Felly Novels.
February 25, 2025 at 04:36 AM
[2/6, 07:26] Felly: https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I
Hope and Faith
By Felistas
Chapter 8
"Hapana amboti muri pfambi Mai Hope ."
"Horaiti kana ndisiri pfambi ,ndorara nemi pasame bed saani wangu ?"
"Sababa vemwana ."
"Vanhu vakangoita mwana vese chero nemistake vaakutorara vese ?"
"Ehe ."
"Hakuna zvakadaro musandiedze fuza ndakatoendawo kuchikoro ini ."
"Makaenda kuchikoro kupi ?"
Vakadaro vachitoenda pasofa paya nerimwe blanket .
"KuDaramombe ."
"Makadzidza paboarding school ?".
"Ehe ."
"Ndochikoro chakadzidza vana vekumba kwedu vese kaichocho .
Inini handina kuzopedzisa hangu ipapo ndakazoendeswa kuPrince Edward for A level mudhara anga aakushanda kuHarare ."
"Hoo?"
"Pandakakuona ndaishaya kuti ndakambokuonai kupi izvo takadzidza tese ."
"Ah ini vandakadzidza navo handichambozive kwaakudhara kuya hapasi patoone 25 years ."
"Ok let me remind you ka incident kakamboitika pamwe mungayeuke .
There was this girl aigara Ari quiet anga asina shamwari kudinning aienda ega odzoka ega aingozvi isolater ,so mumwe musi taenda Kuma sports vanhu vanga vakapfeka masports attire vamwe sir vachibva vati iwe Undertaker huya pano ..."
"Nyaya iyoyo handiikanganwe apa ndakanonoka kubuda mazamu ndaitoita semukomana ,kubva ipapo confidence dzese dzakatiza nanhasi handina kanazvivindi zvekumira pane vamwe vakadzi. ."
"Mairangariraka nyaya yacho? ."
"Imimi mainzi ani bamunini paDaramombe ?"
"Joshua zve wemuclass menyu iyeye ."
"Ah bamunini nhema dzenyu ."
"Saka muri kuti ndakachinja Zita here ?"
"Ndimi Joshua here imi ,ndinenge ndaakurangarira maidanana nemusikana ainzi Beyonce Soo tiri ma form four ."
"Ayehwa aidanana na Beyonce mukoma wangu Josphat."
"But makambonetsa imi makore acho .
Apa manga muri bully futi ."
"Mazviona kuti chinhu chinonzi fate hachitizweka ?"
"Fate yei kudzidza tese kunei ne fate ."
"Tasanganiswa futi nemwana wedu Ari mudumbu ,we are her parents no matter what and hukama hutoripo husingafe hwakadzimika ."
"Ende Zimbabwe idiki wena ndashamisika ndimi Joshua wemakore akare Aya ?."
"Ndakatokuyeukai musi wakanzi mukoma Josiah varoora what what ndakakuonai mese ndikati ndi Maggy chete uyu hakuna mumwe ."
"Makaona nekushata here ?"
"No ,you're unique mai Hope ."
"Kwaakungotaurawo henyu ."
"Munhu zvaunozviudza kuti ndiri ndozvaunova ,hakuna munhu akashata ."
"Chiiregai nyaya iyoyo iih mondiudza zvimwe .
And hunhu hwenyu hauna kumbochinja kubva kuchikoro kungoita face iri serious nekurova vamwe. ."
"Pakurova paya I am sorry ndinoripa hangu . ndanga ndiri under mishonga yambuya vaHope ndakazobatsirwawo somewhere ."
"Pasina izvozvo munorema bamunini ."
"Ndiri kuseka wani ?"
"Iih zvatotangawo nezuro uno ."
"Ndoda kuspenda ma last days angu ndichifara ,ndiri kuzvinzwa kuti nguva yangu yaashoma panyika ,ndikaenda kuDRC handidzoke ."
"Munodzoka bamunini ivai neFaith yekuti munodzoka ."
