Cee Novels
March 1, 2025 at 09:02 AM
https://chat.whatsapp.com/E4zth6IaRx876ZsUHEQfnP PINDA MUSATI MAZARA https://www.facebook.com/profile.php?id=100076401092068&mibextid=ZbWKwL like my FB page https://whatsapp.com/channel/0029VaD9BEeBqbrIQBPS0P0y munhu wese kuchannel ndiko kunotanga kusvikira book , maprevious chapters nemamwe mabook angu munowana ikoko. NB: vasina kuverenga SSn 1 ye A walk to remember endai kuchannel unyatsonzwisisa pakatangira nyaya. Free book read, react share and then comment Cee Novels Presents *A WALK TO REMEMBER*SSN2* *SISTER'S BETRAYAL* Story Written By Cee Aka Mashumba ✍️✍️✍️ App📲+263 seven seven six one seven one seven zero five Chapter 2 *DAPHNE* " Nurse nhai nurse muripiko ndofa kuno nepain hapana kana piritsi ramungandipe here chero jekiseni zvaro ndanzwa kani yohwe nhai maihwe Roberto uripiko ndichitambura kudai maihwe ndofa kani puuuu handichazviite futi zvekudanana nevarume vevanhu ndapfidza. Nurse: hoo aah kutinyaudza kudai wakadirwa acid watora murume wemunhu Sr Chitaka huyai mundinzwirewo nyaya irikuno ndakambozvitaura kuti kamusikana aka kahure makati ndiri kukunyeperai akadirwa acid atora murume wemunhu. Sr Chitaka: aaah wati kudiiko zvaari mashura ndivo anasisi vemanheru vanofamba vachititorera varume vedu manje uchaita sei face zvayadai ndakadaro ndichidzokera kwandaive ndichiseka. Daphne: nurse kani ndinzwisisewo ndanzwa chero mukandibaya rekuti ndimborara zviri nani pain yandiri kunzwa haisi kuita , Roberto uripiko wakangouya ka1 chete uripiko Roberto chero hama dzangu chaidzo hapana kana munhu mumwe chete zvake akauya kuzondiona dai Lavenda asipo hameno kuti ndaiita sei chaizvo. Nurse : zvandakubaya manje manje chirara aah woda kuti ndikuite overdose here ? Ndaenda ini ndozouya ndichikudresser tym tym . Daphne: nurse vakabuda ndobva ndasara ndega ndakatanga kufunga ndichidanana naRoberto achindiitira zvese hapana kana chinhu chimwe chete zvacho chandaishaya aindiitira zvese ende aiuya kumba kwangu almost everyday achindiitira zvese zvandaida uripiko Robbie zvandadai ucharamba uchindida here? Ndakaiteiko nhai Mwari ndakarwadzisa mukomana ainyatsondida nekuda kwangu mari dai ndakaziva ndakadzikama ndisina kusangana nezvese izvi Malvin aindida asi ndini zvangu ndakabhaiza ndichaita sei nemwana wandakatakura kana Roberto akandiramba nezvandave izvi ndichadiwawo nani zvangu.Malvin ane mukadzi nemwana ndodiiko ini........ndichifunga kudaro Lavenda akabva asvika. Lavenda: Hesi sahwira kutsvukisa maziso kudai asi wanga uchichema. Daphne: zvakandiomera Lavenda handitozive kuti ndichadii nehupenyu hwangu, Roberto akangouya kamwe chete kuzondiona handizive kuti ari kufungei nezvandave izvi pane achandidawo here ndakazviurayira hupenyu dai ndakaziva kuti zvichazodai ndakaramba Roberto ndakangoita zvaMalvin. Lavenda: dai ndakaziva haitungamira zvaMalvin zvakatopera wane nhumbu yaRoberto chirega kuchema saka uri kundiudza kuti hapana kana hama yako imwe chete yakauya kuzokuonawo ndaifunga kuti vachauya that day rawaifanira kuroorwa .Saka uri kundiudza kuti vanhu vese vaye vakazongodzokera kudzimba dzavo vasinawo kuuya kuno kuzoona kuti bride to be akakuvara sei ? Ko iye Roberto ari kuti kudii? Paakauya pacho akati chiii? " Makachinja zuva remarooro here uuum unoziva izvozvi ndine mibvunzo yakawandisa asi iye Roberto ari kumboti kudii une nhumbu yake ka iwe. Daphne: ndakakwidziridza madzihwa ndokuti," zvakaoma sahwira hapana kana zvaari kutaura ndikafoner haasi kudaira call 📲 yangu