuka, Mhukahuru, Maita VaShava, VeGumbakumba, Vepfupa gobvu. Maita Shava, Mukonde wangu yuyu, Mwana waMbiru wakabva Rwira, Maita vokwaSadzadete, Gobvu rinodzipa mwana. Aiwa zvaonekwa Nechombo Mwana wachiweshe. *ZimTotems Promotes Cultural Restoration and Tourism Through Cultural and Traditional Music Fused With Traditional Dances and Totem Poetry..To Book Sekuru HWESA and ZimTotems Band contact 0773641883/0713053846..( 30% Of Bookings Payments Goes To Charity )..For Music Visit YouTube@ ZimTotems or Facebook@ZimTotems* Shava Mwendamberi Maita Shava, Mwendamberi. Maita vokwaGwenzi rakavita mambo, VeChitemberere. Maita Mvurayadzongwa Matangakunwa Shava yangu yiyi, Vari shure vanomwa mabvongwe, Varimberi vachinwa tsvene, Nyahunzvi, Shava yangu yiyi, Zvaitwa vari Tsonzo, Vana vaChikono chengwe VokwaZongororo kunava, Ariona ati rakafa, Zvaitwa veChitemberere, Vaera mhofu, VokwaMazurukuwanda, kurimugukwa, Maita VaKarimudunhu uchizvinwzira. Zvaitwa VaShava vana vaChivero, Aiwa zvaonekwa Mendamberi. Shava Nyakudirwa Maita Masvinga, Hekani Muchamaya, Zvaitwa mwana waKache Tinoenda Mhukahuru, Maita vari Shangure, Kuziva zvenyu vari Chikwidibire. Maita matateguru, Vari Chamukwenjera. Zvaitwa vari Maware, Hekani Gurudza, Vokwa Tungebwe, vokwaMuchenje. Hekani Bonda, Mhofu yangu yiyi, Zvaonekwa mwana waMusanyange. Maita Makanganya, Maguhwu. Tinotenda mwana waMukunyadzi naNyanzira, Varandutsira vamwe pfumo rauya Richibva kune imwe nyika, Aiwa zvaitwa Nhuka. Shava Vhuramavi Zuruvi, Vhuramavi, VaSeke Mukonde, VaVhanganyama, Vakavhanga nyama nohwahwa. Maita VaSeke, Chikove, Chidziva china masahwa, Maita waZengeza, Vokwa Sadzadete, Gobvu rinokonza chitsi. Zvaitwa Chinerembe, Evo Masvinga, Ziwewera, VokwaMuchenje, vokwaMunakirapasi, Maita zvenyu Zuruvi. Kuziva zvenyu vari Nharira, Tinotenda vari Zvipindu, VaHara vokwaSeke, Vari Rare, Aiwa zvaitwa Vhuramavi. Shayamombe Dziva Shayamombe, Mandinginda, hove irimudziva, Maita Dziva, Save Musaigwa mucheka uzere mavi, Nyakuzvidzwa, Nhemahuru, Zindinginda hore iri mudenga, Masvinyaire risina masa, Maita vari Majenya, Zvaonekwa vari Nyaurungu. Maita muNhobvu wangu yuyu, Akabva Dzokota, achiera Dziva, Dziva iri hove; hove iri nyamasase. Tatenda varimumvura, Dambiro ravasikana. Hekani Muzivikani, Chishongo changu chichi. Hekani Mironga, Hunga, Dedza, Kuziva zveny vaMudziva, vaMurambatsvina. Maita vari Goto, vari Urambi, Hekanhi Save, Sambiri, Pakuru mueranamasa. maita zvenyu vari kuna Save rwizi rwukuru, Mukota, Madzimbabwe makuru, Aiwa zvaonekwa Marasamasa. Shato Mheta Shato, Mheta, Maita Saunyama Maita Mheta, Svova nepasi, Svongongorongo, Maita mafamba nedumbu, Chikata. *ZimTotems PA System For Hire ... Suitable For Both Indoor and Outdoor Events ( 50% Goes To Charity ).. To Hire Contact 0773641883/0713053846* Shiri Maokomavi Mazviita Shiri, Hungwe, Matapira, Ziendanomudenga, Pasi