Felly Novels.
March 1, 2025 at 07:16 AM
[2/27, 16:25] Felly Novels: https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I
Hope and Faith.
Story by Felistas .
Chapter 14.
Rufu rwabamunini Joshua rwakandirwadza kudarika rwaJosiah wandanga ndagara naye makore matatu nemwedzi yakawanda .
Ndave ndega kumba kwangu ndopandainzwa chest yangu kusunga zvakasimba ,ndaizopona nekutura befu ndofema mhepo nyowani .
Ndakatadza kuzvigamuchira zvachose kuti hakuna bamunini vachadzoka ,vakatofa zvakapera vakarova .
Imwe nguva ndaidzungudza musoro ndega ,wekubvunza mibvunzo panga pasina .
Ndoona sekuti chakandikanganisa ifaith yakanyanyisa yandanga ndaisa ipapo .
"Maiguru wanai nguva yekuchema please ,now patokwana one week hamusi kurara ndokunzwai muchingotura befu husiku hwese " .
"I have to be strong for the kids tete ,ndikachema zvinozodii ?"
"Kuchema kwakagara kuriko and haisi sign yekuva weak kwete .
It's a way of grieving ,just letting go all the pain ."
"Bamunini Joshua was just a person akangofanana na anyone ndakachema zvakatokwana tete ,let him rest ."
"No maiguru you have to cry mubuditse pain yese for the sake of vana they need you .
Mukadonha ipapa Hope anoita sei ?"
"Handidonhe tete musandityire ,God is with me ."
"Muri kuita kunge maakuita give up kunamata kwacho wani ?
You didn't pray for one week now ."
"Ah hameno tete handichazive kuti kutenda kuno shanda ndekwekusvika papi ?level refaith inoshanda nderipi .
Josh akafa ndichifaster tete. Musi wakaputika bhomba ndanga ndisina kudya nekuda kwake handina kana kunwa mvura even Faith akashaya mukaka nekuda kwababa vake ,previous night yacho handina kurara ndichinamata kuti adzoke kumba ari safe and sound. But still akangoenda zvakadaro handichazive tete handichazive ini how will i survive kana Faith isingashande ndoziva zvipi manje ndichararama sei?."
Ndakachema neshungu tete vachindibhabhadzira kusvika ndazongonyarara hangu ndakasvinura ndakatarisa kumadziro .
Mazuva akafamba ndichingoti pandazvifungira ndichema ,imwe nguva ndichibva kugarden ndaingoerekana misodzi yaakuerera ndozopukuta nezambia .
Sometimes ndaipinda mutoilet ,kusvika pandakazoti zvakwana ndachema moyo wareruka .
Ndakazvi comforter ndega neshoko raMwari .
Kuverenga Bible kwakandibatsira plus madzimai ekuchurch akambouyawo kuzobata maoko vachindisimbisa nema hym.
Papera mwedzi ndakazviona ndega kuti ndaonda kwangosara tsoka nemhino chete .
Ndakati Talent aende kunotora mari ndikamunyorera list yezvinhu zvaaifanira kutenga zvinonaka zvekuti timbodye nemhuri yangu .
Talent asati asimuka ndakafonerwa nevekubasa kwaJoshua vakati tokumbirawo musvike kuno Kuma offices,kuya kwatanga takamboenda na bamunini paya..
Mumwe moyo wakambofara ndikati pamwe Joshua mupenyu vakaita mistake .
Ndakaenda na Talent na Hope tete vakasara havo Vega.
Talent na Hope vakananga kuBudiriro ini ndikaenda kubasa kwabamunini .
Moyo wakatonhora ndichisvikonzi "Zvekare tine hurombo nezvakaitika pamurume wenyu ,Inzira yedu tese ..."
Vakataura mashoko ekunyaradza ndikati saka vandidaidzirei ?
