Felly Novels.
February 28, 2025 at 11:01 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I
My Father'wish.
Story by Felly.
Contact
0783857336
Chapter 19
*Clara*
Kubva pakaenda Ryan ndaingogara
ndakazvivharira mubedroom
maRyan imomo, ndaingobuda
ndichinotsvaga something to eat
ndotodzoka mublanket hangu .
Nguva
yangu zhinji yaive yekurara kana
kuona tv.
Panyaya yekugeza Ndaingoverengera
ndichiti ndogeza mangwana
,mangwana ndiye mangwana until
saturday morning pakasvika
Ryan; ndakati ndichibva kumuka Ryan
achibva apinda akabata tambo
dzemagetsi.
Ndisati ndambodii ndanga
ndakutorohwa apa ndisinga zive kuti
ndirikuroverwei ndakatanga
ndichademba kudzamara ndati
shoyoyo, akarova kudzamara aneta
akangosiyawo
Paakabuda ndakazonzwa
aakunetsana nana aunty vake ,ini
ndangandaita kugara pasi chaipo
ndichiteerera marwadzo.
Vakapinda ana aunty vakasviko
tangana nebasa rekucleaner sisi
Cathy vakazouyawo later vanga vari calm
vachitotaura neni zvakanaka and this
time vanenge vanga vaakusupporter
Ryan ndakanzwa voti
Sis Cathy......Wotonokumbira
ruregerero Kira murume wako
atsamwa zvisingaite.
Me.....murume wangu upi?
Sis Cathy......Ndazoona kuti anokuda
,haapinze munhu mubedroom make
even mai vacho munongopinda iye
nababa vacho.
Me.....Munei?
SisCathy......Mune hukoshwa
hwepano paDamba.
Me......zvikwambo here?
SisCathy......kira uchandidzingisa
basa iwe.
Me.....Ko ndadii nhai sisi ,kutodawo kuziva hangu?
SisCathy.....Ndati ndakanzwa kuti
ndomunogara mari dzana
Ryan,nemapepa edzimba
nemacompany asi usazozvitaure
unotiuraisa naRyan haadi kuti
zviziikanwe.
Sisi vangu makuhwa vanenge
vaimawanza nemafellow maids avo,
Ndakazopedza kugeza
ndikanyatsonzwa kufurwa
nemhepo,ndichibva ndachizotanga
kupinzwa china naaunty Martha
nasisi Cathy
Aunty Martha......munodiwa mainini
tazviona mochiitawo munhu kwaye.
SisCathy......Ukanyatsomugonera
anonobvisa mari kumba baba
vakafara.
Aunty Cathy.......Sepamubhedha apa
nyatsoita zvidavado zvese,zvekuti
anokanganwa tusikana twese
twaaitambanatwo,anenge
aakungofunga kuti kumba kuna Clara.
SisCathy......Sewe hako Kira muviri
wako hauna kuoma, wagara
waitamba ngoma dzekuZion
kaiwe,wongoita saizvozvo kumurume
wako.
Me......ummm sisi zvinoita here zviya?
SisCathy......Handirevi kuzeya zeya
kuya ndoreva kutambisa chiuno.
Aunty......wotombo mudzidzisa
Cathrine handiti unoziva kuti
bamunini vako ava ishasha
,akasvotwa anoenda kunotsvaga
zvimwe
Kutomuitira maitirwo azvo chaiwo
achiona nekuti mwana angopinda
mumba pasina kana kumborairwa
natete kauyu.
Sis Cathy.......Zvandombo zivirepi
hangu ?ini wacho ndini ndakarairwa?
Ndakangopindawo mumba ndiri
murima saKira iyeyu ndotodawo
kudzidza.
Aunty....Ummm ko zvariri basa nhai
,manje nguva yapera ndingadai
ndambo kudzidzisai zvishoma, zvino
iii boss vakazoita kuuya kunovega
hapana chakanakira chimwe,vari
kutoda munhu wavo handiti waona
mapindiro avaita makuseni paya?"
Vakaseka havo mahousegero
ekwaDamba.
Sis Cathy......Chienda Kira ukasvika
woita sewadonhedza tauro
nemistake, kutsamwa kwese
kunopera kuya .
Aunty......Kana waridonhedza
womufuratira wokota ma slowly
uchirinonga anokuregerera faster
faster.
