Felly Novels.
February 24, 2025 at 05:35 AM
[2/6, 07:26] Felly: https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I
Hope and Faith
Story by Felistas
Chapter 6
Pain kwanga kwave kudya kwangu ,ndaitongoziva kuti hakuna chinonzi mufaro pano panyika .
Chandanga ndaakuraramira mwana wangu Hope chete chete zvimwe zvese ndaingoti hameno Mwari munoziva .
Mari yakasiiwa nabamunini Joshua ndakanohodha madish ekusukira nemabuckets madiki ,kuHarare kucoca cola .
Ndaifamba mutunhu wakareba kunotengesa nekuti vemuarea vaiti ndiri muroyi .
Mwari akandiwanira nyasha zvikatengwa ndikapihwa maorders .
Ndakaita mwedzi one zvichifamba .
Pakapera mwedzi iwoyo handina kuteera ndakangoti pada ndiyo menopause yacho .
Mhamha vangu vakati vakakurumidza kuguma kuteera .
Ndatigare garei ndakatanga kurwara ,kumuka makuseni ndichinzwa miviri kurwadza .
Kumira moyo, kunzwa dzungu kushaya Simba .
Ndakamboshingirira kunoita zvekutengesa ndikazoona kuti handina kwandinosvika ndatove murwere ini , mupfungwa dzangu makangofunga HIV hakuna chimwe .
Ndakaita mazuva ndichizeza kuenda kuchipatara .
Pandakazotarisa Hope ndikati no ndofanira kushinga ndiende pamapiritsi ndirarame for mwana wangu .
Ndikarwara ndikafa anosara nani ?
Apa mukanwa kuda zvinotapira ,ndakatotenga shuga 2 kg yekungopota ndichinanzva masweets aigona kuzondidurira .
Ndakamuka mumwe musi ndakazvifunga ndikapinda munzira kuenda kuchipatara ,ndanga ndafunga kunwa mapiritsi ndowana Simba rekufamba ndichitengesa.
Takafamba naHope wangu kuclinic kwacho kwaive nemufambo wakareba taifamba tichizorora nemwana wangu ,dzungu rikabata ndomborara pasi pemuti .
Takazosvika hedu Kuma past 10 vana mukoti vanga vaenda pa break .
After break ndakaenda kwaiitwa zvekutestwa HIV .
Ndanga ndazvipira kunwa hangu mapiritsi .
Line rafamba ndazopindawo , counseling yaitwa paya ndanga ndisina hangu basa nayo rakanyanya ndanga ndazvipira kurarama ndiri pamushonga ndichichengeta mwana wangu .
Ndakatestwa paya ini maresults angu ndaive nawo mumusoro kudhara .
Vakandidaidza paya vakati mukaona zvakadai munodii ndikati "ndiri kuziva kuti I am HIV positive masigns and symptoms acho aripo ese hawo musapedze henyu nguva ."
He smiled akati "makorokoto ropa renyu rakachena ."
"No tangidzai mwanangu ,pamwe mishini yenyu yaita mistake .
Ndiri kurwara mwanangu ndiri kunzwa nyama dzangu kuti ndatove murwere chaiye ndatozvigamuchira ndipei mapiritsi ndinwe ."
Vakadaidza vamwe vavo vakazama kunditsanangurira ndikazonzi kwirai muende kugeneral hospital .
Ndakakwira ndikasvikako dzaakuma 2 ndakatestwa zvikanzi negative zvekare .
Vakanditi mozodzoka after 3 months zvekare.
Kana muine zviri kurwadza endai munoona chiremba.
Ndakaenda machiremba muya ndikatsanangura zvandainzwa chaizvo .
Ndikaitwa matests ese .
It was around 3 :46 pawatch yekumadziro chiremba achiti "Congratulations you're 4 weeks pregnant ."
I didn't know what to do ,ndakatombosticker kushaya kuti ndoita zvekudii chaizvo .
"Nhumbu ?kaone ikako here chiremba?"