"Mushakabvu Joshua akasiya anyoresa imimi kuti muzotambira mari yake,uye akati pasave neanozviziva kuti mari iyi yapihwa imimi ndosaka takudaidzai muchivande kuti tikusvitsei .
I almost fainted panga Paine mari kwete yekutamba nayo .
Mari yakasviba kuti tsvaa .
Ndakatambura mabricks Ema USD .
Zvikanzi zvekare muchange muchitambiriswa pamwedzi pamwedzi kusvika machembere .
In the event yekuti mafa vana vachiri pasi pe 18 years vanouya vachitambira zvekare mari iyoyo .
Vana vaviri vakanyoreswa vachabhadharirwa chikoro nehurumende kusvika vapedza ."
Ndaka signer mapapers ndikanzi ndinofanira kuperekedzwa kumba nemusoja nekuti mari yanga yakawanda .
They helped me nemetal box nekey yacho yekuchengetera mari yangu kana ndisati ndafunga zvekuita .
I decided kuenda kuBudiriro kwaakuwana bag rehembe dzabamunini ringorimo musitting room ndakati ndicharipa muzukuru towards nyaradzo .
Ndakavhura ndikaona mungori nehembe chete ma jeans mat shirt ne fashion wo dzavo.
Box remari ndakamboisa pasi pebed ndikazoti no inogona kupazirwa imba ikabiwa regai ndiende nayo kumusha .
Talent akanotsvaga sadza Kuma shops tikadya .
Kurara pabed pabamunini Joshua kwakandipa manightmares kutorota ndiinavo nhai ,vachitoita kunge vari kuda kutoenda kubasa kwavo vatokiya uniform ndichitovati saka ndounifirm ya brigadier general here iyi? vachitodzungudza musoro.
Ndakamuka ndichisekerera Hana yangu kwaakuzorova ndafunga kuti zviya vakafa bamunini .
Mazuva iwayo ndanga ndisisacheme hangu.
Ndakatoudza Talent makuseni akati "vakafa vaine shungu yekushandira mhuri yavo. "
Takapihwa mari dzedu tikarongedza kudzokera kumusha .
Talent handina kumbomuudza zvebox raingove mubag haana kutomboriona .
We arrived home safely ndikawana zvese zvakarongeka tete vachitobva kunodiridza garden .
Ndakapinda mumba ndikaisa bag range riine box pasi pebed ndikati it's either muridzi wayo achauya achiita plan dzake or Hope ndiye achatanga business nayo akura ,USD hampered power .
Ndakabuda ne $40 pamari yandanga ndakachengeta ndikava Tete na Talent $20 each ndikati go and spoil yourselves .
Vakamboda kuiramba ndikavanyengerera kusvika vatambira.
Vanhu vacho were business minded ndaiziva kuti ichatospiniwa chete kuti iwande .
Ndakaseka hangu ndikati "mari ndati ndeyekudya mumwe anonyura akaita zvekutamba .,"
"Ndirikuda kutonotenga maseeds Ema cucumber nema carrots ipapa ."
NdiTalent woo uyo ndakanhonga chidhinha ndikati "ndokuponda Talent enda unotenga chicken inn uko."
"Ini ndotenga pizza hangu handijaidze mari ."Tete vakadaro ndikati
"Ndoda kuiona pizza iyoyo kwete kuno order ma earrings. "
We laughed ndichichinja mwana side rekuyamwa .
Ndakabva ndanzwa "tisvike pamusha ."
Ndakasimudza musoro ndikaona amwene vangu ndikati "svikai mhai ."ndichiisa mwana pasi.
"Ini nembwa hationane Mai Fechu ndodzitya chaizvo.."
Apa kwavo kwaive nedziya dzemaziromo .
",pano hapana imbwa apa ."
"Ndakadaro ndichitofamba kuti ndiende kunovatambira zvikanzi "hapana imbwa ?"
"Hapana apa svikai ."
"Chihuyai mutambire pasuru dzaFechu idzi handichasvike ."
