Cee Novels
February 27, 2025 at 04:59 PM
https://chat.whatsapp.com/KyH6NiYnevj6zGUibjKr3g vari kuda kupedzisa book redu joinai this grp munyori wedu paakabanwer akarasikirwa nemamwe machapters saka richauya ririPDF
NB: SEASON 2 ICHATANGA KUUYA KUUYA SATURDAY INENGE YAKUNZI *SISTER'S BETRAYAL*
https://whatsapp.com/channel/0029VaD9BEeBqbrIQBPS0P0y for previous chapters join my channel
Cee Novels Presents
*A walk to remember*
Free book read and share
Story Written By Cee
Aka
Mashumba ✍️✍️✍️
App📲0713440576
Call📲0776171705
Chapter 30
*Gibson*
" Ndakaiteiko nhai Mwari ndatove nemwedzi wese ndisina kumboona mudiwa wangu Greater ,where are you my love ndakusuwa zvandakaita ndakazviitira kuti uone kukosha kwangu handina kuziva kuti tichatoparadzana zvakadai uripiko mudiwa l'm very sorry nezvakaitika ndiregererewo mukadzi wangu handichazviite futi ndakusuwa Greater ndikakuwana this time ndiri kuita zvinhu zvese mugwara rakanaka l really love you ndinokuda ndikangokuwana chete l will never let you go wakandikoshera mudiwa ndiwe uchave mai vevana vangu ndikangoziva kwauri ndakutokuroora woita mukadzi wangu uum ndakaita mistake handisati ndamboita lonely kudai muhupenyu hwangu.Ndaive ndakagara muoffice ndichifunga Greater ndipo pakangopinda Rumbidzai asina kuknocker.
Rumbidzai: hie hesi mudiwa"
Gibson: ndakaridza tsamwa ndokutarisa kuside."
Rumbidzai: hezvo kwakanaka here nhai Gibson kwaunondiridzira tsamwa.
Gibson: " silent"
Rumbidzai: ndikutaura newe Gibson ndakadaro ndichimubata ruoko rwake rwaive rwakabata shaya ndikamira pamberi pake ndakamutarisa.
Gibson: don't touch me Rumbie"
Rumbidzai: hezvo ko zvamboita seiko nhasi?
Gibson: leave me alone"
Rumbidzai: what?!! Une shuwa Gibson ndabva kumba kwedu kwandinokwira makombi maviri ndichida kukuona iwewe wakundidai .
" Sei uchindidai iwewe nekuda kwandinokuita dai ndiri umwe ndakakuramba kare kare asi nerudo rwandinarwo ndinoyedza kukuitira zvese zvaunoda asi hautende hako.Ndinokupa zvese even my body and my soul ndakakupa asi unondibata rough is it a crime to love you.
Gibson: ndakaridza tsamwa yekwamai Azuka ndokuti, Rumbidzai ndakamunongedzera ," l said leave me alone l don't love you .
Rumbidzai: what did you say ?
Gibson: ndati handikude Rumbie ndine musikana wangu wandinodisisa wandiri kuda kuroora handina kumbobvira ndakuda.
Rumbidzai: Aah!!!! What? Ndiwe here Gibson wandinoziva ari kutaura mashoko anorwadza kudai.
Gibson: please forgive me l'm very sorry zviri nani kuti ndichikuudza chokwadi ndisati ndaroora pane kuti ndirambe ndichikutambisa nekukutambisira nguva yako,ndine musikana wangu akanaka tsvarakadenga yandiri kuda kuroora sorry .
Rumbidzai: ndakajambira Gibson ndobva ndamubata pahuro ndikatanga kupopota ndichimurova rova , Gibson akangobata ruoko rwangu ndokuti," buda muno " usadzoke futi pano zvangu newe zvatoperera nhasi usandinetse wanzwa.Ndakatanga kufamba misodzi ichierera ndaisavhibhilivha kuti ndatorambana naGibson sekutamba sekuseka.