"Zvinenge zvanangana ne ovulation day renyu mhamha ,pamuviri hapadi madays akawanda kuti pabate kamwechete ikako kana zai renyu riri ready mwana anoumbwa. ."
Ndakabva ikoko ndiri munyika yangu ndega kuita sendabatwa nechadzimira .
"Ko sei ndisina kumbozvifunga ,inga zvaingove pachena wani ?
Ndoita semunhu asina kumboenda kuchikoro nhaimi?
Morning sickness ,macravings ,vomiting ,urinating frequently chimwe chii zviya kuda kurara ?"
Ndakazviseka ndikadzungudza musoro .
It took me days and weeks kuti ndibvume kuti zveshuwa ndine nhumbu .
Ndakazobata dumbu rangu ndikarangarira kuti ndaichema kuti Hope anosara nani panyika pano ,munamato wapindurwa here uyu ?
But nenzira iyi here nhai Mwari ?
Saka ndichange ndaane vana 2 ?
Hama dzangu mbiri ?tinenge tiri munyika yedu tiri vatatu tichisimbisana ,vana vangu vokura voroora ndoita vazukuru ko hama ndichadzida dzei ?
Ndakati mwana uyu akaita musikana ndinomuti Faith chete I have Faith in the almighty ,kana akaita mukomana anonzi Trust because I completely Trust in Jesus. .
Ndakazogaya ndikati but amwene vangu vakaona ndiine pamuviri havandidzinge here vachiti wakahura uri mumusha ?
Ndakataimira sabhuku vari Vega kumagarden ndikanovaudza nyaya yacho yese vakati "hakuna kwamunoenda mwana akazvarwa tinoita maDNA tests kana chiri chokwadi chekuti ndiJoshua wamakaona .
Tobva tabatanidza na Hope ipapo aitwewo matests " .
Nhumbu yandakatakura Hope Haina kumbondinetsa seyeuyu ,mwana aida zvinhu ndati .
Ko Iwo moyo kusimuka simuka kungonzwa hwema ndotorutsa .
First trimester was not a joke ndakaonda kupera kutipepepe .
Second zvanga zvave nani ndopayakazoonekwa naamwene vangu ,vakaita kuuya kugarden ndikati "nhumbu ndeye mwana wenyu Joshua akauya akarara neni musi wakaitwa zvekuvakira makuva ."
"Iro ratanga kunyepa zvenhando kuda kuuraisa iyeyu asara Ari kundichengeta ndisare ndave mugwenga ."
"Kana ndichinyepa anofa nei ?angafire mwana wandakahura kumwe here ?"
"Ndizvoka zvawakajaira ."
"Imi mhai mukaramba muchibata mishonga hameno henyu vana venyu vanopera ,tiri two panapa hapana munhu wekunyepera, mhiko dzamakaita munodziziva pavana venyu sunungurai vana vaite mhuri dzavo ."
Vakambotanga kuti yowee wandipumha ,maihwee Kani ndaitwa muroyi .
Ndikaramba ndakanyarara vachibva vazotanga kuhwihwidza kuchema vakati "mhiko yakaitwa nababa vavo kuti vana vakomana havabereki vana ,kana iri mimba yaJoshua zveshuwa ndokumbirawo ibve hayo mwana wangu ararame .
Anotofa zveshuwa ndakumbira hangu ."
"Mhamha handikunyeperei nhumbu handibvise ,chandingatoite kukumbirira mwana wenyu kuti ararame ,mhiko yacho imushaye pa map ."
"Ko Josiah akangofa wani wakadii kumunamatira ?"
"Ndanga ndisati ndaziva mhai ."
"Saka apa waakuzivei ?"
"Kuti Jesu mupenyu anorarama ,hakuna mhiko ,kana gona ,kana mweya wemufi une Simba pamusoro pake ."
"Tinotomunamatawo Mwari iyeye asi mhiko yakaitwa apa ndeye hupenyu mwanangu ,nzwisisa ubvise pamuviri apa mwana wangu Joshua ofawo here nhai veduwee. ."
"Pamuviri handibvise amai handikunyeperei .