Ndakafamba ndikanotambidzwa paper bag yanga iine tushuga ndofunga one cup yanga yakasungirwa paplastic ,kagodo kesipo ne half gaba dovi .
"Ndangoitira mwana akasiiwa haikona kuzoti tazviwanira pano imi vanhu vakuru ."
I smiled ndikati "haa mati tingadaro here mhai ,maita basa henyu ."
"Kana zvapera munouya ndokupimirai zvimwe zvemwana asi izvi mwedzi unopera ,ndoda kuti arambe akagwinya kudai ."
"Chokwadi maita henyu mhai ,regai tizomubikira porridge. "
"Ngaadye zvine hutano murungu seni mbuya vake kauyu , ini ndichikura ndaive muchena akati mbembee atora ruvara rwangu ."
"Zveshuwa apa ndimi zvenyu makabuda mhai ."
"Dai makatomuti Neria zita rambuya vake ."
"Hatina kuziva ."
Yanga iri mugood mood chembere yacho ,ndakavaperekedza kusvika kumadhunduru avo ndikati ndaakudzokera .
Vakati fambei ndokuti "Mai Fechuu ."
Ndikati "mhai."
"Huku yakasosodza nezuro kana twati samhukei unozouya wotora Kahuku ka Fechu ."
Ndakazarirwa ndikatadza kunyatsofema nekuedza kuvhara setswa ndikazoti "ehoi mhamha ."
"Pakaita svondo mbiri munouya motora twunenge twaakugona kuzviparira ."
Ndakakotama sendinhonga chinhu ndichifa nekuseka,kwaakuzokosora ndichienda kumba kwangu ne paper bag .
Ndakasvika ndikaisa zvinhu zviya mukitchen ndikati "Tsano na tete zvinhu izvi ndezva Faith musabata zvinofanira kupedza mwedzi "
"Okay ."
Vakadaira vari serious ndikaseka hangu .
Mwedzi waiteera I surprised Talent ndikanobhadhara ma lessons ekuti awane kunyora provisional .
Tete ndakavabhadharira chikoro chekuruka ndaivaona hangu vachinetsana nemusoro wangu hanzi musagerwa ndoda kukurukai .
Pandakavaudza vakapfugama pasi ndikati "no musadaro muri vana vangu future yenyu yakakosha ,pamwe ndichatadza kuchemberawo mozowana kuriritira Hope na Faith ."
Talent akachema akati "Mwari akuitirei zvinokuchemedzai nemufaro tete Mai Hope .
Misodzi yekufara ngaiyerere pamatama enyu gore rino risati rapera ."
"Inoerera kana mabata license tsano ndoda kuti mumboende Kuma lorry muchi gainer experience mozotanga kucrosser border muchienda kunana DRC kwese uko ."
"DRC ine bad memories ."
Tete vakadaro ndikati "ndoda kuti Talent azonditakurawo kuenda ikoko rimwe gore pane zvandiri kuda kunoona ."
"Kunotora Dota rahubby rakasara ?'
"Yes rinofanira kugara mupillow mangu ,Joshua igamba.
My life has a new meaning nekuda kwake ,vana vangu vanodya vachiguta nekuda kwake ."
We laughed about it panga patokwana 2 months kubva kufa kwaJoshua .
Ndanga ndisati ndahealer hangu but ndanga ndaakugona kuhandler pain yacho .
Mwari vakazopindura munamato wangu tikazonzwa kuti munhu wekuuraisa Joshua abatwa nyaya yaongororwa nanamazvikokota ikabuda pachena.
Yaive shamwari yaJoshua zveshuwa yakanga yaita izvozvo anga asiri ega aivewo nemukuru aimutuma vese vakasungwa .
Ndakatoendawo kucourt kwacho akabvuma mhosva yake anga abatwa negodowo hake,akatongerwa life in Jail ,Amwene vangu vakachema vakati "ndoda kumubvunza kuti hupenyu hwemwana wangu hunoenderana nechigaro chepabasa here?
