Felly Novels.
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                February 18, 2025 at 09:45 AM
                               
                            
                        
                            https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I
My Father's Wish.
story by Felistas.
contact
0783857336
Chapter11
Ndakabva panga pakamira Ryan 
ndikatanga kufamba ndichidya hangu 
nyama yangu ,nyama yainaka iyoyo 
ndainyatsonzwa kuti yaa 
zviri kuendeka 
ndakafamba dzinenge 5steps 
ndichibvanda cheuka ndikaona Ryan 
achiri akangomira pafence paya 
,akabva  andipa sign yekuti huya 
kuno nechigunwe 
ndakanosiya plate yangu padoor pemba 
yasisi ndichibva ndadzokera .
me.......hanzii?
Ryan......ndati sango riya
makaslasher here?.
Ndakaziva zvaaireva ndichibva
ndatarisa kuside.
Ryan......ndichaisa hair remover 
nepanapa manheru wozouya uchitora 
,because bvudzi riya rinondisvota 
hangu ."
Ndakabva ndangotendeuka ndikafamba ndichidzokera 
kumba ndisina kudaira .
Ndichipinda Mumba ndakanotora mvura
mufridge ndokunogara pasofa 
ndichinyatsoteerera taste yenyama 
ndichimwira mvura ndainyatsonzwa kuti yaa  ,
ndakazonyatsotanga kufunga 
mashoko aRyan ekuti "without 
protection" kureva here kuti 
ari kundida nemoyo or ari kuda kuti ndimuitire 
mwana ?
kana kuti aida kurasira kunze 
sezvaaireva ,umwe moyo waida 
kufadza nyama yangu na Ryan,umwe 
ndowaiti "urikutadzira Mwari ko 
brother Givy vauri kuda kuroorwa 
navo zvichengete unoita nhumbu ikaramba 
ukanyadzisa baba vako .
Ndakabatwa nehope ndakagara 
kudaro, ndikazopepuka ndanzwa 
volume yetv yawedzerwa 
ndakamuka ndikaona bamukuru 
vakabata remote ,vakanditarisa 
vachibva vadzungudza musoro 
zvekuto ndinzwira tsitsi chaizvo .
plate yangu yenyama pakanga pasina 
,mumakumbo makanga makandwa 
zambia kureva kuti ndanga ndisina 
kugara zvakanaka 
ndakanyara ndikati 
me.....maswera sei bamukuru?.
bamk.....hes mainini ,maswera bhoo
here?.
me.....ndaswera hangu .
Ndakashaya mabvunziro enyama 
yangu ndichibva ndango vatarisa.
bamk......plate yenyu ndaisa 
kukitchen asi musaudze sisi venyu 
kuti mapuwa nyama naRyan .
me....ehoi .
Bamk...... Asi mainini murikunyatsoda zvipi mulife ?
munoti Givemore anofara here 
akaona muchipiwa zvinhu naRyan ?
mainini kana musati maaserious 
nekuroorwa ka please do not involve 
me munyaya dzenyu ,handidi 
kuzonyadziswa ,nekuti mucharoorwa 
naGivy tozonzwa zvekuti maonekwa 
muina Ryan apa maamukadzi wemunhu 
zvinoita here?
izvezvi Ryan angoti let me think 
panyaya yeoff iya hatizive kuti ari 
kufungei ?"
sisi Cathy vakabva vapinda bamukuru 
vachibva vanyararawo. 
Sis Cathy......maswera sei dady ?.
bamk......ndaswera mummy maswera bhoo here ?'
me.....maswera sei sisi ?"
sisCathy......ndaswera hangu mainini
ndimi maswera nayo nzara ,tazoshaya 
mukana wekuuya kuzokupai 
food, mafriends aRyan anobhowa 
anotiwanzira basa.'
bamk......indava kudzikama soo nhasi
nhai babie?
sisCathy......ndiri kutoshaya kuti 
ndotangira papi nyaya yacho 
mazokumbira off here imi?"
bamk.....ndakumbira zvikanzi 
ndichambofunga ."
sisCathy.....inga pakatoipa ,ini 
ndakumbira zvikanzi hapana munhu
arikuwana off pano.
monoudza 
murume wenyu izvozvo anenge 