Mwana wangu haana mhosva ,haana kukumbira kuuya panyika , mwana wenyu aiziva chaizvo kuti kune mhiko asi akangouya akarara neni asina butiro ."
"Havatozvizivi kuti ndozviripo ."
"Saka hameno hake ngaafe ,mubairo wechakaipa rufu .."
Mbuya yakaita hasha ikavava ,vakatanga kundipotsera mavhinga ndichinzvenga .
Vakazopedzisira nekuti "Haumubate mwana iyeye namai vangu vakafira Hwedza ."
"Ndinomubata nezita raJesu ende achatokuchererai mvura mwana iyeyu yamuchanwa ,agotoroorwa kana kuroora muripo muchipemberera ."
Vakaridza tsamwa kasingaperi vachienda ndikati "handikutye Satan wakakundwa kare pamuchinjikwa iwe ."
Kamari kashoma kandaiwana ndakanohodha matemba nemasoya chunks .
Church ndanga ndaakupindira kure kwekuti ndaimuka patema ikoko vanhu vanga vakapona zveshuwa ,they supported me .
Nhamo ndaive nayo hangu tsvuku but zvanga zvave nani ndaitengawo Vaseline ndozora mwana kuti matama asatsemuke.
Ndaimutengerawo mafuta kuti asaite kwashi .
Zvekuzotengawo hembe netunonaka ndanga ndisingagone.
Mumwe musi nhumbu yaamusix months ndakaona bamunini vaya vasvika pamba neuniform yechisoja nyembe dzakati yaka yaka ndikati heya Saka vanondishandisira hutsinye hwekuhondo nhai ?,kunze kwanga kuchangoti zvarara ndaitobvisa tuhembe twaHope pawaya .
Hope wacho anga akagara pamusiwo achidya nyemba dzandanga ndabika .
Pfungwa dzangu ndaifunga kurohwa ndobva ndaita miscarriage sezvo mimba iyo yainzi inozouraya baba vemwana .
Plan yangu yaive yekungodaidza Hope akauya totiza tichienda panext door ,paive ndofunga 300 metres away .
"Hope huya utore ."
Hope kakasimuka ako nemaoko ane nyemba "baba baba" kachimhundira munhu akazvichenera .
Ndakavhara maziso angu ,ndichimirira mhere ya Hope pandakazosvinura vanga vaakutosvika kuwaya kwandanga ndakamira vakatakura Hope uya mumaoko .
Ndakashamisika handidi kunyepa ,I was shocked kutakura Hope chaiye zvanyanyodii ?
Vakasvikomira ndikati "makadii bamunini ."
Zvikanzi "hanzi Makati mune nhumbu yangu ?"
"Ndakaona kunge imimi musi wandarepwa ."
"Makarepwa here kana kuti makakechwa ?handiti makapihwa Mari ?
Plus handina kumbonzwa kuti makaenda kupolice ."
"Tanga tisina kuwirirana nemunhu wacho ndosaka ndati ndakarepwa ."
"You needed money iye aidawo mukadzi ,isn't it a fair deal ?"
"Ndizvozvo hazvo ."
"Ndangouya kuzoconfirmer hangu kuti zveshuwa nhumbu iripo here ?
I know I am going to die but mwana wangu handidi kuti asare achitambura sezviri kuita mwana wemukoma wangu .
Ndichaona kuti ndoita sei kana azvarwa Ndaona kuti zveshuwa iropa rangu ."
Ndakaramba ndakanyarara .
Vakaisa Hope pasi vakaisa ruoko muhomwe kwaakubuditsa 2 masweets zvikanzi "ipa mhamha 1 ."
Akauya Hope akati "oyi ." ndakaombera vakabva vatendeuka vakafamba vachienda .
Ndakagara muvhu ndikati "nhai Mwari ndini here ?ndizvo here zvinotaura shoko renyu kuti for I know the plans I have for you .
Ndiko here kuronga kwenyu Jehovah .."
Ndakati zveshuwa kudenga denga Kuna Mwari .
