Cee Novels
February 21, 2025 at 04:38 PM
MUNHU WESE KUCHANNEL USARASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS GARA WAENDA KUCHANNEL BAN YANETSA
https://whatsapp.com/channel/0029VaD9BEeBqbrIQBPS0P0y for previous chapters join and follow my Whatsapp channel
Cee Novels Presents
*A walk to remember*
2024 Production 💞
Free book read and share
Story Written By Cee
Aka
Mashumba ✍️✍️✍️
App📲0776171705
Chapter 17
*Getu*
"Takamukira kuenda kuAirport girls rese hapana akasara zvaive zvakapfekwa ipapo ka waingozunguza musoro wega .Kuti girls idzi dziri bho upstairs here ? Uum l doubt this is too much woo chero vari kuchando zvavo vanhu vatema tine problem yekuti tikaenda kune dzimwe nyika tinorasa hunhu netsika dzedu tichitevedzera tsika dzevamwe zviiko zvakapfekwa izvo ko iwo mazizamu anenge emombe iri kuyamwisa matwins ,Ndiri mushock kudaro Namakawu akabva auya pandiri ndokuti," how do l look achitambisa mazamu ake ndakaseka ndokuti," you are looking good but your dre.......ndisati ndapedza kutaura Dorothy akandibata ruoko akati," let's go everyone."
Takatanga kufamba tichienda kwaive nekombi Dorothy achibva andizeverera ndokuti,ndakati kudiiko? ndakamupindura ndikati," nenyaya yeiko?".
Dorothy: ndakakuudza kuti zvawaona siyana nazvo wauchida kuti kudiiko?
Getu:uum zviiko zvakapfekwa neshamwari dzako?
Dorothy: siyana nazvo ziva zvawakafambira wakada kuziva ziva zvese hazvikuitire zvakanaka kuno.
Getu: heya ini ziii zvangu asi mazizamu ane vanhu ava bho here ndiri kungoona kuti iwe naGracia ndimi chete mune mazamu ari normal.
Dorothy: watanga Getu ndati kudii?
Getu: ndiri kungobvunza wo zvangu"
Dorothy: uchaziva nekufamba kwenguva"
Getu: what? What do you mean ndakadaro hana ichirova kombi ichibva yatanga kufamba.Ndakatanga kufunga zvaive zvataurwa naDorothy ndikatanga kutya ndichizvibvunza kuti chiiko chandichaziva nekufamba kwenguva.Pano panomboitwa nezvei chaizvo kubva zvandasvika pano hapana kana chinomboitwa chine musoro vanhu vanenge vachingodya chete asi manheru handirare nenoise chiiko chinenge chichimboitika ndikabvunza Dorothy hapana kana chaanondiudza.
" Pasina nguva taive tasvika paairport takamira 30 minutes Boss vachibva vasvika . Dorothy naGracia ndivo vakaenda kwaive naBoss neumwe musikana aive akanaka zvinonwisa mvura ndakamutarisa kubva kumusoro kusvika kutsoka ndikaona kuti pane vanhu vakanaka kwete zvekutamba.Vakaburuka mumota vakabatana maoko musikana wacho achiita kuzvinzwa.
Gracia: welcome sir ?
Dorothy: welcome sir ,how are you Uche?
Uche: ooh you are still calling me Uche why?
Dorothy: sorry Madam.
Uche: better,Obina l think you have to fire this foolish girl.
Mr Okereke: no no we have talked about it l can't fire her she is like my sister?.
Uche: she is like your sister not your sister.
Mr Okereke: She is from Zimbabwe l can not fire her sorry".
Uche: Obina( screaming) we shall see.
Mr Okereke: please Dorothy don't mind her musikana uye akauya here?
. Dorothy: yes boss let me introduce her to you,takafamba naMr Okereke tichienda kwaive nanaGetu ukuwo Uche akange atoenda kudhara ndakaseka zvangu nechemumoyo zvimwe zvinhu zvaimboitwa naUche so zvaindinakidza anofunga kuti Boss vangandide ini he is like my brother ndosaka ndakamutsvagira Getu l hope achamuda akasamuendesa kune rimwe team l just hope Boss vachamuda ndakasvika paive nevasikana ndikatura befu ndokuti," Mr Obina Okereke meet my friend Getrude she is like my younger sister.