aenda obva aenda zvachose .'
Ndakabva ndato mutsamwira Ryan 
munhu wepi ane utsinye hwakadaro ?
Musi iwoyo hapana akambodya ini ndini 
ndakaenda kukitchen ndikano 
continue nenyama yangu. 
sisi Cathy vakazouya nephone yangu 
yairinger 
ndikadaira .
me.....hello
"Mrs Chiwaya murisei?."
Givemore's voice .
me.....I am fine and you ?.
Give.....am perfectly fine, its only that 
I miss you so much .
me.....I miss you too .
Ndakadaro because sisi Cathy vanga 
vakamira pedyo neni vachiteerera.
Give.......dont worry very soon tinenge 
taatese babe ,so ndanga ndichida kuti 
mangwana come to church as early 
as you can please.
Hana yangu yakarova ndaizoita sei na 
Ryan?not kuti ndaida kubhadhara 
nyama but ndaitonzwa kuda Ryan 
wacho ,kuda kutomboswera ndichiita 
musikanzwa the wholeday naye. 
me.....Mangwana handiuye ini I am
not feeling well ."
sisi Cathy vakabva vandinongedza 
nechigumwe .
Give.......hazvitomboite kuti urege 
babe, I will personaly come 
ndokutora toenda kuhospital first  then
tozoenda kuchurch. Programme 
yacho iri kuinvolver iwewe ,kuti tiise 
padate repamberi hazviite because 
nguva inenge ichitofamba ndaakuda 
kugara newe ini ,
ndakatoshaya kuti iprograme yei
iyoyo ?,sisi Cathy ndivo vaingo smiler 
vari paside pangu ini ndichitoshaya kuti zviri kufamba sei ?
me.....ok ndinouya musauye henyu
kuzonditora .
Give.....ok thanx Clara, asi ukanonoka 
ndouya kuzokutora ."
me.....handinonoke. .
Give.....promise.
me.....I promise .
Ndakabvisa phone panzeve ndikavhara maziso .
sisCathy.....wanga  uchirambirei 
kuenda kuchurch nhaiwe ?
me.....ndiri kunzwa jeko." Ndakanyepa
hangu ndichidaro ..
sis Cathy......riri kunyanyisa here?."
me......zviri nani hazvo ."
Sis cathy......unongo shingirira mwana 
wamai vangu imwe mweya yetsvina 
isingadi chakanaka ,ndichakutarisira 
maparacetamol zvinogona kuita
nani, wongoenda  wonopedza zviri 
kuda kuitwa zvacho."
I nodded in agreement,
the following morning ndakamuka 
zvekumanikidzira ndisingade ndikagadzirira
kuenda kuchurch,
I was surprised kuona bamukuru 
vachibuda nesu vakatochena ne suit .
me......mafungepiko henyu  bamukuru?"
him.....kuchurch mainini ."
me.....ummm nhasi Mwari vanoburuka 
Vakamira mberi kwevanhu bamukuru kuenda kupi ?"
bamk......asi kune vanonzi vanofanira 
kunamata here?.
Vakadaro vachigadzira suit yavo ndikaseka. 
me......regai ndinyarare zvangu.
bamk......ndainvitwa nabamunini 
Givemore mainini ."
Ndakatoshaya kuti ko kuneiko kwabva kwanzi munhu wese wese itouyai chete? takapinda 
munzira tikafamba hedu tichitaura 
nyaya kusvika kuchechi ,muchurch 
manga makazara vanhu asi isu 
takatambirwa nemaushers
tikanoiswa kumachairs ekumberi mberi ,
Zvimwe zvese zvakaitwa semazuva ese muparadzi asati asimuka  ndakazokumbirwa  kuti ndisimuke 
ndiende kumberi kwevanhu , ndakamboramba  
ndakagara ndichitya 
ndokuzoperekedzwa nasisi Catherine.
Givemore achibva auyawo nevamwe 
brother friend yake ,anga 
akachena Givemore jelous down 
anga akapfeka suit yewhite yanga 
yakanyatsomugara seakaberekwa akaipfeka ,akatora mic 
achibva amboimba kaworship song  .
after that akabva auya akapfugama  
pamberi pangu akati