From that day ndanga ndaakunamata everyday kuti Mwari chengetai Joshua aonewo mwana wake achikura ,Ratidzai zvishamiso zvenyu Mwari .
Zvisati zvamboitika ngazviitike Mwari wee .
Amwene vangu vakuzivei kubudikidza netestimony iyi. "
Mumwe musi ndakaona pasvika kamwe kamwana kemuraini kangangoita zvekuma grade seven kakasvikoti "ndatumwa na baba Hope hanzi zvinhu zvenyu ndasiya mugarden. "
Akabva atomhanya achienda ndakati "baba Hope ?"
Ndakaisa mwana kumusana dumbu riri koko ,kwaakufambisa ndichienda kugarden kuya .
Ndakawana pasina kutombovharwa zvakanaka ndakavhura ndikapinda ,wanike munedish rakazara preparation yemwana nekasaga kegrocery paside .
Misodzi yangu yakadonha ndichibata Bata tuhembe twemwana twairatidza kuti quality yacho ndeyemhando yepamusoro .
Apa ini ndanga ndakangochengeta ka $15 ndichiti ndongonhonga nhonga zvishoma then ndozowedzera nezvimwe zvaHope zvandanga ndisina kugova .
Baby blanket ne towel raHope ndozvandaitoda kuendesa kuchipatara ,vamwe Mai vekuchurch vanga vati kana mimba yarwadza mouya muchisiya Hope kuno Saka ndaitoti zvangu zvakaringana ndisingazive kuti Mwari akandirongera zvihombe .
Ndakamira mbijana kuti kunyatsosvibe ,kwaakutsiga dish rangu ndikaisa chisaga pamusoro ,ndakazofunga kuti handina kuvhara pagarden ndaakutosvika kumba.
Ndakanosiya hope Mumba achidya ma things andanga ndatora muchisaga bag chiya .
Kwaakunzinzutira kunovhara garden .
Ndaakutosvika kwaakuona bamunini vakagara padombo .
Ndakavaziva nekuda kwekuti vanga vakavhenekwa ne screen re phone kumeso.
"Maita basa bamunini ."
Ndakangokwanisa kudaro zvikanzi
"Hanzi mwana akasasimbiswa anofanana namai vake ,zvinova zvandisiri kuda pamwana wangu. ."
Yaive tsika yavo kutaura zvinopesana nezvandataura.
End of chapter.
[2/6, 07:26] Felly: https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I
Hope and Faith
Story by Felistas
Chapter 7
Hongu bamunini ava ndaivatya but kwete zvekuzopfuura Mwari hupombwe hwakashata sekureva kweshoko ndanga ndisiri mukadzi wavo baba ava and obvious vaitove nemukadzi wavo somewhere .
Nyaya yavo yanga iri clear yaisada kana interpretation vaida kurara neni .
Ndakamboita zvima seconds ndakamira ndichifunga kuti ndoignore ndoenda here kana kuti ndoti kwete zvamuri kutaura hazviite? .
"Kana muchiti kusimbiswa munorevei bamunini ."
Vakasimuka vakaisa phone yavo muhomwe kwaakumira pamberi pangu ,ndakasuduruka zvishoma ndikati "Hope haana kumbosimbiswa asi haana kumbofanana namai vake ,zvekufanana ndezvaMwari ."
"Pamakazoziva kuti maane pamuviri paHope manga maane mamonths mangani ?"
"Ndakazviona pandakangojamba mwedzi wekutanga ."
"Josiah mukazomuudza after how long ?"
"Ndakamuudza same week iroro ."
"Saka fungai kuti anga asimbisa kangani ?"
"Handifunge kuti zvine basa ini mwana anongozvarwa Ari zvaanenge akarongerwa na Mwari ."
"Ini ndinofunga kuti zvine basa Mai Hope ."
Vaitoswederazve kwandanga ndiri ndakasuduruka kuenda rimwe side ndikati
"Ndichafunga nezvazvo."
"Ndiri kuenda ku DRC manje manje pamwe handidzoke ndiri mupenyu ."
