
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
February 19, 2025 at 07:57 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFkD9QCRs1fu0qnzQ3p
_*TUTSIRAI*_🧕🏾🙏🏽
( _Why me God??_)
_quote : Prayer isn't to remind God what your problems are, but prayer is to remind your problems who God is_
*Written by Sabz aka Shamiso*💋
📲0772110988
📲0771719077
_Please Note chapter 28 is the last free chapter... see below for purchasing details. Book iri it's still on going...._
*Chapter 24*
*Mai Munonyara*
"Inga zvakaoma nhai mati mwana zvese na Baba vakarwara"
"Dai muchiterera ndichitaura kava kechingani muchindibvunza zvichiri zvekuda kuziva here izvi"
Me "Kuda kungonzwisisa hangu mati hanzi chii na Chiremba
Him "Ini handina kunzwa kuti Chiremba vakatii but pandakapihwa update zvinonzi Solo ane pfari
Me "Aizve pfari iye Solo uyu yooh Inga zvakaoma nhaiimi, Inga Tutsi zvaane munyama
Him" Munyama wei nhai mai Lorna
Me "Murume kuita pfari aaah munonyatsoiziva here pfari imimi haa uyo hakuna kwavanoenda manje tinomasunga mazambia
Him "Wati kudiniko iwe mukadzi iwe wakakwana here iwewe
Vakadaro vachinditendeka nechigumwe.
Me "Ko ndadii zvangu kutotaura chokwadi
Him "Uchiri mu kristu here munhu anotaura mashoko akadaro unoda kukura mhani
Me "Yooh mashoko apiko andataura asiri echokwadi hamuizive pfari imi
Him "Haiwa tibvire uko zera rangu unoda kundiudza chii. Handidi zvangu zvekuti undikanganisire hushamwari na Baba Tawanda zvauriwe ne chiromo chako ichi ugotaura matoti auri kutaura
Vakaerekana vandimonya muromo from no where. Ndakarwisana navo
"Ba Lorna uri kundirovererei. Last year wakandirova pano ndikarwara uri kuda kuti ndife ka utsvage zvivakadzi zvinenge vana Mai Chipo vandakuona uchisekererana nawo panze apa masikati manje handife zvekudaro nxaa
"Wakuzofarisa manje uri kundinzwa ndozvandisingane izvozvo. Usade kudenhana ne vanhu unoda kuti Baba chipo vatii ndatanga kutaura na Mai Chipo nhasi here inini ita mushe ndisati ndakukuvadza nxaaa,
Vakabva vafuga musoro kurara chaiko. Muromo wangu wakasara uchipisa nekumonyiwa kwawanga waitwa. Ndakabva ndatanga kufunga kuti Solo ane pfari aah ende wonders never seize to happen.
I was happy hangu kuti Leroy anga akuroora. Leroy anga akati ari kuuya kuma Introductions ne musikana wake Rindai. When I first saw her pama pics ndakati Mai Tawanda ndazovakunda manje ndovaroora ka ava but manje pakuzotaura tese haadaire zvake at times message ino blue ticker haapindure. Ukasamutanga iys very rare kuti akutange plus haana kakusununguka so. Hameno but ndainzwa kunge munhu anodada
Pamba pedu paiitwa ma renovations ku painter mukati nekunze nekugadzirisa ma door akafa ne ma floors anga aita makomba mumba kuita kunge ma potholes kudero. Leroy aingoti ndoda kuti musikana wangu asvike pamba pari presentable....
Rimwe zuva kuma 10pm dzehusiku Baba Lorna vanga vasati vauya. Vanga vabuda kuseni vachiti vari kuenda kumunda kwaBaba Tawanda. Ndakaona time dzacho kwakuzama kuvabata paphone vese na Baba Tawanda but dzese dzanga dzisiri kuita kwakuphonera Mai Tawanda ndichibvunza
📞📞📞📞
Her : Ndeipi murisei
Me : Mushe vasikana kurisei ikoko
Her : Tiri right isu nhasi makumbo ari sei
Me : Nhasi zviri nani mbinjana ndanga ndichitoti ndichati Lolo anditore ndimboenda kwa Doctor
Her : Yaa imbonoonekwai shuwa.
Me : Ko Baba Tawanda vadzokawo here ndanga ndabatwa nehope kwakuzoona dzatova 10 apa Baba Lorna havapo
Her : Aah havana kutaura here ndanyorerwa message na Baba Tawa kuti Mbuya Munonyara vanzi varwarisa saka vaperekedzana na Baba Lorna kunovatora hanzi mota yavo haisi kuita.
Nxaa Mai vanoda kushamisira ava mota yavo haisi kuita ndokutii kuzama kuti yedu mugweje ka... yavo ndiyo mota. Ko ivo Baba Lorna ko ku communicator
Me : Inga zvakaoma saka havataure here nhaiimi. Yaa munhu ari kuda kuuya na Mai vake kumba kuno achiziva kuti ndiri murwere ko vadii kungoti vamboenda kumaruva kwana Tete Mai Tsitsi
Her : Aiwa Mai Lorna hatidaro ndi Mai ka ava
Me : Zvinozonyanya izvi zvese Mai Lorna and zvinobuditsisa mubudget vanoda kuti zvekuuya kwemwana wangu zvikone here aaah
Her : Ko ndivo vadii vasikana hanty kurwara Julie aripo anobatsira plus munogona kudana Lilly na Linda even Lorna chaiye vanouya vachizobatsira hapana asingazive kuti munorwara
Me : Haisi mhosva kuzvara vanasikana veduwe. Ndiri kutovaphonera Tete Mai Tsitsi mangwana atosiyane nekukara shondo auye kuzopepa Mai vake ndini ndadii
_Mai Tawanda thinking_
_Ummm Mai Lorna hunhu hwavo so ndainge ndisisazive kuti chii chaizvo munhu anga akutovava chaiko bitter chaiyo mashoko avo nemuitiro wavo ndanga ndisisa zvinzwisise. Baba Tawa of late vanga vakuto complainer hunhu hwa Mai Lorna ini ndichinyepedzera kunge ndisirikuona. Well of course pakutanga ndaisaona anything but ndanga ndakuona ndega. Kwavari I was just saying maybe kurwara nekurwarirwa istress_
Her : Munachenjera kutaura mune hasha askana
Vakatanga kundi counselor Mai Tawa kusvika ndazongoti ok. Handina kuzophoner hangu but ndanga ndagumbuka ini. Ndakadzokera kunorara ko kana munhu asina kutaura ndinogarirei sekuti pane zvandinoziva ini ndisingazive.