Gibson: uum Rumbie ngaaende zvake ndakuda kuita serious naGreater manje l want to settle down.Ndichitaura kudaro Boss vakabva vapinda vakati ndinosangana nemamwe mainvestors kune imwe hotel 🏨 so.Pasina nguva ndaive ndatobuda nekuti ndaifanira kukurumidza kusvika neumwe wangu ndakatorana naNewton wandaishanda naye ndobva taenda .Ndakati ndichisvika ndakuda kugara so ndakatarisa kune table yaive yakanangana netable yedu ndikaona Greater akagara neumwe mukomana achiratidza kuti ari kufara chaizvo.
" Aive akachena zvekuti awedzera kunaka ndakaramba ndakamutarisa ndichifunga kuti pamwe handisi kunyatsoona asi ndakanyatsoona kuti ndiGreater wangu chaiye wandinoziva..
Greater: Ndakati ndichangogara ndakatarisana naGibson hana yakatanga kurova ndichidikitira.
Malvin: chiiko babie?
Greater: Gi g g g....GG......
Malvin: ukutiiko babie chiii? Wabva wadikitira kudaro.
Greater: Gibson is h.........ndisati ndapedza kutaura Gibson akabva auya pandaive ndokuti," Greater my love ndange ndichikutsvaga nguva yese iyi wanga uripiko svovi yangu.Ndakangoramba ndinyerere ndakabata mwana wangu.
Gibson: oh thank you Jesus ndakuwana ndange ndichikutsvaga pese apa Mwari akanaka weduwe andisanganisa nemudiwa wangu.
Malvin: ndaive ndangogara zvino ndichida kubatanidza nyaya dzacho chandakangokwanisa kutaura kuti," Greater who is this guy".
Greater: ndiye Gibson wandaitaura ,iwe Gibson siyana neni wakandirwadzisa iwewe panguva yandaikuda ibva zvako pano.
Gibson: l'm very sorry nezvese zvakaitika ndiregererewo mukadzi wangu ndiri kubvuma mhosva yangu ndinoripa, ari seiko mwana wedu Mumu.
Greater: sorry for yourself.
Gibson: please my love give me another chance ndigadzirise mamistakes angu ese".
Greater: l'm sorry it's too late lm getting married next week.
Gibson: ndakaseka ndokuti wakunyepa manje wanga watomuwanepi murume ari kuda kukuroora nenguva diki diki yataparadzana.Inini l have known you for years ndakuda kukuroora manje.
Greater: leave me alone Gibson ndiri kutokuudza chokwadi meet Malvin my future hubby ndiye mukomana akandinyaradza akandichengeta wandirwadzisa .
Gibson: please don't do this to me ,young man leave my woman Greater is mine l have known her for years l know her inside and out.
Greater: zvekuti tazivana kwemakore akawanda hazvina kana basa this man is the love of my life chibva pano wakundinyaudza.
Gibson: hapana kwandiri kuenda usina kundiregerera ndiri kutozviziva kuti uri kundinyepera iwe benzi iwe siyana nemukadzi wangu ndakabva naye kure.Ndakanystsotarisa murume uye ndikaona akada kufanana naMufaro ndobva ndaziva kuti ndivo baba vaMumu.
Malvin: kure kupiko? KwaMirambinda here? Eeh blazo chibvai pano tone chindisiyayi nemhuri yangu ndakadaro ndichikisser Greater Gibson uye ndobva ashatirwa akandibata collar.
Greater: Gibson kurumidza kusiya murume wangu kana uchida kuti tiwirirane.
Gibson: handisi kuzomusiya kusvikira ndapedzerana naye iwe imbwa iwe kurumidza kusiyana nemukadzi wangu ndakadaro ndichitomurova chibhakera tichibva tatanga kurwa.
Greater: Gibson please stop siyana nemurume wangu , Gibson na Malvin vakatanga kurwa zvekuti ndaive ndangomira ndakabata Mumu ndichishaya zvekuita."
" Manager akabva auya nevakomana vaviri ndokubva abata Gibson naMalvin."