yakatya ndove, Mudyanavana, Kunyima vana zvinoshura, Vakadzi kuvarume vavo, Vaira shiri nebanga hazvionani, Zvombo zveshumba, Muranda wavanhukadzi. Zvaitwa Hungwe yangu yiyi, Shiri isina shura nomunhu, Haiwa, maita Shiri, Mwana waChasura. Maita zvenyu vaChifambanokudenga, Zvaitwa vaira Shiri, Shiri chena, tarirai kwadzinobva, Gonerakudera, vaMurefu, Mapatapasi, VokwaChinobhururuka, Muira shiri wangu yuyu, Shiri iri Hungwe. Aiwa zvaonekwa maokomavi. Shonga Nyati Maita Nyati, Maita Zvigarambabvu, Hekani Nyati yangu yiyi, Zvaitwa shinga, Mwana waMuswere. Tatenda vari Museso navari Minanga, Vagari veMhinha, Shonga yangu yiyi, Vanoramba kudya nyama yomusana, Muchida yechityu. Maita Nyati, maita Shonga, Hekani Makoni wangu mazamu eNyati, Vanotukwa nedengu romupunga, Rorukweza riri munyasi. Kuziva zvenyu Nyati yangu yiyi, Vachibaya mombe, Kudya mbudzi urombo. Zvaitwa vari Masendeke, Vasingaiswi vhu munzeve, VokwaChireranherera, Vari muHomwe, MuUngwe waDerere asingadyi derere, Kuteketera kuteketerwa nedengu romupunga, Rorukweza ngeremhamba, Vanhu vasingaiti mhezi, Maita varere Mhinha nevari Masendeke, Zvaitwa muUngwe. Shumba Gurundoro Evoi Shumba, Gurundoro, Zvaitwa vaMbari, maita vaDupwa, VaSamaringa, Mhonderapachena Yakapondera pasina gwenzi. Zvaitwa Shumba yangu yiyi. Maita Mhonda, maita vari Dziva raSekwa. Kuziva zvenyu vechikomo cheHarare. Waita mwana waMbari, Mukonde wangu yuyu. Maita zvenyu vaera shumba nembada, Mbada inamavaramavara, Isakananvza ichisiya rimwe vara rayo, Haiti iri idema iri idzvuku. Maita vomudziva ravaSekwa, maita vaDombwe. Aiwa maita zvenyu mhuru yoMutoko. Zvaitwa, zvaonekwa mwana waMbari, Shumba yangu yiyi, Gurundoro. Shumba Jichidza Maita Shumba, Hekani Mushereketi, Maita Jichidza, Hekani Chibwa, Hekani Bumhi, Zvaitwa Shumba, Vapungaidzi venyunyu, Vofamba kuravira. Maita VaNyandairi, Matikaha, Kuona chiso, Ndokuvhunduka. Hekano VaChibari. Zvaitwa Gongoma. Maita mashavi okuvhima, VaMudzvovandiripamhene, Varidzi vamatondo, VaMuvhimazhizhanechirimo, Zvokuvata masanga. Aiwa zvaonekwa Mudzvovakamwe, Zvaitwa Jichidza. Shumba Mhazi Maita Shumba, Zvaitwa Mhazi, Mhondi inopondera pasina gwenzi. Hekani Mukanyairi, Maita vakuru vamasango, Vanovhundutsa vamwe nomukanya uri muzenze, Vamadzvovera, Vabanduri vamapfupa, Vana meso anozezesa kuringa, Mukakatira kwasviba, Vapondi vezvipenyu zvinozvifambira. Hekanhi Mupwanyanzombe, Mudyandichiomba, Mudzvovakamwe, Mufa ndichiomba, Vezvitere zvikwatakwata, Zvinenge zvizinga zvouchi, Kuridza mutsindo pasi pasakara, Zvaitwa Chiurayi, Jenamuromo dehwe rehosi. Tatenda vaChamakanda, vaRuminu, vaZverungu, Venyika izere mashisha namadu, Inomera nhemayakanda, Vamahonyera, Mhukahuru, Vatangi vemhuri inemukurumbira, Jinda Mutasa, Zvaitwa Tembo yangu yiyi, Aiwa zvaonekwa weMhazi. *Mitupo yeDzimbahwe Book By Chiremba Hwesa Masango with illustrations and