Wakadii kundiudza ndaimusiisa basa racho odzoka hake kuzogara pamusha ari mupenyu wotora hako chigaro chacho?
Shungu dzakandikurira ndikati saka pandakatadza ndepapi .
Mwari akandiratidza wani ndikatonamata nezvazvo? .
Kana Hope ne Faith zvanga zvapera kuti hwaa ,ndakaona sekuti hazvishande zvachose .
Ndakakumbira photo raJoshua kubasa kwavo ndikaenda naro kumusha ndikariisa kumadziro mubedroom.
One day tete vaenda kunorara kuchurch na Talent ndakararisa vana vangu .
Ndikapfugama kuti ndinamate ,ndanga ndapera Tariro nekutenda hangu but zvekuti kudenga Kuna Mwari ndaiziva .
Ndichingoshama muromo phone yakabva yaringer .
Ndaisimbo ignore macalls kana ndichinamata but apa I couldn't ,vana vanga vaenda kupungwe vanga vari safe here first .
"Hello new number ."
"Mai Lizzy makadii ?"
Pane akazevezera akati "Lizzy izita rake mhani iwe."
"Maiguru Lizzy inini ndinonzi Malvern rekuhondo ndi chabhenda chabhenda ."
"Okay ."
"Tiri padhuze nepamba penyu so tatya kungosvika tikati munogona kungooma mukafa ,saka tiri kuuya ipapo batai Hana yenyu katatu moti Joshua is a true soldier haauraike zvekumhanya .
Joshua is a true fighter haauraike.,Joshua is a true hero ane maballs ..."
"Haa iwe shaa uri kutiiko?"
Voice raive kuseri rakadaro .
Ndakabvisa phone panzeve ndikamboitarisa ndikadzosera panzeve zvikanzi "Lizzy I am back my love . "
Ndaka screamer ndikati "musauye kuno ibvai pandiri ibvai ibvai ibvai maihwee Kaniii ,ndaakuenda kwambuya vaHope musanditeere please ndinofa garai kwamuri kuDRC ikoko."
Ndaidedera zvekutadza kana kuzvi controller.
Phone ndakaita yekukandira kure .
Ndakatakura Hope uku Faith uku apa vanga vakakotsira ndikapinda nemumahuswa ndichiti ndikaona chinhu ndoscreamer ndakasvika kwaamwene vangu ndaakuita kunge ndiri kumhanya mumvura mabvi arembuka vakatambira mwana ndikadonha pasi chaipo ndisisakwanise kana kudii nekubvunda .
End of chapter .
[2/27, 16:25] Felly Novels: https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I
Hope and Faith .
Story by Felistas .
Chapter 15
Joshua .
"Unoziva dzungu Haridi munhu we chirume soo?"
He laughed akati ",Mai Lizzy Vatiza iwewe pawati hee I am back my love.
Ndakuudza kuti siya inini ndisvike first ndotaura nebabe ronzwisisa zvakaitika iwewe wozosvika ."
"I don't trust you pamukadzi wangu especially husiku hwakadai ."
"Inga wakati chipukandipemwenje wani ?"
"Yes she is not beautiful sekufunga kwako .
But in my eyes she is the most beautiful woman ,I am standing here today because of her love ."
",yowee Kani ibvai kuno garai kuDRC ikoko ,kwanzi kudii zvimwe zvacho ?"
Akafa nekuseka hake Malvern.
Ndakapumha mosquito ndichiedza kufunga kuti zvino ndodii ?
Ndorarepi kana munhu wacho achitya kudai ?
I wanted her to be the first kundiona manje iih munhu wacho ?
Anenge anga atonoparidzira vanhu vese kuti ndafonerwa ne ghost ya Joshua .
"But she is the complete opposite of zvawaitaura .