"Handidzoke mwana uyu akazvarwa ndiri kubva ndatanga kupera Simba nekutorwara obvious muvengi anobva atipedzisa ."
"Muri kuemboenderei ?"
"Ibasaka ndiri kufanira kuenda neteam yanguwo ikoko vamwe vakamboenda ."
"Kunei ?"
"Kune Hondo ."
"Mwari wandinonamata will protect you bamunini ingovai nekutenda chete ."
"It's too late ."
"Hakuna chinonzi too late pamberi paMwari ."
"Itongogamuchira zviripo Mai Hope unenge waakuita chirikadzi for the second time ,ndosaka ndisina kuda kuti ndibude pachena kuti ndakudai ,handidi kuti mucheme kechipiri ndaingoda kufa makandivenga musazorwadziwe ."
"Sei musingatendi ?."
"You won't understand ,I tried by any means possible kuti mhiko dzakaitwa dzipinginhurwe zvikaramba pakaitwa zvikukutu .
Kuti ndirarame mwana wangu anofanira kufa,ndakararama kare I enjoyed life Mai Hope.
Ndakapinda nzvimbo dzinoera ndichidya Mari ,munoti nemari yandinowana ndisina mhuri Soo dai ndisina zimota ?
Ndaiziva kuti ndiri kufa Saka handina kutomboita hanya nekuunganidza pfuma ."
"Inga zvakakuomerai zvamunenge muchatozviuraya mega michizama ku prover point ?"
He laughed vakati "Mai Hope musadaro ndinotodawo kurarama ndozoendawo pa graduation yemwana wangu ndichipembera naye but hazvisi mumaoko angu manje I wish I could do something ."
"Okay ."
Kuramba ndichiita nharo nemunhu akato pollutwa mind nen'anga dzake kwaive ku waster time ,ndakati ndomuudza chete Jesu muridzi wehupenyu .
Ndakarara zvangu ndikasiya vachiita macalls avo ,ndakazopepuka Kuma past 12 nguva dzandaimbomuka ndichinamata sometimes kana Paine zvanyanyorema .
Ndakaenda kutoilet ndikadzoka .
Bamunini vanga vakaita kufa nehope.
Ndakabva ndarangarira imwe mharidzo yakaitwa namai mufundisi vachiti "vamwe vachiendera varume vavo kudzin'anga kuti vachengetwe iwe muka husiku Bata kasoro kakaoma ikako woti Jesu ndiri pano ndamira pamukaha ,hongu Desmond haakuzivei asi ini mbabvu yake ndinokuzivai uye ndinotenda kushoko renyu ,kuparara kwake misodzi kwandiri nevana .
Kupererwa nebasa kwake kunotambudza isu ,kurwara kwake ndini ndinopepa.
Muchengetei Mwari kubhawa ikoko kusvika akuzivai ,akugamuchirai ,
Kusvika masangana naye sezvamakita Kuna Sauro achizova Pauro ."
Manje ndakati ko bamunini vakapepuka ndakavabata musoro vanotii nhai ?
Ko ndikarohwa ke ndoti ndaroverwei ?
Ndakambonamata ndiri kure ndikazofamba ndikanogara pasofa pavanga vakarara nechekumapeto .
Ndakatanga ndakaita zvekunongedzera musoro wavo ndikazoti no mhani Hondo iyi haisi nyore ,pane mhiko dzakaitwa apa dzikaiswa seal yeropa .
Let me speak the blood that is better than ropa remombe kana rembudzi.
Ndakamubata musoro iwoyo ndikati "Mwariii wangu wandinovimba naye ,asina kundinyadzisa kubvira ndichitanga kumuziva .
Mwari akandichengeta parugombwe rwemuteyi weshiri napa hosha inouraya zvikuru .
Makatichengeta na Hope hatina musi watakati taomerwa tashaiwa chekudya.
Zvirokwazvo makatitumira chokudya negunguwo sezvamakaita Kuna Eriya gore riya .
Kunyangwe bamunini vanga vaine hukukutu hwemoyo makavatuma kwatiri kuti vave sechimisikidzo chababa mukati mekurarama kwedu.
