Felly Novels.
February 26, 2025 at 05:13 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I
My Father's Wish.
Story by Felistas .
Contact
0783857336
Chapter 15.
Clara
Ndaifunga kuti Givemore anorambika
zviri nyore but ndakazoona kuti its
not easy ,sepaya pandakati
ndiburutse mumota handichakude
ndaifunga kuti zvatopera izvo
kwaani ?sisi Cathy pavakaenda
kupharmacy akabva aisimudzira
zvikanzi
Give.......saka maarrangements
ekunoroora how far ?
Me......ekunoroora ani ?
I asked ndakafinyama .
Give.......I am sorry Clara, ndanga
ndangorwadziwa nekuti wakarasa
ring yangu ukapfeka yasomeone ,ndiri
munhu wenyama ndinobatikanawo .
Me......akuudza kuti ndeya someone
ndiani? .
Give.......I am not blind Clara and
kuchikoro ndakatoendawo, ndinoto
kwanisawo kusiyanisa zvinhu, anyway
ngatisiyaneinazvo hedu tironge
zvimwe .
Me.......ini hapana chandinokwanisa
kuronga newe izvozvi ,baba vangu
vakati ndisaroorwe ndisati
ndakwanisa 18 years ,kana
uchikwanisa kundimirira its fine.
Give......18 years dzine basa rei ?Chii
chausingagone?
Me......handisati ndaaready kugara
nemurume .
Give......chii chausati waaready Clara ?
Iwe uchingopa ana Ryan muchero ?,do
you know kuti Ryan anogonav
kukuturner into a prostitute ukazotadza
kuroorwa, hapana munhu asingazive
kuti Ryan ndewe mahit and run chero
ukabvunza anyone, unodirei kuramba
uchizvitambisa ndogona
kutokunakidza kudarika Ryan wacho
tiri mumba medu and uchiziva kuti
you have nothing to loose baba vako
vanenge vadya mari kare .
Me......haumbogone kuita zvinoita
Ryan iwe usanyepe unotooneka
nestep yako kuti hapana zviripo, plus
do you know kuti Ryan ane magetsi
mumaoko ake ?
,akandibata muviri
unogwina gwina wese and you ?
Kundibata ndotobaiwa baiwa .
Akabva ararisa seat rake achibva
arara akabata musoro nemaoko ese
,maziso ake airatidza kuda
kuchema ,I felt bad nezvandanga
ndamuita ,ndakamboda kuti sorry but
ndakaona kuti sorry iyoyo
inonditadzisa kuramba Givemore .
Ndakabva ndatarisa kuside kusvika
sisi Cathy vadzoka ,takaenda kumba
mumota hapana aitaura nemumwe
sisi Cathy vaitova nebp dzavowo .
Takasvika ndikaburuka ndichimhanya
kuenda kumba zvaGivemore ndanga
ndisisade aizonditadzisa kupinzwa
mudenga rechinomwe
naRyan, ndaizoroorwa hangu
nasomeone ndaane 25years handiti
baba vakanga vati take your time ?
Ndakasvikobatidza tv ndichibva
ndatobatwa nehope ndikazomutswa
nasisi Cathy vakaita kusunga chiso
ndakapinzwa mubedroom
ndikatestwa nhumbu ikawanikwa
iripo,
Ndopandakazopepuka ndikatanga
kufunga kuti ndakaitei ?Kuita mwana
ne17years ndasiyanei nasisi
Carol ?
sisi Carol, vatorinani vari
kumurume koini ndicharoorwa nani
nemimba iyoyi Ryan
ndozomukwanisa here iye ane mbiri
yekutambisa vana vevanhu achisiya
ini hangu ndakosheyi ?
Ndakabuda ndakapfeka hembe
dzangu dzekwaMandishora
ndikapinda musitting room muina
bamukuru naDiva vachiona bhora .
Ndakambomira zvishoma
zvekutopererwa chaiko .
Bamk......ko murikumirirei mainini
endai munowana door ralockwa uko .
Me......bamukuru ko ndikazoenda
Ryan wacho avepo bamukuru ?, kondikadzingwa
namai vacho ndokumbirawo
kumborara ndofuma ndichidzokera
kumusha hangu .
Bamk.......mainini musada kukoka
hasha dzangu manzwa here? Budai
muende kumuridzi wenhumbu .
Voice racho rangarakwidzwa vasisaite zvema jokes .
Sisi vakabva vabuda mubedroom
mavo .
SisCathy......usanyeperwe hako Clara
Ryan haambobvume gara hako
mwana wamai vangu unonofira mahara
kwanaRyan uko .