" Malvin akangondibata ruoko ndokuti ," let's go" akashatirwa ndakangomutevera asi ndakanyatsozviona kuti Malvin atsamwa .....
Gibson: Hede so ndiko kamukomana kaGreater ako ha ha ha Greater is mine kana achifunga kuti acharoora Greater achichinjanisa masisters ari kuzvinyepera nekuti Greater ibabie rangu ndakadaro ndichitevera Greater nemukomana wake apedza makore akawanda achindidya kwozongouya umwe munhu hada hazviite tiri kuzopedzerana chete...
*Obina*
This girl is something else oh l love her with all my heart dai pasina Dorothy ndisina kuwana true love yangu thank you Dorthy for bringing Getu into my life now l'm complete ,Getu ndichamuda kusvikira taparadzaniswa nerufu hapana umwe mukadzi wandichada kunze kwake ,ndaitotaura zvangu ndega ndakatarisa Getu akarara ndakatenda Mwari zvikuru Isakaba akangoyerekana asvika zvakandishamisa .Akabva achinja kuita munhu achibva ati," follow me".
" Ndakatanga kumutevera asi ndakaona kuti paive pakaipa.Ndakagadzirisa pahuro ndokuti," kwakanaka here?'
Isakaba: kwakanakisa chaizvo Obina asi ndine kanyaya kadiki diki?.
Obina : kanyaya?"
Isakaba: " ehe Obbie unozviziva iwewe kuti ndokuda semwana wangu chaiye baba vako vakakusiya uri mumaoko angu.
Obina: yes l know muri kudeiko nhai baba vangu.
Isakaba: ha ha ha ha ha ha( laughing) ndiri kuda ropa pano .
Obina: zvega here tumai Uche anopedza madhiri ese.
Isakaba: no ,ndiri kuda kamwana kacheche kasati kasvitsa 6 months kana gore.
Obina: don't worry Uche anopedza masports.
Isakaba: ndakaseka zvakare ndokuti ndati ndiri kuda mwanakomana waGetu.
Obina: what? Why?...
Isakaba: ndiye wandiri kuda iyeye ndiri kuda kuti udzokere kuZimbabwe naGetu munouya nemwana iyeye pano ndiri kumuda tisati tamuchekeresa pane zvandiri kuda kutanga ndaita naye ha ha ha ha.
Obina: no no no no don't do this to me handidi kuona Getu achirwadziwa no no no kuti ndiuraye mwana wake handikwanise.
Isakaba: mwana waGetu ndiye ari kudiwa pano tiri kuda ropa remwana mucheche ndatopedza newe so zvekuti uchaita zvekuita sei kuti Getu abvume zvakwauri.
Obina: ndakaenda pana Isakaba ndobva ndapfugama ndikati,"please Isakaba usadaro you are like my father ndinzwisisewo l really love Getu handidi kumuona achichema ndinomuudza sei nyaya yakadai mwana wake anomuda tikauraya mwana wake tinenge tamuurayawo.
Isakaba: this time l'm not going to listen to you ingawani pavasikana vese vawaida ndakakusiira Getu handina kumbobvira ndamubata nekuti ndinokutora semwana wangu zvese ndingakuitire asi mwana ndiri kumuda pano.Wotoita plan nekuti hatichina nguva svondo rinouya unofanira kuenda kuZimbabwe unondiigira mwana iyeye ndiri kumuda pano.
Obina: ndakamboedza kutaura naIsakaba asi akarambisisa ndakadzokera kuroom kwangu ndikaona Getu akarara sekacheche ndakaramba ndakamutarisa L
Drop your comments...
NB: ndakarasikirwa nemachapters akupedzisira ebook iri SSN1 kuti upedzise joiner grp riri kumusoro iri ndiko kwandichaisa PDF rese
Mukoma Gibby vachakwanisa kuwinner babie here kana kuti ndokutopera kwazvo?
Obina achaita sei nenyaya yapinda mudariro
Ngatishandeyi pachikamu chinotevera
@ Cee Novels 💞
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
🔥
👏
💩
😃
298