Mr Okereke: ropa rangu rakamhanya hana yangu ichirova ndakatarisa Getrude ndobva ndati ," how are you G G Getrude nice to meet you"
Getrude: ooh waal ava ndivo vanonzi varume mhani kwete vaye vakanyorwa pamadziro etoyireti ndakaramba ndakatarisa Mr Okereke hana yangu ichirova.Ndakazongonzwa ndarohwa kambama naDorothy ndokuti ," iwe Getu Boss vari kutaura newe . Ndakavhunduka ndikati," nice to me you" ndichinyaririra ndakatarisa pasi.
Mr Okereke: ndakatanga kufamba ndichienda asi maziso angu aive pana Getrude ndakapotsa padonha ndakatarisa Getrude ndobva ndabatwa naDorothy."
Ndakangozvinyarira ndokuti kuna Dorothy l want to see that beautiful girl tonight.
Getu: Mr Okereke vachienda ndakaramba ndakavatarisa ndobva Gracia ati,"l told you guys l think Mr Okereke is inlove with Getu.
Namakawu: love at first sight ha ha ha ha , welcome to London Getu Getu.
Getu: vasikana vese vakatanga kuseka vakanditarisa vachirovana maoko ndakangoramba ndakanyarara ndikatanga kufamba ndichienda kukombi....
"Mukombi ndaive ndakanyarara kuti ziii ndichifunga Mr Okereke all of a sudden ndakatanga kufunga baba Mufaro yooh kubva zvandasangana nababaMufaro handina kumbobvira ndaona murume akanakirana naye asi yooh Mr Obina ava heyi vanokwikwidza wo wena that man is handsome ndapa kutenda .Takasvika kumba ndobva ndaenda muroom mangu Dorothy achibva anditevera akati Boss vari kuda kuzokuona manheru.
" Ndakashamisika ndokuti ," manheru".
Dorothy: ehe manheru"
Getu:kana wakutaura uchidaro wakundityisa Dorothy".
Dorothy: usatye Boss havatyise iwe ziva zvawakafambira chete ,ndakange ndakufunga mari yandakapromiswer naObina .l think Boss vafarira babie yeeh . Getu ibabie rinokwikwidzawo pano hapana akanakirana naye .Ndakabuda ndokuenda kwaive naBoss ndikaona vachinetsana naUche ndakambomira padoor ndichida kunzwa zvaitaurwa asi hapana zvandakanzwa nekuti Uche akazongoyerekana abuda ndikahwanda kuseri kwedoor .Ndakangopinda ndokuti," kwakanaka here Mr Obina.
Obina: haah pakaipa ingawani Uche unomuziva pakaipa .
Dorothy: chiiko chiri kunetsa?
Obina: ari kufungira kuti ndiri kuda musikana munyowani G G anonzi ani zviya.
Dorothy: anonzi Getu asi hamusi kumuda here ? nekuti ziso ramamupa ka kana neni handina kurinzwisisa.
Obina: watanga Dorothy asi Getu wacho kambama wena .
Dorothy: answer my question do you love Getu.
Obina: no l don't love her ".
Dorothy: you are lying ?
Obina: l'm not lying .
Dorothy: saka muri kumudii manheru?
Obina: yooh mibvunzo yese iyi ndeyeiko l'm the Boss here respect me chienda unoudza shamwari yako kuti isauye kuno l changed my mind mari yako ndinayo ndokupa mangwana gud night chibuda muno Uche asati adzoka nhasi akatsamwa.Dorothy achibuda ndakasara ndichifunga Getu ,Uche ndobva apinda akaisa muromo mumhino.
Dorothy: ndakabuda muroom maBoss asi ndaizviona kuti Boss vafarira babie ameno regai ndinyarare time will tell.Ndakadzokera kuroom kwaGetu ndikamuona achakamuka akati achindiona so akandimbundira ndokuti," please Dorothy rara neni nhasi ndiri kutya hameno zvinhu zvandanzwa zvichichema panze ndaenda pawindow kuti ndione kuti chii asi hapana chandaona please please l'm scared ingorara neni zvanhasi chete..