animal profile by Fidelis MATIURE; available@ USD 20 ... Order The Book Now @ 0773641883/0713053846* Shumba Murambwi Maita Murambwi, Maita Shumba, Matikaha, Kuona chiso. Hekanhi chibwa, Mushereketi, Vadzimba vedu, variritiri, Mutsikapanyoro, vana vaChivi, Vakanyairi, vadyi vemhuka. Maita Shumba yangu yiyi, Hekanhi bumhi rangu riri, Maita vaMhari, Chipamutoro, Vari Nyaningwe, Vari Chamahota, Maita VaMhungudza, Vari Baradzanawa. Zvaonekwa vaMhari, variChitonje, Vanomuka ngwe namasikati, Zvaitwa Matikaha nokuone gumbo, Kuone munhu vanovhunduka. Maita varere Baradzanwa, Kwakaparadzanwa baba afa, Hekanhi Mhungubwe yangu yiyi. Zvaitwa mwana waChivi, Aiwa zvaonekwa Mhungubwe, vaNyamukanga, Makovere. Zvaitwa muNyaningwe, Chibwa. Shumba Nyamuzihwa Maita Nyamuzihwa, Shumba, Hara, maita Muchori. Maita waNanga wasina mhezi, Wakabva Buja nembondwe. Maita Nechinanga, muzukuru waChakoreka. Ewo Bonga, waChingate, Muzukuru waMapahwe, wari Choma, Ewyi Shumba, maita Hara. Maita Nonga rangu riri, Maita Nyamuzihwa, maita wari Mangadza. Maita wari Dombojawa rina mawara machena, Dombo rakaramba kumera uswa nemiti, Rinoti kukwira munokwira namabvi, Rina makwapamakwapa anenge nzira. Maita zvenyu Shumba, Chikanda changu chichi, Maita waTsuri wamasawara. Kana musipo hapana chinochekwa. Maita Chiurayi, hekani Chikanda, Mwana waMukombwe naNehoreka, Chipfuyawarombo, heakni waNjapa, Maita Mutumbe, Donga, wari Man'anja, Samanyara, Zvaitwa Kondovha asingachariki mvura, Mwana waChinyanga, asingaje imwe mbeu, Kusiya kwezviyo chete. Maita wari Tsatsa Mukonde, Aiwa zvaonekwa Nyamuzihwa, Tikafira pano wani. Shumba Sipambi Mazviita Shumba, Maita Sipambi, Yakapamba nedzevamwe, Vadyi vefazhakamwe Inodyarwa ikamera. Maita matikaha nokuona tsimba, Kuona munhu vana vanotya, Mukakatirakwasviba, Kumuka ndodzvova, kutsika zvovava, Mutakuranhawo kuno munhuhwi, Sipambi, mwana wechikara, Chokanyaira chobva Magare, Choinda Imbwarume chisina uta. Zvaitwa varidinhire Chigarachibwe, Vari Magare VaMupfurawatya. Mazviita Mugonderwa, vokwaMusakadongo, veShanje Vari Madzimudzangara, vari Sikanadema, Zvaitwa vaTakaindisa naMuzuva, Vari Chaenda vari Ruvhure. Waita Charumbira Zvigonyati zvangu zvizvi, Haiwa zvaitwa vaNhinhi, vari Nhinhihuru Maita saminzwa, zvaonekwa vari Nyanda Soko Chuma Evoi Chuma, Soko yangu yiyi yaSamambita. Maita Gototsa Mukanya, Chuma chaMukaradzi china mahapa, Chinoti kapa kapa. Maita vari kuna Mhomhozi. Maita vari kuna Mukaradzi naGwetera. Kuziva zvenyu VaChigumbate, Maita VaSamambita naMunyeche, Zvaitwa mwana wachikudzunga naDerere, Aiwa zvaoneka vana vaMadziva, Zvaonekwa waDzeka naKabija. Soko Kumene Maita Soko, Soko Makwiramiti. Zvaitwa Kumene, YokwaMasawi naNyamhuno, VokwaMvurachena, VokwaNhengoyepwa Inogodoranwa vana vakadya. Maita vokwaMadooehanga, VokwaMutiwawa naChikanga. Maita vokwaChinamavi, Mahomuhomu, mufamba ndichitapudza, Kuti