Chinzwai ishe wangu Muranda wenyu anodana kwamuri ,Joshua haakuzivei haatotende kuzita renyu guru . .
Ndamira pamukaha panguva ino yepakati pehusiku ,zvakaitwa paropa rake achiri mudiki nenguva dzepakati pehusiku munozviziva Mwari.
Mhiko dzese dzakaitwa munodziziva ishe wangu ,asi hakuna chinokunda imi ,iyemi muvambi nemukwanisi wekutenda kwedu.
Onekwai Jehovah munyika yavapenyu pamazuva edu ekurarama .
Kuti hukuru hwenyu hugoonekwa .
Vhumbamirai mwanakomana Mwari wekudenga ,mupei hupenyu hwakakodzerana naye arege kubirwa newakaipa ..."
Ndakanamata Kani zvekuti pandakapedza huro yanga yopisa ,uku misodzi yochururuka .
Ndichipedza bamunini vakabva vati "Amen ."
Ndakanyara Kani ndikati "sorry ndangonzwa kuda kukunamatirai ?"
"Thank you Mai Hope ,ndoziva kuti mune Simba riri mamuri riri kuita kuti Mai vangu vatadze kuuraya mwana Ari mudumbu but rinoshanda pane zvisati zvaitika kwete zvakaitwa kare tisati tazvarwa. "
"Zvakakuomerai ." .
"Ndokumbirawo mhamha vakauya vachiita sevanokudai ,musadye chavanenge vakupai munofa mese nemwana ,she can do anything kuti mwana afe inini ndirarame .
Mwana kana azvarwa musavape mwana kusvika ndanzi ndafa manyatsoona body yangu ichidzikiswa pasi. "
"Hamufe bamunini ."
"Ndoziva munamato unoutemba but be prepared anything can happen ."
Ndakadzokera kunorara hangu ,
Makuseni takamuka bamunini ndovakatanga kunogeza ndichibva ndazoenda ndikazogezesa Hope .
"Maramba nezvinhu zvenyu Mai Hope , ndaisira muzukuru message kuti nhingi yangu ikaramba kurara musi wandinofa ndimai Hope ."
"Ah imi ndisiyei zvangu ini ndovabvunza kuti ndiri chii chake ? ."
We laughed zvikanzi
"Ndiri kudiwa kubasa na 9 ,Saka handei tonotsvaga tuma grocery ndonokusiyai kubhazi ."
"Ok ."
"Dai muchigona driving ndakusiirai mota ."
"Iih ndingasapisirwe musha namhamha here ?mota yemwana waani?"
Takaseka zvikanzi "mwana Ari mudumbu anonziii.."
"Faith ."
Ndakakurumidza kudaro zvikanzi "Why ?"
"I have Faith in God ,muchamubata mwana iyeyu nemaoko enyu ."
"Okay cool ."
Vakanhonga jacket ravo zvikanzi "I can't buy enough groceries zvekusvika vana vangu vakura ,Mari ikauya shandisa brain Mai Hope zvekumusha siya unonogara kuBudiriro nevana wo starter business ."
"Muno starter business ndimi kana madzoka . "
"Usazoendese Faith na Hope kuDaramombe zvauriwe ."
Takaseka ndikati "why not ?"
"Handidi kuti mwana wangu aende kuboarding school kune ma bullies .
Vana vangu handidi navo ,dai zvaigona kukupai imwe nhumbu uine imwe vaita 3 ."
Ndakaseka veduwee .
Vakatakura mwana ,ini ndikatora kabag kangu tikabuda .
Takaenda kuBudiriro kwacho vakaburuka na Hope vakapinda mukati ndikasara mumota ,vakadzoka vakabata makey zvikanzi "pane malodger aripo pano mozouya moonana navo ,ese Aya maspare keys edzimba ine 4 bedrooms ,sitting room ne kitchen .
ndavapa number dzenyu dzinyowani munouya muchitora Mari month-end .