"Madii kungofa makachena ,mukoma wenyu akafa atendeuka akatoregererwa pamwe atori kudenga Soo ."
"Kana Josiah akaenda kudenga ini ndotoenda nezvangu zvese ,that man was a sinner ."
"Akagamuchira Jesu last minute. "
"Vharai henyu pagarden penyu ndambotryer ndikatadza ."
Ndakafamba ndikaona pavharwa ndikati "patoita wani ?"
Vakaramba vakanyarara ndikatanga kufamba ndichienda kumba Ivo vachiteera ,apa gotsi richiita kurema ,maive murima hamo but kufamba pamberi pemunhurume kwakangooma .
Taakusvika vakabva vati "matii nenyaya yangu? ."
"Ndinotya Mwari bamunini handikwanise kuita hupombwe ,ndorara nemi ndichiti ndakarara nani ?"
"Zvekugarwa nhaka makambozvinzwa ?"
"Ndozviziva hangu but ..."
"Zvakangofanana neizvozvi ."
"Zvinoitwa kwamambo vanhu vese varipo ndichisarudza wandinoda kugarwa naye nhaka wacho ."
"Vanhu vanozoenda kudare remusha vawirirana kare vachitodanana .
You can't choose munhu wausina kumbowirirana naye ."
"Ini hangu ndakazvimiririra handichade murume ndaakungozviraramira ndakadai nevana vangu. "
"I understand but munodawo kufadza nyama here and there ,murume wenyu akafa hamuna mhosva Kuna Mwari ,chinodiwa kungove faithfull to one partner chete. "
Ndakanzwa Hope achideedzera ,"maamaa."
Zvikanzi "ndichauya Kuma around midnight ."
Handina kupindura panga pakandiomera .
Ndakasvika pamba ndikaona mwana wangu akamira padoor ,ndakamutora tikapinda Mumba ndikamugarisa pamakumbo .
Ndichiedza kunyatsofunga kuti ndodii ?
"Bamunini ava vanogona vari vadiki kwandiri ava .
Pakati pavo na baba Hope painzi pane vanhu 2 kureva kuti baba Hope vakafa vaine 52 years .
Vamwe Tete vanogona kunge vaine 48 ,vamwe bamunini 44 ,bamunini pamwe vane mangani manje ?"
Hope akakotsira ndakangomubata ndikamurarisa kwaakumboramba ndakagara .
Ndakazotanga kubuditsa zvinhu zvaive musaga bag ndichiisa muchiroom divider chamhamha changa chashaya buyer nguva yandakatambura muHarare .
Ndapedza kurongedza ndakadya marambawaraira nedrink ,vanga vafembera bamunini ,mimba yaida tunonaka iyoyo .
Ndakadira mvura mubucket ndikaenda muchinjausi kunogeza hangu .
Ndakakurumidza kubudamo ndaitya plus mvura yaitonhora .
Ndakadzokera Mumba ndikambogara dakara hope dzandiba kwaakurara hangu zvekutoenda nehope.
Machongwe aakutorira ndopandakanzwa knock kunenge kwanga kwave Kuma past 3.
"Ndiani ?"
Ndakabvunza mubvunzo nhando hangu kwaakuzovhura door .
Bamunini vanga vakatomira pamusiwo vakangoti "budai titaure ."
Ndakabuda ndikamira ndakapeta maoko.
Vakaswedera padhuze neni vachibva vandibata muwaist ,kwaakutanga kupuruzira musana uku vachindimwaya tutsvodi muhuro .
Ndanga ndisina option ndakangoti Mwari hameno kana ndatadza ndiregerereiwo ,kana kuri kutadza ndakatotadza kare pamwe kuda kwenyu henyu.
Vaiita vachitesta nezvimunwe kuti kwanyorova here haa zvimwe zvacho unoti Mwari ndirovei henyu neshamhu ndagarisa ini .
Ndakazokotama ndakabatirira chituru chaive paside pemba pandaibikira .
Vainyatsoita zvinyoro nyoro ndichinzwa kwazviri kuenda nako .