Hee Mai Hope is calm and collective,
She is mature ,she is a prayer warrior ,munhu ane bapu regwai iyeye ?"
"Keep quiet let me think ."
"Uchafungei iye mukadzi atove Kuma periods havataneka Ana Eve ava kungovhunduka nekutovhura mapombi ?"
Apa tanga tisina kana Mota tanga tangoita zvekukwira matrucks tikasiiwa 17 km away from home kwaakufamba nemusango kusvika tasvika kudhuze nekumba .
"Totomborara mumuti ndozoita plan mangwana ."
"Ose machena mukuru wangu ,but we are supposed to report kucamp as soon as possible. "
"Mai Hope first zvimwe zvese hazvina basa.dai ndakafa Taino reporter kupi ?"
Takatsvaga pekurara pakanaka musango raitsvagwa huni nevanhu ,ndaive ne chingwa mu satchel ndicho chatakadya tikarara.
Makuseni ndakaenda kunohwanda muchikomo uyuwo Malvern achienda kunoona kuti Mai Hope vari sei achivazisisawo nezvekudzoka kwangu nenzira kwayo inoita kuti vagutsikane .
Ndakatsvaga makaita muchuru chaimo ndikarara pakadombo kaivepo .
I was happy to be home ndiri mupenyu ,I couldn't wait to see my family especially my daughter wandanga ndisati ndamboona ..
Mumaziso mangu ndaingoona ari mutema samaivake akanaka sa dady vake .
Kana kuti akafanana namai vake asi ari mushava sababa vake .
Zvese zvanga zvakangonaka hazvo ,chandaida imhuri yangu chete .
I wanted to be with my family yandanga ndatosvitsa 11 months ndisina kumboonana nayo .
I started recalling pese pandakapotsa ndafa ndiri kuDRC ndikati Mwari anonamatwa namai Hope muhombe .
Shamwari yangu Lucas wandaivimba naye kuhondo anga afunga kundipfuudza atoronga zvese zvatoita asi Mwari vakati kwete ,kwaakutuma muvengi watairwisana naye kuDRC ndiye akandinunura nevamwe vangu .
Takapona nepaburi retsono patosara a few seconds kuti riputike ndopakasvika munhu iyeye akaita zvekutidhonza achitikandira kure ,vamwe vedu vaviri vakatokuvara naiyewo mununuri wedu wacho akakuvarawo padiki hapo .
Inini na Malven hatina kuita kana scratch tisu takatanga kununurwa.
Takabva tatobudiswa muDRC husiku ihwohwo kwakazoedza tatove kuRwanda .
Ndakaona simba raMwari ndikaona kubata kwaMwari kwandakatenda ndega kuti zveshuwa kuseri kwemakore kune ariko ane Simba rekuponesa .
Vanhu vakawanda vakamhanya mhanya kuongorora nyaya iyi including vatungamiriri ve DRC .
Kusvika nyaya yaongororwa muno muZimbabwe zvese zvikabuda pachena .
Minister of defense akazoziviswa nezvechiitiko ichi nhubu dzikasungwa .
Ndopandakazonzi you're free to go back home kwave safe now .
Ndakapihwa a piece of land kuDRC nemari yakawanda iri nzira yekutenda basa randanga ndabata neboka rangu .
Pakuuya kumba ndaingoti Mwari wamai Hope itai kuti ndisvike kumba zviri safe .
I chose kufamba nematrucks ndichisiya ndege nekuti ndaida kutanga kuona Mai Hope ndisati Ndaona mumwe mumwe.
Finally ndanga ndave kumba ndanga ndapukunyuka pamhiko dziya dzekuti ukaita mwana unorwara wofa ,ndikapukunyuka pahondo nepa bhomba ndaiziva kuti zvese was possible nekuda kwamai Hope my soul mate.
I looked at my phone ndikaona sekuti nguva hadzisi kufamba zvandaida chaizvo .