nhumbu ipeveve, Vakasvuuka magaro nokuda zvituru, VaDeredzo, vari muMhedza, Vane mhezi pamwoyo, Kwamunodaniwa muchienda, Nyika ndeyenyu Chiwere. Aiwa zvaitwa Kumene, Pasi ngapavate Matarira, Mwana waMutinhima, Zvaonekwa Dzivaremvura. *ZimTotems Encourages Natural Use Of Herbs For A Healthy Life.. Order ZimTotems Guchu For Immune Strengthening/Boosting and Body Detoxification... Guchu (Contents Only) costs USD10(75% Goes To Charity)@0773641883* Soko Moyondizvo Maita Soko, Mujena wangu yuyu, Maita vaMoyo, Vhudzijena, Vari muMhakwe, Mukonde wangu yuyu, Tatenda vaganyamaropa, Mwana webveni, Mberekamacheche. Maita vari Mutemwa, vokuMakomo, Zvaitwa veMadzimudzangara, Maita zvenyu vari kuMayegoti, VaMbire vaMuchinei, Maita vaChimbuya, Vana vaDendenyore, Vakabva kwaNembire Tinotenda Sikarudzi weGorekore. Maita vari kuMatsvitsi, Vagari vomuDendenyore, Kuziva zvenyu vari kuMachiri, Madevaneruwere, vazere Hwedza, Mahomuhomu venhombatsva, Mushonganematavi, Utezutezu mumiti, uwakawaka muminda, Vakatya kurima, vanodya zvokuba, Vachipona nezvekutsvara. Maita VaChibatebate, Matarira, Soko Mukanya, vari muHwedza, Nyahuye Mukonde, Chirngo changu chichi, Vamapuna kumagaro, Vanofamba notupuno notufuta Twokupfonderesa zvinotorwa mumakura avaridzi, Aiwa zvaonekwa, VaMuombandaguta, Vadyi vemhani. Soko Murehwa Maita Soko, Maita Murehwa, Zvaitwa Matarira, Soko yangu yiyi. Maita Marovahombe, mwana webveni, Chirongo changu chichichi. Zvaitwa Mukanya, zvaitwa tateguru, Zvaitwa Wagutahuzamura. Maita zvenyu vari Kakoromokwa, VaGurusvusvu, vana vaGurumwandira. Maita Varisinamhapa, VaChitambaneruwere, Vamahobi anenge rihwa. Zvaitwa Mukuruvara, Mushonga namawere. Kuziva zvenyu Mvurume. Maita mwana waPfumojena, Muranga nepfumo. Maita vaJena, Chirongo changu chichichi, Vano kufamba kunenge kukavira nyimo, Kutizira kuchinge kudyara nzungu, Makudzagwara, vanorarama nezvokuba. Maita vari Mandiya, Vari Kaporomondo. Zvaitwa mwana webveni, Makumbe, Vakakumba zvese netsombori, Mukati pahwenya napahwohwa namatunduru, Matamba nehute zvose, Vana vaNzvere naKanorimona, mhanza ichipenyn'a Semheni yemvura yemunhurukwa. Maita zvenyu vaChibatebate, Pambambarize maiti mobviswa maiti ndofira pano. Pamasvosve maitakura chara negumbo vaHuye Mukonde. Mava pashongwe mokarara mukono waTingini Wakabva Mahumwi kwakarera mukanwa nomunyu. Maita mwana waChinamhora, Vanebvudzi risingapumhwi, Vana vaMushambanezhizha. Zvaitwa mwana waTingini, ari Mahumwi, Anokwira rupara nemeno, Tatenda Chirngo changu chichi, Aiwa zvaonekwa Mugagami. Soko Nehumba Evoi Soko, Nehumba, Mwana waChigutiro, Mukonde wangu yuyu, Mushonga namawere, Madyamhani angu yaya, Vanayisi vemvura, Vari kumakore, Mugaradzakasungwa, Matakurambuva, Tupuno parutivi, Tufuta twangu munyasi, Tumhiripiri pakarepo, Kamugoti kangu pakatire, Pamusha ndopandarinda, Maita VaChirongo, Mufambandichigomera, Aiwa