Then Aya ndeepa main bedroom hembe ndabvisa dzese ndaisa musitting room dzichauya dzotorwa , dzinozogovewa , bed ndeyenyu nevana ne wardrobe .
Mhamha Imba iyi havaizive ndakaita kubatirwa mari kubasa kusvika ndapedza kuvaka ."
"Saka ndikatora ini Mari yerent vanorarama sei ?"
"She benefited from pfuma yamukoma Julius ,nanhasi she is still benefiting ,vakatora futi pfuma yamukoma Josiah zvese nemari dzakazobva kubasa kwavo .
Pension yababa ndivo vachiri kingopihwa .
Hapana chavanoshaya Mari vanayo ,don't worry about her. "
"Aishanda kupi Josiah ?"
"Aishanda Kuma passport ."
"Hoo ."
"Yaa kana Paine chandakanganwa kukuudza I will call you ,ndisati ndaakurambidzwa phone ."
"Okay ."
Takaenda mutown ndikatengerwa grocery ne hembe dzangu ,dzahope nedzimwe dzemwana .
Vakaenda nesu kumabhazi .
Ndisati ndaburuka mumota vakakumbira kukisa dumbu rangu .
Ndakavatenderera vakakissa vakapuruzira vachibva vazoti "Yaa ndaakuenda Mai Hope ,don't cry too much be strong for the kids .
And these ones are free from mhiko dzese dzakaitwa ,uchatozoita vazukuru ,muroora nemukuwasha."
"Chiendai mudzoke apa maakungotaura zvisina basa ."
He kissed me padama vachibva vaita the same Kuna Hope .
Vakatakura masaga edu vakaisa pabhazi .
Ndaakutopinda mubus vakabva vandipa envelope vakati "muchengete vana Mai Hope ,ndokumbirawo musaite zvevamwe varume vanogona kuzoparadza pfuma yevana ."
"Ehoi ."
Time dzavo dzanga dzapera vakazobvapo vachimhanya .
Hope anga abhadharirwa seat rake ,ndakaritengesa ini yohwee aigara seat rake kuti zvadii ?.
End of chapter
[2/6, 07:26] Felly: Hope and Faith
Story by Felistas
Chapter 9
Pakarira kaphone kangu ndakatocheuka cheukawo nevamwe ndichitsvaga kuti ndekupi kuri kurira.
ndanga ndambozvijaira here zvemaphone ?,ndanga ndakapedzisira kuita phone kare kare,ndikazoitengesa baba Hope vauya vachirwara.
Sekuru Vandanga ndakagara navo ndovakazoti "phone iri kurira pamuri ambhuya nyatsotarisai ."
Ndakazviseka ndega hangu ndikazokatora muhandbag Mangu mukazip kemukati.
Ipapo ndakati kuchembera hakutane ndakafunga mbuya vaHope mumwe musi tichiri kunamata navo kwavainamatira kuburitsa havo bango rephone musox rakabooka.
Kungoti vanga vakurawo havo hazvina kunyanya kushamisa vanhu .
Yakakata ndikaramba ndakaibata ndichiitira kuti ikaringer futi isandinetse kutsvaga.
Yakazorira tati fambei ndofunga after 30 minutes ndakadaira zvikanzi "Mai Hope ndazofunga kuti munonzi Lizzy not Maggy ."
Ndakaseka veduwee bamunini vaitopenga ndozvavanga vafonera here?.
"Hoo ."
"But hamuna kufeeler bad here kudaidzwa ne nickname ?"
"Handina kana kutombozviisa mumusoro plus magirazi acho ndakatosiya kare , madii bamunini ?"
"Tine maprocess atiri kumboita tosimuka manje manje. Imi maakupi ?"
"Taamukati mukati imomu dzimwe nzvimbo handitodzizive dzekuno but tapfuura pane kuchikoro soo ."
"Ok mufambe bhoo. "
"Nemiwo journey mercies ."
"Ndiri kungokumbira kudzoka ndiri mupenyu chero ndaakurwara hangu ndingoonewo mwana ."
"Hamumbofe munodzoka muri mupenyu ."