I couldn't wait kupinda mumaoko a Lizzy .
Ndakanyatsoisa bag rangu kumusoro kwangu ndikatsamhira hangu kwaakurara hope dzehumambo musango imomo .
Mai Hope
I couldn't tell amwene vangu nezva Joshua ndakadzikamisa hana yangu ndikagara zvakanaka .
Ukuwo Hope na Faith vanga vaakungochema.
"Chiiko chaitika nhai ?"
"Sorry mhamha ndangovhunduka ndanzwa kunge pafamba munhu paseri pemba ."
"Aaah nhai Mai Fechu ndozvamungatitadzisire kurara ndatoti ko kwaitikeiko kwaridzwa mhere kudaro ?"
"Sorry mhamha regai ndidzokere hangu ."
"Muchadzokerepi chitongorarai mozoinda kwachena ."
"Ndasiya door rakashama ."
"Muchigobiweiko mumba menyu macho ?"
Vakataura vachiratidza kundishora .
Ndakavhurirwa door remukitchen ndikapinda nevana vangu .
Vakaenda vakanouya nechibaby blanket nezvima mattress zvemuma cot bed zviya ,kwaakugadzira pekurara paFechu wavo zvikanzi" imi mochitongorara muchidziya moto ,ndangoitira mwana ."
"Maita basa mhamha ."
Vakadzokera vakanouya neblanket nyowani vakaripeta kafour kwaakuisa pamusoro paFaith .
"Musazoribhedhenure anopindwa nechando imi Maa vanhu vakuru kaimi .
"Ehoi mhai .'
"Musazondipedzerewo huni dzangu ,handina anonditsvagira ndaachembere kaini ."
Vakaseka nhema vachibuda .
Mbuya yaive nemoyo mukukutu iyoyo ,vachingoenda ndakararisa Hope paside paFaith ndikabva ndapfugama ,I didn't know what to say to God .
Ndoti sorry for doubting you here kana kuti ndodzinga mweya wevakafa ,Joshua anga auya zveshuwa here kana kuti dzaive pfungwa dzangu ?.
Zvese zvanga zvaitika zvaiita sekurota ndanga ndisati ndanzwisisa kuti ichokwadi here ?
Ndaapakati pekunamata vakauya amwene vangu vakati "minamato kumba kwenyu ,pano tatonamata kare nepemunhu wese aripano hatidi kukanganiswa kurara isu ."
"Sorry mhamha ."
Vakaridza tsamwa vakaenda .
Ndikati kana zvadai matondidenha ndakatanga kunamata nekazeve zeve ,ndakanzwa vadzokazve ndikati "ndakarara mhai handisi kunamata ini ."
I decided kumbonyarara kuti vawane kurara ,hope hadzina kuuya pfungwa dzaipishana kuti Joshua auya here chokwadi kana kuti inhema?or munhu Ari kuda kutamba nepfungwa dzangu ?
Shuwa vanhu vese vakuru vemasoja vagotouya kurufu rwemunhu mupenyu ?nhema Joshua akafa .
Hope dzakazongoita kakundiba Soo kuita kunge ndakakotsira kunge ndakamuka , vachibva vauya amwene vangu mukitchen matanga takarara vakabata chinhu chaiita setsuro but face yacho yainge kiti yomboita kaface kegonzo .
Kunyangwe ndiri kuhope Zita raJesu ndorega raitanga kuuya mumusoro mangu ndorandaidaidza pese pandinenge ndiri mutrouble .
Pandakangodana Zita iroro chitsuro chiya chakarwisa chikabuda mumaoko ambuya vaya chikatiza .
Ndakanzwa vaakuti "maiwee mwana wangu kanii .
Nhasi ndokuuraya mukadzi waJosiah .
Vakaburitsa kademo kanenge kambezo like vachibva vakasimudza ndikascreamer ndikati devil you're a liar ,unonyepa Satan she disappeared ndisar ndaandega .