Ndakavanzwa hangu kusvika kwavo handina kumbobuda vakabatsirana na Julie ndichinzwa kwakuzouya kubedroom ndikaita sekuti ndakarara zvangu... Havana kundimutsa vakabva vararawo.
Kuseni ndakatononoka kumuka deliberately zvangu ndakanzwa shasha ichimuka kwakubva yabuda ndokudzoka ndanga ndakagara zvangu pamubhedha.
Him "Ko nhasi marwara here marara kudai
Me "Ndagara ndiri murwere wani.
Him "Hoo anyway amai varimo mumba umu ndakauya navo nezuro ndakawana warara ndikati handichakumutse. Ndakaphonerwa na Mudhara Lucky achiti huyai muvatore so ndakamhanya ikoko
Me "Hoo saka makundiudza izvozvi ndiite sekuti handina kurongeka or pane wamuri kuronga naye henyu.
Him "Sorry Mai Lorna phone yacho yanga yatopera moto pandakada kuti ndiphone
Me "Asi kuphonera Mai Tawanda makaphoner
Him "Vakatophonerwa nemurume wavo phone yakutopera moto
Me "Mukati Mai Lorna havana basa ka
Him "Aizve nhai iwe zvichiri zvephone here Inga ndiri kuti murume wavo ndiye akavaphonera wani. Chiri kunetsa chii ipapo...
Me "Zviri wrong chete zvamakaita handidi zvekufootwa
Him "Saka uri kurevei nhai Mai Lorna
Me "Zvandataura mazvinzwa
Ndakabva ndatosimuka mumachira kwakubuda mubedroom....
*Tutsirai*
"Askana manje mukadaro hazviite you can't do this to yourself Tutsi you can do better than that. Iwe ndiwe unotondipa simba wakudaro futi"
Me "Zvinhu zvacho here Lolo I can't seem to understand so pandinenge ndadzamisa pfungwa tears just flow.
Her "Mummy muri kuona here kuti muri kupera. Ma hips achaoneka here kkkk
Akaseka. Ndakabva ndasekawo...
Her "kkkk hayaa shuwa zve weduwe it's a time to be happy usatendere satani kuda kutamba tingoringo newe shaa
Me "Taura hako anyway enough of this issue kumba kuri sei
Her "Hahada kuri bhoo
Me "Kuseka uku ummm
_Lority thinking_
_Ndakatoona kuti let me not speak of nyaya ya George ingatomu stresser. Ini wacho had actually come kumbofurwa nemhepo zvangu and to share with her but she wasn't in good shape so kunyarara I would have saved a lot_
Her "Hapana zvangu so waiti chiiko the other day muchinetsana ne nyaya yekuchurch
Me "Oooh paya aaah Solo askana ari kunetsa kani nenyaya yekuchurch zvinhu zvacho so. Hanzi we need to balance life. Apa ini ndaida kuenda kuchurch iye kwakuti Davie one of his friends has a birthday for his wife. I told him kuti ndotanga ndaenda kuchurch then we go hanzi hauchanditerere so ndakaregedza and went ku party. Saka wakubvunza kuti church paya ndanga ndakatosvotwa kare
Her "Haa askana motosiya moyo murefu at least hamuna curfew yekuchurch plus Solo wacho anotomboenda kuchurch kwacho. Kwangu hayaaa
Me "Yes hazvo but kufamba shamwari ini ndaneta nekuita swera kuenda mukwasha wezuva mummy Friday night out hee hande aunty varipo. Saturday ndazoronga chi braii hande Sunday kwakati kwana nhingi or ndasuwa hama nhingi. Mummy hazvisi healthy izvi
Her "Tutsi don't complain shamwari it's not like this is new ka. Chete kungoti Solo lives like.... sorry
"The world is ending tomorrow... very true ndozvimwe zvacho zvekuti ndikabatanidza ka ummm ndinodzoka ndotya zvekwa Bee. Kumwe kwandinongoenda kuri kutya kuti ko akanorwara ikoko ko ndikamurega aka driver oita epilepsy dzake ari ega mummy ka
Her "You are right ipapo but I also think he needs time to rest tsvaga zvinhu zvaanoitawo pamba and all.
My phone yakabva yarira anga ari Sibongile mukadzi wa Tatenda anga achiti Tete ndaisa mari ye Venue pa Mukuru. Haa vanga vachironga zvinhu zvavo veduwe and I was busy doing the running around for them. At least work and this running around was keeping me sane nyaya yekuti mwans na Baba have the same disease yanga ichinditambudza....
Takataura hedu nyaya tichifara na Lolo but I could sense kuti she was troubled I tried asking but aingoti zvese bhoo.....
End of Chapter 24
🧕🏾🙏🏽 *Lots of love Shamie*
❤️
👍
😢
😂
🙏
💙
😮
🤟
50