"Okay thank you but hope dzandiri kurota nowadays pakaipa handirarame ,hupenyu hwangu hwaakuto transfer wa kupihwa Faith ndiye achararama nepangu ."
"Fear inokonzera kudaro ,unorota zvisina basa. ."
"Ari sei Hope ?"
"Arara uyu ."
"Ngaarare hake akure ndiye achava baba vemusha ,he will protect you na Faith .
Ndamubatisa tsvimbo yehushe yatakasiirwa nababa vedu ndikamusuma kuvadzimu vedu haana chichamuwana ,atogamuchira Simba rehubaba ,tsvimbo irimo mubedroom muya paside pewardrope ,musazoirase Haina mweya yetsvina ndeyehushe .
Kana nguva yakwana ichashanda .
Pane tsamba yakasiya yanyorwa nababa vedu inotsanangura zvekuzoita kana hushe hwadzoka Mumba medu iri muenvelope yandakupai .
Ichengetei Hope anozoverenga ozoziva zvekuita kana ave mambo ."
Vakataura zvakawanda exactly zvakaita Mai vangu vaakufa.
Ndosame zvakaitwa na Josiah aakuda kufa achiti Ari kupa mwana Simba .
Misodzi yanga yangojenga ndichiedza kuimisa kuti isadonhe pane vanhu. .
Ndakasvika pakufunga kuti ko mwana wacho ndakamuitirei hangu kana munhu achizofa Ari mudiki kudai? .
Ndakatanga kuona sekuti Hondo yacho yakatopedza basa kare hapachisina zvekuita .
Kana Simba rekuramba ndichainamatira rakapera .
Takataura zvekuti vanhu mubhazi vanga vaakungonditarisa ,aive nezvakawanda zvekutaura Mari ndoyakazopera .
Takasvika kumba kwaakutosviba bhazi racho raifamba richimira mira .
Ndakasiya ndaviga zvimwe zvinhu mugwenzi ndikanosiya mwana kumba nezvimwe ,pamba panga pari right hapo pasina kana kumbobatwa anything ,panga pasina kana tsoka dzevanhu dzaioneka masiiro andanga ndaita ndiwayo. .
Hope ndakasiya achidya mabanana andanga ndatenga ndikadzokera kuroad kunotakura zvimwe zvinhu .
Nekuneta handina kubika ndakangorara hangu zvakadaro .
Ndakafonerwa na bamunini Kuma past 12 husiku vakati "ndaakuenda Mai Hope ."
"Manga musati maenda ?"
"Ehe pane zvanga zvichinetsa. "
"Ok tokuonai madzoka ."
"Ndangoti nditi we love you Mai Hope ."
"Imimi nani ?"
"Namukoma Josiah ,we will join hands touya kuzokuprotectai nevana ."
"Bamunini kwanai ."
Vakaseka havo zvine kakuremerwa mukati phone ichibva yakata .
Ndakakotsira kwaakurota bamunini vachiti "handichaende this month tazonzi toenda after two months ngatiitei muchato wekucourt kuitira kuti musazonetsekane neproperty kana ndafa ."
Ndaitoitisana nharo navo ndichiti muchato wei ?
Ndochata nemi saani wangu?
Vachibva vaakuita kunge vari kundiitira zvehasha vachiti Saka muri kugarirei mumusha medu kana muchida kuzoita zvevamwe varume ?muri chirikadzi yedu imimi hamuna kwamunoenda ..
Ndichiedza kuexplainer vachibva vandinongedzera nepfuti ndikapepuka Hana ichirova.
Ndakashandisa Simba Shoma randainzwa ndikapfugama ndikananata.
Kunze kwanga kwaakutochena .
I tried phone yavo iye ikaramba kureva kuti vanga vatoenda .
Ndakavhura envelope ndikaona muine photo ravo bamunini netsamba yanga yakangonyorwa kuti mozoratidza vana vangu maphotos angu neamukoma Joe ,manga muine Mari yandisina hangu kuverenga asi yaigona kusvika Kuma $150 ndakangoiisa paside zvinhu zvanga zvakaringana Mumba medu grocery raitipedzera kana 6 months kuri kuti tazvichengetedza.