Ndakabata Bata ndikaona vana vangu varipo .
But blanket riya raiita kunge chinhu chiri kutsvedza tsvedza kuita kutamba tamba sezvinoita Jelly zviya
Ndakarinakurira kure rikatanga kuerera richienda panze .
Chimatress chiya vana vaiita kunge vakarara muchi shell ndakatora vana vangu ndikabvisa imomo ndikatanga kunamata zvakasimba .
Vakabva vauya amwene vangu live vachipupa furo nekupopota ,ndakatarisa blanket riya ndikaona riri zvaranga riri nechimatress chakangonaka.
I didn't say a word ndakamutsa Hope ndikamuti huya kumusana ubatirire zvakasimba ,ndichibva ndabata Faith mumaoko kwaakunanga kumba kwangu ndakangoti chinouya chinoona ini .
Mbuya vairoya zvinobuda mupepa nhau ivavo .
Ndakasvika door rakangovhurika phone yakabvisika battery yakati kwatara kwakadaro uko .
Hana yangu yairova zvakasimba ndakakiya door ndikapusha wardrobe ikanoti ndii padoor.
Kwaakurarisa vana vangu ndichibva ndatanga kunamata ndainzwa kutya ,zvakawanda zvanga zvaitika muhusiku humwechete.
The only way out kwaive kunamata ,ndaiziva kuti Satan aizama kuda kundityisa kuti ndimhanye kunobvunzira kudzin'anga but ndaisamutya manje.
Hope anga asina hope ndaimuona achishanyarika ndanga ndakabatidza light ,I prayed for my kids ndichivaturika ruoko pamusoro mumwe nemumwe .
Ndakazoona kuti zvaita kwaakurara hangu but ndichiteerera kunze kuti hakuna mutsindo here ?
Hope dzakazondibata kwatoedza kwaakuda kutochena .
Mongozivawo hope dzemangwanani ndakarara kunge hameno hameno .
Ndakapepuka padoor Paine knock .
"Maiguru murimo here ?"
Zuva ranga rasobuda kare raakutopinda nepawindow ,Faith na Hope vanga vaneta nekugwedebudza Mumba .
"Ndirimo Tete ."
Ndakasimuka ndikapusha wardrobe kwaakukiinura door .
"Kwakanaka here ?"
"Pakaipa Tete I had a serious nightmare hana yangu iri kungotya nanhasi ."
"Makaonei ?"
"Handikwanise kukuudzai Hana yangu iri kurova maybe kanandadzikamisa Hana ."
"Manje ini ndakomborerwa hanzi zvako zvaita na pastor ."
"Amen glory to God ."
We laughed I was happy for her .
She picked zvinhu zvandanga ndadonhedza husiku vakatanga kurongedza Mumba ndikati "rarai Tete ."
"Ndozorara kaone maiguru tapedza basa ."
"No rarai muzorore Talent aripi?"
"Apinda muroom make ."
Ndakabuda panze ndikawana achitobuda nemabuckets ekudiridzisa .
"Enda unorara Talent ."
"Ndozongorara ka1 manheru sisi Mai Hope munhu wemurume haarare masikati."
"Ayehwa endai kunorara ."
Takanetsana paya kusvika azopinda muroom make .
Ndakatanga nekutsvaira chivanze ,kwaakusuka maplates .
Ndichibva ndazovesa moto ndikaisa mvura ye porridge ndichicleaner mukitchen .
Hope na Faith vaitamba havo pachivanze ,aibatwa maoko achinzi dhe dhe nhanha dhe na bhudhi vake .
Ini ndaiti ndikagara gara ndovhunduka I was still in shock.
Porridge rakaibva ndikadira mumaplates kuti ripore .
Ndapedza kukorobha Mumba mangu ndakabva ndadira tumvura mubucket kundi ndigeze tuvanhu twangu kumeso .
