Cee Novels
February 22, 2025 at 07:25 AM
MUNHU WESE KUCHANNEL KUTI UVE SAFE RIMWE LINE RANGU RAKABANWER SAKA PANE MAGRP ASISASVIKE BOOK GARA WAENDA KUCHANNEL USARASIKIRWE NEMABOOK ACEE https://whatsapp.com/channel/0029VaD9BEeBqbrIQBPS0P0y Cee Novels Presents 2024 Production *A walk to remember* Free book read and share APP📲0776171705 Chapter 18 *Greater* " Gibson paakabuda ndakasara ndichirwadziwa chokwadi kuita murombo kwakashata dai ndine mari yangu ndisiri kudadirwa naGibby .Chikoro handina kupedza chero basa racho ndoriwanepi munhu akagumira Grade 7 l'm tired of this life lam living dai vabereki vangu vari vapenyu ndisiri kuona nhamo yandiri kuona . Gibson zvaaenda asina kundipa mari yerent ndoiwanepiko mari wadarireiko Gibby aàh wachinja mukomana wangu hausiwe Gibson wandinoziva aive lovely achindida nemoyo wake wese .Nhai Mwari wangu ndobviswa humhandara nekuda kwekushaya mari here? " " Ndakatarisa Mufaro akatanga kusekerera akanditarisa moyo wangu wakarwadza ndichibva ndamutakura ndikatanga kufamba naye ndichimuimbira ,l think ndikaendesa Mufaro kunababa vake zvinoita zvakanaka ndopota ndichimuonera ikoko pane kuti atambure baba vake vari vapenyu .Sisi Getu pavakaenda vakasiya vanyora tsamba ine zita rababa vake ne address zvese . " Yasvika nguva yekuti Mufaro aende kuna baba vake asi kana achinge aenda ndinopota ndichiendako every weekend ndichimuona yes this is the only solution misodzi yakatanga kuyerera ndakatarisa mufaro dzimwe pfungwa dzakaramba no mhani ko kana murume wacho ane mukadzi no no no Mufaro haangachengetwe neumwe mukadzi ndiripo ka kana akamuitira hutsinye Mufaro is my son pandiri ini mai vake ndopaari forgive me God nezvandange ndichida kuita Mufaro achiri mudiki sterek anofanira kugara neni mai vake.Ndakagezesa mwanakomana wangu ndikamubereka ndaida kuti arare ndozotanga kuwacha ndiri busy kutora hembe Landlord vakabva vasvika nemamonya mukadzi wavo achitevera kumashure achiti," please my husband give her more time zvinhu zvakamuomera please ". Landlord: nguva yarebesa mai mwana endai paside mamonya vaite basa ravo ndakatowana vanhu vane mari vari kutoda kupinda . Greater: musadaro baba ndokupai mari yenyu ingondipaiwo 2 days chete honai ndine mwana mucheche ndinoenda naye kupiko inzwaiwo tsitsi. Landlord's wife: inzwaiwo tsitsi bamwana ,hamunzwirewo mwana mucheche akabatwa uyo. Landlord: chero ndikanzwa tsitsi hapasisina zvekuita nekuti ndakatowana umwe munhu ari kutoda kuuya manheru anhasi guys buritsai zvinhu zvese panze . Greater: ndakaenda panalandlord ndobva ndapfugama ndikati ," ndokumbirawo 2 days chete kana 2 days dzisingaite ndipei 1 day chete rekutsvaga mari yenyu. Landlord: um sorry it's too late" Greater: ndibatsireiwo amai you are like my mother ndiri kungoda zuva rimwe chete rekuti nditsvage mari yenyu ndoendepi nemwana wangu dai ndiri ndega zvaive nani manje ndine kacheche .Mamonya akatanga kuburitsa zvinhu zvangu panze kusvikira vapedza ndichingochema asi Landlord havana kudzora moyo mukadzi waLandlord akabva auya pandiri ndokuti," ndamboedza mwanangu asi zvaramba ndicharamba ndichikunamatira go well