SisCathy......Aunty mune
misikanzwa imi.
Ndakaenda ndakamonera towel
chete.
aunty nagogo vaive musitting
room.
Ndakangosviko vhura door
ndikapinda,the room was so woow
handichakuudzei hangu zvamaive
makaita mozoti inyaya yekuti Kira
akakurira munhamo ndosaka
achingoti zvese zvese woow.
Ndakambomira ndichimutarisa
ndichida kuona kuti Bp yakamira
sei?pandakanzwa
achindinyengerera
ndakabva ndatoita
manyemwe
,zvekukumbira
ruregerero ndakabva
ndatsveta kure ndainge ndotoda
kunyengererwa kusvika ati I Love you kira.
Haa I love you yakaramba kubuda
ndikatosiyana nazvo ndakanga
ndanonokerwa nekukwenywa mukati
chaimo.
Ndaipota ndichida kuedzesera
kutamba ngoma yezion zvainge
zvataurwa nevakoma zvino Ryan
aibva ati urikuomesa
nyama,ndaka zozvirega hangu
tikangoita zvatainge tajaira.
Takapedza tikanogeza heduna Ryan
wangu achindibatsirawo nepaigona
napo,
Ndakazopiwa hembe dzekupfeka
manga
makawanda madress hanzi
handidi hembe dzinosunga mwana
wangu.
Ryan akamukira kudzokera
Sunday makuseni hameno kwaainge
atumwa naatezvara.
Ndakasara hangu ndikaenda
kukitchen kunotsvaga chekudya
ndopandakaona mai Ryan nagogo
vakachena chena kuratidza kuda
kutobuda.
Ndakarwadziwa mai Ryan ndaifarira
kungoswera ndichivaona nyangwe
havo vaisataura neni.
Ndakabva ndatosiya zvese zvandaiita
ndikavatevera panze ipapo
Vakafamba vachienda kumota
ndikatevera ndaiita
sendaakupenga ndainyatsonzwa
shungu dzekusada kusiiwa namai
Ryan
Pavakavhura madoor ndakabva
ndamhanyira kumother seat.
Zvivindi zvacho ndakashaya kuti ndazvihidha kupi ?
Mai Ryan......kwakanaka here?
Me.....ndoda kuendawo mhai.
Ndakateedzera matauriro asisi mai
Tary vaiti mhai kuna vamwene vavo.
Mai Ryan......(vakambotanga vaseka
vachirovanisa maoko)kupi kwaunoda
kuenda plus do I look like mhai vako
ini?
Ndakamboda kuseka hangu chirungu
chaisvisvinwa nemuroora
wekwaDamba,waiti ukavanzwa
vachitaura nechirungu waizviramba
kuti ndiro dofo rairehwa nagogo.
Me.....ndoda kuenda kwamuri kuenda
ah ndisare ndega kana hazviite.
Mai Ryan.....you are now crossing
your limits, usafunge kuti kunyarara
kwangu kureva kuti ndaka kuaccept
no,ndiri kurespector my son Ryan,
Now get out of my car!!!
Gogo......ingosiya tiende naye kani
mai Ryan.
Mai Ryan......kupi kwandinoenda
nebenzi irori,vanhu vanoti ndiani
wangu iyeyu nekuti vanoziva kuti
handifambe nemamaids, ndishaiswe
chimiro muchurch hangu haa bodo
ngaasare hake isu vamwe tinema
positions ekumberi muchurch
ndoonekwa mumota mangu
muchibuda zvakadai kwete
ndaramba.
Gogo.....chimhanya unochinja hembe
dzekurarisa idzo upfeke kwazvo
tiende muroora.
Me......ah vanonditiza ava
Ndakadaro ndichinyatsoisa seat belt.
MaiRyan......imi mhamha hamuoni
kuti murikutaura nebenzi haro,munoti
dzirimo dzese here umu?
Gogo....chihandei tese muroora
wangu ndonokumirira uchipfeka ini
havambondisiye.
Me......vanondisiya ava gogo.
Ndainge ndaakutonakidzwa nekuita
musindo hangu ndainakidzwa
nekutsamwa kwaamwene vangu
vechirungu ava
Vakapopota vakadii chavakatadza
kundirova chete,vakazopedzisira
vandiperekedza mumba macho wani
vachingoridza tsamwa
vakasvikomira padoor vakabata
chiuno.
