Felly Novels.
February 22, 2025 at 05:21 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I
https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I
Hope and Faith
Story by Felistas
Chapter 5
Tete vapedza kutsanangura nyaya yavo vakabva vati "ndokumbirawo kugara hangu nemi Mai Hope ,life yandiri kuraramiswa namhamha handichaide ini ."
"No Tete ,mhamha raised you kubva muine 1 year sekutaura kwenyu ,and muri kuti makatozoziva manje manje kuti havasivo Mai venyu kuratidza kuti vane rudo .
She gave you food ,shelter and love,tichitarisawo kuti muri mwana akaitwa kunze kwemarriage .
Vazhinji mastep mother kunyangwe vakave same blood namai vako havatombokude ,dai makatoendeswa kwambuya uko kana hameno kumwe but vakakudai Havana kukunyimai chikafu ,kuchikoro makaenda muchiwana everything."
"But ndosvika riini ndichiitiswa mabasa akaipa ."
"Learn to say no tete."
"Vanondidzinga ka?"
"Havambokudzingei ingovaudzai kuti mhamha izvi kwete ndaakuda zvekunamata Mwari .
Imiwo mukanamata muchirevesa havambokutaurirei nyaya idzodzo ."
"Iih maiguru kunamata tinombozama Mai iya yakaoma ."
"Go an extra mile Tete ,kana musina kumbotsanya tsanyai ,gogo va Hope vanonzi vanotyisa , I am her worst enemy but here I am Havana kana kumbondipa kana ka scratch hako ."
"Yaa zveshuwa tese tiri kushamisika kuti kozvakafamba sei ?"
"Kungoti ndakazoziva kuti kudenga Kuna Mwari anonzwa murume wangu atoparara dai ndakaziva Achiri mutano haaimbofa baba Hope ."
"But mune moyo wakashinga maiguru ,mukoma Josiah vaihura veduwee iiih .
Muno mese umu vaitoziikanwa vapfeka havo formal vobva vati mashades neka potiforiyo imii."
Takaseka hedu ndikati "But pandakagara navo handina kumboona kana sign yechipfambi pamwe vaiita zvakangwara hameno ,."
"Kwanga kwave kurwara kakuya ."
"No nababa Hope takaita 3 years tisina mwana Kaisu tichigara tese ,achidzoka kumba everyday , akazondisiya ndaane nhumbu Achiti handizvare mwana haasi wangu ."
"Mwana wacho achibva anofanana hake nanababa vake ,I think ndiyo reason yamakasiirwa kuti mugare pano mhamha vakazviona kuti mwana ndewepano uyu ."
"Ko dai akazoshata seni Mai vake ndaipamira here pano?"
"But maiguru hamuna kumboshata wani ?"
"Ngatinyararei hedu ndirege kuramba ndichishora Mwari ."
Takaseka Tete vachibva vazooneka vaakudzokera kumba .
Talent haana kumira kundibatsira aiuya nemvura mubhara everyday ,ndaishaya kuti ndomutenda neiko mwana uyu.
Mushure memwedzi miviri akabva anzi basa rapera ndokudzokera kwavo kuMberengwa.
Tete avawo vekundida vakabva vaendeswa kuHurungwe kwasekuru hanzvadzi Yaa Mai .
Aamwene vangu pavakapora zvekunyatsosimba chaizvo .vakabva vatanga kuparidza shoko rakaipa muraini vachiti ndiri muroi.
Hanzi ndakanga ndoda kuvauraya vakazoponera kumapostori .
Vanhu vakavabeliever zveshuwa ,ndiani mumwe angadonhedze mazvikokota wezvousiku kunze kwekunge uine Simba rakadarika ravo .
People distanced themselves ndikasara pamhene chaipo ndisina kana anoti hesi,kuchurch chaiko ndakagodorwa kusvika ndarega .