Vachimboita vachikotama vopuruzira dumbu ,ndakabvundisa makumbo ndikanakidzwa handidi kureva nhema but nyadzi manje dzanga dzandibaya ,ndaingoti Saka ndaitei manje ,
Nabamunini here ko indava ndareruka kudai?
Ko vanhu vakazviziva vachatii ?
Ndakanyepera kuenda kutoilet dziri nyadzi ,ndaingodongorera kuti vaenda here ndirimo muchinjausi ?
Ndikaona avo vatogarahavo pachituro chiya ,apa vanga vachakabvisa T shirt kumusoro kusina chinhu .
Ndakazoona vateera vakamira kunze vakati "Mai Hope ."ndikati "bamunini ."
Zvikanzi "ndiri kuda kuenda kubasa handizive kuti ndodzoka ndiri mupenyu here ?"
"Munodzoka muri mupenyu ."
"Kwese kwandafamba ndakanzi mwana achingozvarwa ndiri kubva ndatanga kupera muviri ndofa ,they can't do anything about it mhiko yakatoitwa it's final ,Saka ndiri kuda kusiira mwana wangu zvishoma zvandiinazvo ."
"Ehoi ."
"Gezai tiende kuHarare monoisa signature panoda signature ,kana ndaakurwara handizokwanise kuzvifambira ."
"Madii kusiira mukoma wenyu movaudza kuti vazochengetewo vana. "
"Mai Hope musati kuuya kwandinoita pano ndinenge ndichida chimwe chinhu kwamuri ,zvese zvandiri kuita ndiri kuitira mwana wangu ,that's all nguva yekunyengererana haipo ."
Vanga vakwidza voice manje ,ndakabuda ndikatora mvura ne bucket ndikageza ndakamirirwa ,Hope ndakangomumutsa ndikamupukuta ndikati .
"Tapedza ."
Ndakavhenekwa zvikanzi
"Don't you have better clothes ?"
Ndakadzokera Mumba ndikapfeka rimwe dress kwaakubuda zvikanzi "Ndipei mwana imimi fambai tosangana kuroad inopfuura nengoro dzichienda kumashops musanonoke ndofanira kubva kunoku kuchakasviba ."
Ndakavapa Hope vakaenda naye ,kwaakukiya door rangu zvekuisa chain nekey zviya .
Key yacho ndakaisa muberevere memba kwaakufambisa ndakananga kuroad kwacho .
Apa kwanga kuchiiine karima paive nekamufambo futi kusvika ikoko ,ndaakutosvika kuroad ndakasangana namai Sabhuku ndikashaya kuti vari kubvepi husiku huno .
Handina kana kuvataudza ndakafambisa ndichienda .
Ndakasvika patori nekamota kanga kakamira paside peroad .
Ndakangomirawo semunhu anga anzi amire paroad .
Ndakazonzwa "imi Mai imi muchandinonotsa ."
Ini heya bamunini vane kaskoro skoro kavowo ,inga nyembe dziri kuvabhadhara kwazvo.
Hope anga akagara seat rekumberi ungazoti ndiye ainakurirwa kure paya ndakati Mwari vakanaka ava .
Tichisvika kuHarare ndakaendeswa kuscan first ,mwana anga asisaoneke hake kuti mwanai but madates ekutarisira kuzvarwa kwemwana vakatiudza uye kuti anga akagara zvakanaka hake everything was okay .
Tabva ikoko tikaenda kuoffice kwaLawyer ,zvimwe zvacho ndaisanzwisisa zvaitaurwa vakanyorerana pasi ,vakawirirana kuti hupfumi hwabamunini hwese ndehwa Hope nemwana anga asati azvarwa.
Vanga vasina havo zvinhu zvakawanda kuona kwangu ,chandakaona ipapo imombe nhatu ,Imba yaive kubudiriro ne kamota ikako .
Vakaisa signature yavo ,ini hapana paimbodiwa yangu ndakazongonzi sainai apa taakuda kutoenda.
