Felly Novels.
February 27, 2025 at 05:42 AM
[2/6, 07:26] Felly: Hope and Faith . Story by Felistas . Chapter 10 . Pandakapihwa mwana wangu ndakamubata zvakanaka ndikati "Faith you're the head and not the tail. You're a winner not a looser ,you will succeed in everything . You will love God with all your heart . Mweya yerudzi Haina nzvimbo pauri ,mweya yemadzitete akafa asina chinobatika ,mweya yehuroyi ,mweya yema drugs ,mweya yechipfambi ,mweya ye lesbianism Haina kana nzvimbo muhupenyu hwako nezita raJesu christu mupenyu anorarama . You will serve the lord God all the days of your life. " I kissed her paforehead ndikapukuta tumisodzi ,ndanga ndave Mai rwepiri ,Mwari vanga vanditruster zvekare neimwe soul . Being barren for a long time taught me zvinhu zvakawanda. Ndakadzidza ku appreciater chero kanhu kadiki ,mumwe anoti mwana ane basa rei ? But kana usina kumbochema husiku hwese nenyaya yembereko you won't understand . Talent paakangopinda muchipatara akabva ati "zvazoitaka?" "Ndipe makorokoto ." "munhui first ." "Mukomana ." "Ndaakudzokera hangu kumba ini ." "Musikana hako iwe ." Akachonjomara akarova gusvi ndokuti "mamuka sei nekuswera amai ?" "Ndamuka hangu uri sei ?" "Ndiri kufara adzimai vangu vanga vakamirira inini kaava ?" "Yaa uchingodzoka vachitotsvaga pekubuda napo ." "Anonzi ani ?" "Faith,..Ko Hope aripi ?" "Nhasi tatakurwa na Zviko asara naHope mumota Ari kumbotaura paphone ." "Zviko ndiye upi uyu ?" "Zviko wambuya Zviko muzukuru mukuru hamumuzive here?.". "Haakuvadze mwana wangu here nhaiwe Talent ?." "Haa Maya munhu Ari bhoo atori kuside kwenyu Mai Hope ." "Ayehwa kani haungazvinzwisise enda unotora mwana Talent .." Akabva apinda muzukuru uya wekumboti hamuna chamunowana papfuma yasekuru ,akagara pane kamwe kabench kuzvipatara zvekumusha munenge musimborina vanhu vakawanda hamo kazhinji wekusununguka unenge uri 1 . "Enda unotora mwana Talent ." Muzukuru akapinza maoko muhomwe akaburitsa makey ndokuti "ndalocker madoors unongobaya this button yotovhurika. I thought maybe mwana haadiwe mukati munomu so ndangosiya akarara." I didn't comment ndakaramba ndakatarisa Talent aibuda. "I am sorry Gogo ,sekuru introduced me to both of you nagogo vandaive navo vaya. Saka musi uya vakatonditi handei tinoone mukadzi akamitiswa na Josh wacho vaitove nehasha paya that's why ndaidaro but ndiri munhu bhoo hangu . I couldn't take your side because ndoziva muri munhu anonzwisisa. Ndakatozouya nezuro makuseni kumba kwenyu ndichida kuapologiser ndikanzwa kuti mave kuno . Makorokoto mbuya ." "Ndeedu tese. " Akaburitsa $50 akati "motenga mapamper amhamha vangu ava ." "Maita henyu ibvai mangotenga mapamper acho. " "Kungotaurawo kwechikuru munongotengawo zvamunoona zvinodiwa pamwana ." "Huyai nemapamper vanhu vekwana Josiah handitokunzwisisei zvachose Mari yenyu ndoitya ." "Musadaro Gogo ndopandingakuroyei here ?" "Handidi kungodiwa all of a sudden. " "Zvino sekuru zvavakati mukanzwa kuda murume mondidaidza zvinobuda here apa ?" "Ndichinzwa kuda murume wei ?" "Saka mochembera musinga nhangirinwe ." "Ndotadza nei ?" "Hakuna zvakadaro ,chatisiri kuda mumwe munhu wekunze pamuri. " "Hapana mumwe munhu achambouya pandiri musandityire zvenyu ,vana vangu ivava vakandikwanira ." "Mune ropa Mai Hope munodawo service apo neapo ." "Handisi kutomboda kunzwa nyaya idzodzo zvachose ,kana mashaya nyaya budai muende. " "Ok Saka maramba Mari yemakorokoto ?" "Ndairamba ." Vakadongorera mwana vakati "Sekuru Joshua vakabuda zvavaida chaizvo ,dai midzimu yavatungamira vadzoka kumba vari vapenyu ." "Vanodzoka ." "Vakatanga kurwara vari pakati pehondo vanouraiwa . Ndivo captain ka Saka captain akapera Simba zvadhakwa ." "Ndivo captain ?" "Yaa vanenge commander kunge captain ndivo vari kutungamirira boka ravakaenda naro vanenge vaine chi over over vachi communicater neteam musango ." "Vanhu vachimborwireiko nhai ?" "Ah hameno zvezvicherwa nemiganhu kana hutungamirira ndozvinowanzo rwirwa ." "Zvakaoma hazvo ,asi Mwari anomuchengeta hake anodzoka Ari fit and fine ." "Tovimba kudaro Faith anodawo baba ,kana Hope anodawo baba . Iri zidununu rinogara mudress mamai harimbofe rakafunga kuti ndine vana ." "Dununu ripi ?" "Sekuru Josphat ?riya ndobaipai dzetse haro ." "Musadaro hanzvadzi yamai venyu kutotuka Mai ikoko ." Hope akabva apinda na Talent achitoratidza kuti Ari kubva kuhope hake . "Hesi Kani mukoma ." He smiled ndikati "huya uone mwana wedu .' "Mana wedu ?" "Ehe anonzi sisi Faith ." Akadongorera akagegedzera kuseka hake Hope, anga afara Kani kuona mwana wamai vake akabvunza kakawanda kuti "ndewedu hele ?". Sanike Faith paakasimudza tuoko haa akafara Hope zvisingaite . Manurse akazongoti endai kumba muri right mese nemwana mozodzoka after 3 days ,takatakurwa nemuzukuru kunosvika kumba chaiko . Mumba manga muri smart Talent anga agadzira Mumba. "Saka mbuya ndaakuenda anything chanetsa ndiudzei ,tsano sis venyu vanoda kutarisa pfuma inouya don't worry ." Ainzi tsano ndiTalent manje . "Ko Tete vadiki vaya varipi ?" "Akanetsana nagogaz ka Saka Ari kungombeya nenyika pekugara dololo . Vese ana sekuru vamwe vanochengetwa na mbuya va Zviko Saka hakuna anombomutora ." "Hii aripi Saka ?" "Hameno kwaaishanda kuHarare ndakapedzisira achichema achiti ndipeiwo kana pondo hayo ndikamutumira $10 ." "Mundipe number dzavo ." Ndakapihwa number ndikazama dzikaramba . Muzukuru akaenda ndikati kunaTalent "wakadzoka kwasabhuku ?" "Ayehwa iih hakuchadzokeki uko ." "Saka uri kugarepi ?" "Hapana ndaakuda kutodzokera hangu kumusha ." "Saka wanga wangouya kuzotiona chete ?" "Ehe ." "Kubva kumusha kwenyu kwese ukoo ?" "No takauya tichida kuchera Mugodhi kuvillage 13 uko tichibva tabata dombo vamwe vangu vakadzokera ndikati regai ndione hangu Mai Hope ndisati ndadzokera. " "Inga une rudo hako nhaiwe ,Saka kuri sei hako kumusha ?" "Kumusha kuri kurwadza hakuna kana Mari ,basa harisi kubatika inhamo yega yega ." "Dai ndiine Mari hangu waitongogara pano uchiita garden ndokupawo Shoma kupera kwemwedzi. " "Haa Mai Hope kana mahara ndogara handidi Mari ndongoda peace of mind chete , kumusha kwakaoma uku ,apa unenge uchigara na stepmother wombopomerwa kuti wandipindira ndichigeza wonorohwa Kumapurisa ,apa mhoms vakafa vachindizvara handina kana hama yavo 1 yandinoziva vakangovigwa pachibhanditi itori imwe ngozi kaiyi , haa life yacho maone ." "Manje ini ndinemba one Talent vanhu vakazoona tichigara tese manje ma 1?" "Ndorara hangu kana panze Mai Hope ." "Ah nhaiwe panze ?" "Ehe ndovesa moto zvanhasi nemangwana , ndozongovaka chimba chehuswa ndimi munhu wandinototi hama yangu Zimbabwe yese Mai Hope ." Ndakaseka hangu ndikati ,"horaiti Talent unogara hako ,for the mean time unomborara munomu mangwana wotsvaga munhu anotivakira chimwe chimba uwane pekurara kusvika wawanawo basa ." "Maita basa Mai Hope maita henyu ,Mwari akukomborerei ." Akatenda