zvaonekwa, Soko yangu yiyi, Vanorara parefu. Soko Vhudzijena Wachenuka Evoi Soko, Wachenuka, Vhudzijena. Maita Mukanya, vene voushe, Hekani Mbereka, hekani Makwiramiti, Magaramugomo, Makumbo mana muswe weshanu, VaMurova pasi pachitinhira, Hekani Mukumbudzi, Madevanoruwere, Vari Zvihota Mukonde wangu yuyu. Kuziva zvenyu vari Mapfukudza, Vari Chikwindingwi, vagari venhaka, VaMudyazvarimwa, vegana paura, VaMazvikongonyadza kufamba hukanyn'aira, Gudzamudungwe, VaZhwendende, varikumatanga. Maita Ganduri, VaChazezesa, vari kumakore, Vagari vamabwe pasina chinotunhwa, Makudzagwara, vameso arimubako, vamahobi, Gamaumire mabwe aMwari, Mwenewazvo, Vanhu vakaera mutupo mumwe nashe, VaMushambanegore, vanodya zvokupara, Vanorara parefu, pasina unosvika, Soko Mukanya yangu yiyi, VaHuye Mukonde. Zvaitwa Matarira, vari mumabwe. Mhanimani tinodya, svosve tinobovera, Maita zvenyu rukuru, Vakawana ushe nouchenjeri, Vakufamba hujeukidza kwandabva, Vagari vapakatunhumara, rudzi rwenhundu, Pagerwe rinongova jemedzanwa. Hekani VaMutwa Mukonde, Zvaitwa Chiokochisingatunhwi, kugara hukwenyakwenya, VaMushonganamatavi, vanorarama nezvokuba, Mafere tinogara, manhanga tichidyawo. chibahwe tinonwaurawo, Magaka eduwo pamuromo, Ipwa tichimenyawo, Chiverere changu chichi, Chirongo changu chichichi, Vanengesvari vamabwe, venhombatsva. Zvokudya ndezvenhamburirwa vari kapiri kaVaManhenga, Wawana damba nderake, asi mhani ndeyashe, Vari kuMawere marambakurima, Zibwezvitedza, Zvinotedzera vari kure, vari padyo vachitamba nazvo Tembo Mazvimbakupa Maita Mazvimbakupa, Maita Mbizi, maita Zvimbakugova, Maita Tembo yangu yiyi, Hekani Matendera, Ngwere, Njuma isina nyanga, Zvaitwa Mbizi, zvaitwa Chivara, Njuma yeRenje, Hekani vaTembo, Mashongera, Manjenjenje ganda ravasikana, Paswe-ziso-mombe-somuchena, Chinakiramatondo, Maruki, Musimira, Mapfaravara Matungachuma, Manyerenyete nyora dzenhurura, Mazambacheka Mangarivari Matoyameso, Mbizi yakashonga mikonde savakadzi, Mhuka isina ukasha kana hundwa, Zvaitwa Romo, zvaitwa Zenze, Chigadhugadhu magunde avasikana, Chitendera chamambo changu chichi, Chishongo chavakadzi icho chirimudondo, Vachasiyesiye Mutsikapatinhira, Vemiswe michena inepfumvudza, Maita voKwachipfuvachadziviremuto, Mago matema akasvipa namagaro ose, Vadyi vamachinda mazana anorasirwei, Kusvipa dzangare baba wako ano matura mangani? Zvaitwa maDhuve, zvaitwa mwana waChihota, Maita vaZungu, vakauya vari pamachira, Kuringa mbizi huringa makumbo, Kuringa mutumbi noruvara unoyeverwa, Mhuka inoti kana yomhanya mumatombo, Kuatsika inoona moto kuti cheru cheru cheru, Chisikwa chinomuririmira usina mhotswa nechimwe, Kumira kungoti charavanda, Ungati mheno anodziudza, Kuwa kweBinga zuva rinoora. Hekani vaNyemba, mubvana waChivazve, Muroro wangu yuyu, mubvana waCharindapanze, Zvaitwa vari kutsoka, Mahwemanyoro, kudziva ravaSenwa, Zvaitwa