Ndakaita madays ndichizama phone yabamunini ichiramba ,kusvika ndazogutsikana kuti zveshuwa bamunini vakatoenda kubasa kwavo.
Changa chasara kuona kuti vanodzoka here ?
Mai vaya vekumboti vanosara na Hope vakabva vatanga kutaura ngano hanzi baba vakaramba vakati ko akawana chinomuwana ?Ndakashaya kuti zvino ndomusiya nani mwana wangu ndichienda kuchipatara ?
Ipapo ndakademba ndadembazve kuti dai ndiine hama kana 1 hayo ,kana kuti dai Mai vangu vakahura mumwe mwana why vakangoita ini ndega ?
Ipapo ndanga ndatoo mumwedzi wechi 9 ,Bamunini Joshua vanga vaane mwedzi vasina kudzoka ndakaita kunonzi kuonda nekushaya zano apa mazuva anga ataurwa anga atokwana,
Ukuwo kuHarare vaifona vachiti Mari yerent topa ani ?
Ndaitya kufamba long distance nguva Tanga yaswedera .
Ndakangovati chengetai ndouya kupera kwemwedzi.
Munamato wangu ndaingoti Mwari baba tumiraiwo ngirozi yenyu indibatsire pachikamu ichi . .
Ndakazoona mumwe musi pasvika murume nemukadzi vechidiki vairatidza kuti vanorarama hupenyu huri nani nani .
Vaiita kutarisa pamba pangu vachifinyama kuratidza kusemeswa ,ko zvapaingovewo smart wani ?
Ini wacho vaiti vakanditarisa vokwenyana voseka ,I was used to that hangu handina kubatikana nazvo .
Zvituro vakazviramba vakasarudza kumira ,ndakagara hangu padhuze nepamusiwo wemba yangu ndakazvinyararira .
"Right ndisingapedzi nguva ndiri muzukuru wasekuru Joshua ,vakandituma kuti ndizopota ndichikutarisai nevana pano kuona kwavo havakwanise kudzoka kuhondo vari mupenyu. ."
"Okay vakambondiudza havo nezvenyu ndafara kukuzivai muzukuru ."
Ndakasekerera ndichitika pamwe muzukuru munhu kwaye ndiye ochisara na Hope ndichienda kulabour . .
"Nyaya hombe yandafambira ndeyekuti zvamakaita hazvisi kutifadza zvachose ,ezvino matopedza ana sekuru vangu vese havo ,musha Rava dongo .
Munhu akasaita mwana haasi munhu here ?"
"Ini vakangondimanikidzawo zvekuti vanofa vakatoita vega vachizviziva ."
"Okay ko mbuya Havana kukudzai here kuti bvisai nhumbu ?"
"Vakandiudza ndikavati nhumbu handibvise ."
"Nekuda kwei ?"
"Ivo vari kuzama kuprotector wavo mwana neniwo ndiri kuchengetedza wangu mwana.
Tese tiri ana Mai tinongodawo vana vedu zvakafanana ."
"Ane basa rei asati atomboonekwa uyo ,kana maida vana varume vazere kunze uko munongonoita vana venyu zvisina rufu rwemunhu mukati,ko zvekuuraisa munhu ndozvinei ?"
"Aida vana ndiani apa ?andina kukumbira kuitiswa mwana na bamunini Joshua kaini ,vakandirepa ndikabata pamuviri ."
"Manje musafunge kuti muchawana kana cent pamari dzasekuru Joe dzikabuda muchayaura navo vana ava ,handiti wekutanga makaita muchitemba pfuma ya Josiah now vaa two muchachiona ."
"Hazvina mhosva ndagara ndinongorarama wani naHope chero pasina anything chinobva kuside kwababa vake .
Mwana uyu wamunoona aane 2 years pasina kana cent renyu and achatograduater pasina kana cent renyu futi .