Give......the first time I saw  you ndakati Mwari maita henyu mandirangarira ,I fell in love with you ,
I love you Clara and I 
promise to love you till death do us apart .
Clara kambanga will you marry me ?
I felt loved and honoured for the first 
time in my life ,misodzi  yangu 
yakaerera ndakademba zuva 
randakabviswa humhandara hwangu 
nemunhu asingandide.
Ndaisaziva kuti zvinonzii sisi Cathy ndovakazo ndizevezera ndikati 
"yes.'
ndakabva ndaipfekedzwa ring ,nenguva diki 
yakanga yopenya muchigunwe 
changu .
Vanhu vakasimuka vakapururudza 
vamwe ndivo vakaita kunditakura 
sisi Cathy ndivo vaingohwihwidza 
kuchema kunge pafiwa. vanhu 
vakazongoita short service musi iwoyo ,mayouth 
ndiwo aizoenda kuengagement party 
kwamufundisi .
Brother Givy vakakumbira sisi 
nabamukuru kuti vamboenda neni 
kwedu tega tichimboronga future yedu .
Takapinda mumota tikaenda kumba 
kwana Givy kwacho. 
Kwanga kusina kana vanhu  vabereki vacho nemasisters 
vanga vaenda kwamufundisi 
kunogadzirira party
yaitangana 4 kusvika na 6 
ndakagara hangu pasofa semuenzi.
Give......ndokupai chii mai Chiwaya?
me.....chei?
Givy......I mean something to eat. "
Ndaitoda  drink rinotonhora nenyama 
yakagochwa ,ndakazongoti vandipe 
mvura yekumwa chete ndaisada 
kunyanya kunetsa munhu ,nyama 
ndaizonoiona kuparty .
vakambobuda vakaenda kune 
mamwe marooms vakazodzoka 
vachinja hembe vapfeka T-shirt 
netrack bottom, vakasvikomira 
padoor raibva mupassage vakati"chimbouya kuno uone
mamatching coloures usarudze 
yaunoda for our wedding .
me.....huyai nawo kuno ndione ."
Give......como'n Clara I won't eat you, its just you and me planning our wedding
,mapictures arikubuda 
palaptop iri pacharger ."
Ndakazongo simuka ndikateera 
kubedroom kwake kwacho it was a 
very nice room ,ndakasvikogara 
pacouch raivemo zvikanzi 
"Clara unonyara handiti ?
manje tosvikepi tichidaro huya ugare 
pamubhedha wako pano ."
Apo ndakarambisisa 
chaiko ,vakazotora laptop yacho 
vakauya nayo vakagara padhuze dhuze neni 
ini ndakanga ndisisiri 
comfortable zvachose 
naivo vakatozvionawo vakati "chii chiri kunetsa Clara ?"
Me...... I am not comfortable here .
Givy......unofanira  kutondijaira Clara 
very soon we are going to sleep in the 
same blanket uchaita sei ?
Imwe nyaya ndanzwa nabamukuru 
vachiti vakanyimwa off?"
me....ehe.
Givy.....saka todii babie ini hangu 
handichakwanise, ndakukundikana 
hangu ."
me......hameno neniwo ,ndatopererwa woini 
handichazive  kuti pofambiswa sei? "
Give.....Claraka the only option 
yatinayo kutongo gara tese sanhasi 
soo wotoregera kudzokera kumba 
ndonobhadhara hangu damage 
yacho ,mhosva yagara haiende 
pamuti inotoenda pamunhu ,chero 
kuchurch ndatozvipira kuenda pasi 
peshamhu hangu ."
Me.....ndaakuda kuenda kumba ini  ."
Ndakadaro ndatosimuka ndaakutoda kubuda .
Brother Give vakabva vandidhonza 
zvine simba ndichinorovera pachest 
pavo .
Givy.....I am sorry babe ndanga 
ndichitamba hangu ndiregererewo 
shuwa ."
"Ndisiyei ."
vachingondisiya ndakabva 
ndanhonga kabag kangu nekutobuda 
vakambozama kuti "Clara clara ."
ndikaomesa gotsi kwete kuti
ndakanga ndatsamwa zvakanyanya no ,ndaida 
kumhanyira kwapastor kugochi gochi  macravings acho anga ondikurira .
Ndakabuda pagate ndikafamba 
