Felly Novels.
February 21, 2025 at 03:06 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I Hope and Faith . Story by Felistas. Chapter 4 Ndaizvinzwa kuti Mandiri mune rimwe Simba riri extra ,ndaitadza kunyatsorinzwisisa . Chandanga ndisati ndaziva hangu kunyatsorishandisa chete, but nemataurirwo aiitwa nevanhu nezvaamwene vangu ndingadai ndakatofa kana kupenga chaiko but ndanga ndisina kana kumbotemwa nemusoro hangu kana kutadza kurara zuva rimwe chete haro ,ndaingotenda Mwari zuva nezuva neshoko randanga ndakagamuchira musi uya ndikagamuchira Jesu saishe namambo wehupenyu hwangu. Kunamata ndainamata hangu Iwo munamato wababa vedu vari kudenga ndowandanga ndakura ndichinyatsonzwisisa . But ndaifeeler kuti this is not enough ndiri kufanira kunamata zvakati rebei, ndaitoda someone anondibatsira kuti ndonamata ndichiita sei ? so ndakafunga kuenda hangu paone of the churches dzaive kudhuze nekumashops. Hembe ndaive nadzo dzakanaka quality chaiyo dzimwe dzandanga ndasiirwanamai vangu nedzavainditengera vachashanda . Ndichisvika pachurch yandanga ndangofarirawo hangu , wanike amwene vangu variko mberi neuniform yakakwana vari kutoratidza kuti mutungamiri weikoko . Ndakafara ndikati church inopinda amwene ndochaiyozve ndakabva ndanyatsogarisika ndikagarisa Hope akatarisa kumberi kuti anyatse kuona mbuya vake vachipa zviziviso zvemisangano yemadzimai . Kungoti kuchurch hakudzingwe munhu hako but vakaratidza kuvira nehasha vakanditarisa vaiita kuzarirwa neshungu . Ndakati Mwari vanyaradzeiwo inini I am here to stay . Rakaparidzwa shoko exactly randaida kunzwa nezvaro ,kuita nguva yekumbonamata uri wega uchitaura na Mwari . Ndakanyatsovhura nzeve ndikati Mwari maita henyu ,mahym akaimbwa church ikapera . Pakumhoresana paya ndakamirira amwene vangu asi gotsi ravakandipa ndakatoona kuti kuvatanga inenge itori miedzo . Mubvunzo wangu waiti zvavakandivenga kusvika palevel iyi why vasina chavari kuita pandiri kana pamwana ,kutida here kana kutitya? Or vanonyeperwa nevanhu kuti vane zvavanoziva nezvekuroya ? Ko sei vakazoitwa mutungamiri muchurch yakakura kudai ? Pakuenda kumba ndakafamba ndega hangu ,ndiri munhu aingozviisa pake ega kubva ndichikura nekuda kwekuti ndaizviudza kuti ndakanyangara . I think chakanyanyoita kuti ndidaro kusekwa kwandaiitwa nevamwe kuprimary nenyaya yekusviba nekushata plus chihorse voice . Sometimes ndaingoti Mwari ko dai makangondiita henyu murume ,tundebvu ndinatwo wani ,koti structure yacho ndeyechirume ,ko mazamu makanga mooisireizve? But ndakura ndakatanga kuzama kugamuchira zvandiri but still ndisingapinde mune vamwe . Ndasvika kumba ndakararisa Hope anga akotsirira kumusana ,ndakapfugama ndikatanga kunamata ,ndakaona kuti ichokwadi zvaitaurwa kuchurch kuti ukanyatsozarura moyo wako mweya mutsvene anokubatsira kunamata ,ndakanamata nemamwe mashoko andisina kuziva kuti akabvepi ? . Ndapedza kunamata ndakazadzwa nemufaro ,even mwana wangu akatoona kuti mhamha vari mugood mood nhasi . Pasina mazuva ndakanzwa shoko rasvika kwasabhuku vamwene vachiti muroora Ari kundiroya handichisina rugare pamba pangu hee ndoenda kumusha kwangu here ndachembera kudai? . Ini ndikati handina kana gwenzi randinoziva ,kana vachiti ndiri kuvaroya ngavatsvage munhu anoburitsa shave racho pandiri handitoridewo . Yakazongonyararwa nyaya iya . Ndakazoona avo vandiinga ndiri mugarden vakati "kana mafunga zvechipfambi ko kungosiya musha wemwana wangu moenda?kurara na Talent pamusha wemwana wangu ndokudii? kana mavaviwa hamungodzokere kubhawa kwamakabva here ?." "Handina chipfambi