Ndakabata Getu ruoko ndokuti usatye sahwira zvawaona kana kunzwa siyana nazvo hapana chinoitika kwauri ndakadaro ndichitobuda kuenda kunorara nekuti ndakange ndane hope plus ndaisada kubvunzwa mibvunzo yakawanda.
Getu: Dorothy achibuda ndakatanga kunzwa masounds aye zvakare ndakangopinda mumagumbeze kwakutovhara nzeve dzangu nemapillow asi hope hadzina kubata hameno kuti ndakazomuka nguvai......
*Malvin*
Ndakakurumidza kupedza basa Willard my child hood friend achibva auya achida kuti tiende kubhawa.Ndaive ndakatoneta ndichida zvekuenda kumba kuti ndinozorora.
Willard: hande kubhawa apa chaunoda kukurumidzira kuenda kumba chii iwe usati wane mukadzi kana mwana .
Malvin: very soon ndinenge ndane mukadzi Daphne azondipengesa ndiri kuda kutomuroora .
Willard: aàh muchiri mese nanhasi?
Malvin: yes chasara kuroorana.
Willard: ndakangozunguza musoro nekuti type dzana Daphne ndaidziziva havasi vasikana vekuroora kuisa mumba ndevekungotamba navo chete .
Malvin: what's wrong".
Willard: hapana ini zii semunhu mukuru ,ndakambokuudza nezvaDaphne asi hauna kunditeereea handei zvedu kunonwa.
Malvin: rega nditange ndafonera Daphne"
Willard: hede fona upihwe mvumo handisati ndamboona zvakadai ndofunga wakatodhakwa kare nemuswe wedzvinyu.
Malvin: watanga" ndakadaro ndichiburitsa fone ndichibva ndafonera Daphne.
Willard: hanziiko namadam?
Malvin: ati nhasi ari busy saka haasi kuuya saka bho handei zvedu.
" Takabuda takananga kubhawa tikanwa tichifara dzave kuma past 9 ndipo pandakadzokera kumba ndikasiya Willard achitamba nevasikana vehusiku. Ndakasvika ndakaona Auntie vakagara pasofa vakabata shaya zvakandinetsa ndikaenda padhuze navo kwakutoona maziso avo akatsvuka kuti piriviri.
" Auntie kwakanaka here ?
Auntie: ndichiona Malvin ndakanzwa shungu ndikatanga kuchema.
Malvin: zvaita seiko auntie ?
Auntie: ndafonerwa nehanzvadzi yangu hanzi mwanasikana wangu aita accident achibva kwaRusape saka akuvara zvisingaite.
Malvin: sorry auntie saka aendeswepi.
Auntie: KuHospital yeikoko hanzi hazvina kumira zvakanaka nguva yese iyi ndange ndakakumirira ndichida kuti ndiende asi ndaona kuti time dzacho hadzichaite ndinomukira mangwana.
Malvin: it's okay auntie ndobuda nemi kuseni ndonokusiyayi kuMbare tinenge tichitaura.Ndakaburitsa $500 ndobva ndapa auntie.
Auntie: God bless you my son Mwari akuitire zvakanaka mwanangu .
Malvin: chiendai munorara musatye mwanasikana wenyu anoita zvakanaka, auntie vakasimuka vachienda kunorara ini ndobva ndaendawo kunorara asi ndisati ndarara ndakafonera Daphne ndichida kumuudza nezvaAuntie asi fone yake yaisaita.Mari yangu yekuroora yakange yawanda kwangosara kuti ndiwedzere shoma ndaida kuroora Daphne zvekuti vabereki vake vaifara nehama dzangu.I want to settle down manje handichakwanise kugara ndega fanika Auntie zvavari kuenda kudai ndofanira kutaura naDaphne ambouya agare achindibatsira basa nekuti ndiri ndega handingazvigone......
End Of Chapter drop your comments
Malikes akawanda ndinounza 2 chapters pazuva
Cee Novels
Life changing stories 💞
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
👏
🤣
🥰
🇿🇼
380