Felly Novels.
February 18, 2025 at 09:45 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I My Father's Wish. story by Felistas. contact 0783857336 Chapter11 Ndakabva panga pakamira Ryan ndikatanga kufamba ndichidya hangu nyama yangu ,nyama yainaka iyoyo ndainyatsonzwa kuti yaa zviri kuendeka ndakafamba dzinenge 5steps ndichibvanda cheuka ndikaona Ryan achiri akangomira pafence paya ,akabva andipa sign yekuti huya kuno nechigunwe ndakanosiya plate yangu padoor pemba yasisi ndichibva ndadzokera . me.......hanzii? Ryan......ndati sango riya makaslasher here?. Ndakaziva zvaaireva ndichibva ndatarisa kuside. Ryan......ndichaisa hair remover nepanapa manheru wozouya uchitora ,because bvudzi riya rinondisvota hangu ." Ndakabva ndangotendeuka ndikafamba ndichidzokera kumba ndisina kudaira . Ndichipinda Mumba ndakanotora mvura mufridge ndokunogara pasofa ndichinyatsoteerera taste yenyama ndichimwira mvura ndainyatsonzwa kuti yaa , ndakazonyatsotanga kufunga mashoko aRyan ekuti "without protection" kureva here kuti ari kundida nemoyo or ari kuda kuti ndimuitire mwana ? kana kuti aida kurasira kunze sezvaaireva ,umwe moyo waida kufadza nyama yangu na Ryan,umwe ndowaiti "urikutadzira Mwari ko brother Givy vauri kuda kuroorwa navo zvichengete unoita nhumbu ikaramba ukanyadzisa baba vako . Ndakabatwa nehope ndakagara kudaro, ndikazopepuka ndanzwa volume yetv yawedzerwa ndakamuka ndikaona bamukuru vakabata remote ,vakanditarisa vachibva vadzungudza musoro zvekuto ndinzwira tsitsi chaizvo . plate yangu yenyama pakanga pasina ,mumakumbo makanga makandwa zambia kureva kuti ndanga ndisina kugara zvakanaka ndakanyara ndikati me.....maswera sei bamukuru?. bamk.....hes mainini ,maswera bhoo here?. me.....ndaswera hangu . Ndakashaya mabvunziro enyama yangu ndichibva ndango vatarisa. bamk......plate yenyu ndaisa kukitchen asi musaudze sisi venyu kuti mapuwa nyama naRyan . me....ehoi . Bamk...... Asi mainini murikunyatsoda zvipi mulife ? munoti Givemore anofara here akaona muchipiwa zvinhu naRyan ? mainini kana musati maaserious nekuroorwa ka please do not involve me munyaya dzenyu ,handidi kuzonyadziswa ,nekuti mucharoorwa naGivy tozonzwa zvekuti maonekwa muina Ryan apa maamukadzi wemunhu zvinoita here? izvezvi Ryan angoti let me think panyaya yeoff iya hatizive kuti ari kufungei ?" sisi Cathy vakabva vapinda bamukuru vachibva vanyararawo. Sis Cathy......maswera sei dady ?. bamk......ndaswera mummy maswera bhoo here ?' me.....maswera sei sisi ?" sisCathy......ndaswera hangu mainini ndimi maswera nayo nzara ,tazoshaya mukana wekuuya kuzokupai food, mafriends aRyan anobhowa anotiwanzira basa.' bamk......indava kudzikama soo nhasi nhai babie? sisCathy......ndiri kutoshaya kuti ndotangira papi nyaya yacho mazokumbira off here imi?" bamk.....ndakumbira zvikanzi ndichambofunga ." sisCathy.....inga pakatoipa ,ini ndakumbira zvikanzi hapana munhu arikuwana off pano. monoudza murume wenyu izvozvo anenge aenda obva aenda zvachose .' Ndakabva ndato mutsamwira Ryan munhu wepi ane utsinye hwakadaro ? Musi iwoyo hapana akambodya ini ndini ndakaenda kukitchen ndikano continue nenyama yangu. sisi Cathy vakazouya nephone yangu yairinger ndikadaira . me.....hello "Mrs Chiwaya murisei?." Givemore's voice . me.....I am fine and you ?. Give.....am perfectly fine, its only that I miss you so much . me.....I miss you too . Ndakadaro because sisi Cathy vanga vakamira pedyo neni vachiteerera. Give.......dont worry very soon tinenge taatese babe ,so ndanga ndichida kuti mangwana come to church as early as you can please. Hana yangu yakarova ndaizoita sei na Ryan?not kuti ndaida kubhadhara nyama but ndaitonzwa kuda Ryan wacho ,kuda kutomboswera ndichiita musikanzwa the