chandiri kuita ini mhai ." "Handisi mhai venyu musatombozame henyu ,Josiah akarara kumakuva uko nekuda kwako iwe mukadzi iwe moyo wangu unorwadza zuva nezuva ndakatadzei ini kuviga mwana wandakabereka. Ndichavigwawo nani ?" "Mhamha Josiah akatouya kwandiri aakutorwara asi paakabva anga akatozvisimbira ..." Ndaiudza aniko yakavava chembere zvekuti ndakati Yaa kune vanhu vane zvipo ,vakasiya vati uchazviona chete unoda kunyepera kunge wakangwara . Ndakati nechemumoyo kana Mwari ariko chete munopedzerana . Ndiye baba namai vangu iyeye ,and I am sure havambosiye mwana wavo achikuvadzwa asina mhosva yaakapara . Mumwe musi ndakarara ndakarota ,nyoka hombe yairatidza kuti itori nemwena wayo pamba pangu ipapo because yakabuda muvhu. Ndichiri kushamisika kuti komwena uyu sei ndisina kumbouona mazuva ese ?, Nyoka iya yakabva yaita seyaakuenda kwanga kuina Hope achitamba ,ndikanzwa izwi richiti ikangomunanzva anofa ndomafiro akaita baba vake vakananzviwa nenyoka iyoyo nekuti vakanga vatyora mhiko yepamusha ,ndakamhanya kuhope ikoko ndikanosimudza mwana wangu nyoka iya ichibva yanyangadika . Ndakapepuka Hana yangu ichirova ziya richiti teu teu . Ndakatarisa mwana ndikaona Ari right . Nguva iyoyo ndakanzwa mutsindo panze kunge pane munhu Ari kufamba , Ndakanyatsoteerera ndikanzwa zveshuwa pane munhu ,zvivindi ndaive nazvo I had to protect my baby at any cost ,ndakavhura door zvinyoro nyoro ndikabuda wanike pane mukadzi asina kupfeka Ari kuchera pachivanze nekabadza akaita zvekupfunya chisero,ndakati uyu haasi muroyi uyu muroyi haaoneke akadai. Ndakaziva kuti mishonga iri kuiswa hapana chimwe . Nekuda kwemwana wangu ndakaita zvivindi ndikanyahwaira kuenda ikoko ,pandakasvika munhu uya akavhunduka akazama kutiza ndikati "hapana kwamunoenda bvisai zvese zvamaisa pano ." Akamboda kurwisa ndikabata munhu ruoko ndikati"kunze kunoedza tiri pano .,hamusi muroyi imi munongori munhu ane hutsinye atumwa kuzovhiringidza mwana wangu ." Takanetsana nemunhu uya kusvika azondiratidza pamwe paanga achera panzira yaipinda pamusha akanga acherera kabhodhoro kanga Kaine mishonga ,Razor netsono . Hameno zvimidzi zvaanga aakuda kuisa pakati pechivanze . Ndakati iyi inoperera Kumapurisa muchatsanangura mega zvamanga muchiita pano . Paanga aakuti ndiregerereiwo haisi mhosva yangu ndatumwawo. Ndopandakabata voice vaive Tete vamwe vaya vekundituka vachindisakidzira imbwa. Ndakazongoti "endai henyu Tete asi musapote muchibvuma kutumwa zvakaipa ,kune vamwe vanhu vasingaroiwe ukatuma zizi rinodzoka richikurova double clap ." Havana kupindura ndakasiya vachienda ,ndikanzwa kuda kutongotenda Mwari ndiri panze ipapo . Ndakanamata ndichifamba famba gare gare ndakanzwa mhere kumba kwaamwene hameno kuti kwanga kwaitikei ? Ndakati hameno ndichanzwa makuseni izvezvi ndorumiswa hangu nembwa . Kana Paine chaitika Talent haanonoke kubata nyaya dzemuraini anondiudza . Mangwana acho zveshuwa akauya Talent akati "amwene venyu vakaridzwa nezvinhu zvavoka manheru ,takatouya nasabhuku kuzovatakura nemota yekwa Boka manheru vasisagone kana kutaura ." "Hii Saka varipi ?" "Takavasiya vachiendeswa kun'anga yavo yekuChivhu but it's a secret musazozvitaure. " "Ndoudza aniko hangu ini kuno wandinoziva?" "Haa pakaipa vachazvisiya chete gore rino muromo wanga waapaside . ." "Ko kana kusiri kurohwa nezvinhu?inogona kunge itori stroke vanhu vachingoti kurohwa nezvinhu?" "Vanozivana netunhu twawo ,kana iri stroke varambirei kuenda kuchipatara ?" "Mumwe nemumwe ane zvaanotenda kuti zvinoporesa ." After one week ndopandakazoona mota ichisvika