Me......pindai mhai mugare pacouch
mukaramba muri ipapo handichinje.
Mai Ryan.....mwana iwe usada
kundijairira ndichapedzisira
ndakurova unoda kuti ndipinde
mubedroom memwana wangu here?
me......kungosender pic rine dama
rakadhinda mbama chete kuna Ryan
muno muona achidonha pano like
now ,plus muno hamusi mubedroom
maRyan ndemangu main bedroom
raRyan riri uko,muno munenge
ndemangu.
Vakapedzisira vaseka vakapinda
ndokugara pacouch
Ndakatora dress rangu
vakakurumidza kuribvuta vachibva
vazonditsvagira kamwe kaiita sekuti
pfuurei mabvi zvishoma pane ainge
atengwa naRyan,vakabva vati
ndiende kunochinjira mubathroom.
Ndakakiya door kut vasabude
ndikaenda ndikanochinja ndakadzoka
vakandigadzira kumeso nemusoro
tikabuda,
Takasvika kumota gogo vasinga
gone nekuseka.
Gogo......mimba iyika gore rino
tichaonesa.
Mai Ryan.....haiwa mhai munongo
tunhidzawo munhu imi,mimba yadii
hayo kushaya hunhu chete
zvinotoratidza kuti nekunobviwa
ndizvozvi.
Vakasara vopopota havo ini
ndatorelaxer hangu zvangu zvanga
zvaita,vaifamba road yese vachiridza
masongs egospel kusvika tave
kuHarare takaenda kuchurch
kwacho,panze paive pakapakwa
mota mbishi yairatidza kuti ichurch
yemhene,ana baba vaKira nana
achihera vaisakwana imomo
maitodiwa isusu vakadzi vanaRyan
nana mai Ryan vacho
Ndakaramba ndakasonana namai
Ryan gogo vakanogara pavo vega,kuti
vandidzinge pane vanhu zvaisaita futi
,ndakanogara pachair yepamashure
pavo because machairs ekumberi
angaazara.
Service yakaitwa ikapera
ndainyatsoteerera mharidzo ende
yaikomborera ndakabva ipapo
ndatowanawo zvangu zviviri zvitatu
zvaida kugadziriswa muupenyu
hwangu.
Church yakapera vanhu vakatanga
kumhoresana,ini ndaingova
mumashure maamwene vangu
paiuya vakadzi vakasiyana siyana
vachimhoresana naamwene vangu ini
zii hangu sendisipo ndaitya
kuzobvisa amwene chimiro.
Woman......hi how are you Mrs
Damba?
Mai Ryan......Iam fine dea how are
you?Kurisei kumba?
Woman.....kumba kuri right ko uyu
ndiani kouyu?(vachireva ini)
Mai Ryan.....hoo uyu she's my late
sister's daughter anonzi Maria.
Woman......oh hie Maria,i am sorry
for your loss
zvinowanikwa,wotomupa rudo
rwaamai MrsDamba akafirwa ari
teenager achiri mudiki ndoage
inodiwa mai iyoyo,please take good
care of her, she is so beautiful
ndotoda kuti aite muroora wangu.
Vakaseka zvekumanikidzira amwene
vangu .
Woman.......Iam serious Mrs Damba
ndichauya kumba naGerald totaura.
Ndakamboda kuseka nereaction
yaamwene vangu
vanga vapusa zvino.
Takafamba tichimiswa nevanhu
vachingotaura zvimwe chete vamwe
vaiti ndoda kuti aite muroora vamwe
mabrothers aida manumber,mimba
iyi yaikwezva varume zvisingaite
kubva iine one week brother
Givemore vanga vatotapirirwa kare.
Ndakaseka hangu amwene vangu
vachipinzwa mumuforo
vakapedzisira vataura chokwadi kuti
UYU MUROORA WANGU MUKADZI
WARYAN please stay away.
Ndakanakirwa hangu chero gogo
vakaseka, pakuenda kumba vakanga
vatsamwa maiRyan.
Mai Ryan.......haiwa shave
rechipfambi iro unotoda kunamatirwa
dhimoni rekupfimbiwa pese
pese,utorine shavire mubhawa
rino kutsvagira macustomer iwe.
End of chapter
❤️
😂
👍
🙏
😮
😢
466