News Media Services 🇿🇼
News Media Services 🇿🇼
March 1, 2025 at 04:48 AM
Mudzimai ari muwanano anoshaiwa zvipfeko zvake zvemukati kusanganisirawo imwe midziyo yake yekushandisa mumba 😭😭 (Follow) https://whatsapp.com/channel/0029VaF9ofNElagnKJDpvL08 Pane mudzimai ari muwanano yake iyo yaanogara zvakanaka naka nemurume wake . Vaviri ava vanogara mutown uye vanolodger room yavo. Paimba apa pavanolodger panogarawo malodger akawanda wanda nekudero pakawandiwa kwete zvekutamba,mudzimai uyu akabva atangawo kushaiwa midziyo yake yekushandisa mumba make iyo inosanganisira macup nemandiro . Mudzimai uyu achiona kuti midziyo yake iri kushaikwa mumba make umu zvakamushamisa kwazvo nekudero akabva ambobvunzawo malodger epaimba apa asi malodger ese aingoti kumarooms edu hakuna midziyo yako. Panguva iyi yakataura mudzimai uyu nezvekushaiwa midziyo yake zvakabva zvamboita senane nekudero midziyo yake yakabva yambomira kushaikwa, pakapera vhiki inenge imwechete zvinhu zvichifamba zvakanaka asi dambudziko iri rakabva razotanga futi . Kutanga kwedambudziko iri kwakadzoka kwatove worse nekuti panguva iyi mudzimai uyu ainge akushaiwa zvipfeko zvake zvemukati. Mudzimai achiona izvi akashamiswa kwazvo nekudero akabva hake anyarara. Murume wemudzimai uyu akabvawo atanga hake kuita gumbo mumba gumbo panze nekudero akabva atangawo kudanana neumwe mudzimai aigarawo paimba apa , mukudanana kwavaiita zvaive zve secret nekudero murume uyu aitowanza kuona girlfriend yake iyi panguva yaiendawo mudzimai wake kutown . Rimwe zuva murume uyu akabva aenda hake kugirlfriend yake iyi asi chakamushamisa ndechekuti paakasvika akapakurirwa chikafu muplate yaive yashaikwa kumba kwake 😮😮, pamusoro pazvo zvakare murume uyu akabva aonawo zvipfeko zvemukati zvemudzimai wake zviya. Panguva iyi murume uyu haana chaakakwanisa kutaura hake nekudero akabva angodya chikafu chiya akanyarara. Kuzoti murume uyu adzokera kuroom kwake ndipo paakazotsanangurirawo mudzimai wake uyu kuti ainge aona zvipfeko zviya zvese zvaaingoshaiwa. Mudzimai wake uyu nekudawo kunzwisisa akabva abvunzawo kuti ko ainge aona sei zvipfeko izvi asiwo murume uyu anoti iye ainge anyengetedzwa kuti apinde muroom yemudzimai uyu pasina kana chikonzero nekudero mudzimai uyu anobva ashaiwa kuti otangira papi panyaya iyi. Mudzimai uyu akabva audzawo muridzi wemusha anova iye landlord nekudero landlord anovimbisa mudzimai uyu kuti achatsvaka zuva rimwechete raachaunganidza malodger ake aya obva anyadzisirawo mudzimai wekutora zvipfeko zveumwewo mudzimai uyu .
👍 1

Comments