kumanheru kumba kwaamwene vangu ini ndautobika hangu panze . Ndaakuda kutopinza mapoto Mumba kuti tiende kunodya ndakaona pachisvika munhurume anga achiita kakujogerera . Asvika padhuze ndopandakaona ndibamunini vaya vekutyisa chaizvo . Vakangosvikonditi mbaa huro ,ndakaona kuti pano ndaakutofa ndikati Mwari wangu . Vakandiregedza vachibva vandipa bhutsu mumbabvu ndokuzondinongedzera vakati "Siyana namai vangu imbwa iwewe ." Ndainzwa kudedera nepain kuita kunge ndatyoka mbabvu here hameno . Vakaenda ndikakambaira ndikati Hope huya . Anga aakudzidzira kufamba akabatirira zvinhu . Kunzwisisa kwaHope aiita semunhu mukuru akakambaira akanhonga tumuriwo pawanga warasikira akaisa mukanwa achisanganisa nemavhu,akazokambaira achipinda mumba ini ndikagwesha ndichiteera . Ndakarara nechekudhuze nedoor ndatadza kana kukwira pabed chaipo . "Baba Hope why did you go ?was it necessary kuenda nguva yawakaenda iyoyo . Dai wakamira kusvika Hope aakukwanisa kuzvimiririra . Ndoenda here kure nehama dzemwana wako ,anozovei mangwana ?" Ndakachema ini shungu dzanga ndandiwandira . Hope akavhura poto yesadza akaedza kubata akanzwa richipisa akatanga kuchema achiuya kwandanga ndiri . Akasvikotora ega mukaka akaakatanga kuyamwa . Achibva abatwa nehope pasi ipapo . Paive nani hapo pakuti ndagandakaisa carpet . Ndakazongokwanisa kuzvuva chiblanket tikafuga pasi ipapo ndakarara ndichitadza kanakupinduka nemarwadzo . Makuseni ndakamuka Hope atove papoto yesadza achikanya kanya hake kumeso kwese kwakazorwa sadza . Ndakati Mwari nditumirei mubatsiri handizive kwaachabva asi ndiri kuda kubatsirwawo ndirarame. Ndakashinga kumuka ndikakambaira kubuda panze ndakangopfugama paside pedoor ndikaita weti ipapo kwaakudzoka ndikagara pamusiwo ndakazembera ,parutivi panga pazvimba mutsipa wakazvimbawo ndichinetsekana nekumedza mate chaiwo .. "Hezvo ko makaita sei ?ko face yese kuzvimba nhai ?" Tete vaya vekumbouya vasina kupfeka vakangoerekana vasvika vachidaro ,ndakati nhasi ndopedziswa hangu mwana wangu akasara asina mutariri . Ndanga ndichagona kutaura here ? Vakasiya bucket pasi vakamhanya vakanouya na Talent nemumwe mukomana mwana wa sabhuku . Ndopandakazotsanangura nyaya yangu pashoma nepashoma semunhu aitadza kutaura . Zvekuchipatara zvaisabuda kwaive kure hapana anga Aine Mari plus vese vaitya amwene vangu , vakanditakura vakandiisa Mumba pabed . Talent ndiye akazobika porridge mwana akadya neniwo ndakasiya zvishoma . Tete vaya vakadzoka nema piritsi ekunyaradza marwadzo . Nemushonga wekuzora pakazvimba . Mwari anga andimutsira muvengi wangu kuti andibatsire panguva yakaoma ,ndakanzwa kutenda Mwari zvakanyanya . Vaiuya Tete naTalent everyday kuzondipa chekudya kugezesa mwana nekutsvaira Mumba . Zuva rechitatu ndanga ndave nani ndaifamba nedivi hangu but zvaive nani ,ndanga ndaakukwanisa kubata batawo zvisingaremi . Tete pavakauya ndakati ndaanani Tete makaita basa Mwari akuiturei zvakanaka henyu . "Handizive kuti ndokutendai nei muroora ,kundiregerera kwawakaita paya ndakatya nazvo . Dai makangodeedzera vanhu vakauya ndaitii nhai ?" "Handaimbodaro haisi mhosva yenyu handiti maingitumwawo here ? ." "Mhamha vanehutsinye ini ndini wekungotumwa kuminda yevanhu nekudzimba dzevanhu . Asi vavo vana havambovatume ,kufirwa nemubereki kwakangooma hako Mai Hope. " "Ko hamusi mwana wavo ?" "Ndiri mwana wemunin'ina wavo ,asi baba vangu ndivo sekuru va Hope vese vakashaya makore akateedzana ndikasara ndichichengeta naivo mhamha ivava ." End of chapter
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 105

Comments