Tichichibva ipapo takaenda Kuma offices ekubasa kwavo ndiko kwandakawana mukana wekuisawo signature yangu .
Vainzi pavanobva kuDRC vanowana Mari yakawanda ,In the event yekuti vafira ikoko Mari yacho yaizitambirwa neni ndakapanzwisisa ipapo .
Tichibva ikoko ndakapihwa kaphone kadiki neline zvikanzi "chiendai kumba ."
Ndakavatarisa ndikati
"Hatinawo Mari yebhazi ."
Vanenge vanga vatori nestress dzavo ,plus kunyara kuramba vongoonekwa vaineni .
Kwese kwataienda vaifamba vakatakura Hope ,vachiudza vanhu kuti mwana wavo ,hakuna aizviramba nekufanana .
Ini vaisataura kuti ndini ani ,vanhu vanenge vaitya kuzvibvunzawo .
Vakaburitsa wallet vakati "ndangosarwa ne $5 inokwana ?"
Apa nzara yanga yaita kundizvungura .
Kuti ndisvike kumusha chaiko kwaida $7 but pa $5 ndaigona kusvika kwandaipindira church kuya ndozopedzisa rwendo netsoka .
"Inokwana maita basa ."
Vakabata bata homwe dzavo vakaburitsa $2 vakati "iyi tengerai mwana yoghurt ."
Ndakati youghurt futi ndaakutonokwira kuenda kumba straight tonobika sadza .
Ndakaisa Hope pafudze ndikatanga kufamba kuenda kushowground kunotsvaga bhazi rinoenda kumusha .
Tati fambei vakateera vakati "maakuenda kupi apa ?"
"Kushowground ."
"Netsoka ."
"Ndikakwira Mari yacho haizokwane ."
"Mozoenda mangwana ."
"Pamba panogona kuzobiwa manje ."
"Hapabiwe ndinotuma munhu anonopatarisa ,it's not safe kufamba nevana nguva ino ."
Tadzokera paya tikanogariswa mumota ,gare gare tazoenda pachicken inn kwaakutenga mabox matatu , hameno kuti Mari yanga yazowanikwepi kana icard here hameno ?
Moyo ukati hazvisi zvedu izvi ,ndainyatsonzwa kunhuwa kwema spice kuchizara kumeso kwangu .
Ndakabuda mumota ndikanogara nechekure ndichi avoider kurutsa .
Vakateera bamunini vakati "muri kuda chii Mai Hope ?"
"Hapana ndozongodya sadza manheru ."
"Mwana Ari kudei ?"
"Mwana upi ?"
Vakaramba vakanditarisa ndikati "kana mabiscuits nedrink ."
"Nei ?"
"Ndizvozvo chete ."
"Ko tikambotryer ice cream for now ?"
"Zvinogona kuita ."
"Handisi kuitira imimi ndiri kuitira mwana wangu ,I am her father siyai ndimufadze ndichiri mupenyu kwete kuda kunyengererwa ."
Ndainyara ini yowee ,yakazotengwa ice cream ndikanakirwa ,kwaakuchizoti mabiscuites nedrink nazvo .
Hope muromo wanga wanuna nezipiece rechicken .
Takadzokera kubasa kwavo tikanosiiwa mumota vakapinda mukati kwaakuzobudamo Kuma past 8.
Zvikanzi handingaendi nemi kwandinogara handei kulodge .
Taenda tabhadharirwa room yedu paya tikapinda tese .
Takaitirwa room service food ikauya imomo tikadya ,
Tichati munhu achaenda munhu haangaende dzamara Hope arara. .
Tasara zvino tatarisana nababa vaya ,ini hope dzandikurira ndapinda mublankets .
Ndakazongonzwa zvaakunzi "swedera uko ."
Munhu achitopindawo mublanket .
Ndakaedza kumuka kuti ndirare hangu pasofa raivemo ndichibva ndatsikirirwa makumbo angu negumbo, ruoko rwukauya padumbu.
"Bamunini handisi pfambi handizvide zvamuri kuita !"
End of chapter.
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
138