handichazive kuti achiri kundida here kana kuti haachandida nezvandave izvi ndichadiwa nani runako rwese hapachina . Lavenda:"chirega kuramba uchichema zvakatoitika iwe chigamuchira zvawave. Daphne: zviri nani kuti ndife zvangu pane kurarama ndakadai handitozive kuti kana ndikapora face yangu inenge yaita sei ,nguva ino munhu wandiri kufunga ndiMalvin ndokumbirawo uende kumba kwake unotaura naye . Lavenda: unoona zvichiita here kuti ndiendeko iye ane mukadzi. Daphne: ndokumbirisawo nenyasha dzaMwari kuti uende kuna Malvin wonomuudza zvese zvakaitika l still love him ende ndozivawo kuti achiri kundida zvichida kana akandiona ndakadai anondinzwira tsitsi ondiregerera. Lavenda: asi wava kupenga here hausiwe waindiudza kuti ane mukadzi here? Daphne: hazvina basa please go . Lavenda: zvawataura ndazvinzwa ndichapfuura neko mangwana ndichiuya kuno asi munhu waunofanira kunetsa ndiRoberto kwete Malvin nekuti une nhumbu yake.Takazoswera tichitaura nyaya naDaphne asi aitooneka kuti ari kurwadziwa dzimwe nguva waizongoona munhu wochema achirwadziwa nanurse ainditendera kupinda nguva dzandinoda nekuti munhu wacho ainetsa saka ndini ndaimugona .Ndakazobudamo zuva rakutopinda muna mai varo the following morning ndakamukira kuenda kumba kwaMalvin ndakati ndichisvika so ndakaona musikana aive akanaka zvekuti ndakabva ndatoziva kuti ndiye mukadzi waMalvin moyo wakamborwadza semunhu aimboda Malvin ndakazvitarisa kubva kumusoro kusvika kutsoka ndichizvicompare nemukadzi uye ndokuti nechemumoyo ingawani ndakanakawo sei Malvin asina kundionawo ndingadaiwo ndave pano asi uum kwangu kunenge kwatova kuroyiwa uku. " Ndakapinda ndobva ndakwazisana nemukadzi iye ndokuti," Malvin aripo here? Greater: ndakamboramba ndakatarisa musikana uye ndichishamisika ndokuzoti wati unonzianiko ?" Lavenda: ndinonzi Lavenda Malvin aripo here ? Greater: haapo abuda ". .Lavenda: hey anodzoka nguvai nekuti ndiye munhu wandange ndichida kuona. Greater:" aaah zvekudzoka kwake handizvizive iwe ingotaura nyaya yawafambira ukumudiii murume wangu? Lavenda: ndauya kuzomuudza nezvaDaphne musikana waanofambidzana naye aka......ndichitaura kudaro Malvin akabva asvika ndokumhanyira kwaari ,"Malvin Malvin waitabasa wauya Daphne is dying ari kuchipatara ari kuda kukuona. Greater: Hede wonders shall never end woo saka musikana uyu ari kuda kuti Malvin aite sei regai ndione kuri kuperera nyaya yacho .Ndakaramba ndakamira ndakanyarara kuti ziii ndichida kuona drama raiitwa nemusikana uyu. Malvin: Daphne who is Daphne? Lavenda: Malvin wakudaro Daphne musikana wako ?" Malvin: iwe Lavenda usade kunyepera kuzungaira hauzive kuti naDaphne takarambana kare kare here? Ndane mukadzi wangu uyu akanaka ende akabatana zvauri kuzvionera wega ndakadaro ndichimubata ruwoko.Daphne ngaaende kudhara rake ndaimuda mhani Daphne asi ndiye akandicheater nedhara munhu akayenzana nababa vake .Chibva pano wakutondisembura nenyaya dzako enda unoudza shamwari yako kuti l'm happily married sezvauri kuona. Lavenda: Malvin usadaro umwe wako makabva kure . Malvin: eeeh eeeh eeeh iwe Lavenda chibva pano ndakadaro ndichitaura nezwi rine hukasha." Lavenda: ndakazobvapo ndichiita zvekutiza nekuti Malvin akange atsamwa. Malvin: sorry Greater nedrama rawaona. Greater: it's okay my love ndakadaro tichipinda mumba........ *OBINA* " Aaah" Ndiri panguva yakaoma Isakaba ari kundinetsa nenyaya nemwana waGetu ndoita seiko ini .Ndauraya vanhu vakawanda asi kuti ndiuraye mwanakomana waGetu zviri kundirambira Getu wacho mafariro aari kuita ka uum pakaipa dai aiziva kuti tiri kuda kuenda kuZim kunouraya mwana wake angadai asiri kufara zvaari kuita izvi ndomuudza seiko zviri kuitika kuti azive nekuti hapana pandichauraya mwana wake asingazive uuum Isakaba andiisa pakaoma ." " Ndakapinda mubedroom mangu ndikatoona Getu arara.Getu akange atama muroom make akugara muroom mangu .Takange takutogara semurume nemukadzi.Pavasikana vese vandakaita Getu ndaimuda zvekuti .Ndakangosvika nekurara ndakatarisa mudenga handina kana kumutsa Getu hameno kuti ndakazobatwa nehope nguvai .Ave makuseni ndakazonzwa ndakumutswa. Getu: babie chimuka kwayedza". Obina: aaah kwatoyedza ndakadaro ndichimuka ndichishama n'ai". Getu: ndakuigira breakfast in bed wakazotiiko nenyaya yekudzokera kuZim mazuvano wakangonyarara usadaro Obina ndanga ndatoudza vamwe vangu naDorothy kuti ndakuenda . Obina: ndakatura befu ndokuti tiri kuenda babie don't worry asi handisati ndaziva kuti tinoenda rinhi. Getu: uuum dai waita kuti tichienda l miss my son ndofunga ikozvino akutodzidzira kufamba ndakangoona misodzi yoyerera.Izvozvi mwana wangu haachandizive ari kuti kuna Greater mhamha so ini amai vake ndiripo ndiri mupenyu .I just hope kuti vese vari vaviri vachandiregerera ndikadzokera kuZim ndoda kutora mwana waamai vangu nemwana wangu ndiuye navo kuno. Obina: Getu achitaura ndainzwa tsitsi ngaasiye munin'ina wake agare kuZim nekuti akangouya kuno chete anoitwa party naIsakaba ko iye mwana waari kutaura anenge atofa .Ngakazonwa tea 🍵 ndikabuda kuenda ndaida kuzotaura naIsakaba zvakare kuti asaomesa moyo . Getu: hupenyu hwakanga hwakufamba manje ndakange ndakuwana zvese zvandinoda Obina aindida achindichengeta handid zvangu kunyepa ndaiwana zvese zvandinoda vasikana vese vaimbondiseka vakange vakundisaluter . " Ndichifamba ndichienda kunozvitorera wine 🍷 ndakabva ndasangana naDorothy akasvikopfugama pamberi pangu. Dorothy: Getu ndokumbirawo ruregerero pane zvese zvandakakutadzira ndinoziva ndini ndakaita kuti usiye mwana wako ari mucheche nekuda kwangu mari ndanzwa kani izvozvi handisi kugona kufamba Isakaba anouya everyday achindishandira haasi kundizorodza ndokumbirawo utaure naObina please . Getu: ooh zvinotorwadza nhai saka waunoda kuti arare naIsakaba ndiyani hee ndiwe wakazviparira wega shamwari ucharara naIsakaba kusvikira amen handiti waida kuti ini Getu ndisakadzwe naIsa manje zvakachinja hausati watanga tiri kutoda mari yekuti tidzokere kuZim. Dorothy: ndapfidza usadaro kani shamwari yangu. Getu: haiwawo tibvire apa ,ibva pamberi pangu ndiende kwandiri kuenda . Dorothy: Getu sorry kani Getu ing..........ndichitaura kudaro Getu akandipusha ndikasvikowira pasi ndakarwadziwa zvandisati ndamboita Getu chaiye wandakaunza kuno ndiye ari kundidayi ndakasimuka ndikatanga kufamba ndichikamhina ndichienda kuroom kwangu ndakambomira padoor ndichitya kupinda ko maigarika here aiti kana ari masikati kwaiuya tumbwa twakawanda totanga kundiyamwa ndaizomedzisira ndochema nekuti minyatso yacho inenge yakupisa kuti tuuu ndakaiteiko nhai Mwari dai ndakaziva ndisina kudeedza Getu kuno,Getu asati auya ndaive boss pano ndaiita zvese zvandinoda naUche uuum zvakaoma hazvo chero iye Uche wacho mazuvano ari kuzhamba. Ndakati ndichivhura door ndichipinda ndakasvikojambirwa netumbwa tumwe twukatanga kutondiyamwa ndichiri ndakamira ndisati ndambogara pasi ndakangoscreamer ndobva nda...... End Of Chapter @Cee Novels 💞
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 🎉 💃 🔥 265

Comments