ndichienda kuroad yaipfuura  
makombi ekutown .
Ndakasvika ndikamboti garei pasina chauya  
ndikazoona mota yaiuya ndichibva 
ndamisa, uku mota yaGivemore 
yanga yakutouyawo kubva kumba 
kwavo ,mota iya yakamira 
ndikamhanya kunokwira yanga ine 
matinted window ,ndakazama kuvhura 
door rekumashure ndikanzwa 
rakalockwa ,ndokubva ndangovhura 
rekumberi nekutopinda nekuti mota 
yaGivy yanga yaakutosvika ,
pandakatarisa driver wacho 
ndakarohwa ne hana Ryan hake ,
Ryan.....maitana seiko na hubby wako unenge uri kutiza ?"
Me ....hazvinei newe ndiburutse please ."
Ryan,...."wanga uchifunga kuti you are very 
smart hanty ?
Ndakangoridza tsamwa ndichitarisa 
kuside 
mota yacho yaifambiswa nespeed 
isingaite zvekuti Givemore 
akamboedza kuteera asi akatozosara 
kumashure Shure zvekuti mota yake 
yakanga isisa oneke ,
takapinda mutown ndikati 
"ndisiyewo patrek Ryan "
akaramba akanyarara kusvika
tapfuura mutown ,ndakaona apinda
muna first agoti naye first kusvika 
tasvika pane rimwe gate 
ranga riri reblack rarareba. 
Akaburitsa phone yake achibva 
afonera mumwe munhu, gare gare 
takaona gate ravhurwa nemumwe  
mudhara wechikuru ndofunga aive
gaderner wepo .
Takapinda 
akasviko parker padhuze nedoor remba .
Ryan.....buruka tipinde mumba umo 
tiite zvatakataurirana shaa ."
me......nenzara yandiri kunzwa sooka 
ndotofa hangu ."
Ryan.....lets go inside aunt varimo  will 
prepare something for you ."
Me.....something chinengei?"
Ryan.....iwe uri kuda chii? "
Me.....ndoda nyama yakagochwa 
nedrink rinotonhorera ."
Ryan akaseka zvake tichipinda 
mumba ,akaudza vamwe mai
vechikuru vaivemo kuti vaise marasha  
pabraaistand vondigochera beef ne sausage. 
Achipedza kutaura namai vaya akabva ati 
Ryan.....chiuyai mugeze mainini Kira 
tipinde mubusness ratavinga 
munozodya after first round ."
Ryan anenge aiva nemushonga 
chaiwo, kungomuona ndaibva 
ndatopfava kuita sehwai irikuda kuchekwa .
end of Chapter 11
                        
                    
                    
                    
                    
                    
                                    
                                        
                                            ❤️
                                        
                                    
                                        
                                            😂
                                        
                                    
                                        
                                            🙏
                                        
                                    
                                        
                                            👍
                                        
                                    
                                        
                                            😢
                                        
                                    
                                        
                                            😮
                                        
                                    
                                    
                                        472