Zimᴄᴇʟᴇʙs ʟ€ᴀᴋs
Zimᴄᴇʟᴇʙs ʟ€ᴀᴋs
February 28, 2025 at 07:48 PM
Hide 🆔 Mfana wangu Ari Form 1 akarohwa manyunyu kuSchool nechimufana chiri Form 4. So akauya akataura ndikagumbuka zvekuda kuputika nehasha ndikati ndichauya ndomamisa mfana akamurova. Ndakatombotsiurwa naMadam kuti mava munhu Mukuru siyanai nenyaya dzepwere ndikaita nharo. Ndakaenda ndikamuona wekurova mfana wangu. So aiva akapfeka ziOversize shirt. Pandakamukanda bhutsu yakabva yapinda paGap remabhatanisi .. ndokuhakira ndichibva ndashaya balance .. ndokudonha ndichinotekesha Pasi negotsi. Mufana uya akati chance given. Ndakadamburwa mabhutsu mumbabvu mese nekumeso aingoregedzera hwegwara chaihwo uku ndisinganyatsooni nekukuvara kwandakaita pandakarovera Pasi. Confusion yakazondikurira yevana vechikoro vanga vaungana vachidaidzira kuti, "rova Clever!!! rova Clever!!. Ndaona kuti pano ndingaurawa ndakashinga kumuka ndokutanga kungotiza ..Clever uya achibva anonga damba..kwakunditekesha naro kugotsi futi.😔😔ndiye nyonde pachififa .. ndakazosimuka ndikashingirira kutiza hembe dzangova ropa. Kusvika kumba zvingataurika kuti ndapurwa nemwana 😔😔vakazoita yekunzwa kumaraini . So pliz siyai dzepwere , zvirinani kunovayananisa chete😔 https://whatsapp.com/channel/0029VaansSfIXnlhXepQm93o
😂 10

Comments