"Hope huya nemwana ."
"Hoo ."
Ndomadairiro aiita Hope .
"Usamutakure unomudonhedza ."
"Hoo .'
I closed my eyes ndichizama kuda kudzima zvese zvanga zvaitika ,kubva chipoko chaJoshua kuchizoti huroyi hwaamwene vangu.
Ndakanzwa "Mai Lizzy ...Mai Lizzy urimo here umo ?"
Ndakapotsa kuzviitira manyoka ,munhu one aiziva zvekuti Lizzy ndiJoshua .
Ndakadongorera ndikaona murume mushava murefu achisvika pamba .
Anga akapfeka t shirt ne jean but mumakumbo anga Aine chijombo .
"Mai Lizzy varikupi ?"
"Mai Lizzy ?"
"Ehe mukadzi waJoshua ."
Ndakadzungudza musoro zvikanzi "Hapasipo pamba paJoshua here panapa ?"
"Joshua wekupi ?"
"Wekuhondo kuDRC iyeye ."
"Joshua aigara pamusoro apo pamai vake panapa ndepe mukoma wake ."
"Good ndopandiri kuda Mai Lizzy ngavabude vandibikire sadza ndakapedzisira kudya sadza last year ."
Akanhonga chituro akagara ndikati "imimi ndimi ani ?"
"Malvern kana kuti Chabhenda Chabhenda ,ndatumwa na Joshua kana kuti Muvengiwama**."
Tete na Talent vakabudirana same time akatarisa Tete akati "ava havasi Mai Lizzy description yandapihwa haisiriyo Saka Mai Lizzy varipi nhai ?"
"Mai Lizzy hapana ,inini rekuberekwa ndinonzi Lizzy but ndodaidzwa kunzi Mai Hope ."
"Saka muvengiwama** anonyeperei hanzi Mai Hope chipukandipemwenje Saka apa ndanga ndichitarisira kuona munhu akashata zvinoshamisa ,murambei Mai Lizzy anokujairirai Joshua ."
Tete vanga vatove confused ini handina kuvhunduka hangu semunhu anga ambonzi batai Hana.
"Aripi Joshua wacho ."
"Asara kumamiti uko aisvika sei nemamhanyiro amakaita husiku muchirasa mhepo kudaro ."
Tete na Talent vakaseka ,
Apa aitaura Ari serious achisungatambo dzebhutsu dzake .
Ndainzwakuzarirwa mufaro kutadza kufema zvakanaka .
Tete ndovakazoti "muri kuti mukoma Joshua vapenyu here shuwa?"
"Ehe mupenyu chaizvo pakaitwa mistake makaviga dota rehupfu nemabag edu akatsva imi ."
"But zvakaendeswa kulab wani zvikanzi idota revanhu ."
"Yaa pakaita kamix up ,Joshua haana kumbofa anga akahwanda hake kuti mhepo dzidzikame ozouya ."
"Saka ari mumamiti kupi nhai ?"
Ndakadaro ndisisagone kudzikama .
"Imbondipai mvura yekugeza ne sadza first Amana .
Is mainini married ?'
"Havasi mainini nditete ."
"Ihanzvadzi ya muvengiwama** here iyi?."
Ndanga ndisati ndamboona munhu akadaro ini ,I laughed ndikati "mazita enyu iwayo munomataura kuHondo kwete pano please tine vana ."
"Tete ndiri kuenda nemi kuHwedza and hapana kana cent randiri kubvisa baba va Lizzy vanondishandisa zvinotobhohwa kubva tichienda kuDRC vaindituma everything chero kunochera mvura kubika kudii zvese now ndiri pano ndatumwa kuzo softa Mai Lizzy. ."
Malvern wacho aitongoita kuti useke ,ini ziso raive kuroad ndichiti pamwe ndichavaona bamunini vachiti mvee .
End of chapter
❤️
😂
🙏
👍
😮
😢
143