my daughter Mwari anewe". " Handina kumbopindura chandakangoita kupukuta misodzi nemadzihwa ndobva ndasimuka ndikarongedza bag ndichibva ndaisa hembe dzangu nedzemwana .Zvinhu zvese ndakazvisiya ndakangotakura zvinokosha chete ndapagedhe Landlord akabva andisheedza ndokuti," ko zvinhu zvawasiya wazvisiirei hatina pekuzviisa.Ndakatura befu ndokuti ,"!handina kwekuzviisa asi l promise you kuti ndikawana kwekugara ndinouya ndotora zvinhu zvangu zvese. Landlord: ukurumidze kuzotora zvinhu zvako nekuti hazvisisina zvimbo pano. Greater: ndazvinzwa baba ndakuenda ndokutendai nekugara kwatakaita zvakanaka tese pano. " Ndakatanga kufamba ndichifunga kuti ndoita sei zvandisisina kwekugara ,ndakambofunga kuenda kumba kwaGibson asi moyo wangu wakandirambira ndikaenda kumba kwaGibson ndina Mufaro hazvibude no no no.Ndoendesa Mufaro ndozodzokera kwaGibby ndisisina mwana ka.Asi ndikangoyerekana ndaenda kwaGibson zvinotoreva kuti ndatove mukadzi wake ka.No mhani handisati ndave kuda kuroriwa ini chokwadi ndingangoenda kumba kwevaridzi just like that ndisina kana kubvisirwa cent uum hazviite handizvo zvandakadzidziswa naGogo izvi .Pandimire pakaoma asi Mwari achaisa nzira pasina nzira. " Zvandichaita ndichaendesa Mufaro kuna baba vake after that ndoona kuti ndoitasei nehupenyu hwangu kana kuri kutsvaga basa remumba zviri nani pane kunogara naGibby ndichiziva zvaari kuda .Ndakavhura kahandbag kandaive ndakabata ndikatarisa tsamba yakasiya yanyorwa nasisi Getu .Ndakatora katsamba kaye ndichibva ndatarisa zita neadress kwakukwira combi . " Ndiri mukombi kudaro misodzi yaingoerera kusvikira ndavhunzwa neumwe murume akati," kwakanaka here? Ndakaramba ndinyerere umwe mukadzi aive kune rimwe side ndokuti," asi wafirwa here ? Ndakangopindura nemusoro murume nemukadzi uye ndokuti,sorry zvako hatina kumboziva kuti wafirwa chinyarara hona mwana wako akutochemawo. " Ndakatora mukaka ndokupa Mufaro achibva anyarara pasina nguva taive tasvika ndakaburuka kombi ndikatarisa zve tsamba ndichida kuona zvakare address ." " Ndofunga baba Mufaro vane mari ndiko kwavanogara kuno . "Ndakasvika pamwe pamba paive pakanaka asi paive pakakiiwa gate ndakanoka asi hapana kana munhu mumwe chete zvake akauya ndakaramba ndichinoka kusvikira ndaneta ndichibva ndagara pasi ndikatanga kupa Mufaro mukaka ndakatarisa zve address ndikaona paripo . " Ndakazotoburitsa zambia ndikagara nemwana wangu takamirira baba vake l hope vachatambira mwana wavo nemufaro . " Takaswera takagara pagate asi hapana kana akauya ndakange ndane nzara zvino yesadza chaiyo asi pakange pasina yekutamba dzatove kuma 8 pakabva pasvika mota pachibva paburuka mukomana aive akanaka akada kufanana naMufaro ndakabva ndaziva kuti ndiye baba Mumu........ndakasimuka pandaive ndakagara ndokuti makadii zvenyu? Murume uye akaramba akanditarisa ndobva nda........ *Getu* " Dorothy achibuda ndakatanga kunzwa futi noise panze ndakaenda kunokiya door ndobva ndasvikopinda mumagumbeze kwakuvhara nzveve dzangu nemapiro asi hazvina kubatsira ndainzwa kunge panze pane vana vacheche vari kuchema dzimwe nguva ndainzwa kunge tumbwanana turi kuchema ndakamboedza kuti ndirare asi zvakaramba nenoise yandainzwa .Hameno kuti ndakazobatwa nehope nguvai ndikatanga kurota ndakarara ndichiyamwiwa netumbwanana ndaive muroom maive makazara macotbed pane tumbwanana.Kamwe kaiti kana kaguta kodzokera kucotbed kwouya kamwe kusvikira twapera twese ndakarara kudaro pakazouya zimbwa zihombe richida kuyamwa ndobva ndascreamer ndichimuka ". " Ndakati ndichimuka ndakatanga kutarisa tarisa ndikaona pamacotbed pasina kana chinhu ndakamuka ndikatanga kuzunza zunza magumbeze aive pamudhedha asi hapana zvandakaona.Ndakagara pasi misodzi ikatanga kuerera ndafunga Mufaro naGreater nhai Mwari ndizvo here zvandakafambira izvi kubva Harare kusvika kuno kuLondon ndiri mundangariro kudaro mazamu angu akatanga kurwadza achishwinya zvakandinetsa nekuti zvandakanzwa ipapo ndakambozvinzwa Mufaro arara achiyamwa husiku hwese .Chiiko chiri kuitika pandiri nhai Jehovha ndakaiteiko dai ndakaziva haitingamire shuwa.Dorothy akabva apinda ndikamumhanyira ndikati," ndakuda kudzokera kumba.Akatanga aseka ndokuti," ukuda kudzokera kumba zvadiiko ? " Uum pano hapana kumira mushe ndarara ndichirota zvinotyisa ndichiyamwiwa netumbwa. Dorothy: what? Wati warara uchiyamwiwa. Getu: ehe ndakuda kudzokera kumba nekuti zviri kuitika pano handizvinzwisise zviri nani kutambudzika ndiri kumba ndine munin'ina wangu Greater. Dorothy: l'm sorry it's too late". Getu: what do you mean it's too late" Dorothy: hazvichaite kuti udzokere sahwira ndakuenda ndokuona time time. Getu: come back uri kutiiko mwedzi uchipera ndiri kudzokera kuZim Dorothy achibuda ndakasara ndichichema. Dorothy: Ndakabuda muroom maGetu ndichimhanya ndikasvikozvivharira muroom mangu ,oh my God chachaya ndaifunga kuti Boss vanoda Getu ka ini ko vamusiya achiyanwiwa nembwa l'm so sorry Getu ndazviitira mhuri yangu ini ndiri kungoda mari yekuraramisa mhuri yangu chete chete. " Ndakuchifanira kuudza Getu chokwadi manje kuti agare aziva . Ndakazonzwa knock padoor ndikavhura ndikaona ari Uche ndobva ati," where is that bitch Obina did not sleep at home last night . Dorothy: ndakaramba ndakanyarara ndokuzoti," l don't know". Uche : you are lying where is your friend l want to see her. Dorothy: lm not lying let's go ,ndakaenda kuroom yaGetu naUche akamuona ndokuzodzikama kwaakaita .Ndakadzokera kuroom kwangu ndikavhunduka ndichiona Obina arimo akadhakwa. Obina: where is your friend Getu". Dorothy: l thought you love her but uum l was wrong . Obina : l love her asi ndoda mari kumupfuura akangoyamwisa zimbwa zihombe ndinoita mari ine mumvuri. Dorothy: saka ndopota ndichimupa piritsi rinoita kuti mazamu ake akure here? Obina : no " Dorothy: why ? Ko tinongozviita vasikana vese vanouya pano wani". Obina: l know but l l l...... Dorothy: but what? Obina: l love that beautiful girl Dorothy tell her kuti ndiri kuda kumuona ...... Dorothy: okay sir ndakadaro Obina achibva abuda asi ndainyatsozviona kuti anoda Getu asi nyaya yaUche pamwe ndiyo iri kunetsa...... End Of Chapter Drop your comments Cee Novels Inspiring Lives 💞
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 💔 😭 🏃‍♀️ 😆 249

Comments