wholeday naye. me.....Mangwana handiuye ini I am not feeling well ." sisi Cathy vakabva vandinongedza nechigumwe . Give.......hazvitomboite kuti urege babe, I will personaly come ndokutora toenda kuhospital first then tozoenda kuchurch. Programme yacho iri kuinvolver iwewe ,kuti tiise padate repamberi hazviite because nguva inenge ichitofamba ndaakuda kugara newe ini , ndakatoshaya kuti iprograme yei iyoyo ?,sisi Cathy ndivo vaingo smiler vari paside pangu ini ndichitoshaya kuti zviri kufamba sei ? me.....ok ndinouya musauye henyu kuzonditora . Give.....ok thanx Clara, asi ukanonoka ndouya kuzokutora ." me.....handinonoke. . Give.....promise. me.....I promise . Ndakabvisa phone panzeve ndikavhara maziso . sisCathy.....wanga uchirambirei kuenda kuchurch nhaiwe ? me.....ndiri kunzwa jeko." Ndakanyepa hangu ndichidaro .. sis Cathy......riri kunyanyisa here?." me......zviri nani hazvo ." Sis cathy......unongo shingirira mwana wamai vangu imwe mweya yetsvina isingadi chakanaka ,ndichakutarisira maparacetamol zvinogona kuita nani, wongoenda wonopedza zviri kuda kuitwa zvacho." I nodded in agreement, the following morning ndakamuka zvekumanikidzira ndisingade ndikagadzirira kuenda kuchurch, I was surprised kuona bamukuru vachibuda nesu vakatochena ne suit . me......mafungepiko henyu bamukuru?" him.....kuchurch mainini ." me.....ummm nhasi Mwari vanoburuka Vakamira mberi kwevanhu bamukuru kuenda kupi ?" bamk......asi kune vanonzi vanofanira kunamata here?. Vakadaro vachigadzira suit yavo ndikaseka. me......regai ndinyarare zvangu. bamk......ndainvitwa nabamunini Givemore mainini ." Ndakatoshaya kuti ko kuneiko kwabva kwanzi munhu wese wese itouyai chete? takapinda munzira tikafamba hedu tichitaura nyaya kusvika kuchechi ,muchurch manga makazara vanhu asi isu takatambirwa nemaushers tikanoiswa kumachairs ekumberi mberi , Zvimwe zvese zvakaitwa semazuva ese muparadzi asati asimuka ndakazokumbirwa kuti ndisimuke ndiende kumberi kwevanhu , ndakamboramba ndakagara ndichitya ndokuzoperekedzwa nasisi Catherine. Givemore achibva auyawo nevamwe brother friend yake ,anga akachena Givemore jelous down anga akapfeka suit yewhite yanga yakanyatsomugara seakaberekwa akaipfeka ,akatora mic achibva amboimba kaworship song . after that akabva auya akapfugama pamberi pangu akati Give......the first time I saw you ndakati Mwari maita henyu mandirangarira ,I fell in love with you , I love you Clara and I promise to love you till death do us apart . Clara kambanga will you marry me ? I felt loved and honoured for the first time in my life ,misodzi yangu yakaerera ndakademba zuva randakabviswa humhandara hwangu nemunhu asingandide. Ndaisaziva kuti zvinonzii sisi Cathy ndovakazo ndizevezera ndikati "yes.' ndakabva ndaipfekedzwa ring ,nenguva diki yakanga yopenya muchigunwe changu . Vanhu vakasimuka vakapururudza vamwe ndivo vakaita kunditakura sisi Cathy ndivo vaingohwihwidza kuchema kunge pafiwa. vanhu vakazongoita short service musi iwoyo ,mayouth ndiwo aizoenda kuengagement party kwamufundisi . Brother Givy vakakumbira sisi nabamukuru kuti vamboenda neni kwedu tega tichimboronga future yedu . Takapinda mumota tikaenda kumba kwana Givy kwacho. Kwanga kusina kana vanhu vabereki vacho nemasisters vanga vaenda kwamufundisi kunogadzirira party yaitangana 4 kusvika na 6 ndakagara hangu pasofa semuenzi. Give......ndokupai chii mai Chiwaya? me.....chei? Givy......I mean something to eat. " Ndaitoda drink rinotonhora nenyama yakagochwa ,ndakazongoti vandipe mvura yekumwa chete ndaisada kunyanya kunetsa munhu ,nyama ndaizonoiona kuparty . vakambobuda vakaenda kune mamwe marooms vakazodzoka vachinja hembe vapfeka T-shirt netrack bottom, vakasvikomira padoor raibva