Maricho chaiwo ndaitomawana kure kure muarea hapana ainditora ,apa maricho ndiwo aitove source of income imwe Mari ndaiiwanepi ndisina kana hama yandaiziva pasi pano kunze kwaHope .
Nhamo yakanyatsondidambura zvekuti ndakabvuma kuti chokwadi vanh
u vanotambudzika hakusi kuzviitisa zvinenge zvakatongooma .
Hope ndaiona asingazokwanise kuenda kuchikoro zvachose ini ,Mari Shoma yataiwana taingowana hupfu ,salt nekasipo .
Mafuta ekubikisa ,sugar ,mafuta ekuzora takati ndezve vapfumi .
Skin yangu yanga yagara yakashata nechekare ,yakabva yatowedzera kushata ndanga ndatove gudo remugomo chairo .
Tarisiro yekuchawana murume ndanga ndisina hangu ndanga ndagara ndisisade but dzimwe shirikadzi dzaingokandwawo shoko wani ?
.pamisangano mizhinji yaiitwa yekubatsira vasingandizive vaindiverenga kuchembere at 40 mufunge .
Ipapo Hope anga aakuda kusvitsa 2 years .
Mumwe musi ndakaona vanhu vakaungana kumakuva vakawanda kuchiratidza kuti kuti kuitwa basa .
Mangwana acho makuseni ndakatumirwa kamwana katete kakati hanzi huyai tisangane kumakuva .
Aitove mashura chaiwo inini kudaidzwa ?
Nyaradzo yemurume wangu yanga yangoitwa wani ndisina kumbodaidzwa ,ko apa ndanga ndazokoshei ?
Ndakapukuta pukuta netauro nyoro ,ndikapukuta Hope ,kwaakuzora sipo yedu kuti ganda ripenyererewo .
Ndakaisa mwana wangu kumusana ndikaenda ,vanhu vakawanda vanga vatovepo .
Makuva anga akafukidzwa machira kuratidza kuti anga avakirwa, vanenge vaida kuita tombstone unveiling .
Ndakagarawo kuseri kwemamwe madzimai ,Hope semwana akabva atanga kufamba famba achitamba .
Bamunini vekutyisa vaya vakabva vasimuka vakati "Pamusoroi ana sekuru ,ana baba ,madzikoma nevanin'ina "asati ambopedza
Hope akabva afamba achienda ikoko achiti "babaa babaa babaa ."
Ndikasimuka kuti ndimutore ndichibva ndahakwa nechimudzi chemuti kwaakuzvambuka zvakatibura huruva vanhu vakaseka zvekuti ndakanyara .
Pandakazomuka ipapo Hope anga atopushirwa kure nabamunini vaya kuti abve ikoko.
Akamboda kuita nharo akarohwa nekashamhu akadzoka kwandiri achimhanya ,misodzi yangu yakaungana ko mwana anozivei hake ?.
"Ambuya imi musiye tsika yekuudza rwana rwenyu zvisirizvo ,tinokurovai kuno mukaremara ."
Vakadaro bamunini vaya ndikati nekazevezeve
"Hope havasi baba mwanangu ,havasi handiti ?"
"Babaa."
"No Hope havasi baba vako ,baba vako vakaenda kure kure mwanangu. "
"Babaa."
"Shiii ."
Nekwaaizviwana handizivewo ndanga ndisina kumbomuudza anything ini .
Zvakazoitwa zvakaitwa ndanunuvara ndaakudemba chandanga ndauyira .
Pakasvikwa paguva ra Josiah Havana kumbondipoterera vakanyatsonongedza vakati "Josiah akauraiwa nemukadzi agere apo ,akamupomera mwana asiri wake achida hupfumi hwake nhasi uno arere apa ,akafira hupfumi . ."
It was okay futi kwandiri kupomerwa kana kutukwa ,kwekuenda ndanga ndisina hangu .
Ndainangepi ?kunaani?ndonoti ndini ani ?"