nemoyo wese kumusha kwacho kwanga kusina kumira mushe . I understood him neniwo ndanga ndisina hama ,kutowana stand iyoyo yaive muzita Ra Hope inyasha dzaMwari chaidzo . Akamboti ndovaka ndega ndikati no Mari ndinayo tsvaga vanhu vanokubatsira faster faster . Akatsvaga shamwari dzake dzaaitamba nadzo kare vakanotenga mapango nehuswa kumapurazi . Vakaswera vatomisa chimba chemapando kwangosara kuturika denga nekunama nedhaga . Pakapera 3 days Imba yanga yatobuda . Door ndakatuma Talent kunotenga kumashops . Ndaitemba Mari dzema lodger kuHarare hangu . Imba yapera ndakamupa mablankets maviri nechicarpet . Hembe chaidzo anga asina ndakamupa kamari akanotenga kumabhero matrouser nematshirts . Talent anga Ari mwana mudiki chaiye ,aive ne 19 years ,aiti iye akasiya chikoro Aine 15 years kwaakuuya kuzoshanda kwaSabhuku kwaanga atsvagirwawo nevamwe Mai vaitengesa mazitye kumusha kwavo ikoko . Life history yake yaisiririsa ndakati vanhu vakadakunetsa ndongovati ihanzvadzi yangu mwana wamai ini munin'ina wamai ndopavaizoenda neni Kuma DNA test here ? aiziva kwandakabva ndiani.? Plus iye Talent anga atoudza Zviko kuti ndiri hanzvadzi yamai Hope. . Tete vakazofonawo vachichema hanzi ndaane six months ndichingoshanda ndisingapihwe Mari vari kutora advantage yekuti kwekuenda handina . Ndikati huyai Tete tigare ,zvaizovharawo miromo yakaipa pakugara kwandaiita na Talent . Vakauya musi iwoyo kufamba nehusiku kureva kuti ndanga ndanonoka ndataura . Talent akanovatora kuroad Kuma past 11 dzehusiku ,vakasvika ndikavati rarai Tete tozotaura mangwana kwaedza . Ndanga ndaane vana vangu four pamba ,kuita kwaMwari kunoshamisa hako . Talent ndiye wandakatuma Harare nephone yangu kuno collected Mari dzerent . Tete ndakati handitombode kuti vazive kuti kune kunobva Mari ,hameno dai kuri kutizwa na Talent nemari yetwo months iyoyo ndaiita zvekudii ? Akauya nayo yakakwana yese hayo ,ndakazama kumupa $10 akati kwete musandipe Mari machengetero amuri kundiita pano dai ndirini ndinotokupai mari sisi . Muzukuru aifona achiti Hondo iri kutsva kuDRC but hatina chatati tanzwa kana update . End of chapter. [2/6, 07:26] Felly: https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I Hope and Faith. Story by Felistas. 0783857336 Chapter 11. Kubuda kwaro nekuvira kwaro taingoteya nzeve kuti tinzwe kuti Hondo iya haichipera here bamunini vakadzoka ? Tete ndovaiti ndakapasa history Saka zvekuhondo ndozviziva zvese, vachitiudza nhema dzega dzega ndakazoseka ndikati "Tete syllabus yakazochinja zvariini iyi ,History yamakaita sandiyo yatakaitawo here ?" "Inogona iri same but maakukanganwa zvimwe inzwai maiguru ,hondo yakasiyana nezvimwe zvese zvisina basa zvinoitwa panyika ,dai kuri kunzi vakaenda kunochengetedza runyararo zvaive nani vaiwana mukana wekufona kuno kumusha ,manje Hondo vanenge vari Kuma base hakudiwe phone haufunge kana mukadzi nevana ." "Umm Tete zvekufunga zvinorambidzwa here ndiani ano tarisa pfungwa dzemunhu ikoko kuti afunga here kana kuti haana ?" Talent akadaro zvikanzi na Tete "Inzwai inini ukafunga vana uri kuhondo unopfurwa nemuvengi wakavarairwa Saka kutombokanganwa zvese ." Takaseka tikarovana maoko na Talent ,kana Hope ndakaona kaakunyemwererawo ,aimwaya masmile kunge baba vake Hope ,wandaityira ndiFaith kuti pamwe angaite sababa vake vanosunga chiso kunge bhinya ? Tiri pakati pekufara nekuseka takanzwa "anybody home ." Nekavoice katete kechidzimai . Takatarisana zvikanzi futi "Helloo ." Talent akadongorera akati "muri kuda ani ?" "Mai vepanapa varipo here ?" "Ehe varipo, ndoti vari kudiwa nani ?" Ndakabvisa mwana pamukaka ndikati "itai vapinde sekuru Talent. " Mainini vaya vekumbouya vachifinyama vakapinda vachichema tumisodzi twegarwe ,ndikati" ko zvadii ?" zvikanzi "Ndatukwa navamwene hanzi mukadzi wa Josiah akanovaka kustand kwemurume wake enda unovakawo kwemurume wako ." Ndakaziva kuti vanenge vasina kuwirirana pamabasa apa ,aisaziva kuti vamwene vanofambwa navo husiku ,ndofunga ropa ranga ratadza kuwirirana . Plus mainini vacho vaive mwana mudiki havo hapana zvaiziikanwa vanenge vanga vakangograduater kwaakutosangana nemusoja vakaroorwa vasati vambokura. Zvekushanda Kuma government office dzaive nhema. . "Ko asi maakutogara kuno zvachose here ?" "Yes zvakanzi nanamhamha vangu enda kumusha kwemurume wako wonomumirira ikoko,Joshua futi akasiya ati ndigare kuno kumusha kuitira kuzojairana nemwana so that kana arumurwa hazvizonetsi." "Mwana upi ?" "Vaitaura zveiyeyu wenyu paanga Ari mudumbu ,kuti paanobuda I have to create bond naye .." "Kana majairana naye macreator bond zvozodii ?" "Ah vaingoti tokwanisa kuzotaura nemi tomuadopter togara naye then tokupai Mari anenge ave wedu zvachose ,manje ndiri kutoona kuti baby wacho Ari kutokura Joshua asiri kudzoka ." Ndakaseka ndikati "hazvife zvakaitika izvozvo kunyangwe muchirota mese muri two na Joshua wacho ,chamungatoite kunamata Mwari akupei mwana kwete wangu or mono adopter kumusha wevana uko kunochengetwa nherera ." "But baba vemwana vane right yekugara nemwana wavo ." "Mwana waaniko nhai mainini ? Pamwe pese ndiri soft but pamwana here chero husoja hwenyu haushande pavana vangu handidi munhu ,anoda mwana anoita wake ." Vakabuda vakatsamwa ndikati hwana hudiki veduwee? Saka ndozvavainyeperwa na Joshua wavo izvozvo ? Vaona kuti nyaya yemwana haibude vakatanga kuuya vachitsvaga hushamwari zvishoma nezvishoma ,takawirirana asi ndichiziva zvandiri kuita nepekugumira. I helped her kuvakisa Imba yavo one room yemarata pavanga vapihwa naamwene vavo, ini ndikati ko kuri kutsvira muhuswa imomu nevana nhai veduwee ? Kwaakuvakisawo 2 rooms dzangu dzemarata . Taisimbisana namainini kuchurch tichienda tese everysunday. Ndaingovaudza kuti bamunini vanodzoka, one day muchachema nemufaro chete vasvika makavarairwa musina kana kuzvifungira . Vakanotora kamwana kecousin yavo yaitambudzikawo , kanga Kari kadiki kasati kaakumboenda kuchikoro hako ndofunga zvekuma four five years zvanga zvaanani vane kamunhu pamba pavo ,asi kwangu vaiuya havo vachitandara dzimwe nguva taibika todya tese vozongoenda kunorara . Kuuya kwaFaith mulife mangu kwakaita kuti ndivarairwe pakunamata ,kaimbochema husiku imwe nguva ndononoka kurara Saka ndaitongogara ndakaneta always . Ndaingomatawo zvimwe zviya zvekuti semutendi hauzongorare usina kuti n'ini n'ini . Faith mumwechete iyeye ndiye akazoita kuti ndinamate mumwe musi arara achichema kumupa mukaka haadi ,kusvusvudzira kana kunyarara 3 to 4 hours mwana achichema none stop changa changosara kuenda pamabvi chete . Ndakamubata zvakanaka ndikapfugama ,ndakamubata kudaro bamunini crossed my mind . Pekutanga ndakatombofunga kuti ndiri kungofunga but ndakaramba ndichivaona mumaziso mangu vakanditarisa . Hana yangu yakatanga kurova zvakasimba . What is the meaning of this vision ? Instead of praying nekuda kwemwana ndakatanga kunamatira