mupassage vakati"chimbouya kuno uone mamatching coloures usarudze yaunoda for our wedding . me.....huyai nawo kuno ndione ." Give......como'n Clara I won't eat you, its just you and me planning our wedding ,mapictures arikubuda palaptop iri pacharger ." Ndakazongo simuka ndikateera kubedroom kwake kwacho it was a very nice room ,ndakasvikogara pacouch raivemo zvikanzi "Clara unonyara handiti ? manje tosvikepi tichidaro huya ugare pamubhedha wako pano ." Apo ndakarambisisa chaiko ,vakazotora laptop yacho vakauya nayo vakagara padhuze dhuze neni ini ndakanga ndisisiri comfortable zvachose naivo vakatozvionawo vakati "chii chiri kunetsa Clara ?" Me...... I am not comfortable here . Givy......unofanira kutondijaira Clara very soon we are going to sleep in the same blanket uchaita sei ? Imwe nyaya ndanzwa nabamukuru vachiti vakanyimwa off?" me....ehe. Givy.....saka todii babie ini hangu handichakwanise, ndakukundikana hangu ." me......hameno neniwo ,ndatopererwa woini handichazive kuti pofambiswa sei? " Give.....Claraka the only option yatinayo kutongo gara tese sanhasi soo wotoregera kudzokera kumba ndonobhadhara hangu damage yacho ,mhosva yagara haiende pamuti inotoenda pamunhu ,chero kuchurch ndatozvipira kuenda pasi peshamhu hangu ." Me.....ndaakuda kuenda kumba ini ." Ndakadaro ndatosimuka ndaakutoda kubuda . Brother Give vakabva vandidhonza zvine simba ndichinorovera pachest pavo . Givy.....I am sorry babe ndanga ndichitamba hangu ndiregererewo shuwa ." "Ndisiyei ." vachingondisiya ndakabva ndanhonga kabag kangu nekutobuda vakambozama kuti "Clara clara ." ndikaomesa gotsi kwete kuti ndakanga ndatsamwa zvakanyanya no ,ndaida kumhanyira kwapastor kugochi gochi macravings acho anga ondikurira . Ndakabuda pagate ndikafamba ndichienda kuroad yaipfuura makombi ekutown . Ndakasvika ndikamboti garei pasina chauya ndikazoona mota yaiuya ndichibva ndamisa, uku mota yaGivemore yanga yakutouyawo kubva kumba kwavo ,mota iya yakamira ndikamhanya kunokwira yanga ine matinted window ,ndakazama kuvhura door rekumashure ndikanzwa rakalockwa ,ndokubva ndangovhura rekumberi nekutopinda nekuti mota yaGivy yanga yaakutosvika , pandakatarisa driver wacho ndakarohwa ne hana Ryan hake , Ryan.....maitana seiko na hubby wako unenge uri kutiza ?" Me ....hazvinei newe ndiburutse please ." Ryan,...."wanga uchifunga kuti you are very smart hanty ? Ndakangoridza tsamwa ndichitarisa kuside mota yacho yaifambiswa nespeed isingaite zvekuti Givemore akamboedza kuteera asi akatozosara kumashure Shure zvekuti mota yake yakanga isisa oneke , takapinda mutown ndikati "ndisiyewo patrek Ryan " akaramba akanyarara kusvika tapfuura mutown ,ndakaona apinda muna first agoti naye first kusvika tasvika pane rimwe gate ranga riri reblack rarareba. Akaburitsa phone yake achibva afonera mumwe munhu, gare gare takaona gate ravhurwa nemumwe mudhara wechikuru ndofunga aive gaderner wepo . Takapinda akasviko parker padhuze nedoor remba . Ryan.....buruka tipinde mumba umo tiite zvatakataurirana shaa ." me......nenzara yandiri kunzwa sooka ndotofa hangu ." Ryan.....lets go inside aunt varimo will prepare something for you ." Me.....something chinengei?" Ryan.....iwe uri kuda chii? " Me.....ndoda nyama yakagochwa nedrink rinotonhorera ." Ryan akaseka zvake tichipinda mumba ,akaudza vamwe mai vechikuru vaivemo kuti vaise marasha pabraaistand vondigochera beef ne sausage. Achipedza kutaura namai vaya akabva ati Ryan.....chiuyai mugeze mainini Kira tipinde mubusness ratavinga munozodya after first round ." Ryan anenge aiva nemushonga chaiwo, kungomuona ndaibva ndatopfava kuita sehwai irikuda kuchekwa . end of Chapter 11
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 472

Comments