Jolaz Shona News 🇿🇼
Jolaz Shona News 🇿🇼
February 21, 2025 at 05:36 PM
*Ma-videos eZvaswera Zvichiitika Mukati Mebato reZanu PF; Zanu-PF Leaders & Youth Are Ready to Attack Geza Revolution – 7 Videos Via WhatsApp Group* ___𝐉𝐨𝐥𝐚𝒛𝐖𝐡𝐚𝐭𝐬𝐀𝐩𝐩.𝐠𝐫𝐨𝐮𝐩___ 📻TV-FM.video/📺 *____________________________* Mavhidhiyosi ari kutevera ndeevakuru veZanu PF pamwechete nemavhidhiyosi emaYouth eZanu-PF vachironga kudambura The Geza Revolution musoro. Mavhidhiyo awa ari kuwanikwa muJolaz TV-FM Shona News WhatsApp group, apo VaGeza vava kupomerwa mhosva yekubata chibharo, uyewo vavakunzi vakauraya munhu kupurazi kwavo vakafushira mutumbi wacho. 01 Video Plans to Attack Geza Video rino riri kuratidza kuti zvinhu hazvisisina kumira zvakanaka pahupenyu hwaVaGeza zvichitevera mashoko avakataura ayo ari kunzi kutaura kwavaiita kutuka mutungamiriri wenyika, vachitaura Special Advisor waVaMnangagwa VaPaul Tungarara vanoti, “kana munhu achinge atuka President anofanirwa kutourayiwa.” Vachangopedza kutaura izvi kuvarakashi vanga vakaungana, varakashi vacho vabva vasheedzera kuti Geza tiri kuda kumusvasvanga zvekuti heki. 02 Video Plans to Attack Geza “Isu sema Youth eZanu PF hatipudzunuke patiri ipapo nekuti tinoziva kuti pane chakanaka panosimuka mhepo. Geza imhepo isingadi kuona chakanaka.” Video rino riri kuratidza vakuru veZanu PF pamwe nevechidiki vavo vakaungana vachitaura nezvekuramba kwaVaGeza kuti munyika muve ne2030, uye-zve vasingade 2030 vayambirwa kudhonorwa zvakasimba kusvikira vaona kunaka kwe2030. 03 Video Plans to Attack Geza Pa-video rino pari kuonekwa ZANU PF chairman for Mashonaland East Cde Daniel Garwe vachizivisa zvimwe zvakavanzika zvakaitwa naCde Geza. Pavhidhiyo ino Cde Gaza vari kunzi vakauraya munhu ndokubva vamufushira mutumbi wacho kupurazi kwavo, kozotiwo imwe mhosva zvakare iri kutaurwa yekunzi vakarepa mumwe mwanasikana wechidiki kuparazi kwavo. Inzwa zvizere kubva ku-video rino. https://jolaznews.wordpress.com/?p=82433/ *📺─📻 Kana uchifarira nhau dzerurimi rweChiShona pamwechete nema video akazara vhura link riri pazasi unzwe zvizere nezve Jolaz TV-FM WhatsApp Group iri.* https://api.whatsapp.com/send?phone=+263775934930&text=Pano%20ndipo%20paunowaniswa%20maAudios%20nema%20videos%20Typer%20kuti%20*7%20Video%20ZanuPF%20Plans%20to%20Attack%20Geza*%20kuti%20ugopinzwa%20mugroup%20iri.%20 ~*______________________________*~ 𝗖𝗹𝗶𝗰𝗸 𝘁𝗵𝗶𝘀 𝗹𝗶𝗻𝗸 𝘁𝗼 𝗳𝗼𝗹𝗹𝗼𝘄 𝘁𝗵𝗲 𝗪𝗵𝗮𝘁𝘀𝗔𝗽𝗽 𝗡𝗲𝘄𝘀 𝗖𝗵𝗮𝗻𝗻𝗲𝗹 📰 https://whatsapp.com/channel/0029VaiSLk76xCSXyPaq3g01 04 Video Plans to Attack Geza Hona video, Zanu PF Secretary for War Veterans, VaDouglas Mahiya, vachiudza Cde Blessed Runesu Geza, murwi wehondo yerusununguko muZimbabwe, avo vakarwa hondo kumakore ekuma1960s nekuma70s uye vari nhengo yeZanu-PF yakasimba vari kunzi vapanduka kuti nguva yekurwira power yakapera. 05 Video Plans to Attack Geza Special Advisor waVaMnangagwa VaPaul Tungarara, vanoti vakapihwa masimba ose nemutungamiriri wenyika ekuona kuti maWar Vet agara zvakanaka, vanoti izvi zvakauya mushure mekunge maWar Vet aitwa zviseko zvenyika vachifamba nemanyatera, asi kubva pavakapihwa masimba awa vanoti iyezvino maWar Vet ava nedzimba ava kugara zvakanaka zvekuti Cde Geza avo vakapanduka vachazvidemba vasisina chavachapihwa. 06 Video Plans to Attack Geza Video; Vechidiki veZanu PF vokurudzirwa kuti vasatevedzere news dzepa WhatsApp nekuti vanozopedzisira vava kurasika gwara rebato. 07 Video Plans to Attack Geza Video President Mnangagwa vachiratidza kugutsikana nekunakirwa nezviri kuitika munyika variku Carousel Manufacturing apo Geza ari kuti ari munzira kuenda kuState House kunovabvisa. ▶▷MaVideo awa ari kuwanikwa muJolaz TV-FM WhatsApp group. Kana uchida kugara uchitapirirwa nemavhidhiyosi awa, taura naAdmin kuti uudzwe zvinoita kuti ukwane mugroup rakakosha iri. Kana wanga usati wamboravira group rakanzi Jolaz TV-FM unokurudzirwa kuti upinda mugroup iri kuitira kuti unzwe kutapira kwarinoita.
😢 😮 🙏 👍 😂 🤣 12

Comments