Bamk.....are you out of your mind
Cathrine unoda kudzidzisa mwana
uyu chii kana uchidaro?
let her go
mhani! Unotivese vakatizira
vakatanga nekugamuchirwa here ?imi
mainini endai tione, Ryan haana
kumbopusa zvekupa munhu mimba
asingazive zvaari kuita endai
munopedzerana .
Vakadaro vachindipushira panze
nekutovhara door .
Ndakanzwa sisi Cathy vopopota
"Pakawana chinoitika
kumunin'ina wangu I am not going to
forgive you Denzel!Ndisiye mhani
uko ,ndisiye nditeere mwana wamai
vangu kani!!!
Ndakasuduruka padoor ndichibva
ndanopfugama nechekufence
inoganhura kumain house
nekucottage paiva nechimuruva soo
Ndikatanga kunamata Mwari ndoyega option yanga yasara .
"Mwari ndakakumbira kuti
ndisabhinywe naRyan musi uya
mukamurega
achindibhinya ,ndikakumbirazve kuti
mimba isabata mukarega ikabata, I
know kuti munechinangwa nezviri
kuitika muhupenyu hwangu ,nekuti
shoko renyu rinoti for I know the
plans I have for you ,plan s to prosper
and not to harm me,plans to give me a
hope and a future ,ndaakukumbirawo
ishe wangu ndigamchirwe kumba
kwaana Ryan ndinoziva nekusadzidza
kwangu neurombo hwangu
handikodzere kunge ndichipinda
muimba yehumambo yakaita
seyekwaana Ryan, asi imi Mwari iyemi
makaita kuti Esther aitwe vahosi
venyika yose ndimi zvakare munoita
kuti ndigamuchirwe kumba
kwaRyan ,tumirai kupenya kwenyu
Jehovha pachiso changu ndisava
semunhu anoshoreka zvakanyanya
pamberi pavo.
Ndanamata nekutenda
muzita raishe wedu anouya amen. "
Ndakasimuka ndikapukuta misodzi
yangu nehembe ,ndikapukuta mabvi
angu nemaoko .
Pandakatendeuka ndakaona uncle
Diva vakamira kumashure kwangu.
Diva.....endai mainini munhu
anonyanyotyisa ndiRyan nababa
vacho, Ryan haamborambe hake kana
nhumbu iri yake zveshuwa akaiisa
imomo achitoziva, haaite mistake
yakadaro .
Me.....ok.
Diva.....regai ndikuvhurirei kagate aka
,mukabvunzwa kuti mapinda nekupi
moti nekugate hombe ,because
mukati nekuno motipinzisa
busy, padoor munobaya button rered
Rinobva ravhurika ,kana ralockwav
rinobusisa pakanzi enter password
munonyora zita raRyan muchibva
nekwarinoperera
Its like "Nayr" manzwisisaka?
Me.....ehe.
Ndakavhurirwa gate ndikapinda hana
yangu yairova zvisingaite, ndanga
ndisingazive zvekutarisira kumba
kwana Ryan kwacho ,mai Ryan vacho
ndaisavaziva nyangwe gogo vacho
vaitaurwa ndanga ndisati
ndambovaona .
Ndakafamba ndikasvika padoor
ndichibva ndambomira, ndakabvisa
ring yangu ndikaisa mupant ndaitya
kuzoitorerwa ndobva ndadzingwa
ndikasara ndiri pazero
Ndakabaya button rered racho door
richibva ravhurika nepakati imwe
piece ichienda uku imwe uku .
ndakafara hangu because
zvepassword zvaigona kuzondinetsa
Ndakapinda mumba muya
ndainyatsonzwa kuti ndapinda
mune imwe nyika isiri Zimbabwe
kakunhuwirira kacho kainyatsouya
mumhino dzangu, carpet yacho
ndaiita sendiri kufambira pacotton
wool ,ndaitarisa tennis
yekwaMandishora yaifamba ichinyura
mucarpet ,do you know kuti ukapinda
mumba mune smell yakanaka
unokurumidza kunzwa dikita rako
richinhuwa? Ndozvandainzwa ipapo
ndaitozviona ndiri tsvina chaiyo
mumba imomo ,ndosaka Ryan aiti
hazviite kuti ndikuroore difference
yedu was too
much, ndakazozvisimbisa nerekuti
with God nothing is impossible .
Ndakaramba ndichifamba vanhu
vaive nechekumberi kwaive
nemasofa ewhite pure white chaiyo
,vaisambondiona nekuti
vaiconcentrator neTV ,Tv yacho yaiburitsa munhu sezvaari kwete yasisi
Cathy yaibudisa tunhu tudiki.