vaHota, maita vaZomba, Maita vari kuGwara, Zvaitwa vari kuManyochwa, kwakafira Bindu naChigudza. Totenda vari uZomba, vari Dzimbahwe, nevari Mabweadzibva. Maita vari Guvira mucheka wakasunge nyika. Mazviita zvenyu vari Manyika, Binga guru, Vane mutupo usingagarwi nenhunzi, Vakati chidawo chisina masvisvinwa, Maita vari Chirovarova, vari kuChai, Mahwemanyoro, Kuziva zvenyu vari Zomba, kumashapa kunodyiwa ndurwe nechirimo. Zvaitwa muHota, zvaitwa tateguru, hekani sikarudzi. Maita zvenyu dehwe rembizi, gakangoma, Muno kunaka kunokungurwa navagera zvavo. Aiwa zvaonekwa Zvimbakupa - Samaita. *Mitupo yeDzimbahwe Book By Chiremba Hwesa Masango with illustrations and animal profile by Fidelis MATIURE; available@ USD 20 ... Order The Book Now @ 0773641883/0713053846* Tembo Shumba Samaita Maita Mbizi, Mwaita Chiwara, Njuma yerenje, Mashongera. Hekani vene veChirovarova, Vakabva Marenje. Mwaita Tembo Shumba, Zvaitwa Muroro, Musimira, Maruki. Mwazviita Mupiyaniswa, Magunde avasikana, Wazviita Mbizi yokwaChikanga. Totenda vaChifambausiku, Tendai waMutasa, Muzungu, Mutakurwa, Mushambadzi wamachira, Chitendera chamambo changu chichi, Mbizi yakashonga mikonde savakadzi. Maita Shumba Tembo, WaSenwa avete Gorongozi, Mwaita vari Makarati, Vari Marenje, Guruuswa Tatenda VaMoyo, Zvaitwa Dhuve rangu riri, Rina makwapa makwapa, Hekani vaChikanga, Mbizi Chiverekete. Mwaita Shumba yapasi. Mwaita Zenze, Romo, Kuwa kweBinga zuva rinoora. Mwaita vari kuGwara, Mahwemachena, Zvaitwa vari kuTsoka, Vari Chirovarova neMahwemasimike. Maita Chihwa, Shumba yevese, Maita henyu vari kuChai, Mahwemanyoro, Aiwa zvaitwa Dehwerembidzi, Gakangoma, Zvaitwa Samaita. Tembo Wakapiwa Hekani Tembo, VokwaChivara, VokwaMudzinganisagumbo, Vari Machecheche, Machera, Rukono rwaBenhura, VokwaNemhapa, Vari Zimbabwe, VokwaTachiona, Nyewe dzaZvezve, Maita variMandedza, VokwaKuringambizi huringa makumbo, Kumusoro kunehwara, Zvaitwa variMandedza, Mwana waWachekwemwoyo, Aiwa zvaonekwa vokwaZiki, Vamambwa matema. Tsiwo Gushungo Maita Gushungo, VokwaNzungunhokotoko, Muchero waNegondo, Maita Tsiwo, Usavi hwavamwe varume, Vambwerambwetete, Kugara pasi kusimuka zvinohwira vhu, Musati hutukwa, Mutupo ndowenyu, Tatenda varidzi venyika, Vakabva Guruuswa, Varidzi vamazhanje. Maita vokwaZvimba, Vazere muChakona, Vene vamachiri namakute, Vano kutizira kunenge kudyara nzungu, Vakapangura nyika ino Ichakatsitswa nezamu, Vomutupo weGushungo, Vari chipata naMaringohwe, Aiwa mwana waZvimba, Zvaitwa vaNgonya. Zenda Simbirori Maita Zenda, Maita Simbirori, Hungwe, Muchererakure. Zvaonekwa Kakomarara. Maita mwana waBuru, Maita basa Mamburuka. Hororo yangu yiyi, Mushayahanyn'a, Matapatira, Vatsori venyika, VanaMurambatsvina, VaSupai, vanofamba nomudenga. Kuziva zvenyu vokwaChipadze, Varere Chipinduramhuka, Gomo ravo, Aiwa zvaitwa Zenda, Simbirori.
👍 😢 🙏 ❤️ 🫶 8

Comments