Vakazopedza vanhu basa ravo ,vaakuenda kumba kunodya ndakakwesvaira ndichienda kwangu kudumba kunotsvagira mwana wangu chekudya .
Zuva iroro ndakavenga baba vakandizvara ,why vakasangana namai vangu ?
Ndikavenga Mai vangu nekusanwa mapiritsi vachiziva kuti vaita chipfambi .
Ndikavenga Josiah nekuuya achiita seanondida achizondisiya .
Ndakazvivenga ini wacho nekuunza Hope panyika now atarisana negwenga anoonekwa nani iye asina kana sibling ?
Dai vari vaviri vaidzungaira nenyika vachiziva kuti ndine munin'ina kana hanzvadzi yangu .
Zvaari ega achadii nehupenyu.Achazovei Hope mumusha mavo arambwa pachena chena pazere vanhu .
Birthcirtificate anga akaisirwa surname yamai vangu yandaishandisawo yekuMalawi .
Ndakachema musi iwoyo ,ndainzwa kwana mhamha kuchiridzwa music nenoise vanhu vachipemberera havo .
Mwana wangu akaswero dutira maheu asina sugar iwayo .
Simba rekubika ndanga ndisina kana .
Ndainzwa shungu dzichiramba kupera.
As if it was not enough husiku hwemusi iwoyo Kuma around midnight ndakapindirwa Mumba nemunhurume anga akadhakwa .
Ndakada kumuka kuti nditore badza ndirwise ,Simba rikati nhasi handipo hamuna kudya amai .
Ndakabatwa ndikaroverwa pasi ,kwaakudamburwa pant ndichiri muconfusion yanga yatovemo ,isina kana kuputirwa mufunge .
Apa nekugarisa kuya paitorwadza hapo ndaiita semhandara .
Akaita munhu uya akanakirwa ndakangoti rapata .
Nekuramba ndakatarisa kumeso ndakazoona kuti ndibamunini Joshua vekuramba mwana wangu vaya .
Ko vanga vandifungirei nhai veduwee ?
Vakaita vakapedza ndakangonyarara ,ndakanyatsonzwa kuti ndazadzwa tsvina dzese mukati mangu .
Pfungwa dzangu dzaingoti vakapedza ndiri kudzipa mwana wangu ndozviuraya .
Vachipedza vakabva vakanda Mari padumbu pangu .
Vachibva vabuda vakaenda vasina chavataura .
Ndakamboita nguva refu ndisina kusimuka ndichibva ndazomuka ndikagara wanike ,Hope akatogara hake pabed .
"Hope ."
"Mhamha."
"Asi waita wiwi ?"
"Ah ah ."
"Wamukirei mwanangu ?"
"Babaa ."
"Hope baba havapo mwanangu ,he will never come back tasara neiwaya magandanga awa ane hutsinye ."
"Hupine ."
"Ehe vane hutsinye ."
"Mapika ta-da ."
"Handina kubika sadza mwanangu waane nzara here?."
I guess he nodded ndikati "maheu apera here ?"
"Maheeu ?"
"Huya utore maheu ndokubikira sadza makuseni ,netumuboora twandakatemha kugarden marimwe zuro .'
Akaburuka akashapira maheu achibva adzokera kunorara .
Ini ndakarara ndakagara ,My mind was not working .
Kwaedza ndopandakaona shura ,remashura ese bamunini vanga vasiya $20 yakabatana .
Kamufaro kakambouya ndikazoti no he raped me ,ko kana ndapihwa chirwere nekuda kwe$20 ?
Kumhan'ara kwaive kupedza nguva ,vanhu vacho vainzi havasungwe worse ndisina kana evidence svinu.
Kana Lawyer kana Mari kana chii ?
Apa neage yangu yacho ndakati hameno Mwari ndiye anoziva .
End of chapter .
❤️
🙏
😢
👍
😂
😮
132