The
house was well decorated ana sisi
Cathy vaive nebasa shuwa ndosaka
mari yavo yaipfuura yemamwe macivil
servants mhani .
Ndaifunga izvi ndichifamba
ndichienda kwaive nevanhu kutokanganwa kuti ndiri mumba mevanhu hangu.
Ndakazovhundutswa nevoice
rakascreamer
"Auntie ,auntie mhamhaaaa Kani "
Ndakasimudza musoro ndikaona ari
mukadzi angangoita zvekumaearly
40s ikoko, anga amira zvino pane vamwe
mai vechikuru achiita kudedera
akanditarisa
Maive chikuru vakabva vati
"Hezvo ko zvauchandigarira nhai mai
Ryan ?ungabva watya munhu
zvekudaro here miraka tinzwe kuti
anodei?
Mai Ryan......apinda nepai mhamha
rinenge benzi iri, aunty !!!
Aunt.......yes maa'm .
Mai Ryan......budisai munhu uyu
panze please, daidzai maguards
ekugate mugoona baba vaRyan
vakatomboti ndikuisirei guard padoor
ndikaramba ,go and call mauncles
ese now .
Gogo......mai Ryan dzikama iwe ,unoti
angaiteiko mwana mudoko akadai ?
miratinzwe kuti anodei.
Chii nhai hako muzukuru chakusvitsa pano nehusiku hwakadai ?
Me.......ndauyawo ndine nhumbu yaRyan .
Mai Ryan.......nhumbu yaani?Asi
mashura kani ?anonzi Ryan wacho
unomuziva here or wakambomuona ?
Gogo......wabvepi?
Me......kwaGutu.
Mai Ryan.......saka Ryan akakupa
mimba kupi manje?
Me......ndaigara muMarondera nasisi
vangu .
Gogo.......saka wauya nani pano ?
Me.....ndega .
Gogo.......ko sisi vadii kukuperekedza ?
Me.....varikurwara.
Mai Ryan......saka nemiwo mhai
maakutozvibvuma kuti ane mimba
yaRyan???
Gogo.......hamenoka kungoti mwana
wako anoshereketa uya haarambirwe .
MaiRyan.......achishereketa netsvina
dzakadai here mhai?imi vasikana vaanouya
navo hamuvaoni here?iyo mimba
iri kungonzi mimba iri pai ipapa dumbu
rakasvava haro .
Gogo......ndeye musikanazve nhai
,hauoni kuti zamu ramukurira here
iro ?
Mai Ryan......wapinda sei muno iwe ?
Me......Ryan ndiye afonera maguard
pagate kutindipinde, achibva
andiudza mapindiro epadoor .
Ndakanyepa zvakapusa ndaigona kutozodzingisa vanhu vasina mhosva basa ndakangoti Mwari pindirai .
Vakabva vambotarisana
Amwene nemuroora .
Gogo......ko aregererei kuuya newe
Ryan wacho?
Me......ati ari kuchikoro ari kuuya .
Mai Ryan.......wadii kumirira kusvika
weekend mozouya mese ?
Me......ndadzingwa kumba .
Vakabva vatora phone yavo vachibva
vadzikisa volume yeTV.
Ndakanzwa vaakutaura paphone
vachibva vazocutter
vachiridza tsamwa hameno vanga
vaudzwei naRyan .
Ndakabva ndagara hangu pacarpet
ndiri zii semwengawozve .
Gogo vaye vakabva vatosimuka
vachienda kunorara vasina
zvavataura ,
gare gare mai vaya vakabva
vasimukawo .
Mai Ryan......aunt make sure all the
doors are locked ndaakunorara ini .
Aunt.....ok maa'm .
Vakakiya madoors ese aunty vaya
vachibva vadzima malights neTv
nekutobudawo .
Ndakasara ndakangogara paya, chete
mumba macho maiita kakudziya
zvishoma .
Hope dzakazongondibatawo
ndakagara kudaro ndikazopepuka
ndapreswa newiwi .
Ndakaedza madoor ese anga
akalockwa .
Apa wiwi yacho yaiva nenharo
chaidzo .
Ndakazotora zicup reglass raitorwa
mvura nagogo vaya ,I think aunt
vacho vakange vakanganwa kuribvisa
or rairara imomo .
Ndakaita wiwi yangu imomo
ndichibva ndavhara ndakanga
ndasunungurwa manje .
Ndakadzokera panzvimbo pangu
ndikanyatsodzipfodora hangu ,
Ndakazomuka makuseni ndichirohwa
rohwa. Ndakavhura maziso ndikaona
vari aunty vaya vaindimutsa.
End of chapter .
❤️
😂
👍
🙏
😮
😢
267