bamunini Joshua ,I prayed nemoyo wangu wese ndichikumbira Kuna Mwari kuti whatever situation yavari Mwari vakundisei . Kana vachiri kufema chete Mwari vachengetei ,vapei Simba ,varwirei ,Mirai navo . Ndakaramba ndichingodzokorora those same words . Mazuva ese ndaisimbovanamatira hangu but musi uyu ndakanyatsonzwa kuti apa ndanamata . Pandakapedza kunamata Faith anga aakutodya zvigunwe aakutsvaga mukaka ,ndakamupa akayamwa nekubva atokotsira . Ndakararawo ,neni hope dzanga dzandikurira , Musi uyu ndakarota bamunini Joshua vari musango neshamwari yavo vachinyangira sezvataiona masoja achiita muma TV, vaine pfuti vachigwesha nedumbu vombosimuka vomhanya vopfugama . But ndichiona shamwari iyi yairatidza kuti ine hunyengeri ,bamunini Joshua vaiti vakatarisa kuside shamwari iya yosimudza Banga kuda kuvabaya . Nekwandaive kwacho kuti nditi bamunini honai vanga vasingandinzwe . Ndakanamata kuhope ikoko ndikati Mwari tumirai mununuri pakashaya mununuri bamunini Joshua vanobaiwa newavanodya naye kwete nemuvengi . Ndakazopepuka hangu ndaakutorota zvimwe zvisina basa but hope idzodzo handina kudzikanganwa ndakamuka ndichidzifunga and dzaindinetsa . Everyday pakurara ndaifunga Hope idzodzo ndonamata zvekunamata zviya ,chandaiziva ndechekuti kudenga Kuna Mwari asinganyadzise . Dai ndaienda kuchurch dzemweya pamwe ndaipihwa dudziro manje kuchurch kwedu kwanga kusina izvozvo zvekududzirana hope . Ndakaudzawo Tete na Talent mumwe nemumwe akataura zvake . Hanzi na Tete "ndimi muri kuda kutobaiwa nekamunoti mainini aka kachinyepera hushamwari. "" "Regai kuvenga munhu asina chaakutadzirai Tete ,munoda kuti hanzvadzi yenyu igare isina mukadzi here ? 40 years munhu asina kumbounza mukadzi pamba zvinoitawo here? vakatogona mainini vakauya otherwise taimuviga negonzo mukoma wenyu. ." "Asina kumbounza mukadzi pamba ndiani ? Kwakauya Maphosa akarohwa akaenda kukauya Madhuve akaita one week akanzi rova pasi ,kukauya MaDhliwayo ndiye akambogara akazotiza Ivo Mai venyu ivava...." Vaiita kuverenga zvigunwe ndakaseka ndikati "Chisiyai maMlilo vagarewo asikana support her panouya bhudhi momirawo naye ." "Ayehwa Faith anoda baba vake namai vake pamwe chete ,mukoma Josh ngavakugarei nhaka . " "It doesn't work like that Tete ,you will understand zvelove izvi kana makura ." "Ndakatombopinda dzimba mbiri ndichibuda zvelove ndozvinzwisisa plus ndichakura kuendepi hangu? ndakura ini." "Muchiri mwana mudiki imi ndiri kutotsvaga anoitisa malessons kunoku akudzidzisei munyore o level naTalent next year tione ane pfungwa dzinodhonza pakati penyu ." Vakatanga kuitisana nharo mumwe achiti haundikundi mumwe achiti haundikundi. Tete na Talent vakave masiblings andisina kumbobvira ndawana ndichikura ,taifara pamba pedu nyaya dzichitsva tichiseka nemoyo wese . Chainditadzisa kuglower nekuitawo shape yakanaka yebody kwaive kuzvi isolater ,zvandanga ndawana hama kudai haa ndanga ndaakutofitwawo nehembe skin kutotsvedzererawo mufunge . Vana vandaigara navo vaishanda veduwee imwe nguva ndaitovati zororai mumboite zvemabook . Garden redu rakaita mazimuriwo nemadomasi Talent aive very honest aiti akatengesa chero 50 cents aiuya nayo oti sisi oyi . Ndaitambira ndichichengeta ndaiziva hangu kuti kana yawanda ndichamuitira something . Tete ndakavapawo yestart pashoma yandaiwana , vakatanga kuhodha tuma nice nice twaidiwa nevechidiki ,maface powder ,maperfume tuma handbag ,ma cap ma necklace .. Amwene vangu hazvina kuvaitira mushe but pamba pangu paisasvikika ndaingonzwa nemakuhwa kuti vari kufamba vachitaura zvakaipa pamusoro pangu ,vakataimira mumwe musi ndaenda kugarden na Talent vakati "Ukati chako chipfambi hachisi kunyatsoita kwaakupandutsa nemwana wangu ?waivepo achikura here mwana iyeye waivepo?kwandakamuwana unokuziva here ?" Ndakasimudza musoro ndikati "Matiiko mhai ?" "Mhai mhai kudii zimuroyi puuu handisi Mai vako ini ndipe kuno mwana wangu." "Mwana upiko mhai handisi kunzwisisa ini ?." "Puuu Satan !" Vakasvipa ndikadzokedra hangu pakutimbira muriwo . Vakamboita sevaenda vakadzoka ndokuti "Josiah wakauraya ,Joshua wamutadza waakuti sika sika na Juliet unodei chaizvo pavana vangu ?" Pekuti Joshua wamutadza pakandiitira bhoo kureva kuti bamunini vanga vachiri vapenyu. Vakapopota kunge vakagarwa ndikasiya zvakadaro ,Tete vanga vasipo havo vanga vaenda kunoteera Mari dzavo mumaraini ndakati zvakagona because vaigona kuzopindura mai pfocho which was not good . Mazuva akafamba mwana akatopinda mufour months kureva kuti bamunini vanga vaakusvika six months vasipo ,muzukuru ndiye aingondisimbisa achiti vanogona kutopedza gore variko vozouya kana Hondo yadzikira . Kunamata handina kurega ndaivanamatira everyday ,ndaiona kunge zvinyatsori effective ndezvekunamata ndakabata Faith wacho, ropa ravo ranga riri rimwe chete raizotsvagana ikoko minamato yosvika kwairi kufanira kuchengetedza . Yakazopinda call me number dzakaita kuti Hana yangu irove katatu kakasimba. Ndakadaira maoko achibvunda ,ko zvema country code zvese Tanga takatozvitsvagirwa natete hanzi mukaona number dzinotanga Soo dzafona ndimukoma Josh . "Hello" ndakadaro ndakavhara maziso moyo uri mudenga denga zvikanzi "Lizzy ." "Ndokumbirawo respect ." "Kana matombobvisana zvemukati respect hapasisina ." "I am happy you're alive bamunini ,Kudenga Kuna Mwari chokwadi I feel like crying ndichinzwa voice renyu kudai . ." "Your love and prayers are with me . I don't have time ndatongoita musikanzwa kukumbira phone uri sei nevana nhai Eliza ?" "Tiri right yedu ,imimi muri sei bamunini ?" "Ndiri right handina kana pari kurwadza , Ita kuti ndinzwewo mwana wangu please ." "Haasati aakutaura uyu ." "Mutswinye acheme hake ndingonzwe." "Haacheme she is very stubborn kunge baba vake ,ukaona ochema anenge Aine zvaaona husiku not kuchema kurohwa kana kutswinywa ." He laughed vakati "Ok ita kuti Hope auye paphone two minutes ." Ndakadongorera panze ndikapa Hope sign yekuti huya . Akauya achimhanya ndikati "taura na baba vako ." Hope achingotora phone Faith kakabva katangawo noise ,hameno kuti yaireveiwo kamunhu Kane six months ? . Akanzwa noise yevana vake Joshua akafara ndakazopihwa phone na Hope zvikanzi "I love you Lizzy with all my heart ,please keep yourself for me ndinouya very soon ." "Ok ." "Ndati I love you ." "Ah hezvo nhai bamunini ?" Takanetsana nenyaya iyoyo ndichiramba vachibva vazoti "Ndiri musango zvimwe zvacho mongoitawo kuti zvipere ." "Ok I love you too ." "Itai kwazvo ." "Ndatomboita hangu ?." "Inini ndati I love you Lizzy ." "I love you Joshua ." Pandakadaro ropa raitomhanya richinoita serinonoungana pazasi peguvhu ,apa ndichibvunda kunge munhu adirwa ice. . I closed eyes ndichiteerera kafeeling kandainzwa muhana mangu. Nguva iyoyo mainini vakapinda vachitoda kubvuta phone yangu vanenge vanga vanzwa pekuti I love you Joshua. End of chapter .
❤️ 😂 🙏 👍 😮 😢 187

Comments