Ari mudumbu wacho achangokura pasina kana Mari yandinoda kwamuri Saka siyanai neni endai monoita zvekumirira kuviga hama yenyu uko kana yadzoka yafa ."
"Kutofarira kufa kwemunhu here uku ?"
"Kwazvo vakararama pavo now yave turn yevana vangu yekurarama .."
"Inga hamuna kana mukanwa henyu ."
Akadaro achitosimuka achibva ati "handei gogo ."
"Gogo mukadzi wabamunini Joshua obvious ."
Ndakadaro nekazeve zeve .
Zvikanzi nemuzukuru "Yes mukadzi waSekuru Joshua ,akadzidza anoshanda ku ma government offices mahombe they were planning to adopt vana vavo dai musirimi makauya pakati ."
"Ngava adopte varambidzwa nani ?achiri mupenyu wani Joshua wacho ?"
"Anosara achichengetwa naani imi mamumuuraya ?"
"Nemika hama dzaJoshua plus Mari dzichabva kubasa kwake."
Akapererwa akafamba achienda.
Ndakasara ndikavesa kamoto kangu ,ndanga ndaakunzwa kapain kaingoita zvekutinyangu nyangu konyarara .
Ndakazama kukurumidza kubika but ndisati ndapedza masigns ekuibva kwemimba anga avepo .
Ndakatarisa Hope ndikaona kuti kumusiya ega hakutoite zvachose hapana zvaiziikanwa .
Ndakasimuka ndikabatirira madziro .
Labour pain Haina hayo mukuru kana mudiki ,Haina ndakashinga inongorwadza zvakafanana zvaunozoita nekurwadziwa kwacho ndozvinoratidza hushingi hwako kana kuteta.
Ndakakotama ndikati "Hope huya nephone ."
Akamhanya mumba akanouya nephone ,
Ndanga ndagara ndiine number dzevamwe Mai vatainamata navo murume wavo anga aine mota .
Ndakaedza nkumber dziya dzikaramba .
Ndakazama dzamai mufundisi dzikaita but plan vakati vanotokwanisa kuiwana mangwana kwaedza.
Ndiri mukati mekutambura ndakanzwa "hodhi hodhi pano ."
Munhu one aidaro ndiTalent ndakati Mwari mandibvira nepiko apa ?
Handina kuda kumbotaura naye zvakawanda ndakamuudza zvaivepo zvekurwadziwa nemimba chete ,zvekuti nhumbu ndeyani or yakabvepi panga pasina nguva yacho .
Akaronga nyaya dzetransport akatofonera munhu akati ndaakuuya handina kuzombomubvunza kuti wabva nekupi munhu akasodzingwa basa kare kare ?takaita chipata pata kubuditsa zvinhu bucket ne bag.
Ndikamuudza masariro aaizoita na Hope .
Ndakakwira mota nechikwama changu chemari ndaisazomutruster kusvika pakumusiira Imba ine Mari ..
Ndaifunga kuti ndichasvika nekutosununguka but hazvina kuita sekudaro ,
Mwana akanonoka kubuda ndakarwadziwa husiku hwese ,ndikamuka ndikaswera ndichirwadziwa.
Hakuna kana akauya kuchipatara .
Talent akazouya manheru akawana ndasheneruka muromo .
Ndakamupa Mari yekutenga kamuriwo neyekukwirisa mota pakudzokera kumba.
Manurse anga aakuti kukaedza zvakadai maakutoenda kuprovincual hospital motonochekwa mune mabones echirume .
Ndakanamata ndikati Mwari kuchekwa zvekare hakuite ndine kamwe kamwana kachiri kadiki ndovachengeta sei neronda iroro?.
Ipapo Mwari vakanzwa kuchema kwangu ,Faith akabuda hake zvakanaka .
Pandakaratidzwa mwana ndakamhanya kutarisa face ndikaona kunge akafanana nababa vake munamato wangu wanga wanzwikwa .
Kwanga kwasara wekuti baba vemwana vadzoke vari vapenyu .
End of chapter
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
149